1Zvino vaIsiraeri vose vakaungana kuna Dhavhidhi paHebhuroni, vakati, Tarirai, isu tiri mafupa enyu nenyama yenyu.
1ここにイスラエルの人は皆ヘブロンにいるダビデのもとに集まって来て言った、「われわれは、あなたの骨肉です。
2Kare, kunyange Sauro akanga ari mambo, ndimi maibuda nokupinda naIsiraeri; Jehovha Mwari wenyu akati kwamuri, Iwe uchafudza vanhu vangu valsiraeri, nokuva mutungamiriri
2先にサウルが王であった時にも、あなたはイスラエルを率いて出入りされました。そしてあなたの神、主はあなたに『あなたはわが民イスラエルを牧する者となり、わが民イスラエルの君となるであろう』と言われました」。
3Naizvozvo vakuru vose vaIsiraeri vakaenda kuna mambo paHebhuroni, Dhavhidhi akaita sungano paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo waIsiraeri, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waSamueri.
3このようにイスラエルの長老が皆ヘブロンにいる王のもとに来たので、ダビデはヘブロンで主の前に彼らと契約を結んだ。そして彼らは、サムエルによって語られた主の言葉に従ってダビデに油を注ぎ、イスラエルの王とした。
4Dhavhidhi navaIsiraeri vose vakakwira Jerusaremu (ndiro Jebhusi); zvino vaJebhusi, vanhu venyika iyo, vakanga varipo.
4ダビデとすべてのイスラエルはエルサレムへ行った。エルサレムはすなわちエブスであって、そこにはその地の住民であるエブスびとがいた。
5Ipapo vanhu vaigara paJebhusi vakati kuna Dhavhidhi, Haungapindi pano. Asi Dhavhidhi akakunda nhare yeZiyoni; ndiro guta raDhavhidhi.
5エブスの住民はダビデに言った、「あなたはここにはいってはならない」。しかし、ダビデはシオンの要害を取った。これがすなわちダビデの町である。
6Ipapo Dhavhidhi akati, Anotanga kubaya vaJebhusi ndiye achava mutungamiriri nomukuru wehondo. Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kukwira, akaitwa mutungamiriri wehondo.
6この時ダビデは言った、「だれでも第一にエブスびとを撃つ者を、かしらとし、将とする」。ゼルヤの子ヨアブが第一にのぼっていったので、かしらとなった。
7Dhavhidhi akagara panhare; naizvozvo vakaritumidza zita rinonzi guta raDhavhidhi.
7そしてダビデがその要害に住んだので人々はこれをダビデの町と名づけた。
8Akavaka guta kumativi ose, kubva paMiro kusvikira kumativi ose; Joabhu akagadzira zvimwe zveguta.
8ダビデはまたその町の周囲すなわちミロから四方に石がきを築き、ヨアブは町のほかの部分を繕った。
9Dhavhidhi akaramba achikura, nekuti Jehovha wehondo aiva naye.
9こうしてダビデはますます大いなる者となった。万軍の主が彼とともにおられたからである。
10Zvino ndivo vakuru vavarume vane simba vaiva naDhavhidhi, vaimusimbisa paushe hwake, pamwechete navaIsiraeri vose, kuti vamugadze ave mambo, sezvakarehwa naJehovha pamusoro palsiraeri.
10ダビデの勇士のおもなものは次のとおりである。彼らはイスラエルのすべての人とともにダビデに力をそえて国を得させ、主がイスラエルについて言われた言葉にしたがって、彼を王とした人々である。
11Ndiko kuwanda kwavarume vane simba vaiva naDhavhidhi: Joshobhiyami mwanakomana wokuHakimoni, mukuru wavana makumi matatu; iye akasimudza pfumo rake akarwa navana mazana matatu, akavauraya nenguva imwe.
11ダビデの勇士の数は次のとおりである。すなわち三人の長であるハクモニびとの子ヤショベアム、彼はやりをふるって三百人に向かい、一度にこれを殺した者である。
12Akamutevera akanga ari Eriazari, mwanakomana waDhodho muAhohi, mumwe wavarume vatatu vaiva nesimba.
12彼の次はアホアびとドドの子エレアザルで、三勇士のひとりである。
13Iye akanga ana Dhavhidhi paPasidhamini; vaFirisitia vakanga vaunganapo kuzorwa pabindu rakanga rizere nebhari; vanhu vakatiza pamberi pavaFirisitia.
