1Zvino mambo Dhavhidhi akati kuungano yose, Mwanakomana wangu Soromoni, wakatsaurwa iye oga naMwari, achiri muduku asine simba, asi basa iguru; nekuti imba huru haizi yomunhu, asi ndeyaJehovha Mwari.
1ダビデ王はまた全会衆に言った、「わが子ソロモンは神がただひとりを選ばれた者であるが、まだ若くて経験がなく、この事業は大きい。この宮は人のためではなく、主なる神のためだからである。
2Zvino ini nesimba rangu rose ndakagadzirira imba yaMwari wangu ndarama yokuumba nayo zvinhu zvendarama, nesirivha yezvinhu zvesirivha, nendarira yezvinhu zvendarira, namatare ezvinhu zvamatare, namatanda ezvinhu zvamatanda; nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa mukati, nezvibwe zvoukomba, nezvina mavara-mavara, namamwe marudzi mazhinji ezvibwe zvinokosha, namabwe machena akawanda.
2そこでわたしは力をつくして神の宮のために備えた。すなわち金の物を造るために金、銀の物のために銀、青銅の物のために青銅、鉄の物のために鉄、木の物のために木を備えた。その他縞めのう、はめ石、アンチモニイ、色のついた石、さまざまの宝石、大理石などおびただしい。
3Uyezve, zvandakada zvikuru imba yaMwari wangu, ini zvandine fuma pachangu yendarama nesirivha, ndinozvipa imba yaMwari wangu, ndichiwedzera pane zvose zvandakagadzirira imba tsvene;
3なおわたしはわが神の宮に熱心なるがゆえに、聖なる家のために備えたすべての物に加えて、わたしの持っている金銀の財宝をわが神の宮にささげる。
4zvinoti matarenda endarama ane zviuru zvitatu, endarama yeOfiri, namatarenda akanatswa esirivha ane zviuru zvinomwe, kufukidza madziro eimba nazvo;
4すなわちオフルの金三千タラント、精銀七千タラントをそのもろもろの建物の壁をおおうためにささげる。
5nendarama yokuumba nayo zvinhu zvendarama, nesirivha yezvinhu zvesirivha, nezvamabasa ose anofanira kuitwa namaoko avapfuri. Zvino ndianiko anoda kupa nhendo dzake nomoyo wake wose kuna Jehovha?
5金は金の物のために、銀は銀の物のために、すべて工人によって造られるもののために用いる。だれかきょう、主にその身をささげる者のように喜んでささげ物をするだろうか」。
6Ipapo machinda edzimba dzamadzibaba, namachinda amarudzi alsiraeri, navakuru vezviuru navamazana, pamwechete navatariri vamabasa amambo vakapa nomoyo wavo wose;
6そこで氏族の長たち、イスラエルの部族のつかさたち、千人の長、百人の長および王の工事をつかさどる者たちは喜んでささげ物をした。
7vakapa kubata basa reimba yaMwari ndarama, matarenda ane zviuru zvishanu, namadhariki ane zviuru zvine gumi, nesirivha, matarenda ane zviuru zvine gumi, nendarira, matarenda ane zviuru zvine gumi nezvisere, namatare, matarenda ane zviuru zvine zana.
7こうして彼らは神の宮の務のために金五千タラント一万ダリク、銀一万タラント、青銅一万八千タラント、鉄十万タラントをささげた。
8Vakanga vane zvibwe zvinokosha vakazvipa zviiswe pafuma yeimba yaJehovha, zvichitarirwa naJehieri muGerishoni.
8宝石を持っている者はそれをゲルションびとエヒエルの手によって神の宮の倉に納めた。
9Ipapo vanhu vakafara zvavakapa nomoyo wose, nekuti vakapa Jehovha nomoyo wose wakarurama; mambo Dhavhidhiwo akafara nomufaro mukuru.
