1Zvino Soromoni wakaunganidza vakuru vaIsiraeri, navakuru vose vamarudzi, iwo machinda edzimba dzamadzibaba avana vaIsiraeri, kuna mambo Soromoni paJerusaremu, akakwidza areka yesungano yaJehovha, ibve paguta raDhavhidhi, iro Ziyoni.
1ソロモンは主の契約の箱をダビデの町、すなわちシオンからかつぎ上ろうとして、イスラエルの長老たちと、すべての部族のかしらたちと、イスラエルの人々の氏族の長たちをエルサレムでソロモン王のもとに召し集めた。
2Varume vose vaIsiraeri vakaungana kuna mambo Soromoni pamutambo pamwedzi weEtanimi, ndiwo mwedzi wechinomwe.
2イスラエルの人は皆エタニムの月すなわち七月の祭にソロモン王のもとに集まった。
3Ipapo vakuru vose vaIsiraeri vakauya, vapristi vakasimudza areka.
3イスラエルの長老たちが皆来たので、祭司たちは箱を取りあげた。
4Vakakwira neareka yaJehovha netende rokusangana, nemidziyo mitsvene yose yaiva muTende, vapristi navaRevhi vakakwira nayo.
4そして彼らは主の箱と、会見の幕屋と、幕屋にあるすべての聖なる器をかつぎ上った。すなわち祭司とレビびとがこれらの物をかつぎ上った。
5Mambo Soromoni, neungano yose yavaIsiraeri yakanga yaunganira kwaari, vakafamba naye pamberi peareka, vakabayira makwai nenzombe, zvakanga zvisingagoni kurahwa kana kuverengwa nokuwanda kwazvo.
5ソロモン王および彼のもとに集まったイスラエルの会衆は皆彼と共に箱の前で、羊と牛をささげたが、その数が多くて調べることも数えることもできなかった。
6Ipapo vapristi vakagadzika areka yesungano yaJehovha panzvimbo yayo, panzvimbo tsvene yeimba, panzvimbo tsvene-tsvene, ipo panyasi pamapapiro amakerubhi.
6祭司たちは主の契約の箱をその場所にかつぎ入れた。すなわち宮の本殿である至聖所のうちのケルビムの翼の下に置いた。
7nekuti makerubhi akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka, makerubhi akafukidza areka namatanda ayo nechokumusoro.
7ケルビムは翼を箱の所に伸べていたので、ケルビムは上から箱とそのさおをおおった。
8Matanda akanga akareba; naizvozvo miromo yamatanda yakanga ichionekwa kana munhu ari panzvimbo tsvene pamberi penzvimbo pangataura Jehovha; asi akanga asingawonekwi nechokunze; achiripo kusvikira nhasi.
8さおは長かったので、さおの端が本殿の前の聖所から見えた。しかし外には見えなかった。そのさおは今日までそこにある。
9Mukati meareka makanga musisine chinhu, asi mabwendefa maviri amabwe, akanga aiswamo naMozisi paHorebhu, nguva Jehovha yaakaita sungano nayo navana vaIsiraeri pakubuda kwavo panyika
9箱の内には二つの石の板のほか何もなかった。これはイスラエルの人々がエジプトの地から出たとき、主が彼らと契約を結ばれたときに、モーセがホレブで、それに納めたものである。
10Zvino vapristi vakati vabuda panzvimbo tsvene, gore rikazadza imba yaJehovha,
10そして祭司たちが聖所から出たとき、雲が主の宮に満ちたので、
11naizvozvo vapristi vakanga vasingagoni kumira pabasa nokuda kwegore; nekuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba yaJehovha.
11祭司たちは雲のために立って仕えることができなかった。主の栄光が主の宮に満ちたからである。
12Ipapo Soromoni akati, Jehovha wakati, ndinoda kugara mukati merima guru.
12そこでソロモンは言った、「主は日を天に置かれた。しかも主は自ら濃き雲の中に住まおうと言われた。
13Zvirokwazvo, ndakakuvakirai imba pamungagara, nzvimbo mamungagara nokusingaperi.
13わたしはあなたのために高き家、とこしえのみすまいを建てた」。
14Zvino mambo akatendeudza chiso chake, akaropafadza ungano yose yaIsiraeri, ungano yose yaIsiraeri ikasimuka.
