Shona

Italian: Riveduta Bible (1927)

2 Corinthians

1

1Pauro muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naTimotio hama, kukereke yaMwari iri paKorinde, pamwe nevatsvene vose vari muAkaya yose:
1Paolo, apostolo di Cristo Gesù per la volontà di Dio, e il fratello Timoteo, alla chiesa di Dio che è in Corinto, con tutti i santi che sono in tutta l’Acaia,
2Nyasha kwamuri nerugare runobva kuna Mwari Baba vedu nekuna Ishe Jesu Kristu.
2grazia a voi e pace da Dio nostro Padre e dal Signor Gesù Cristo.
3Ngaavongwe Mwari, ivo Baba vaIshe wedu Jesu Kristu Baba vetsitsi, uye Mwari wenyaradzo yose;
3Benedetto sia Iddio, il Padre del nostro Signore Gesù Cristo, il Padre delle misericordie e l’Iddio d’ogni consolazione,
4unotinyaradza padambudziko redu rose, kuti tigone kunyaradza avo vari mukutambudzika kupi nekupi, nenyaradzo yatinonyaradzwa nayo tomene naMwari;
4il quale ci consola in ogni nostra afflizione, affinché, mediante la consolazione onde noi stessi siam da Dio consolati, possiam consolare quelli che si trovano in qualunque afflizione.
5nekuti matambudziko aKristu sezvaakawedzerwa matiri, saizvozvovo nyaradzo yeduwo yakawedzerwa naKristu.
5Perché, come abbondano in noi le sofferenze di Cristo, così, per mezzo di Cristo, abbonda anche la nostra consolazione.
6Zvino kunyange tichirwadziwa, ndezvenyaradzo neruponeso rwenyu zvinobudirira mukutsungirira mumatambudziko mamwewo atakatambudzikawo, kana kunyage tichinyaradzwa, ndezvenyaradzo neruponeso rwenyu.
6Talché se siamo afflitti, è per la vostra consolazione e salvezza; e se siamo consolati, è per la vostra consolazione, la quale opera efficacemente nel farvi capaci di sopportare le stesse sofferenze che anche noi patiamo.
7Uye tariro yedu pamusoro penyu yakasimba, tichiziva kuti sezvamuri vagovani vematambudziko, saizvozvovo venyaradzo.
7E la nostra speranza di voi è ferma, sapendo che come siete partecipi delle sofferenze siete anche partecipi della consolazione.
8Nekuti hatidi kuti musaziva, hama, dambudziko redu rakatiwira paAsia, kuti takadzvanyiwa zvisingaverengeki kukunda simba redu, zvekuti takarasha tariro kunyange yeupenyu;
8Poiché, fratelli, non vogliamo che ignoriate, circa l’afflizione che ci colse in Asia, che siamo stati oltremodo aggravati, al di là delle nostre forze, tanto che stavamo in gran dubbio anche della vita.
9asi takanga tine mutongo werufu matiri, kuti tirege kuzvivimba, asi Mwari unomutsa vakafa;
9Anzi, avevamo già noi stessi pronunciata la nostra sentenza di morte, affinché non ci confidassimo in noi medesimi, ma in Dio che risuscita i morti,
10wakatinunura parufu rukuru rwakadai, uye unonunura; watinovimba maari kuti uchatinunura;
10il quale ci ha liberati e ci libererà da un così gran pericolo di morte, e nel quale abbiamo la speranza che ci libererà ancora;
11nemwiwo muchitishandira pamwe nemukumbiro, kuti nekuda kwechipo pamusoro pedu nenzira yevanhu vazhinji, kuvonga kupiwe vazhinji vakatimiririra.
11aiutandoci anche voi con le vostre supplicazioni, affinché del favore ottenutoci per mezzo di tante persone, grazie siano rese per noi da molti.