13彼はダビデとともにパスダミムにいたが、ペリシテびとがそこに集まって来て戦った。そこに一面に大麦のはえた地所があった。民はペリシテびとの前から逃げた。
14Vakamira pakati pebindu, vakarirwira, vakauraya vaFirisitia, Jehovha akavarwira nokukunda kukuru.
14しかし彼は地所の中に立ってこれを防ぎ、ペリシテびとを殺した。そして主は大いなる勝利を与えて彼らを救われた。
15Zvino vatatu vavakuru vavana makumi matatu vakaburukira kudombo kuna Dhavhidhi kubako reAdhuramu; zvino hondo yavaFirisitia yakanga yadzika matende pamupata weRefaimu.
15三十人の長たちのうちの三人は下っていってアドラムのほらあなの岩の所にいるダビデのもとへ行った。時にペリシテびとの軍勢はレパイムの谷に陣を取っていた。
16Zvino nenguva iyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye boka ravarwi vavaFirisitia raiva paBheterehemu nenguva iyo.
16その時ダビデは要害におり、ペリシテびとの先陣はベツレヘムにあったが、
17Dhavhidhi akapanga, akati, Haiwa! Dai mumwe achindipa mvura yetsime reBheterehemu, riri pasuwo, ndimwe!
17ダビデはせつに望んで、「だれかベツレヘムの門のかたわらにある井戸の水をわたしに飲ませてくれるとよいのだが」と言った。
18Ipapo mhare idzo nhatu dzakapasanura napakati pehondo yavaFirisitia, vakandoteka mvura patsime reBheterehemu, riri pasuwo, vakaitora, vakauya nayo kuna Dhavhidhi; asi Dhavhidhi wakaramba kuimwa, akaidururira kuna Jehovha,
18そこでその三人はペリシテびとの陣を突き通って、ベツレヘムの門のかたわらにある井戸の水をくみ取って、ダビデのもとに携えて来た。しかしダビデはそれを飲もうとはせず、それを主の前に注いで、
19akati, Mwari wangu ngaandidzivise, ndirege kuita chinhu ichi! Ndingamwa ropa ravarume ava vakaenda vasingarangariri upenyu hwavo here? nekuti vakauya nayo vasingarangariri upenyu hwavo. Naizvozvo akaramba kuimwa. Ndizvo zvakaitwa nemhare idzo nhatu.
19言った、「わが神よ、わたしは断じてこれをいたしません。命をかけて行ったこの人たちの血をどうしてわたしは飲むことができましょう。彼らは命をかけてこの水をとって来たのです」。それゆえ、ダビデはこの水を飲もうとはしなかった。三勇士はこのことをおこなった。
20Abhishai munin'ina waJoabhu, ndiye akanga ari mukuru wavatatu avo, nekuti akasimudza pfumo rake akarwa navana mazana matatu, akavauraya; akava nomukurumbira pakati pavatatu avo.
20ヨアブの兄弟アビシャイは三十人の長であった。彼はやりをふるって三百人に立ち向かい、これを殺して三人のほかに名を得た。
21Pakati pavatatu ndiye wakange ane mbiri kukunda vamwe vaviri, akava mukuru wavo; asi haana kuenzana navatatu vokutanga.
21彼は三十人のうち、最も尊ばれた者で、彼らのかしらとなった。しかし、かの三人には及ばなかった。
22Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare weKabhizeeri, akanga aita mabasa makuru, iye akauraya vanakomana vaviri vaArieri waMoabhi, akandourayawo shumba mukati mehunza panguva yechando.
22エホヤダの子ベナヤは、カブジエル出身の勇士であって、多くのてがらを立てた。彼はモアブのアリエルのふたりの子を撃ち殺した。彼はまた雪の日に下っていって、穴の中でししを撃ち殺した。
23Akaurayawo muEgipita, murume akanga akakura kwazvo akasvika makubhiti mashanu; muEgipita uyu akanga akabata pfumo muruoko rwake, asi iye akaburukira kwaari akabata tsvimbo, akabvuta pfumo muruoko rwomuEgipita, akamuuraya nepfumo rake iro.
