1Zvino vakagara makore matatu kusino kurwa pakati pavaSiria navaIsiraeri.
1スリヤとイスラエルの間に戦争がなくて三年を経た。
2Zvino negore rechitatu Jehoshafati mambo waJudha wakaburukira kuna mambo waIsiraeri.
2しかし三年目にユダの王ヨシャパテがイスラエルの王の所へ下っていったので、
3Ipapo mambo waIsiraeri akati kuvaranda vake, Munoziva here kuti RamotiGiriyadhi nderedu? Asi isu tigere hedu tinyerere, tisingaritori kuna mambo weSiria.
3イスラエルの王はその家来たちに言った、「あなたがたは、ラモテ・ギレアデがわれわれの所有であることを知っていますか。しかもなおわれわれはスリヤの王の手からそれを取らずに黙っているのです」。
4Akati kuna Jehoshafati, Uchaenda neni kundorwa neRamotiGiriyadhi here? Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, Ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako, namabhiza angu samabhiza ako.
4彼はヨシャパテに言った、「ラモテ・ギレアデで戦うためにわたしと一緒に行かれませんか」。ヨシャパテはイスラエルの王に言った、「わたしはあなたと一つです。わたしの民はあなたの民と一つです。わたしの馬はあなたの馬と一つです」。
5Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, Dombobvunza hako shoko raJehovha nhasi.
5ヨシャパテはまたイスラエルの王に言った、「まず、主の言葉を伺いなさい」。
6Zvino mambo waIsiraeri akaunganidza vaporofita, vanenge varume vaiva namazana mana, akati kwavari, Ndiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana ndirege? Ivo vakati, Endai, nekuti Ishe uchariisa mumaoko amambo.
6そこでイスラエルの王は預言者四百人ばかりを集めて、彼らに言った、「わたしはラモテ・ギレアデに戦いに行くべきでしょうか、あるいは控えるべきでしょうか」。彼らは言った、「上っていきなさい。主はそれを王の手にわたされるでしょう」。
7Asi Jehoshafati akati, Hakuchina mumwe muporofita waJehovha pano here, timubvunze?
7ヨシャパテは言った、「ここには、われわれの問うべき主の預言者がほかにいませんか」。
8Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Mumwe murume uchiriko, Mikaya mwanakomana waImira, watingabvunza kuda kwaJehovha naye, asi ini ndinomuvenga, nekuti haaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa. Jehoshafati akati, Mambo ngaarege kudaro.
8イスラエルの王はヨシャパテに言った、「われわれが主に問うことのできる人が、まだひとりいます。イムラの子ミカヤです。彼はわたしについて良い事を預言せず、ただ悪い事だけを預言するので、わたしは彼を憎んでいます」。ヨシャパテは言った、「王よ、そう言わないでください」。
9Zvino mambo waIsiraeri akadana muranda, akati, Kurumidza undotora Mikaya mwanakomana waImira.
9そこでイスラエルの王は役人を呼んで、「急いでイムラの子ミカヤを連れてきなさい」と言った。
10Zvino mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakanga vagere mumwe nomumwe pachigaro chake choushe, vakafuka nguvo dzavo dzoushe padare pasuwo reSamaria; vaporofita vose vakaporofita pamberi pavo.
10さてイスラエルの王およびユダの王ヨシャパテは王の服を着て、サマリヤの門の入口の広場に、おのおのその王座にすわり、預言者たちは皆その前で預言していた。
11Zedhekia mwanakomana waKenaani akazviitira nyanga dzamatare, akati, Zvanzi naJehovha, Nedzidzi muchatunga vaSiria, kusvikira vapera.
11ケナアナの子ゼデキヤは鉄の角を造って言った、「主はこう仰せられます、『あなたはこれらの角をもってスリヤびとを突いて彼らを滅ぼしなさい』」。
12Navamwe vaporofita vose vakaporofita saizvozvo, vakati, Endai Ramotigiteadhi, muchakunda, nekuti Jehovha uchariisa muruoko rwamambo.
12預言者たちは皆そのように預言して言った、「ラモテ・ギレアデに上っていって勝利を得なさい。主はそれを王の手にわたされるでしょう」。
13Zvino nhume yakanga yandodana Mikaya yakataura kwaari, ikati, Tarirai, mashoko avaporofita anobvumirana achitaura zvakanaka kuna mambo; zvino ndinokumbira kuti shoko renyu rive seshoko romumwe wavo, mutaurewo zvakanaka.
