1Zvino mazuva matanhatu pasika isati yasvika Jesu wakasvika Bhetaniya, paiva naRazaro wakange afa, waakamutsa kuvakafa.
1Gesù dunque, sei giorni avanti la Pasqua, venne a Betania dov’era Lazzaro ch’egli avea risuscitato dai morti.
2Naizvozvo vakamuitira chirayiro ipapo, uye Marita waishandira; naRazaro wakange ari umwe wevakange vagere naye pakudya.
2E quivi gli fecero una cena; Marta serviva, e Lazzaro era uno di quelli ch’erano a tavola con lui.
3Zvino Maria akatora paundi* yemafuta enadhi* omene, ane mutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nekunhuhwira kwemafuta.
3Allora Maria, presa una libbra d’olio odorifero di nardo schietto, di gran prezzo, unse i piedi di Gesù e glieli asciugò co’ suoi capelli; e la casa fu ripiena del profumo dell’olio.
4Naizvozvo umwe wevadzidzi vake, Judhasi Isikariyoti waSimoni wakange achazomutengesa, akati:
4Ma Giuda Iscariot, uno dei suoi discepoli, che stava per tradirlo, disse:
5Mafuta awa aregerei kutengeswa nemadhenari* mazana matatu, akapiwa varombo?
5Perché non s’è venduto quest’olio per trecento denari e non si son dati ai poveri?
6Wakarevawo izvi, kwete kuti wakava nehanya nevarombo, asi nekuti waiva mbavha, uye waiva nechikwama, achitakura zvaiiswamo.
6Diceva così, non perché si curasse de’ poveri, ma perché era ladro, e tenendo la borsa, ne portava via quel che vi si metteva dentro.
7Naizvozvo Jesu wakati: Muregei; wamachengetedzera zuva rekuvigwa kwangu.
7Gesù dunque disse: Lasciala stare; ella lo ha serbato per il giorno della mia sepoltura.
8Nekuti varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose.
8Poiché i poveri li avete sempre con voi; ma me non avete sempre.
9Naizvozvo chaunga chikuru chevaJudha chakaziva kuti uripo; ndokuuya kwete nekuda kwaJesu chete, asi kuti vaonewo Razaro, waakange amutsa kuvakafa.
9La gran folla dei Giudei seppe dunque ch’egli era quivi; e vennero non solo a motivo di Gesù, ma anche per vedere Lazzaro che egli avea risuscitato dai morti.
10Asi vapristi vakuru vakarangana kuti vauraye Razarowo;
10Ma i capi sacerdoti deliberarono di far morire anche Lazzaro,
11nekuti nekuda kwake vazhinji vevaJudha vaibva, vachitenda kuna Jesu.
11perché, per cagion sua, molti de’ Giudei andavano e credevano in Gesù.
12Chifume chaunga chikuru chakange chauya kumutambo, chakati chanzwa kuti Jesu unouya kuJerusarema,
12Il giorno seguente, la gran folla che era venuta alla festa, udito che Gesù veniva a Gerusalemme,
13vakatora matavi emichindwe, vakabuda kunomuchingamidza, vakadanidzira vachiti: Hosana*! Wakaropafadzwa unouya muzita raIshe, Mambo waIsraeri.
13prese de’ rami di palme, e uscì ad incontrarlo, e si mise a gridare: Osanna! Benedetto colui che viene nel nome del Signore, il Re d’Israele!
14Zvino Jesu awana dhongwana, akagara pamusoro paro, sezvazvakanyorwa zvichinzi:
14E Gesù, trovato un asinello, vi montò su, secondo ch’è scritto:
15Usatya, mukunda weZiyoni; tarira, Mambo wako unouya, agere pamusoro pedhongwana redhongi.
15Non temere, o figliuola di Sion! Ecco, il tuo Re viene, montato sopra un puledro d’asina!
16Vadzidzi vake havana kunzwisisa zvinhu izvi pakutanga; asi Jesu wakati akudzwa, ipapo vakazorangarira kuti zvinhu izvi zvakange zvakanyorwa pamusoro pake, uye vakange vamuitira zvinhu izvi.
16Or i suoi discepoli non intesero da prima queste cose; ma quando Gesù fu glorificato, allora si ricordarono che queste cose erano state scritte di lui, e che essi gliele aveano fatte.
17Naizvozvo chaunga chaiva naye paakadana Razaro kuti abude muguva, nekumumutsa kuvakafa, chakapupura.
