1Naizvozvo iwe, mwana wangu, simba munyasha dziri muna Kristu Jesu.
1Tu dunque, figliuol mio, fortìficati nella grazia che è in Cristo Gesù,
2Nezvinhu zvawakanzwa kwandiri pakati pezvapupu zvizhinji, uzvikumikidze izvozvo kuvanhu vakatendeka vachagonawo kudzidzisa vamwe.
2e le cose che hai udite da me in presenza di molti testimoni, affidale ad uomini fedeli, i quali siano capaci d’insegnarle anche ad altri.
3Naizvozvo iwe utambudzike zvakaoma, semurwi wakanaka waKristu Jesu.
3Sopporta anche tu le sofferenze, come un buon soldato di Cristo Gesù.
4Hakuna munhu unorwa semurwi unozvipinganidza nezvinhu zveupenyu, kuti agone kufadza uyo wakamupinza basa.
4Uno che va alla guerra non s’impaccia delle faccende della vita; e ciò, affin di piacere a colui che l’ha arruolato.
5Uye kana munhuwo achikwikwidza, haashongedzwi korona kana asina kukwikwidza zviri pamurairo.
5Parimente se uno lotta come atleta non è coronato, se non ha lottato secondo le leggi.
6Murimi unoshanda ndiye unofanira kutanga kugamuchira zvibereko.
6Il lavoratore che fatica dev’essere il primo ad aver la sua parte de’ frutti.
7Fungisisa zvandinoreva, uye Ishe ngaakupe kunzwisisa pazvinhu zvose.
7Considera quello che dico, poiché il Signore ti darà intelligenza in ogni cosa.
8Rangarira Jesu Kristu wakamutswa kuvakafa, werudzi rwaDhavhidhi, zvichienderana neevhangeri yangu;
8Ricordati di Gesù Cristo, risorto d’infra i morti, progenie di Davide, secondo il mio Vangelo;
9yandinotambudzika mairi zvakaipa kusvikira pazvisungo semuiti wezvakaipa; asi shoko raMwari harina kusungwa.
9per il quale io soffro afflizione fino ad essere incatenato come un malfattore, ma la parola di Dio non è incatenata.
10Saka ndinotsungirira zvinhu zvose nekuda kwevakasanangurwa, kuti ivo vawanewo ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, pamwe nekubwinya kusingaperi.
10Perciò io sopporto ogni cosa per amor degli eletti, affinché anch’essi conseguano la salvezza che è in Cristo Gesù con gloria eterna.
11Shoko iri rakatendeka; nekuti kana takafa pamwe naye, tichararamawo pamwe naye.
11Certa è questa parola: che se muoiamo con lui, con lui anche vivremo;
12Kana tikatsungirira, tichatonga pamwe naye; kana tikamuramba, iye uchatirambawo.
12se abbiam costanza nella prova, con lui altresì regneremo;
13Kana tisingatendeki, iye unoramba akatendeka, haangazvirambi.
13se lo rinnegheremo, anch’egli ci rinnegherà; se siamo infedeli, egli rimane fedele, perché non può rinnegare se stesso.
14Uvayevudzire zvinhu izvi, uchiraira pamberi paIshe, kuti varege kuita nharo dzemashoko dzisina rubatsiro, zvinongoparadza vanonzwa.
14Ricorda loro queste cose, scongiurandoli nel cospetto di Dio che non faccian dispute di parole, che a nulla giovano e sovvertono chi le ascolta.
15Shingaira kuti uzviratidze kuna Mwari uri munhu wakatendeka, mushandi usingafaniri kunyadziswa, unonyatsoruramisa shoko rechokwadi.
15Studiati di presentar te stesso approvato dinanzi a Dio: operaio che non abbia ad esser confuso, che tagli rettamente la parola della verità.
16Asi nzvenga kutaura kwetsvina kusina maturo; nekuti vacharamba vachingonyanya pakusava neuMwari,
16Ma schiva le profane ciance, perché quelli che vi si danno progrediranno nella empietà
17neshoko ravo richanyenga segomarara; pakati pavo pana Himenayo naFireto;
17e la loro parola andrà rodendo come fa la cancrena; fra i quali sono Imeneo e Fileto;
18ivo vakatsauka pachokwadi, vachiti kumuka kwevakafa kwatopfuura, vachipidigura rutendo rwevamwe.
18uomini che si sono sviati dalla verità, dicendo che la resurrezione è già avvenuta, e sovvertono la fede di alcuni.
19Kunyange zvakadaro nheyo dzaMwari dzinomira dzakasimba, dzine chisimbiso ichi: Ishe unoziva vari vake; vuye: Umwe neumwe unoreva zita raIshe ngaabve pakusarurama.
19Ma pure il solido fondamento di Dio rimane fermo, portando questo sigillo: "Il Signore conosce quelli che son suoi", e: "Ritraggasi dall’iniquità chiunque nomina il nome del Signore".
20Zvino muimba huru hamuna midziyo yendarama neyesirvheri chete, asiwo yematanda neyevhu, neimwe inokudzwa neimwe isingakudzwi.
20Or in una gran casa non ci son soltanto dei vasi d’oro e d’argento, ma anche dei vasi di legno e di terra; e gli uni son destinati a un uso nobile e gli altri ad un uso ignobile.
21Naizvozvo kana munhu achizvinatsa pazvinhu izvi, uchava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa ratenzi, wakagadzirirwa basa rose rakanaka.
21Se dunque uno si serba puro da quelle cose, sarà un vaso nobile, santificato, atto al servigio del padrone, preparato per ogni opera buona.
22Tiza kuchiva kweuduku, asi uteverere kururama, rutendo, rudo, rugare, pamwe nevanodana kuna She zvichibva pamoyo wakachena.
22Ma fuggi gli appetiti giovanili e procaccia giustizia, fede, amore, pace con quelli che di cuor puro invocano il Signore.
23Asi mibvunzo yeupenzi neyekusadzidza urambe, uchiziva kuti zvinomutsa kukakavara.
23Ma schiva le questioni stolte e scempie, sapendo che generano contese.
24Zvino muranda waIshe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kune vose, unoziva kudzidzisa, une moyo murefu,
24Or il servitore del Signore non deve contendere, ma dev’essere mite inverso tutti, atto ad insegnare, paziente,
25unoraira neunyoro avo vanopikisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendevukira mukugamuchira chokwadi,
25correggendo con dolcezza quelli che contradicono, se mai avvenga che Dio conceda loro di ravvedersi per riconoscere la verità;
26uye vapengenukezve kubva pamusungo wadhiabhorosi, wavakanga vakabatwa naye muuranda pakuda kwake.
26in guisa che, tornati in sé, escano dal laccio del diavolo, che li avea presi prigionieri perché facessero la sua volontà.