13さてミカヤを呼びにいった使者は彼に言った、「預言者たちは一致して王に良い事を言いました。どうぞ、あなたも、彼らのひとりの言葉のようにして、良い事を言ってください」。
14Ipapo Mikaya akati, NaJehovha mupenyu, izvo zvinorehwa naJehovha kwandiri, ndizvo zvandichataura.
14ミカヤは言った、「主は生きておられます。主がわたしに言われる事を申しましょう」。
15Zvino wakati achisvika kuna mambo, mambo akati kwaari, Mikaya, tiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana tirege? Akapindura, akati, Endai henyu, muchakunda, nekuti Jehovha uchariisa muruoko rwamambo.
15彼が王の所へ行くと、王は彼に言った、「ミカヤよ、われわれはラモテ・ギレアデに戦いに行くべきでしょうか、あるいは控えるべきでしょうか」。彼は王に言った、「上っていって勝利を得なさい。主はそれを王の手にわたされるでしょう」。
16Mambo akati kwaari, Ndinofanira kukupikisa kangani kuti undiudze chokwadi yoga nezita raJehovha?
16しかし王は彼に言った、「幾たびあなたを誓わせたら、あなたは主の名をもって、ただ真実のみをわたしに告げるでしょうか」。
17Iye akati, Ndaona vaIsiraeri vose vakapararira pamakomo samakwai asina mufudzi, Jehovha akati, Ava havana tenzi, mumwe nomumwe ngaadzokere kumusha kwake norugare.
17彼は言った、「わたしはイスラエルが皆、牧者のない羊のように、山に散っているのを見ました。すると主は『これらの者は飼主がいない。彼らをそれぞれ安らかに、その家に帰らせよ』と言われました」。
18Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Handina kukuudza here? Kuti haangaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa?
18イスラエルの王はヨシャパテに言った、「彼がわたしについて良い事を預言せず、ただ悪い事だけを預言すると、あなたに告げたではありませんか」。
19Mikaya akati, Zvino chinzwai shoko raJehovha, Ndakaona Jehovha agere pachigaro chake choushe, nehondo dzose dzokudenga dzimire naye kurudyi rwake nokuruboshwe rwake.
19ミカヤは言った、「それゆえ主の言葉を聞きなさい。わたしは主がその玉座にすわり、天の万軍がそのかたわらに、右左に立っているのを見たが、
20Ipapo Jehovha akati, Ndianiko uchandonyengera Ahabhi, aende, andourawa paRamotiGiriyadhi? Zvino mumwe akati zvokuti, nomumwezve akati zvokuti.
20主は『だれがアハブをいざなってラモテ・ギレアデに上らせ、彼を倒れさせるであろうか』と言われました。するとひとりはこの事を言い、ひとりはほかの事を言いました。
21Zvino mweya ukabuda, ukamira pamberi paJehovha, ukati, Ini ndichandomunyengera.
21その時一つの霊が進み出て、主の前に立ち、『わたしが彼をいざないましょう』と言いました。
22Jehovha akati kwauri, Neiko? Iwo ukati, Ndichaenda, ndichava mweya wenhema mumiromo yavaporofita vake vose. Iye akati, Iwe ndiwe uchamunyengera, uchakundawo; enda hako, undoita saizvozvo.
22主は『どのような方法でするのか』と言われたので、彼は『わたしが出て行って、偽りを言う霊となって、すべての預言者の口に宿りましょう』と言いました。そこで主は『おまえは彼をいざなって、それを成し遂げるであろう。出て行って、そうしなさい』と言われました。
23Naizvozvo zvino, tarirai Jehovha wakaisa mweya wenhema mumiromo yavaporofita venyu ava vose, asi Jehovha wakataura zvakaipa pamusoro penyu.
23それで主は偽りを言う霊をあなたのすべての預言者の口に入れ、また主はあなたの身に起る災を告げられたのです」。
24Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaani akaswedera, akarova Mikaya padama rake, akati, Mweya waJehovha wakaenda nepiko uchibva kwandiri kundotaura newe?
24するとケナアナの子ゼデキヤは近寄って、ミカヤのほおを打って言った、「どのようにして主の霊がわたしを離れて、あなたに語りましたか」。
25Mikaya akati, Uchazviona musi uyo wauchandovanda mukamuri yomukati.
