1Zvino mabiko epasika asati asvika, Jesu woziva kuti awa rake rasvika kuti abve munyika ino, aende kuna Baba, ada vake vari munyika, wakavada kusvikira pamagumo.
1Or avanti la festa di Pasqua, Gesù, sapendo che era venuta per lui l’ora di passare da questo mondo al Padre, avendo amato i suoi che erano nel mondo, li amò sino alla fine.
2Zvino chirairo chakati chaitika, dhiabhorosi atoisa mumoyo maJudhasi Isikariyoti, waSimoni, kuti amutengese,
2E durante la cena, quando il diavolo avea già messo in cuore a Giuda Iscariot, figliuol di Simone, di tradirlo,
3Jesu achiziva kuti Baba vakapa zvinhu zvose mumaoko ake, uye kuti wakabva kuna Mwari uye anoenda kuna Mwari,
3Gesù, sapendo che il Padre gli avea dato tutto nelle mani e che era venuto da Dio e a Dio se ne tornava,
4akasimuka kubva pachirayiro, akabvisa nguvo, akatora mucheka akazvimonera.
4si levò da tavola, depose le sue vesti, e preso un asciugatoio, se ne cinse.
5Shure kwaizvozvi wakadira mvura mundiro, ndokutanga kushambidza tsoka dzevadzidzi, nekupusika nemucheka waakange akamonerwa nawo.
5Poi mise dell’acqua nel bacino, e cominciò a lavare i piedi a’ discepoli, e ad asciugarli con l’asciugatoio del quale era cinto.
6Naizvozvo wakasvika kuna Simoni Petro; iye ndokuti kwaari: Ishe, imwi moshambidza tsoka dzangu here?
6Venne dunque a Simon Pietro, il quale gli disse: Tu, Signore, lavare i piedi a me?
7Jesu akapindura ndokuti kwaari: Chandinoita ini, iwe hauzivi ikozvino; asi uchaziva shure kweizvi.
7Gesù gli rispose: Tu non sai ora quello che io fo, ma lo capirai dopo.
8Petro akati kwaari: Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nekusingaperi. Jesu akamupindura akati: Kana ndisingakushambidzi, hauna mugove neni.
8Pietro gli disse: Tu non mi laverai mai i piedi! Gesù gli rispose: Se non ti lavo, non hai meco parte alcuna.
9Simoni Petro akati kwaari: Ishe, kwete tsoka dzangu dzoga, asi maokowo nemusoro.
9E Simon Pietro: Signore, non soltanto i piedi, ma anche le mani e il capo!
10Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa haashaiwi chinhu kunze kwekushamba tsoka, asi wakachena chose; uye imwi makachena asi kwete mose.
10Gesù gli disse: Chi è lavato tutto non ha bisogno che d’aver lavati i piedi; è netto tutto quanto; e voi siete netti, ma non tutti.
11Nekuti wakange achiziva uyo waizomutengesa; nekuda kwaizvozvi wakati: Hamuna kuchena mose.
11Perché sapeva chi era colui che lo tradirebbe; per questo disse: Non tutti siete netti.
12Naizvozvo ashambidza tsoka dzavo, wakatora nguvo dzake, agarazve pakudya, akati kwavari: Munoziva zvandaita kwamuri here?
12Come dunque ebbe loro lavato i piedi ed ebbe ripreso le sue vesti, si mise di nuovo a tavola, e disse loro: Capite quel che v’ho fatto?
13Imwi munondidaidza kuti Mudzidzisi, uye: Ishe; uye munoreva zvakanaka, nekuti ndini iye.
13Voi mi chiamate Maestro e Signore; e dite bene, perché lo sono.
14Zvino kana ini, Ishe neMudzidzisi, ndashambidza tsoka dzenyu, imwiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.
14Se dunque io, che sono il Signore e il Maestro, v’ho lavato i piedi, anche voi dovete lavare i piedi gli uni agli altri.
15Nekuti ndakupai muenzaniso, kuti nemwi muite ini sezvandaita kwamuri.
15Poiché io v’ho dato un esempio, affinché anche voi facciate come v’ho fatto io.
16Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Muranda haazi mukuru kuna ishe wake, uye wakatumwa haasi mukuru kune wakamutuma.
16In verità, in verità vi dico che il servitore non è maggiore del suo signore, né il messo è maggiore di colui che l’ha mandato.
17Kana muchiziva zvinhu izvi, makaropafadzwa kana muchizviita.
17Se sapete queste cose, siete beati se le fate.
18Handitauri maererano nemwi mose; ini ndinoziva vandakasarudza; asi kuti rugwaro ruzadziswe, runoti: Unodya chingwa neni wakandisimudzira chitsitsinho chake.
18Io non parlo di voi tutti; io so quelli che ho scelti; ma, perché sia adempita la Scrittura, colui che mangia il mio pane, ha levato contro di me il suo calcagno.
19Kubva ikozvino ndinokuudzai zvisati zvaitika, kuti, kana zvichiitika, mugotenda kuti ndini.
19Fin da ora ve lo dico, prima che accada; affinché, quando sia accaduto, voi crediate che sono io (il Cristo).
20Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unogamuchira ani nani wandinotuma, unogamuchira ini; neunogamuchira ini, unogamuchira wakandituma.
20In verità, in verità vi dico: Chi riceve colui che io avrò mandato, riceve me; e chi riceve me, riceve Colui che mi ha mandato.
21Jesu wakati areva saizvozvi akatambudzika mumweya, akapupura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Umwe wenyu uchanditengesa.
21Dette queste cose, Gesù fu turbato nello spirito, e così apertamente si espresse: In verità, in verità vi dico che uno di voi mi tradirà.
22Naizvozvo vadzidzi vakatarirana, vachikahadzika kuti waataura pamusoro paani.
22I discepoli si guardavano l’un l’altro, stando in dubbio di chi parlasse.
23Zvino kwakange kugere pakudya pachifuva chaJesu umwe wevadzidzi vake, Jesu waaida;
23Or, a tavola, inclinato sul seno di Gesù, stava uno de’ discepoli, quello che Gesù amava.
24naizvozvo Simoni Petro akamuninira, kubvunza kuti ndiani waanotaura pamusoro pake.
24Simon Pietro quindi gli fe’ cenno e gli disse: Di’, chi è quello del quale parla?
25Iye achizendamirawo pachifuva chaJesu, akati kwaari: Ishe, ndiani?
25Ed egli, chinatosi così sul petto di Gesù, gli domandò: Signore, chi è? Gesù rispose:
26Jesu akapindura akati: Ndiye ini wandichapa chimedu kana ndaseva. Zvino aseva chimedu, akapa Judhasi Isikariyoti waSimoni.
26E’ quello al quale darò il boccone dopo averlo intinto. E intinto un boccone, lo prese e lo diede a Giuda figlio di Simone Iscariota.
27Zvino shure kwechimedu, ipapo Satani akapinda maari. Jesu ndokuti kwaari: Zvaunoita, ita uchikurumidza.
27E allora, dopo il boccone, Satana entrò in lui. Per cui Gesù gli disse: Quel che fai, fallo presto.
28Asi hakuna kune vakange vagere pakudya wakaziva kuti wakazvireverei kwaari.
28Ma nessuno de’ commensali intese perché gli avesse detto così.
29Nekuti vamwe vakafunga kuti, sezvo Judhasi aiva nechikwama, Jesu wakati kwaari: Tenga zvatinoda pamutambo; kana kuti ape varombo chimwe chinhu.
29Difatti alcuni pensavano, siccome Giuda tenea la borsa, che Gesù gli avesse detto: Compra quel che ci abbisogna per la festa; ovvero che desse qualcosa ai poveri.
30Naizvozvo iye akati agamuchira chimedu, akabuda pakarepo; zvino hwakange hwuri usiku.
30Egli dunque, preso il boccone, uscì subito; ed era notte.
31Naizvozvo wakati abuda, Jesu akati: Ikozvino Mwanakomana wemunhu wakudzwa, naMwari wakudzwa maari.
31Quand’egli fu uscito, Gesù disse: Ora il Figliuol dell’uomo è glorificato, e Dio è glorificato in lui.
32Kana Mwari akudzwa maari, Mwari uchamukudzawo maari pachake, zvino achamukudza pakarepo.
32Se Dio è glorificato in lui, Dio lo glorificherà anche in se stesso, e presto lo glorificherà.
33Vana vaduku, ndichinemwi chinguva chiduku. Muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuvaJudha, kuti: Ini kwandinoenda, imwi hamugoni kuuyako, ndinorevawo kwamuri ikozvino.
33Figliuoletti, è per poco che sono ancora con voi. Voi mi cercherete; e, come ho detto ai Giudei: "Dove vo io, voi non potete venire", così lo dico ora a voi.
34Murairo mutsva ndinopa kwamuri, kuti mudanane; sezvandakakudai, kuti imwi mudananewo.
34Io vi do un nuovo comandamento: che vi amiate gli uni gli altri. Com’io v’ho amati, anche voi amatevi gli uni gli altri.
35Pane izvi vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo umwe kune umwe.
35Da questo conosceranno tutti che siete miei discepoli, se avete amore gli uni per gli altri.
36Simoni Petro akati kwaari: Ishe, munoenda kupi? Jesu akamupindura, akati: Kwandinoenda, haungagoni kunditevera ikozvino; asi uchanditevera pashure.
36Simon Pietro gli domandò: Signore, dove vai? Gesù rispose: Dove io vado, non puoi per ora seguirmi; ma mi seguirai più tardi.
37Petro akati kwaari: Ishe, handigoni kukuteverai ikozvino nei? Ndichakuradzikirai upenyu hwangu pasi.
37Pietro gli disse: Signore, perché non posso seguirti ora? Metterò la mia vita per te!
38Jesu akamupindura, akati: Ucharadzikira upenyu hwako ini here? Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Jongwe haringatongoriri kusvikira wandiramba katatu.
38Gesù gli rispose: Metterai la tua vita per me? In verità, in verità ti dico che il gallo non canterà che già tu non m’abbia rinnegato tre volte.