1Zvino vaFirisitia vakarwa navaIsiraeri, varume vaIsiraeri vakatiza pamberi pavaFirisitia, vakawira pasi vaurawa pagomo reGiribhoa.
1さてペリシテびとはイスラエルと戦ったが、イスラエルの人々がペリシテびとの前から逃げ、ギルボア山で殺されて倒れたので、
2VaFirisitia vakateverera Sauro navanakomana vake kwazvo, vaFirisitia vakauraya Jonatani, naAbhinadhabhu, naMarikishua, vanakomana vaSauro.
2ペリシテびとはサウルとその子たちのあとを追い、サウルの子ヨナタン、アビナダブおよびマルキシュアを殺した。
3Sauro akakurirwa kwazvo pakurwa, vapfuri vouta vakamubata; akakuvadzwa kwazvo nokuda kwavapfuri vouta.
3戦いは激しくサウルにおし迫り、射手の者どもがついにサウルを見つけたので、彼は射手の者どもに傷を負わされた。
4Ipapo Sauro akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, Vhomora munondo wako, undibaye nawo, kuti ava vasina kudzingiswa varege kusvika vandidadire.
4そこでサウルはその武器を執る者に言った、「つるぎを抜き、それをもってわたしを刺せ。さもないと、これらの割礼なき者が来て、わたしをはずかしめるであろう」。しかしその武器を執る者がいたく恐れて聞きいれなかったので、サウルはつるぎをとってその上に伏した。
5Zvino mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akati achiona kuti Sauro afa, naiye akazviwisirawo pamunondo wake, akafawo.
5武器を執る者はサウルの死んだのを見て、自分もまたつるぎの上に伏して死んだ。
6Naizvozvo Sauro akafa navanakomana vake vatatu; veimba yake yose vakafa pamwechete.
6こうしてサウルと三人の子らおよびその家族は皆ともに死んだ。
7Zvino varume vose valsiraeri, vakanga vagere pamupata uyo, vakati vachiona kuti vatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vafa, ivo vakabva pamaguta avo, vakatiza; vaFirisitia vakasvika vakagaramo.
7谷にいたイスラエルの人々は皆彼らの逃げるのを見、またサウルとその子らの死んだのを見て、町々をすてて逃げたので、ペリシテびとが来てそのうちに住んだ。
8Zvino fume mangwana vaFirisitia vakati vachiuya kuzosunungura vakanga vaurawa, vakawana Sauro navanakomana vake vatatu vakafa pagomo reGiribhoa.
8あくる日ペリシテびとは殺された者から、はぎ取るために来て、サウルとその子らのギルボア山に倒れているのを見、
9Vakamusunungura, vakatora musoro wake nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakatuma nhume kumativi ose enyika yavaFirisitia, kundozivisa vamwari vavo navanhu vavo shoko iro.
9サウルをはいでその首と、よろいかぶとを取り、ペリシテびとの国の四方に人をつかわして、この良き知らせをその偶像と民に告げさせた。
10Vakaisa nhumbi dzake dzokurwa nadzo muimba yavamwari vavo, vakasungira musoro wake mumba maDhagoni.
10そしてサウルのよろいかぶとを彼らの神の家に置き、首をダゴンの神殿にくぎづけにした。
11Zvino vanhu vose vaJabheshiGiriyadhi vakati vanzwa zvose zvakanga zvaitirwa Sauro navaFirisitia,
11しかしヤベシ・ギレアデの人々は皆ペリシテびとがサウルにしたことを聞いたので、
12mhare dzose dzikasimuka, vakabvisa chitunha chaSauro nezvitunha zvavanakomana vake vakaenda nazvo Jabheshi, vakaviga mafupa avo pasi pomuoki paJabheshi, vakatsanya mazuva manomwe.
12勇士たちが皆立ち上がり、サウルのからだとその子らのからだをとって、これをヤベシに持って来て、ヤベシのかしの木の下にその骨を葬り、七日の間、断食した。
13Naizvozvo Sauro akafa nokuda kokudarika kwake kwaakaitira Jehovha, uye nokuda kweshoko raJehovha raasina kuchengeta; uye nekuti akatsvaka mano kusvikiro, kubvunza naro,
13こうしてサウルは主にむかって犯した罪のために死んだ。すなわち彼は主の言葉を守らず、また口寄せに問うことをして、主に問うことをしなかった。それで主は彼を殺し、その国を移してエッサイの子ダビデに与えられた。
14akasabvunza Jehovha; naizvozvo wakamuuraya, akaisa ushe kuna Dhavhidhi mwanakomana waJese.
14主に問うことをしなかった。それで主は彼を殺し、その国を移してエッサイの子ダビデに与えられた。