1Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, shoko raJehovha rikasvika kuna Eria negore rechitatu, richiti, Enda undozviratidza kuna Ahabhi; ndigotuma mvura panyika.
1多くの日を経て、三年目に主の言葉がエリヤに臨んだ、「行って、あなたの身をアハブに示しなさい。わたしは雨を地に降らせる」。
2Ipapo Eria akandozviratidza kuna Ahabhi. Zvino nzara yakanga yanyanya kwazvo paSamaria.
2エリヤはその身をアハブに示そうとして行った。その時、サマリヤにききんが激しかった。
3Ahabhi akadana Obhadhiya, iye wakange ari mutariri weimba yake. (Zvino Obhadhiya wakange achitya Jehovha kwazvo;
3アハブは家づかさオバデヤを召した。(オバデヤは深く主を恐れる人で、
4nekuti nenguva iyo Izebheri yaakaparadza nayo navaporofita vaJehovha, Obhadhia wakatora vaporofita vane zana, akavavanza makumi mashanu namakumi mashanuzve mubako, akavapa chingwa nemvura.)
4イゼベルが主の預言者を断ち滅ぼした時、オバデヤは百人の預言者を救い出して五十人ずつほら穴に隠し、パンと水をもって彼らを養った)。
5Zvino Ahabhi akati kuna Obhadhiya, Famba nenyika, kumatsime emvura, nokuhova dzose; zvimwe tingawana bundo, tiraramise mabhiza namahesera,tirege kurashikirwa nechimwe chezvipfuwo.
5アハブはオバデヤに言った、「国中のすべての水の源と、すべての川に行ってみるがよい。馬と騾馬を生かしておくための草があるかもしれない。そうすれば、われわれは家畜をいくぶんでも失わずにすむであろう」。
6Naizvozvo vakagovana nyika, kuti vafambe nayo; Ahabhi akaenda ari oga kuno rumwe rutivi, Obhadhiya akaendawo ari oga kuno rumwe rutivi.
6彼らは行き巡る地をふたりで分け、アハブはひとりでこの道を行き、オバデヤはひとりで他の道を行った。
7Zvino Obhadhiya wakati ari panzira, Eria akasangana naye; akamuziva, akawira pasi nechiso chake, akati, Ndimi here, ishe wangu Eria?
7オバデヤが道を進んでいた時、エリヤが彼に会った。彼はエリヤを認めて伏して言った、「わが主エリヤよ、あなたはここにおられるのですか」。
8Iye akamupindura, akati, Ndini; enda unoudza ishe wako, uti, Tarirai, Eria ari pano.
8エリヤは彼に言った、「そうです。行って、あなたの主人に、エリヤはここにいると告げなさい」。
9Iye akati, Ndatadzeiko, zvamoda kuisa muranda wenyu mumaoko aAhabhi, andiuraye?
9彼は言った、「わたしにどんな罪があって、あなたはしもべをアハブの手にわたして殺そうとされるのですか。
10NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, hapano rudzi kana ushe kwaasina kutuma iye ishe wangu kukutsvakai; kana vakati, Haapo pano, waipikisa ushe uhwo kana rudzi urwo, kuti havana kukuwanai.
10あなたの神、主は生きておられます。わたしの主人があなたを尋ねるために、人をつかわさない民はなく、国もありません。そしてエリヤはいないと言う時は、その国、その民に、あなたが見つからないという誓いをさせるのです。
11Zvino moti, Enda undoudza ishe wako, uti, Eria ari pano.
11あなたは今『行って、エリヤはここにいると主人に告げよ』と言われます。
12Zvimwe ndichangobva kwamuri, Mweya waJehovha ndokukuisai kwandisingazivi; zvino kana ndikandoudza Ahabhi, akakushayai, uchandiuraya, asi ini muranda wenyu ndinotya Jehovha kubva pauduku hwangu.
12しかしわたしがあなたを離れて行くと、主の霊はあなたを、わたしの知らない所へ連れて行くでしょう。わたしが行ってアハブに告げ、彼があなたを見つけることができなければ、彼はわたしを殺すでしょう。しかし、しもべは幼い時から主を恐れている者です。
13Ishe wangu hamuna kuudzwa here zvandakaita panguva iya Izebheri yaakauraya nayo vaporofita vaJehovha kuti ndakavanza vaporofita vaJehovha, vane zana, makumi mashanu namakumi mashanu mubako, ndikavapa zvingwa nemvura?
