1Zvino vaMoabhu vakamukira vaIsiraeri, shure kokufa kwaAhabhi.
1アハブが死んだ後、モアブはイスラエルにそむいた。
2Zvino Ahazia wakange awira pasi napahwindo yekamuri yake yokumusoro, yaiva paSamaria, akarwara akatuma nhume, akati kwavari, Endai mundobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi, kana ndichapora pakurwara uku.
2さてアハジヤはサマリヤにある高殿のらんかんから落ちて病気になったので、使者をつかわし、「行ってエクロンの神バアル・ゼブブに、この病気がなおるかどうかを尋ねよ」と命じた。
3Asi mutumwa waJehovha akati kuna Eria muTishibhi, Simuka undosangana nenhume dzamambo weSamaria, uti kwavari, Asi hapana Mwari here pakati paIsiraeri, zvamondobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi?
3時に、主の使はテシベびとエリヤに言った、「立って、上って行き、サマリヤの王の使者に会って言いなさい、『あなたがたがエクロンの神バアル・ゼブブに尋ねようとして行くのは、イスラエルに神がないためか』。
4Naizvozvo zvanzi naJehovha, Haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa. Eria akabva.
4それゆえ主はこう仰せられる、『あなたは、登った寝台から降りることなく、必ず死ぬであろう』」。そこでエリヤは上って行った。
5Ipapo nhume dzakadzokera kwaari, iye akati kwavari, Madzokereiko?
5使者たちがアハジヤのもとに帰ってきたので、アハジヤは彼らに言った、「なぜ帰ってきたのか」。
6Ivo vakati kwaari, Mumwe murume wakauya akasangana nesu, akati kwatiri, Endai, dzokerai kuna mambo wakakutumai, muti kwaari, Zvanzi naJehovha, asi hapana Mwari here pakati paIsiraeri, zvawotuma vanhu kundobvunza Bhaarizebhubhi mwari weEkironi? Naizvozvo haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa.
6彼らは言った、「ひとりの人が上ってきて、われわれに会って言いました、『おまえたちをつかわした王の所へ帰って言いなさい。主はこう仰せられる、あなたがエクロンの神バアル・ゼブブに尋ねようとして人をつかわすのは、イスラエルに神がないためなのか。それゆえあなたは、登った寝台から降りることなく、必ず死ぬであろう』」。
7Akati kwavari, Murume, wakauya akasangana nemi, akakuudzai mashoko awo, wakange akadiniko?
7アハジヤは彼らに言った、「上ってきて、あなたがたに会って、これらの事を告げた人はどんな人であったか」。
8Vakamupindura vakati, wakange ari murume wakafuka nguvo yemvere, akazvisunga chiuno chake nebhanhire reganda. Iye akati, Ndiye Eria muTishibhi.
8彼らは答えた、「その人は毛ごろもを着て、腰に皮の帯を締めていました」。彼は言った、「その人はテシべびとエリヤだ」。
9Ipapo mambo akatuma kwaari mukuru wavarume vana makumi mashanu, ana vanhu vake vana makumi mashanu. Iye akakwira kwaari, akamuwana agere pamusoro pegomo. Akati kwaari, Nhai munhu waMwari, zvanzi namambo, Burukai.
9そこで王は五十人の長を、部下の五十人と共にエリヤの所へつかわした。彼がエリヤの所へ上っていくと、エリヤは山の頂にすわっていたので、エリヤに言った、「神の人よ、王があなたに、下って来るようにと言われます」。
10Eria akapindura, akati kumukuru wavana makumi mashanu, Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke kudenga, ukuparadze iwe navanhu vako vana makumi mashanu. Ipapo moto ukaburuka kudenga, ukamuparadza iye navanhu vake vana makumi mashanu.
10しかしエリヤは五十人の長に答えた、「わたしがもし神の人であるならば、火が天から下って、あなたと部下の五十人とを焼き尽すでしょう」。そのように火が天から下って、彼と部下の五十人とを焼き尽した。
11Akatumazve kwaari mumwe mukuru wavana makumi mashanu. Iye akapindura, akati kwaari, Nhai munhu waMwari, zvanzi namambo, Kurumidzai muburuke.
11王はまた他の五十人の長を、部下の五十人と共にエリヤにつかわした。彼は上っていってエリヤに言った、「神の人よ、王がこう命じられます、『すみやかに下ってきなさい』」。
12Eria akapindura, akati kwavari, Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke kudenga, ukuparadze iwe navanhu vako vana makumi mashanu. Ipapo moto waMwari ukaburuka kudenga, ukamuparadza iye navanhu vake vana makumi mashanu.
12しかしエリヤは彼らに答えた、「わたしがもし神の人であるならば、火が天から下って、あなたと部下の五十人とを焼き尽すでしょう」。そのように神の火が天から下って、彼と部下の五十人とを焼き尽した。
13Akatumazve mumwe mukuru wavana makumi mashanu; wechitatu, anavanhu vake vana makumi mashanu. Zvino iye mukuru wavana makumi mashanu, wechitatu, akakwira, akapfugama namabvi ake pamberi paEria, akakumbira, akati kwaari, Haiwa, munhu waMwari, upenyu hwangu nohwavaranda venyu ava vana makumi mashanu, ngachive chinhu chinokosha pamberi penyu.
13王はまた第三の五十人の長を部下の五十人と共につかわした。第三の五十人の長は上っていって、エリヤの前にひざまずき、彼に願って言った、「神の人よ、どうぞ、わたしの命と、あなたのしもべであるこの五十人の命をあなたの目に尊いものとみなしてください。
14Tarirai, moto wakaburuka kudenga, ukapisa vakuru vaviri vavana makumi mashanu vokutanga navanhu vavo vana makumi mashanu; naizvozvo upenyu hwangu zvino ngachive chinhu chinokosha pamberi penyu.
14ごらんなさい、火が天からくだって、さきの五十人の長ふたりと、その部下の五十人ずつとを焼き尽しました。しかし今わたしの命をあなたの目に尊いものとみなしてください」。
15Ipapo mutumwa waJehovha akati kuna Eria, Buruka naye, usamutya hako. Akasimuka, akaenda naye kuna mambo.
15その時、主の使はエリヤに言った、「彼と共に下りなさい。彼を恐れてはならない」。そこでエリヤは立って、彼と共に下り、王のもとへ行って、
16Akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Zvawakatuma nhume kundobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi, asi hapana Mwari here pakati paIsiraeri, waungabvunza shoko rake? Naizvozvo haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa.
16王に言った、「主はこう仰せられます、『あなたはエクロンの神バアル・ゼブブに尋ねようと使者をつかわしたが、それはイスラエルに、その言葉を求むべき神がないためであるか。それゆえあなたは、登った寝台から降りることなく、必ず死ぬであろう』」。
17Naizvozvo akafa seshoko raJehovha rakanga rarehwa naEria. Jehoramu akamutevera paushe, akatanga kubata ushe pagore rechipiri reJehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha; nekuti iye wakange asina mwana.
17彼はエリヤが言った主の言葉のとおりに死んだが、彼に子がなかったので、その兄弟ヨラムが彼に代って王となった。これはユダの王ヨシャパテの子ヨラムの第二年である。アハジヤのその他の事績は、イスラエルの王の歴代志の書にしるされているではないか。
18Mamwe mabasa aAhazia aakabata, haana kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
18アハジヤのその他の事績は、イスラエルの王の歴代志の書にしるされているではないか。