17La folla dunque che era con lui quando avea chiamato Lazzaro fuor dal sepolcro e l’avea risuscitato dai morti, ne rendea testimonianza.
18Saka chaunga chakamuchingamidzavo, nekuti vakange vanzwa kuti wakaita chiratidzo ichochi.
18E per questo la folla gli andò incontro, perché aveano udito ch’egli avea fatto quel miracolo.
19Naizvozvo vaFarisi vakataurirana, vachiti: Munoona kuti hamubatsiri chinhu; tarirai nyika inomutevera.
19Onde i Farisei dicevano fra loro: Vedete che non guadagnate nulla? Ecco, il mondo gli corre dietro!
20Zvino kwaiva nevamwe vaGiriki pakati pevakange vakwira kunoshumira kumutambo;
20Or fra quelli che salivano alla festa per adorare, v’erano certi Greci.
21ndivo vakauya kuna Firipi weBhetisaidha reGarirea, vakamukumbira vachiti: Ishe, tinoda kuona Jesu.
21Questi dunque, accostatisi a Filippo, che era di Betsaida di Galilea, gli fecero questa richiesta: Signore, vorremmo veder Gesù.
22Firipi akasvika akaudza Andiriyasi; uye Andiriyasi naFiripi vakaudzazve Jesu.
22Filippo lo venne a dire ad Andrea; e Andrea e Filippo vennero a dirlo a Gesù.
23Jesu ndokuvapindura achiti: Awa rasvika rekuti Mwanakomana wemunhu akudzwe.
23E Gesù rispose loro dicendo: L’ora è venuta, che il Figliuol dell’uomo ha da esser glorificato.
24Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti tsanga yegorosi yawira muvhu ikafa, iyo inogara iri yoga; asi kana ikafa, inobereka chibereko chakawanda.
24In verità, in verità io vi dico che se il granello di frumento caduto in terra non muore, riman solo; ma se muore, produce molto frutto.
25Uyo unoda upenyu hwake ucharashikirwa nahwo; neunovenga upenyu hwake panyika ino uchahwuchengetedza kusvikira kuupenyu hwusingaperi.
25Chi ama la sua vita, la perde; e chi odia la sua vita in questo mondo, la conserverà in vita eterna.
26Kana munhu achindishandira, ngaanditevere; nepandiri ini, uchavapowo muranda wangu. Uye kana munhu achindishandira, Baba vachamukudza.
26Se uno mi serve, mi segua; e là dove son io, quivi sarà anche il mio servitore; se uno mi serve, il Padre l’onorerà.
27Ikozvino mweya wangu unotambudzika; zvino ndichatiyi? Baba, ndiponesei paawa rino. Asi nekuda kweizvi, ndasvika paawa rino.
27Ora è turbata l’anima mia; e che dirò? Padre, salvami da quest’ora! Ma è per questo che son venuto incontro a quest’ora.
28Baba, rumbidzai zita renyu. Naizvozvo inzwi rakauya richibva kudenga, richiti: Ndatorikudza, uye ndicharikudzazve.
28Padre, glorifica il tuo nome! Allora venne una voce dal cielo: E l’ho glorificato, e lo glorificherò di nuovo!
29Naizvozvo chaunga chakange chimire chichizvinzwa chakati: Kwatinhira. Vamwe vakati: Mutumwa wataura naye.
29Onde la moltitudine ch’era quivi presente e aveva udito, diceva ch’era stato un tuono. Altri dicevano: Un angelo gli ha parlato.
30Jesu akapindura akati: Inzwi iri harina kuuya nekuda kwangu, asi nekuda kwenyu.
30Gesù rispose e disse: Questa voce non s’è fatta per me, ma per voi.
31Ikozvino pane mutongo wenyika ino; zvino mutungamiriri wenyika ino uchadzingirwa panze.
31Ora avviene il giudizio di questo mondo; ora sarà cacciato fuori il principe di questo mondo;
32Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vose kwandiri.
32e io, quando sarò innalzato dalla terra, trarrò tutti a me.
33Wakarevawo izvi achiratidza kuti waizofa nerufu rwakadini.
33Così diceva per significare di qual morte dovea morire.
34Chaunga chakamupindura chichiti: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu uchagara nekusingaperi; zvino imwi moreva sei kuti: Mwanakomana wemunhu unofanira kusimudzwa? Ndiani uyu Mwanakomana wemunhu?
