1Zvino Dhavhidhi akaunganidza paJerusaremu machinda ose aIsiraeri, machinda amarudzi, navakuru vamapoka aibatira mambo vachiita mapoka, navakuru vezviuru, navakuru vamazana, navatariri venhumbi dzose nefuma yose yamambo navanakomana vake, pamwechete navaranda navane simba, varume vose voumhare.
1ダビデはイスラエルのすべての長官、すなわち部族の長、王に仕えた組の長、千人の長、百人の長、王とその子たちのすべての財産および家畜のつかさ、宦官、有力者、勇士などをことごとくエルサレムに召し集めた。
2Ipapo mambo Dhavhidhi akasimuka, akamira namakumbo ake, akati, Chindinzwai hama dzangu, navanhu vangu! Kana ndirini, ndakanga ndichiti mumoyo mangu ndichavakira areka yesungano yaJehovha nechitsiko chaMwari wedu imba yokuzorora; zvino ndakanga ndagadzira zvose zvokuvaka nazvo.
2そしてダビデ王はその足で立ち上がって言った、「わが兄弟たち、わが民よ、わたしに聞きなさい。わたしは主の契約の箱のため、われわれの神の足台のために安住の家を建てようとの志をもち、すでにこれを建てる準備をした。
3Asi Mwari akati kwandiri, Iwe haufaniri kuvakira zita rangu imba, nekuti uri munhu wokurwa, wakateura ropa.
3しかし神はわたしに言われた、『おまえはわが名のために家を建ててはならない。おまえは軍人であって、多くの血を流したからである』と。
4Asi Jehovha, Mwari waIsiraeri, akanditsaura paimba yose yababa vangu kuti ndive mambo waIsiraeri nokusingaperi; nekuti akatsaura Judha kuti ave mutungamiriri; paimba yaJudha akatsaura imba yababa vangu akandifarira ini, akandiita mambo wavaIsiraeri vose.
4それにもかかわらず、イスラエルの神、主はわたしの父の全家のうちからわたしを選んで長くイスラエルの王とせられた。すなわちユダを選んでかしらとし、ユダの家のうちで、わたしの父の家を選び、わたしの父の子らのうちで、わたしを喜び、全イスラエルの王とせられた。
5Zvino pakati pavanakomana vangu vose nekuti Jehovha akandipa vanakomana vazhinji akatsaura mwanakomana wangu Soromoni, kuti agare pachigaro choushe chaJehovha muna Isiraeri.
5そして主はわたしに多くの子を賜わり、そのすべての子らのうちからわが子ソロモンを選び、これを主の国の位にすわらせて、イスラエルを治めさせようとせられた。
6Akati kwandiri,Soromoni mwanakomana wako ndiye uchavaka imba yangu nevazhe dzangu; nekuti ndakamutsaura kuti ave mwanakomana wangu, neni ndichava baba vake.
6主はまたわたしに言われた、『おまえの子ソロモンがわが家およびわが庭を造るであろう。わたしは彼を選んでわが子となしたからである。わたしは彼の父となる。
7Ndichasimbisa ushe hwake nokusingaperi, kana iye achitsungirira kuita zvandakaraira nezvandakatonga, sezvaanoita nhasi.
7彼がもし今日のように、わが戒めとわがおきてを固く守って行うならば、わたしはその国をいつまでも堅くするであろう』と。
8Naizvozvo zvino, pamberi pavaIsiraeri vose, neungano yose yaJehovha, Mwari wedu achizvinzwa, chengetai nokutsvaka mirairo yose yaJehovha Mwari wenyu; kuti nyika ino yakanaka ive yenyu, mugoisiira vana venyu vanokuteverai, ive nhaka yavo nokusingaperi.
8それゆえいま、主の会衆なる全イスラエルの目の前およびわれわれの神の聞かれる所であなたがたに勧める。あなたがたはその神、主のすべての戒めを守り、これを求めなさい。そうすればあなたがたはこの良き地を所有し、これをあなたがたの後の子孫に長く嗣業として伝えることができる。
9Zvino iwe Soromoni, mwanakomana wangu, ziva Mwari wababa vako, umushumire nomoyo wakarurama, uye nomweya unoda kwazvo; nekuti Jehovha anonzvera moyo yose, anonzwisisa ndangariro dzose dzemifungo kana ukamutsvaka, iye achawanikwa newe; asi kana ukamusiya, iye achakurasha nokusingaperi.
9わが子ソロモンよ、あなたの父の神を知り、全き心をもって喜び勇んで彼に仕えなさい。主はすべての心を探り、すべての思いを悟られるからである。あなたがもし彼を求めるならば会うことができる。しかしあなたがもしかれを捨てるならば彼は長くあなたを捨てられるであろう。
10Zvino chenjera, nekuti Jehovha akakutsaura, kuti uvake imba ive nzvimbo tsvene; chiva nesimba, uzviite.