13イゼベルが主の預言者を殺した時に、わたしがした事、すなわち、わたしが主の預言者のうち百人を五十人ずつほら穴に隠して、パンと水をもって養った事を、わが主は聞かれませんでしたか。
14Zvino moti, Chindoudza ishe wako, uti, Eria ari pano. Iye uchandiuraya.
14ところが今あなたは『行って、エリヤはここにいると主人に告げよ』と言われます。そのようなことをすれば彼はわたしを殺すでしょう」。
15Eria akati, NaJehovha wehondo mupenyu, iye wandimire pamberi pake, ndichazviratidza kwaari nhasi zvirokwazvo.
15エリヤは言った、「わたしの仕える万軍の主は生きておられる。わたしは必ず、きょう、わたしの身を彼に示すであろう」。
16Naizvozvo Obhadhiya akaenda kuna Ahabhi, akamuudza Ahabhi akandosangana naEria.
16オバデヤは行ってアハブに会い、彼に告げたので、アハブはエリヤに会おうとして行った。
17Zvino Ahabhi wakati achiona Eria, Ahabhi akati kwaari, Ndiwe here, iwe mutambudzi waIsiraeri?
17アハブはエリヤを見たとき、彼に言った、「イスラエルを悩ます者よ、あなたはここにいるのですか」。
18Iye akati, Ini handina kutambudza Isiraeri; asi ndiwe neimba yababa vako, nekuti makasiya mirairo yaJehovha, mukatevera vaBhaari.
18彼は答えた、「わたしがイスラエルを悩ますのではありません。あなたと、あなたの父の家が悩ましたのです。あなたがたが主の命令を捨て、バアルに従ったためです。
19Naizvozvo zvino chituma vanhu uunganidze vaIsiraeri vose pagomo reKarimeri, navaporofita vaBhaari vana mazana mana vanodya patafura yaIzebheri,
19それで今、人をつかわしてイスラエルのすべての人およびバアルの預言者四百五十人、ならびにアシラの預言者四百人、イゼベルの食卓で食事する者たちをカルメル山に集めて、わたしの所にこさせなさい」。
20Naizvozvo Ahabhi akatuma vanhu kuvana vaIsiraeri vose, akaunganidza vaporofita pagomo reKarimeri.
20そこでアハブはイスラエルのすべての人に人をつかわして、預言者たちをカルメル山に集めた。
21Zvino Eria akaswedera kuvanhu vose, akati, Mucharamba muchikamhina pamifungo miviri kusvikira rinhiko? Kana Jehovha ari Mwari, mumutevere, kana ari Bhaari, mumutevere iye. Asi vanhu havana kupindura shoko rimwe.
21そのときエリヤはすべての民に近づいて言った、「あなたがたはいつまで二つのものの間に迷っているのですか。主が神ならばそれに従いなさい。しかしバアルが神ならば、それに従いなさい」。民はひと言も彼に答えなかった。
22Ipapo Eria akati kuvanhu, Ini, iyeni ndoga, ndini ndasara kuvaporofita vaJehovha, asi vaporofita vaBhaari vanosvika varume vana mazana mana namakumi mashanu.
22エリヤは民に言った、「わたしはただひとり残った主の預言者です。しかしバアルの預言者は四百五十人あります。
23Naizvozvo ngavatipe nzombe mbiri, ivo vazvitsaurire nzombe imwe, vaiguranye, vaiise pamusoro pehuni, asi varege kuisa moto pasi payo; neniwo ndichagadzira imwe nzombe, ndichiisa pamusoro pehuni, asi ndisingaisi moto pasi payo.
23われわれに二頭の牛をください。そして一頭の牛を彼らに選ばせ、それを切り裂いて、たきぎの上に載せ、それに火をつけずにおかせなさい。わたしも一頭の牛を整え、それをたきぎの上に載せて火をつけずにおきましょう。
24Zvino imwi mudane zita ramwari wenyu, ini ndidanewo zita raJehovha, Mwari unopindura nomoto, iye ngaave Mwari. Vanhu vose vakapindura, vakati, Zvarehwa zvakanaka.
