1Zvino Eria muTishibhi, waigara Giriyadhi, wakati kuna Ahabhi, NaJehovha mupenyu, Mwari waIsiraeri, iye wandimire pamberi pake, hapangavi nedova kana mvura makore ano, asi kana ndareva ini.
1ギレアデのテシベに住むテシベびとエリヤはアハブに言った、「わたしの仕えているイスラエルの神、主は生きておられます。わたしの言葉のないうちは、数年雨も露もないでしょう」。
2Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, richiti,
2主の言葉がエリヤに臨んだ、
3Chibva pano, uende kurutivi rwamabvazuva, undovanda parukova Keriti, ruri pamberi paJoridhani.
3「ここを去って東におもむき、ヨルダンの東にあるケリテ川のほとりに身を隠しなさい。
4Unofanira kumwa mvura yorukova, uye ndakaraira makunguvo kukupa zvokudya ipapo.
4そしてその川の水を飲みなさい。わたしはからすに命じて、そこであなたを養わせよう」。
5Naizvozvo akaenda, akaita sezvaakaudzwa naJehovha; wakandogara parukova Keriti ruri pamberi paJoridhani.
5エリヤは行って、主の言葉のとおりにした。すなわち行って、ヨルダンの東にあるケリテ川のほとりに住んだ。
6Makunguvo akamuvigira chingwa nenyama mangwanani, nechingwa nenyama madekwana; akamwa mvura yorukova.
6すると、からすが朝ごとに彼の所にパンと肉を運び、また夕ごとにパンと肉を運んできた。そして彼はその川の水を飲んだ。
7Zvino nguva yakati yapfuura rukova rukapwa, nekuti mvura yakanga isinganayi panyika.
7しかし国に雨がなかったので、しばらくしてその川はかれた。
8Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, richiti,
8その時、主の言葉が彼に臨んで言った、
9Simuka, uende Zarefati panyika yeZidhoni, ugarepo; tarira, ndaraira chirikadzi igerepo, kuti ikupe zvokudya.
9「立ってシドンに属するザレパテへ行って、そこに住みなさい。わたしはそのところのやもめ女に命じてあなたを養わせよう」。
10Naizvozvo akasimuka, akaenda Zarefati; wakati asvika pasuwo reguta, akaona chirikadzi yakanga igerepo, ichiunganidza tutsotso; akamudana, akati, Nditorerewo mvura shomanene mumukombe, ndimwe
10そこで彼は立ってザレパテへ行ったが、町の門に着いたとき、ひとりのやもめ女が、その所でたきぎを拾っていた。彼はその女に声をかけて言った、「器に水を少し持ってきて、わたしに飲ませてください」。
11Zvino wakati achienda kundoitora, akamudana, akati, Dondivigirawo chimedu chechingwa muruoko rwako.
11彼女が行って、それを持ってこようとした時、彼は彼女を呼んで言った、「手に一口のパンを持ってきてください」。
12Iye akati, NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa, asi tsama imwe youpfu mudende, namafuta mashomanene muchinu; tarirai, ndakanga ndichiunganidza tutsotso tuviri, ndichiti ndoenda ndizvigadzirire ini nomwanakomana wangu, tidye, tife hedu.
12彼女は言った、「あなたの神、主は生きておられます。わたしにはパンはありません。ただ、かめに一握りの粉と、びんに少しの油があるだけです。今わたしはたきぎ二、三本を拾い、うちへ帰って、わたしと子供のためにそれを調理し、それを食べて死のうとしているのです」。
13Ipapo Eria akati kwaari, Usatya hako, enda undoita chingwa chiduku, undivigire icho, ugozviitira iwe nomwanakomana wako pashure.
13エリヤは彼女に言った、「恐れるにはおよばない。行って、あなたが言ったとおりにしなさい。しかしまず、それでわたしのために小さいパンを、一つ作って持ってきなさい。その後、あなたと、あなたの子供のために作りなさい。
14Nekuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Upfu huri mudende haungaperi, namafuta ari muchinu haangashaikwi, kusvikira pazuva Jehovha raachanaisa naro mvura panyika.
14『主が雨を地のおもてに降らす日まで、かめの粉は尽きず、びんの油は絶えない』とイスラエルの神、主が言われるからです」。
15Iye akaenda, akandoita sezvakataura Eria; iye mukadzi, naiye Eria, neimba yake, vakadya mazuva mazhinji.
15彼女は行って、エリヤが言ったとおりにした。彼女と彼および彼女の家族は久しく食べた。
16Upfu hwakanga huri mudende hauna kupera, namafuta akanga ari muchinu haana kushaikwa, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waEria.
16主がエリヤによって言われた言葉のように、かめの粉は尽きず、びんの油は絶えなかった。
17Zvino pashure paizvozvo mwanakomana womukadzi, mwene weimba, akarwara; kurwara kwake kukanyanya kwazvo, kusvikira apererwa nomweya.
17これらの事の後、その家の主婦であるこの女の男の子が病気になった。その病気はたいそう重く、息が絶えたので、
18Mukadzi akati kuna Eria, Ndineiko nemi, imwi munhu waMwari? Makapinda mumba mangu kuti zvivi zvangu zvirangarirwe, uye kuti mwanakomana wangu aurawe here?
18彼女はエリヤに言った、「神の人よ、あなたはわたしに、何の恨みがあるのですか。あなたはわたしの罪を思い出させるため、またわたしの子を死なせるためにおいでになったのですか」。
19Akati kwaari, Ndipe mwanakomana wako. Akamutora pachipfuva chomukadzi, akamutakurira kuimba yokumusoro, kwaaigara, akamuradzika panhovo yake,
19エリヤは彼女に言った、「子をわたしによこしなさい」。そして彼女のふところから子供を取り、自分のいる屋上のへやへかかえて上り、自分の寝台に寝かせ、
20akadanidzira kuna Jehovha, akati, Jehovha Mwari wangu, makaitireiko chirikadzi yandigere nayo chakaipa chakadai, zvamauraya mwanakomana wake?
20主に呼ばわって言った、「わが神、主よ、あなたはわたしが宿っている家のやもめにさえ災をくだして、子供を殺されるのですか」。
21Akatsivama pamusoro pomwana katatu, akadanidzira kuna Jehovha, akati, Jehovha Mwari wangu, ndinokumbira, mweya womwana uyu ngaudzokerezve kwaari.
21そして三度その子供の上に身を伸ばし、主に呼ばわって言った、「わが神、主よ、この子供の魂をもとに帰らせてください」。
22Jehovha akanzwa inzwi raEria, mweya womwana ukadzokerazve kwaari, akararamazve.
22主はエリヤの声を聞きいれられたので、その子供の魂はもとに帰って、彼は生きかえった。
23Ipapo Eria akatora mwana, akaburuka naye paimba yokumusoro, akamuisa mumba, akamupa mai vake. Eria akati, Tarira, mwana wako mupenyu.
23エリヤはその子供を取って屋上のへやから家の中につれて降り、その母にわたして言った、「ごらんなさい。あなたの子は生きかえりました」。女はエリヤに言った、「今わたしはあなたが神の人であることと、あなたの口にある主の言葉が真実であることを知りました」。
24Mukadzi akati kuna Eria, Zvino ndinoziva ichi, kuti muri munhu waMwari, uye kuti shoko raJehovha, riri mumuromo menyu, nderechokwadi.
24女はエリヤに言った、「今わたしはあなたが神の人であることと、あなたの口にある主の言葉が真実であることを知りました」。