10それであなたは慎みなさい。主はあなたを選んで聖所とすべき家を建てさせようとされるのだから心を強くしてこれを行いなさい」。
11Ipapo Dhavhidhi akapa mwanakomana wake Soromoni mufananidzo weberere retemberi, nedzimba dzaro, nezvivigiro zvefuma yaro, namakamuri aro okumusoro, namakamuri aro omukati, neimba yechifunhiro chokuyananisa;
11こうしてダビデは神殿の廊およびその家、その倉、その上の室、その内の室、贖罪所の室などの計画をその子ソロモンに授け、
12nemifananidzo yezvose yakanga iri mumweya wake, yevazhe dzeimba yaJehovha, neyamakamuri ose anokomberedza, neyezvivigiro zvefuma yeimba yaMwari, neyezvivigiro zvefuma yenhumbi dzakatsaurwa;
12またその心にあったすべてのもの、すなわち主の宮の庭、周囲のすべての室、神の家の倉、ささげ物の倉などの計画を授け、
13neyamapoka avapristi navaRevhi, neyamabasa ose eimba yaJehovha, neyenhumbi dzose dzokubata nadzo paimba yaJehovha;
13また祭司およびレビびとの組と、主の宮のもろもろの務の仕事と、主の宮のもろもろの勤めの器物について授け、
14neyendarama, kurema kwayo, yokuumba nayo nhumbi dzendarama, nhumbi dzose dzamarudzi ose amabasa; neyesirivha, kurema kwayo, yokuumba nayo nhumbi dzose dzesirivha, nhumbi dzose dzamarudzi ose amabasa;
14またもろもろの勤めに用いるすべての金の器を造る金の目方、およびもろもろの勤めに用いる銀の器の目方を定めた。
15nokuremawo kwendarama yokuumba nayo zvigadziko zvendarama, nemwenje yazvo, kurema kwechigadziko chimwe nechimwe nemimwe yacho; nesirivha, kurema kwayo, yokuumba nayo zvigadziko zvendarama ,nemwenje yazvo kurema kwechigadziko chimwe nechimwe nemwenje yacho, sezvakakwanira basa rechigadziko chimwe nechimwe;
15すなわち金の燭台と、そのともしび皿の目方、おのおのの燭台と、そのともしび皿の金の目方を定め、また銀の燭台についてもおのおのの燭台の用法にしたがって燭台と、そのともしび皿の銀の目方を定めた。
16nendarama, kurema kwayo, yokuumba nayo tafura dzezvingwa zvokuratidza, yetafura imwe neimwe; nesirivha yetafura dzesirivha;
16また供えのパンの机については、そのおのおのの机のために金の目方を定め、また銀の机のためにも銀を定め、
17nezvikokovonho zvendarama yakaisvonaka; nemidziyo yendarama, kurema komudziyo mumwe nomumwe; nemidziyo yesirivha, kurema komudziyo mumwe nomumwe;
17また肉さし、鉢、かめに用いる純金の目方を定め、金の大杯についてもおのおのの目方を定め、銀の大杯についてもおのおのの目方を定め、
18nokurema kwendarama yakanatswa yearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira; nendarama yomufananidzo wengoro, wamakerubhi akatambanudza mapapiro awo, achifukidza areka yesungano yaJehovha.
18また香の祭壇のために精金の目方を定め、また翼を伸べて主の契約の箱をおおっているケルビムの金の車のひな型の金を定めた。
19Izvi zvose, ndizvo zvakataura Dhavhidhi, ndakazviziviswa zvakanyorwa noruoko rwaJehovha, iwo mabasa ose omufananidzo uyu.
19ダビデはすべての工作が計画にしたがってなされるため、これについて主の手によって書かれたものにより、これをことごとく明らかにした。
20Zvino Dhavhidhi akati kuna Soromoni mwanakomana wake, Simba, utsunge moyo, uzviite; usatya kana kuvunduswa, nekuti Jehovha Mwari, iye Mwari wangu, anewe; haangakuregi, kana kukusiya, kusvikira mabasa ose okushumira nawo paimba yaJehovha apedzwa.
20ダビデはその子ソロモンに言った、「あなたは心を強くし、勇んでこれを行いなさい。恐れてはならない。おののいてはならない。主なる神、わたしの神があなたとともにおられるからである。主はあなたを離れず、あなたを捨てず、ついに主の宮の務のすべての工事をなし終えさせられるでしょう。見よ、神の宮のすべての務のためには祭司とレビびとの組がある。またもろもろの勤めのためにすべての仕事を喜んでする巧みな者が皆あなたと共にある。またつかさたちおよびすべての民もあなたの命じるところをことごとく行うでしょう」。
21Zvino tarira, ndiwo mapoka avapristi navaRevhi, vangabata mabasa ose eimba yaMwari; uyezve pamabasa ose uchava nemhizha dzose dzinoda kubata nomoyo wadzo mabasa amarudzi ose; navakuru navanhu vose vachateerera chose mirairo yako.
21見よ、神の宮のすべての務のためには祭司とレビびとの組がある。またもろもろの勤めのためにすべての仕事を喜んでする巧みな者が皆あなたと共にある。またつかさたちおよびすべての民もあなたの命じるところをことごとく行うでしょう」。