12Nekuti kuzvikudza kwedu ndikoku: Kupupura kwehana yedu, kuti muumwe neuzvokwadi hwaMwari, kwete neuchenjeri hwenyama, asi nenyasha dzaMwari, takazvibata panyika zvikuru maererano nemwi.
12Questo, infatti, è il nostro vanto: la testimonianza della nostra coscienza, che ci siam condotti nel mondo, e più che mai verso voi, con santità e sincerità di Dio, non con sapienza carnale, ma con la grazia di Dio.
13Nekuti hatinyori zvimwe zvinhu kwamuri, asi izvo zvamunoverenga nezvamunogamuchira; uye ndinovimba kuti muchazvigamuchira kusvika pakuguma;
13Poiché noi non vi scriviamo altro se non quel che leggete o anche riconoscete;
14sezvamakatigamuchirawo muchidimbu, kuti tiri rumbidzo yenyu, semwiwo vedu nezuva raIshe Jesu.
14e spero che sino alla fine riconoscerete, come in parte avete già riconosciuto, che noi siamo il vostro vanto, come anche voi sarete il nostro nel giorno del nostro Signore, Gesù.
15Zvino muchivimbo ichi, ndaishuva kutanga kuuya kwamuri kuti muve nenyasha dzechipiri;
15E in questa fiducia, per procurarvi un duplice beneficio, io volevo venire prima da voi,
16nekupfuura nekwamuri ndichienda Makedhonia, nekudzoka kwamuri ndichibva Makedhonia, ndiperekedzwe nemwi kuJudhiya.
16e, passando da voi, volevo andare in Macedonia; e poi dalla Macedonia venir di nuovo a voi, e da voi esser fatto proseguire per la Giudea.
17Naizvozvo ndichifunga saizvozvo, ndakaita nekusasimbisa moyo here, kana zvandinozvipira ndinozvipira zvinoenderana nenyama here? Kuti kwandiri zvive hongu, hongu; uye kwete, kwete?
17Prendendo dunque questa decisione ho io agito con leggerezza? Ovvero, le cose che delibero, le delibero io secondo la carne, talché un momento io dica "Sì, sì" e l’altro "No, no?"
18Asi Mwari wakatendeka, kuti shoko redu kwamuri harina kuva hongu nakwete.
18Or com’è vero che Dio è fedele, la parola che vi abbiamo rivolta non è "sì" e "no".
19Nekuti Mwanakomana waMwari Jesu Kristu uyo wakaparidzwa pakati penyu nesu, neni naSirivhano naTimotio, wakange asiri hongu nakwete, asi maari maiva hongu.
19Perché il Figliuol di Dio, Cristo Gesù, che è stato da noi predicato fra voi, cioè da me, da Silvano e da Timoteo, non è stato "sì" e "no"; ma è "sì" in lui.
20Nekuti zvose zvipikirwa zvaMwari, nemaari ndihongu; nemaari ndiAmeni, kuti Mwari akudzwe kubudikidzwa nesu.
20Poiché quante sono le promesse di Dio, tutte hanno in lui il loro "sì"; perciò pure per mezzo di lui si pronuncia l’Amen alla gloria di Dio, in grazia del nostro ministerio.
21Zvino unotisimbisa pamwe nemwi muna Kristu nekutizodza ndiMwari,
21Or Colui che con voi ci rende fermi in Cristo e che ci ha unti, è Dio,
22wakatiisawo mucherechedzo, akapa rubatso rweMweya mumoyo yedu.
22il quale ci ha pur segnati col proprio sigillo, e ci ha data la caparra dello Spirito nei nostri cuori.
23Asi ini ndinodana Mwari kuti ave chapupu pamweya wangu, kuti ndikuregererei handina kuzouya Korinde.
23Or io chiamo Iddio a testimone sull’anima mia ch’egli è per risparmiarvi ch’io non son più venuto a Corinto.
24Hazvirevi kuti tinotonga pamusoro perutendo rwenyu, asi tiri vabatsiri vemufaro wenyu; nekuti mumire nerutendo.
24Non già che signoreggiamo sulla vostra fede, ma siamo aiutatori della vostra allegrezza; poiché nella fede voi state saldi.