14王は身をめぐらして、イスラエルのすべての会衆を祝福した。その時イスラエルのすべての会衆は立っていた。
15Akati, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye wakataura nomuromo wake naDhavhidhi baba vangu, akazvizadzisa noruoko rwake, achiti,
15彼は言った、「イスラエルの神、主はほむべきかな。主はその口をもってわたしの父ダビデに約束されたことを、その手をもってなし遂げられた。主は言われた、
16Kubva pazuva randakabudisa vanhu vangu vaIsiraeri paEgipita, handina kutsaura guta rimwe pamarudzi ose aIsiraeri, pavangandivakira imba, kuti zita rangu rigarepo; asi ndakatsaura Dhavhidhi abate vanhu vangu vaIsiraeri.
16『わが民イスラエルをエジプトから導き出した日から、わたしはわたしの名を置くべき宮を建てるために、イスラエルのもろもろの部族のうちから、どの町をも選んだことがなかった。ただダビデを選んで、わが民イスラエルの上に立たせた』と。
17Zvino Dhavhidhi baba vangu vakanga vachida kuvakira zita raJehovha Mwari walsiraeri imba.
17イスラエルの神、主の名のために宮を建てることは、わたしの父ダビデの心にあった。
18Asi Jehovha wakati kuna Dhavhidhi baba vangu, Wakaita zvakanaka, zvawakanga uchida kuvakira zita rangu imba.
18しかし主はわたしの父ダビデに言われた、『わたしの名のために宮を建てることはあなたの心にあった。あなたの心にこの事のあったのは結構である。
19Kunyange zvakadaro iwe haungavaki imba iyo, asi mwanakomana wako wauchabereka, ndiye uchavakira zita rangu imba.
19けれどもあなたはその宮を建ててはならない。あなたの身から出るあなたの子がわたしの名のために宮を建てるであろう』と。
20Zvino Jehovha wasimbisa shoko rake raakataura, nekuti ini ndamuka panzvimbo yaDhavhidhi baba vangu, ndikagara pachigaro choushe chaIsiraeri, sezvakapikira Jehovha, ndikavakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri, imba.
20そして主はその言われた言葉を行われた。すなわちわたしは父ダビデに代って立ち、主が言われたように、イスラエルの位に座し、イスラエルの神、主の名のために宮を建てた。
21Imomo ndakagadzirira areka nzvimbo, imo munesungano yaJehovha, yaakaita namadzibaba edu panguva yaakavabudisa panyika yeEgipita.
21わたしはまたそこに主の契約を納めた箱のために一つの場所を設けた。その契約は主がわれわれの先祖をエジプトの地から導き出された時に、彼らと結ばれたものである」。
22Zvino Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha, pamberi peungano yose yalsiraeri, akatambanudzira maoko ake kudenga,
22ソロモンはイスラエルの全会衆の前で、主の祭壇の前に立ち、手を天に伸べて、
23akati, Jehovha, Mwari waIsiraeri, hakuna mumwe Mwari wakafanana nemwi kudenga kumusoro kana panyika pasi; munorangarira sungano nenyasha kuvaranda venyu, vanofamba pamberi penyu nomoyo wavo wose.
23言った、「イスラエルの神、主よ、上の天にも、下の地にも、あなたのような神はありません。あなたは契約を守られ、心をつくしてあなたの前に歩むあなたのしもべらに、いつくしみを施し、
24Imi makaitira muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, sezvamakamupikira; makataura nomuromo wenyu, mukazviita noruoko rwenyu, sezvazvakaita nhasi.
24あなたのしもべであるわたしの父ダビデに約束されたことを守られました。あなたが口をもって約束されたことを、手をもってなし遂げられたことは、今日見るとおりであります。
25Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, itirai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu sezvamakamupikira, muchiti, Haungashaiwi munhu uchagara pachigaro choushe chaIsiraeri pamberi pangu, kana vana vako vakangwarira kufamba kwavo, vakafamba pamberi pangu, sezvawakafamba iwe pamberi pangu.
25それゆえ、イスラエルの神、主よ、あなたのしもべであるわたしの父ダビデに、あなたが約束して『おまえがわたしの前に歩んだように、おまえの子孫が、その道を慎んで、わたしの前に歩むならば、おまえにはイスラエルの位に座する人が、わたしの前に欠けることはないであろう』と言われたことを、ダビデのために守ってください。
26Naizvozvo zvino, Mwari waIsiraeri, ndinokumbira kuti shoko renyu riitike, iro ramakataura kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu.