25ミカヤは言った、「あなたが奥の間にはいって身を隠すその日に、わかるでしょう」。
26Ipapo mambo waIsiraeri akati, Batai Mikaya, mumuise kuna Amoni mubati weguta, nokuna Joashi mwanakomana wamambo,
26イスラエルの王は言った、「ミカヤを捕え、町のつかさアモンと、王の子ヨアシの所へ引いて帰って、
27muti, Zvanzi namambo, pinzai munhu uyu mutirongo, mumupe zvokudya zvokutambudzika, nemvura yokutambudzika, kusvikira ndichidzoka norugare.
27言いなさい、『王がこう言います、この者を獄屋に入れ、わずかのパンと水をもって彼を養い、わたしが勝利を得て帰ってくるのを待て』」。
28Ipapo Mikaya akati, Kana mukadzoka norugare, Jehovha haana kutaura neni. Akati, Inzwai, imwi vanhu, imwi mose.
28ミカヤは言った、「もしあなたが勝利を得て帰ってこられるならば、主がわたしによって語られなかったのです」。また彼は言った、「あなたがた、すべての民よ、聞きなさい」。
29Naizvozvo mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakaenda RamotiGiriyadhi.
29こうしてイスラエルの王とユダの王ヨシャパテはラモテ・ギレアデに上っていった。
30Zvino mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Ini ndichazvishandura, ndigondorwa; asi iwe chifuka nguvo dzangu dzoushe. Mambo waIsiraeri akazvishandura, akandorwa.
30イスラエルの王はヨシャパテに言った、「わたしは姿を変えて、戦いに行きます。あなたは王の服を着けなさい」。イスラエルの王は姿を変えて戦いに行った。
31Zvino mambo weSiria wakange araira vatariri vengoro dzake, vana makumi matatu navaviri, akati, Regai kurwa navaduku kana navakuru, asi namambo waIsiraeri oga.
31さて、スリヤの王は、その戦車長三十二人に命じて言った、「あなたがたは、小さい者とも大きい者とも戦わないで、ただイスラエルの王とだけ戦いなさい」。
32Zvino vatariri vengoro vakati vachiona Jehoshafati, vakati, Zvirokwazvo ndiye mambo waIsiraeri. Vakatsaukira kundorwa naye; zvino Jehoshafati akaridza mhere.
32戦車長らはヨシャパテを見たとき、これはきっとイスラエルの王だと思ったので、身をめぐらして、これと戦おうとすると、ヨシャパテは呼ばわった。
33Ipapo vatariri vengoro vakati vachiona kuti haazi mambo waIsiraeri, vakadzoka pakumutevera.
33戦車長らは彼がイスラエルの王でないのを見たので、彼を追うことをやめて引き返した。
34Zvino mumwe murume akabwembura uta hwake asingashumbi, hake, akafura mambo waIsiraeri pakati pezvisungo zvenguvo dzake dzokurwa nadzo, ipapo mambo akati kumufambisi wengoro yake, Dzoka, undiise kunze kwehondo, nekuti ndakuvadzwa kwazvo.
34しかし、ひとりの人が何心なく弓をひいて、イスラエルの王の胸当と草摺の間を射たので、彼はその戦車の御者に言った、「わたしは傷を受けた。戦車をめぐらして、わたしを戦場から運び出せ」。
35Kurwa kukanyanya kwazvo nomusi uyo; mambo akatsigirwa mungoro yake pakurwa navaSiria, akafa madekwana; ropa rikabuda pavanga rikaerera mukati mengoro.
35その日戦いは激しくなった。王は戦車の中にささえられて立ち、スリヤびとにむかっていたが、ついに、夕暮になって死んだ。傷の血は戦車の底に流れた。
36Zvino zuva rakati rovira mhere ikanzwika pahondo yose, ichiti, Mumwe nomumwe ngaadzokere kuguta rake, mumwe nomumwe kunyika yake.
36日の没するころ、軍勢の中に呼ばわる声がした、「めいめいその町へ、めいめいその国へ帰れ」。
37Naizvozvo mambo akafa, akaiswa Samaria, vakaviga mambo paSamaria.
37王は死んで、サマリヤへ携え行かれた。人々は王をサマリヤに葬った。
38Vakasuka ngoro padziva reSamaria, imbwa dzikananzva ropa rake, ndipo paishamba zvifeve; sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha.