24こうしてあなたがたはあなたがたの神の名を呼びなさい。わたしは主の名を呼びましょう。そして火をもって答える神を神としましょう」。民は皆答えて「それがよかろう」と言った。
25Ipapo Eria akati kuvaporofita vaBhaari, Chizvitsaurirai nzombe imwe, mutange kuigadzira, nekuti muri vazhinji; mudane zita ramwari wenyu, asi murege kuisa moto pasi payo.
25そこでエリヤはバアルの預言者たちに言った、「あなたがたは大ぜいだから初めに一頭の牛を選んで、それを整え、あなたがたの神の名を呼びなさい。ただし火をつけてはなりません」。
26Ivo vakatora nzombe yavakanga vapiwa, vakaigadzira, vakadana zita raBhaari kubva mangwanani kusvikira masikati makuru, vachiti, Bhaari, tinzwei! Asi kwakanga kusine inzwi kana unopindura. Vakapoteredza aritari yakanga yavakwa vachipembera.
26彼らは与えられた牛を取って整え、朝から昼までバアルの名を呼んで「バアルよ、答えてください」と言った。しかしなんの声もなく、また答える者もなかったので、彼らは自分たちの造った祭壇のまわりに踊った。
27Zvino panguva yamasikati makuru Eria akavasweveredza, akati, Danidzirai nenzwi guru; nekuti ndimwari, zvimwe ari pakufunga, zvimwe wambosuduruka, zvimwe wafamba rwendo, kana zvimwe uvete hake, anofanira kumutswa.
27昼になってエリヤは彼らをあざけって言った、「彼は神だから、大声をあげて呼びなさい。彼は考えにふけっているのか、よそへ行ったのか、旅に出たのか、または眠っていて起されなければならないのか」。
28Ipapo vakadanidzira kwazvo, vakazvicheka netsika dzavo neminondo namapfumo, kusvikira ropa richidzutuka kwavari.
28そこで彼らは大声に呼ばわり、彼らのならわしに従って、刀とやりで身を傷つけ、血をその身に流すに至った。
29Masikati makuru akati apfuura, vakaporofita kusvikira panguva yokubayira chipo chamadekwana; asi kwakanga kusina inzwi kana unopindura, kana wakange achiteerera.
29こうして昼が過ぎても彼らはなお叫び続けて、夕の供え物をささげる時にまで及んだ。しかしなんの声もなく、答える者もなく、また顧みる者もなかった。
30Ipapo Eria akati kuvanhu vose, Swederai kwandiri, vanhu vose vakaswedera kwaari. Zvino wakagadzira aritari yaJehovha yakanga yaputswa.
30その時エリヤはすべての民にむかって「わたしに近寄りなさい」と言ったので、民は皆彼に近寄った。彼はこわれている主の祭壇を繕った。
31Eria akatora mabwe ane gumi namaviri akaenzana namarudzi avana vaJakove iye wakange audzwa naJehovha zvichinzi, Zita rako richanzi Isiraeri.
31そしてエリヤは昔、主の言葉がヤコブに臨んで、「イスラエルをあなたの名とせよ」と言われたヤコブの子らの部族の数にしたがって十二の石を取り、
32Akavaka aritari namabwe iwayo nezita raJehovha, akachera goronga rakakomba aritari rakanga rakaenzana napangadzvarwa zviyero zviviri zvezviyo.
32その石で主の名によって祭壇を築き、祭壇の周囲に種二セヤをいれるほどの大きさの、みぞを作った。
33Akaronga huni, akaguranya nzombe, akaiisa pamusoro pehuni, akati, Chizadzai zvirongo zvina nemvura, muidire pamusoro pechipiriso chinopiswa, napamusoro pehuni.
33また、たきぎを並べ、牛を切り裂いてたきぎの上に載せて言った、「四つのかめに水を満たし、それを燔祭とたきぎの上に注げ」。
34Akati, Itai izvozvo rwechipiri, vakazviita rwechipiri. Akati, Itai izvozvo rwechitatu; vakazviita rwechitatu.