9彼らがこのように真心からみずから進んで主にささげたので、民はそのみずから進んでささげたのを喜んだ。ダビデ王もまた大いに喜んだ。
10Zvino Dhavhidhi akakudza Jehovha pamberi peungano yose; Dhavhidhi akati, Imwi mukudzwe, Jehovha, Mwari waIsiraeri baba vedu nokusingaperi.
10そこでダビデは全会衆の前で主をほめたたえた。ダビデは言った、「われわれの先祖イスラエルの神、主よ、あなたはとこしえにほむべきかたです。
11Ukuru ndobwenyu, Jehovha, nesimba, nokubwinya, nokukunda, noumambo, nekuti zvose zviri kudenga nezviri pasi ndezvenyu; ushe ndobwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose.
11主よ、大いなることと、力と、栄光と、勝利と、威光とはあなたのものです。天にあるもの、地にあるものも皆あなたのものです。主よ、国もまたあなたのものです。あなたは万有のかしらとして、あがめられます。
12fuma nokukudzwa zvinobva kwamuri, imwi munobata ushe pamusoro pezvose; paruoko rwenyu pane simba noushe, ruoko rwenyu ndirwo runokurisa nokupa vose simba.
12富と誉とはあなたから出ます。あなたは万有をつかさどられます。あなたの手には勢いと力があります。あなたの手はすべてのものを大いならしめ、強くされます。
13Saka zvino Mwari wedu, tinokuvongai nokurumbidza zita renyu rinobwinya.
13われわれの神よ、われわれは、いま、あなたに感謝し、あなたの光栄ある名をたたえます。
14Asi ini ndini ani, navanhu vangu chinyiko, zvatingagona kupa nomoyo wose kudai? Nekuti zvose zvinobva kwamuri, takangokupai zvakabva paruoko rwenyu.
14しかしわれわれがこのように喜んでささげることができても、わたしは何者でしょう。わたしの民は何でしょう。すべての物はあなたから出ます。われわれはあなたから受けて、あなたにささげたのです。
15Nekuti tiri vaeni pamberi penyu navatorwa, sezvakanga zvakaita madzibaba edu; mazuva edu panyika akafanana nomumvuri, hakune tariro.
15われわれはあなたの前ではすべての先祖たちのように、旅びとです、寄留者です。われわれの世にある日は影のようで、長くとどまることはできません。
16Jehovha Mwari wedu, izvi zvose zvakawanda zvatakagadzira kukuvakirai imba yezita renyu dzvene, zvinobva paruoko rwenyu; zvose ndezvenyu;
16われわれの神、主よ、あなたの聖なる名のために、あなたに家を建てようとしてわれわれが備えたこの多くの物は皆あなたの手から出たもの、また皆あなたのものです。
17ndinozivawo Mwari wangu, kuti imwi munoidzawo moyo, munofanira kurarama. Kana ndirini, ndakapa izvi zvose nomoyo wakarurama nomoyo wose; zvino ndakafara ndichiona vanhu venyu vari pano vachikupai nomoyo wose.
17わが神よ、あなたは心をためし、また正直を喜ばれることを、わたしは知っています。わたしは正しい心で、このすべての物を喜んでささげました。今わたしはまた、ここにおるあなたの民が喜んで、みずから進んであなたにささげ物をするのを見ました。
18Jehovha Mwari waAbhurahamu, nalsaka, naIsiraeri, madzibaba edu, garisai izvi nokusingaperi pandangariro dzemifungo yemoyo yavanhu venyu; rereudzai moyo yavo kwamuri,
18われわれの先祖アブラハム、イサク、イスラエルの神、主よ、あなたの民の心にこの意志と精神とをいつまでも保たせ、その心をあなたに向けさせてください。
19ipai Soromoni mwanakomana wangu moyo wakarurama, kuti achengete mirairo yenyu, nezvipupuriro zvenyu, nezvamakatema, kuti aite zvinhu izvi zvose, avake imba huru yandakagadzirira zvose.