34La moltitudine quindi gli rispose: Noi abbiamo udito dalla legge che il Cristo dimora in eterno: come dunque dici tu che bisogna che il Figliuolo dell’uomo sia innalzato? Chi è questo Figliuol dell’uomo?
35Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Pachine chinguvana chiedza chichinemwi. Fambai muchine chiedza, zvimwe rima ringakukundai; uye unofamba murima haazivi kwaanoenda.
35Gesù dunque disse loro: Ancora per poco la luce è fra voi. Camminate mentre avete la luce, affinché non vi colgano le tenebre; chi cammina nelle tenebre non sa dove vada.
36Muchine chiedza, tendai kuchiedza, kuti muve vana vechiedza. Jesu wakareva zvinhu izvi, akabva, akazvivanza kwavari.
36Mentre avete la luce, credete nella luce, affinché diventiate figliuoli di luce. Queste cose disse Gesù, poi se ne andò e si nascose da loro.
37Kunyange akange aita zviratidzo zvizhinji kudai pamberi pavo, havana kutenda kwaari;
37E sebbene avesse fatti tanti miracoli in loro presenza, pure non credevano in lui;
38kuti shoko raIsaya muporofita rizadziswe, raakareva achiti: Ishe, ndiani wakatenda mharidzo yedu? Neruoko rwaIshe rwakazarurirwa kuna ani?
38affinché s’adempisse la parola detta dal profeta Isaia: Signore, chi ha creduto a quel che ci è stato predicato? E a chi è stato rivelato il braccio del Signore?
39Naizvozvo vakange vasingagoni kutenda, nekuti Isaya wakatizve:
39Perciò non potevano credere, per la ragione detta ancora da Isaia:
40Wakapofumadza meso avo, akawomesa moyo wavo; kuti varege kuona nemeso kana kunzwisisa nemoyo, vagotendeuka, ndigovaporesa.
40Egli ha accecato gli occhi loro e ha indurato i loro cuori, affinché non veggano con gli occhi, e non intendano col cuore, e non si convertano, e io non li sani.
41Isaya wakareva zvinhu izvi, paakaona kubwinya kwake, ndokutaura pamusoro pake.
41Queste cose disse Isaia, perché vide la gloria di lui e di lui parlò.
42Asi kunyange zvakadaro, vazhinji vevatongiwo vakatenda kwaari; asi nekuda kwevaFarisi vakange vasingabvumi, kuti varege kubudiswa musinagoge;
42Pur nondimeno molti, anche fra i capi, credettero in lui; ma a cagione dei Farisei non lo confessavano, per non essere espulsi dalla sinagoga;
43nekuti vakada rukudzo rwevanhu kupfuura rukudzo rwaMwari.
43perché amarono la gloria degli uomini più della gloria di Dio.
44Zvino Jesu wakadanidzira akati: Unotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kune wakandituma.
44Ma Gesù ad alta voce avea detto: Chi crede in me, crede non in me, ma in Colui che mi ha mandato;
45Neunoona ini, unoona wakandituma.
45e chi vede me, vede Colui che mi ha mandato.
46Ini ndakauya ndiri chiedza panyika, kuti ani nani unotenda kwandiri arege kugara murima.
46Io son venuto come luce nel mondo, affinché chiunque crede in me, non rimanga nelle tenebre.
47Uye kana ani nani achinzwa mashoko angu akasatenda, handimutongi ini; nekuti handina kuuya kuti nditonge nyika, asi kuti ndiponese nyika.
47E se uno ode le mie parole e non le osserva, io non lo giudico; perché io non son venuto a giudicare il mondo, ma a salvare il mondo.
48Uyo unondiramba asingagamuchiri mashoko angu, une umwe unomutonga; shoko randakareva, ndiro richamutonga nezuva rekupedzisira.
48Chi mi respinge e non accetta le mie parole, ha chi lo giudica: la parola che ho annunziata è quella che lo giudicherà nell’ultimo giorno.
49Nekuti ini handina kureva zvemusoro wangu, asi Baba vakandituma, ndivo vakandipa murairo, zvandichareva nezvandichataura.
49Perché io non ho parlato di mio; ma il Padre che m’ha mandato, m’ha comandato lui quel che debbo dire e di che debbo ragionare;
50Uye ndinoziva kuti murairo wavo upenyu hwusingaperi; naizvozvo ini zvandinotaura, saBaba zvavakataura kwandiri, saizvozvo ndinotaura.
50ed io so che il suo comandamento è vita eterna. Le cose dunque che dico, così le dico, come il Padre me le ha dette.