38またその戦車をサマリヤの池で洗ったが、犬がその血をなめた。また遊女がそこで身を洗った。主が言われた言葉のとおりである。
39Zvino mamwe mabasa aAhabhi, nezvose zvaakaita, neimba yenyanga dzenzou yaakavaka, namaguta ose aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
39アハブのそのほかの事績と、彼がしたすべての事と、その建てた象牙の家と、その建てたすべての町は、イスラエルの王の歴代志の書にしるされているではないか。
40Naizvozvo Ahabhi akavata namadzibaba ake, Ahazia mwanakomana wake akamutevera paushe.
40こうしてアハブはその先祖と共に眠って、その子アハジヤが代って王となった。
41Zvino Jehoshafati mwanakomana waAsa, wakatanga kubata ushe hwaJudha negore rechina raAhabhi mambo waIsiraeri.
41アサの子ヨシャパテはイスラエルの王アハブの第四年にユダの王となった。
42Jehoshafati wakange ava namakore makumi matatu namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata makore makumi maviri namashanu paJerusaremu. Zita ramai vake rakanga riri Azubha, mukunda waShirihi.
42ヨシャパテは王となった時、三十五歳であったが、エルサレムで二十五年世を治めた。その母の名はアズバといい、シルヒの娘であった。
43Akafamba panzira dzose dzababa vake Asa; haana kutsauka padziri, asi wakaita zvakarurama pamberi paJehovha; kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachingobayira nokupisira zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira.
43ヨシャパテは父アサのすべての道に歩み、それを離れることなく、主の目にかなう事をした。ただし高き所は除かなかったので、民はなお高き所で犠牲をささげ、香をたいた。
44Jehoshafati akayanana namambo waIsiraeri.
44ヨシャパテはまたイスラエルの王と、よしみを結んだ。
45Zvino mamwe mabasa aJehoshafati, nesimba rakaonekwa kwaari, nokurwa kwake, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
45ヨシャパテのその他の事績と、彼があらわした勲功およびその戦争については、ユダの王の歴代志の書にしるされているではないか。
46VaSodhomiwo vakanga vasiiwa pamazuva aAsa baba vake, akavabvisawo panyika.
46彼は父アサの世になお残っていた神殿男娼たちを国のうちから追い払った。
47Asi paEdhomu pakanga pasina mambo mumwe wakange achibata panzvimbo yamambo.
47そのころエドムには王がなく、代官が王であった。
48Jehoshafati akavaka zvikepe zveTarishishi kuenda Ofiri kuzotora ndarama; asi hazvina kuenda, nekuti zvikepe zvakaputsika paEZiyonigebheri.
48ヨシャパテはタルシシの船を造って、金を獲るためにオフルに行かせようとしたが、その船はエジオン・ゲベルで難破したため、ついに行かなかった。
49Zvino Ahazia mwanakomana waAhabhi akati kuna Jehoshafati, Varanda vangu ngavaende navaranda vako nezvikepe. Asi Jehoshafati wakaramba.
49そこでアハブの子アハジヤはヨシャパテに「わたしの家来をあなたの家来と一緒に船で行かせなさい」と言ったが、ヨシャパテは承知しなかった。
50Jehoshafati akavata namadzibaba ake, akavigwa kuna madzibaba ake paguta raDhavhidhi baba vake, Jehorami mwanakomana wake akamutevera paushe.
50ヨシャパテはその先祖と共に眠って、父ダビデの町に先祖と共に葬られ、その子ヨラムが代って王となった。
51Ahazia mwanakomana waAhabhi, akatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria pagore regumi namanomwe raJehoshafati mambo waJudha, akabata ushe hwaIsiraeri makore maviri.
51アハブの子アハジヤはユダの王ヨシャパテの第十七年にサマリヤでイスラエルの王となり、二年イスラエルを治めた。
52Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yababa vake, uye nenzira yamai vake, uye nenzira yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakatadzisa Isiraeri.
52彼は主の目の前に悪を行い、その父の道と、その母の道、およびかのイスラエルに罪を犯させたネバテの子ヤラベアムの道に歩み、バアルに仕えて、それを拝み、イスラエルの神、主を怒らせた。すべて彼の父がしたとおりであった。
53Nekuti wakashumira Bhaari, akanamata kwaari, akatsamwisa Jehovha Mwari waIsiraeri, sezvakaita baba vake pazvose.
53バアルに仕えて、それを拝み、イスラエルの神、主を怒らせた。すべて彼の父がしたとおりであった。