23彼はまた身のたけ五キュビトばかりのエジプトびとを撃ち殺した。そのエジプトびとは手に機の巻棒ほどのやりを持っていたが、ベナヤはつえをとって彼の所へ下って行き、エジプトびとの手から、やりをもぎとり、そのやりをもって彼を殺した。
24Zvinhu izvi zvakaitwa naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, akanga akakurumbira pakati pemhare idzo nhatu.
24エホヤダの子ベナヤは、これらの事を行って三勇士のほかに名を得た。
25Tarirai, iye akanga ane mbiri kukunda vana makumi matatu, asi haana kuenzana navatatu vokutanga. Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.
25彼は三十人のうちに有名であったが、かの三人には及ばなかった。ダビデは彼を侍衛の長とした。
26Mhare dzehondo dzaiva: Ashaheri munin'ina waJoabhu, naErihanani mwanakomana waDhodho weBheterehemu;
26軍団のうちの勇士はヨアブの兄弟アサヘル。ベツレヘム出身のドドの子エルハナン。
27naShamoti muHarodhi, naHerezi muPeroni;
27ハロデ出身のシャンマ。ペロンびとヘレヅ。
28naIra mwanakomana wIkeshi muTekoite, naAbhiezeri muAnatoti;
28テコア出身のイッケシの子イラ。アナトテ出身のアビエゼル。
29naSibekai muHushati, naIrai muAhohi;
29ホシャテびとシベカイ。アホアびとイライ。
30naMakarai muNetofati, naHeredhi mwanakomana waBhaana muNetofati;
30ネトパ出身のマハライ。ネトパ出身のバアナの子ヘレデ。
31naItai mwanakomana waRibhai weGibhiya wavana vaBhenjamini, naBhenaya muPiratoni;
31ベニヤミンびとのギベアから出たリバイの子イタイ。ピラトンのベナヤ。
32naHurai wehova dzeGaashi, naAbhieri muAribhati;
32ガアシの谷のホライ。アルバテびとアビエル。
33naAzimavheti muBhaharumiti, naEriabha muShaaribhoni;
33バハルム出身のアズマウテ。シャルボン出身のエリヤバ。
34navanakomana vaHashemi muGizoni, naJonatani mwanakomana waShage muHarari,
34ギゾンびとハセム。ハラルびとシャゲの子ヨナタン。
35naAhiami mwanakomana waSakari muHarari, naErifari mwanakomana waUri;
35ハラルびとサカルの子アヒアム。ウルの子エリパル。
36naHeferi muMekerati, naAhiya muPeroni;
36メケラテびとヘペル。ペロンびとアヒヤ。
37naHezero muKarimeri, naNaarai mwanakomana waEzibha;
37カルメル出身のヘズロ。エズバイの子ナアライ。
38naJoeri munin'ina waNatani, naMibhari mwanakomana waHagiri;
38ナタンの兄弟ヨエル。ハグリの子ミブハル。
39naZereki muAmoni, naNaharai muBheroti, mubati wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya;
39アンモンびとゼレク。ゼルヤの子ヨアブの武器を執るもの、ベエロテ出身のナハライ。
40naIra muItiri, naGarebhi muItiri,
40イテルびとイラ。イテルびとガレブ。
41naUriya muHiti, naZabhadhi mwanakomana waArai;
41ヘテびとウリヤ。アハライの子ザバデ。
42naAdhina mwanakomana waShiza muRubheni, mukuru wavaRubheni, navana makumi matatu naye;
42ルベンびとシザの子アデナ。彼はルベンびとの長であって、三十人を率いた。
43naHanani mwanakomana waMaaka, naJoshafati muMitini;
43またマアカの子ハナン。ミテニびとヨシャパテ。
44naUziya muAshiterati, naShama naJeyieri vanakomana vaHotami muAroeri;
44アシテラテびとウジヤ。アロエルびとホタムの子らシャマとエイエル。
45naJedhiaeri mwanakomana waShimiri, naJoha munin'ina wake, muTizi;
45テジびとシムリの子エデアエルおよびその兄弟ヨハ。
46naErieri muMahavhi, naJeribhai, naJoshavhia, vanakomana vaErinaami, naItima muMoabhu;
46マハブびとエリエル。エルナアムの子らエリバイおよびヨシャビヤ。モアブびとイテマ。エリエル、オベデおよびメゾバびとヤシエルである。
47naErieri, naObhedhi, naJaasieri muMezobha.
47エリエル、オベデおよびメゾバびとヤシエルである。