34また言った、「それを二度せよ」。二度それをすると、また言った、「三度それをせよ」。三度それをした。
35Mvura ikayerera, ikapoteredza aritari; akazadza negorongawo nemvura.
35水は祭壇の周囲に流れた。またみぞにも水を満たした。
36Nenguva yokubayira chipo chamadekwana, muporofita Eria akaswedera, akati, Imi Jehovha, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaIsiraeri, uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uye kuti ndakaita izvi zvose ndarairwa nemi.
36夕の供え物をささげる時になって、預言者エリヤは近寄って言った、「アブラハム、イサク、ヤコブの神、主よ、イスラエルでは、あなたが神であること、わたしがあなたのしもべであって、あなたの言葉に従ってこのすべての事を行ったことを、今日知らせてください。
37Ndinzwei Jehovha, ndinzwei, kuti vanhu ava vazive kuti imwi Jehovha ndimi Mwari, uye kuti ndimi makadzosazve moyo yavo.
37主よ、わたしに答えてください、わたしに答えてください。主よ、この民にあなたが神であること、またあなたが彼らの心を翻されたのであることを知らせてください」。
38Ipapo moto waJehovha wakaburuka, ukapedza chipiriso chinopiswa, nehuni, namabwe, neguruva, ukananzva mvura yakanga iri mugoronga.
38そのとき主の火が下って燔祭と、たきぎと、石と、ちりとを焼きつくし、またみぞの水をなめつくした。
39Vanhu vose vakati vachizviona, vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, Jehovha ndiye Mwari, Jehovha ndiye Mwari!
39民は皆見て、ひれ伏して言った、「主が神である。主が神である」。
40Eria akati kwavari, Batai vaporofita vaBhaari, varege kupukunyuka kunyange nomumwe wavo. Vakavabata. Eria akaburuka navo kurukova Kishoni, akavaurayirapo.
40エリヤは彼らに言った、「バアルの預言者を捕えよ。そのひとりも逃がしてはならない」。そこで彼らを捕えたので、エリヤは彼らをキション川に連れくだって、そこで彼らを殺した。
41Eria akati kuna Ahabhi, Chirongedzai, mudye, mumwe, nekuti kuno kuunga kwemvura zhinji.
41エリヤはアハブに言った、「大雨の音がするから、上って行って、食い飲みしなさい」。
42Naizvozvo Ahabhi akarongedza kundodya nokumwa. Eria akakwira pamusoro pegomo reKarimeri, akagwadamira pasi, akaisa chiso chake pakati pamabvi ake;
42アハブは食い飲みするために上っていった。しかしエリヤはカルメルの頂に登り、地に伏して顔をひざの間に入れていたが、
43akati kumuranda wake, Chikwira zvino, utarire kurutivi rwegungwa. Akakwira akatarira, akati, Hakuna chinhu. Akati, Endazve, kanomwe.
43彼はしもべに言った、「上っていって海の方を見なさい」。彼は上っていって、見て、「何もありません」と言ったので、エリヤは「もう一度行きなさい」と言って七度に及んだ。
44Zvino panguva yechinomwe akati, Tarirai, kune gore duku, rinokwira richibva mugungwa, rakafanana nechanza chomunhu. Akati, Enda, undoti kuna Ahabhi, Sungai ngoro yenyu, muburuke, kuti murege kudzivirirwa nemvura.
44七度目にしもべは言った、「海から人の手ほどの小さな雲が起っています」。エリヤは言った、「上っていって、『雨にとどめられないように車を整えて下れ』とアハブに言いなさい」。
45Zvino nguva duku yakati yapfuura, denga rikasviba namakore nemhepo, mvura zhinji ikanaya Ahabhi akaenda nengoro, akasvika Jezereeri.
45すると間もなく、雲と風が起り、空が黒くなって大雨が降ってきた。アハブは車に乗ってエズレルへ行った。また主の手がエリヤに臨んだので、彼は腰をからげ、エズレルの入口までアハブの前に走っていった。
46Ruoko rwaJehovha rukasimbisa Eria; akazvisunga chivuno chake, akamhanya pamberi paAhabhi kusvikira pasuwo reJezereeri.
46また主の手がエリヤに臨んだので、彼は腰をからげ、エズレルの入口までアハブの前に走っていった。