19またわが子ソロモンに心をつくしてあなたの命令と、あなたのあかしと、あなたのさだめとを守らせて、これをことごとく行わせ、わたしが備えをした宮を建てさせてください」。
20Ipapo Dhavhidhi akati kuungano yose, Zvino kudzai Jehovha Mwari wenyu. Ipapo ungano yakakudza Jehovha Mwari wamadzibaba avo, vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha namambo.
20そしてダビデが全会衆にむかって、「あなたがたの神、主をほめたたえよ」と言ったので、全会衆は先祖たちの神、主をほめたたえ、伏して主を拝し、王に敬礼した。
21Vakabayira Jehovha zvibayiro, vakauya nezvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha mangwanani pazuva rakatevera, zvaiti: nzombe dzine chiuru chimwe, namakondobwe ane chiuru chimwe, namakwaiana ane chiuru chimwe, pamwechete nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, nezvibayiro zvakawanda zvavaIsiraeri vose;
21そしてその翌日彼らは全イスラエルのために主に犠牲をささげた。すなわち燔祭として雄牛一千、雄羊一千、小羊一千をその灌祭と共に主にささげ、おびただしい犠牲をささげた。
22vakadya, vakamwa pamberi paJehovha nomufaro mukuru nezuva iro. Vakaita Soromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo rwechipiri, vakamuzodzera Jehovha ave mutungamiriri, naZadhoki ave mupristi.
22そしてその日、彼らは大いなる喜びをもって主の前に食い飲みした。彼らはさらに改めてダビデの子ソロモンを王となし、これに油を注いで主の君となし、またザドクを祭司とした。
23Ipapo Soromoni akagara pachigaro choushe chaJehovha akava mambo panzvimbo yaDhavhidhi baba vake, akafambiswa zvakanaka; vaIsiraeri vose vakamuteerera.
23こうしてソロモンはその父ダビデに代り、王として主の位に座した。彼は栄え、イスラエルは皆彼に従った。
24Machinda ose, navanhu vose vane simba, navanakomana vose vamambo Dhavhidhi vakazviisa pasi pamambo Soromoni.
24またすべてのつかさたち、勇士たち、およびダビデ王の王子たちも皆ソロモン王に忠誠を誓った。
25Jehovha akakudza Soromoni kwazvo-kwazvo pamberi pavaIsiraeri vose, akamupa umambo hwakakura, husina kumbopiwa mumwe mambo waIsiraeri wakamutangira.
25主は全イスラエルの目の前でソロモンを非常に大いならしめ、彼より前のイスラエルのどの王も得たことのない王威を彼に与えられた。
26Zvino Dhavhidhi mwanakomana waJese akabata valsiraeri vose paushe hwake.
26このようにエッサイの子ダビデは全イスラエルを治めた。
27Nguva yaakabata ushe hwaIsiraeri aiva makore makumi mana; wakabata ushe paHebhuroni makore manomwe, napaJerusaremu akabata ushe makore makumi matatu namatatu.
27彼がイスラエルを治めた期間は四十年であった。すなわちヘブロンで七年世を治め、エルサレムで三十三年世を治めた。
28Akazofa akwegura kwazvo, ava namakore mazhinji, nefuma, nokukudzwa; Soromoni mwanakomana wake akabata ushe panzvimbo yake.
28彼は高齢に達し、年も富も誉も満ち足りて死んだ。その子ソロモンが彼に代って王となった。
29Zvino mabasa amambo Dhavhidhi, okutanga nookupedzisira, tarirai, akanyorwa pamashoko omuoni Samueri, napamashoko omupristi Natani, napamashoko omuoni Gadhi;
29ダビデ王の始終の行為は、先見者サムエルの書、預言者ナタンの書および先見者ガドの書にしるされている。そのうちには彼のすべての政と、その力および彼とイスラエルと他のすべての国々に臨んだ事どもをしるしている。
30pamwechete namashoko oushe hwake, nesimba rake, nezvaakaitirwa panguva dzose, iye navaIsiraeri, noushe hwose bwedzimwe nyika.
30そのうちには彼のすべての政と、その力および彼とイスラエルと他のすべての国々に臨んだ事どもをしるしている。