26イスラエルの神よ、どうぞ、あなたのしもべであるわたしの父ダビデに言われた言葉を確認してください。
27Ko mukati Mwari ungagara panyika here? Tarira, denga nokudenga-denga hazvingamuringani; ndoda imba ino yandakavaka!
27しかし神は、はたして地上に住まわれるでしょうか。見よ、天も、いと高き天もあなたをいれることはできません。ましてわたしの建てたこの宮はなおさらです。
28Kunyange zvakadaro, ivai nehanya nomunyengetero womuranda wenyu, nokukumbira kwake, Jehovha Mwari wangu, munzwe kudanidzira nokunyengetera komuranda wenyu, kwaanonyengetera pamberi penyu nhasi;
28しかしわが神、主よ、しもべの祈と願いを顧みて、しもべがきょう、あなたの前にささげる叫びと祈をお聞きください。
29meso enyu arambe achirindira imba ino usiku namasikati, nzvimbo iyi yamakataura pamusoro payo, muchiti, Zita rangu richagarapo; inzwai munyengetero womuranda wenyu waanozonyengetera akatarira kunzvimbo ino.
29あなたが『わたしの名をそこに置く』と言われた所、すなわち、この宮に向かって夜昼あなたの目をお開きください。しもべがこの所に向かって祈る祈をお聞きください。
30Inzwai kukumbira komuranda wenyu, nokwavanhu venyu vaIsiraeri, kana vachizonyengetera vakatarira kunzvimbo ino; donzwai henyu iko kumatenga, kwamunogara; zvino kana mukanzwa, muvakangamwire henyu.
30しもべと、あなたの民イスラエルがこの所に向かって祈る時に、その願いをお聞きください。あなたのすみかである天で聞き、聞いておゆるしください。
31Kana munhu achinge atadzira waanogara naye, akapikiswa mhiko, akauya akapika pamberi pearitari yenyu muimba ino,
31もし人がその隣り人に対して罪を犯し、誓いをすることを求められる時、来てこの宮であなたの祭壇の前に誓うならば、
32inzwai iko kudenga, muite, mururamisire varanda venyu, mupe wakaipa mhosva, arobwe pamusoro pomufambiro wake; asi mururamisire wakarurama, apiwe zvakafanira kururama kwake.
32あなたは天で聞いて行い、あなたのしもべらをさばき、悪人を罰して、そのおこないの報いをそのこうべに帰し、義人を義として、その義にしたがって、その人に報いてください。
33Kana vanhu venyu vaIsiraeri vachinge vakundwa navavengi vavo, nemhaka yokuti vakanga vakutadzirai; kana vakadzokerazve kwamuri, vakatenda zita renyu, vakanyengetera kwamuri nokukumbira muimba ino;
33もしあなたの民イスラエルが、あなたに対して罪を犯したために敵の前に敗れた時、あなたに立ち返って、あなたの名をあがめ、この宮であなたに祈り願うならば、
34inzwai iko kudenga, mukangamwire zvivi zvavanhu venyu vaIsiraeri, muvadzoserezve kunyika yamakapa madzibaba avo.
34あなたは天にあって聞き、あなたの民イスラエルの罪をゆるして、あなたが彼らの先祖に賜わった地に彼らを帰らせてください。
35Kana denga richinge razarirwa, mvura ikasanaya nemhaka yokuti vakanga vakutadzirai; kana vakanyengetera vakatarira kunzvimbo ino, vakatenda zita renyu, vakatendeuka pazvivi zvavo, nekuti munenge mavarova;
35もし彼らがあなたに罪を犯したために、天が閉ざされて雨がなく、あなたが彼らを苦しめられる時、彼らがこの所に向かって祈り、あなたの名をあがめ、その罪を離れるならば、
36inzwai iko kudenga, mukangamwire zvivi zvavaranda venyu, nezvevanhu venyu vaIsiraeri, nekuti munovadzidzisa nzira yakanaka yavanofanira kufamba nayo; munise mvura panyika iyo yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo.
36あなたは天で聞き、あなたのしもべ、あなたの民イスラエルの罪をゆるし、彼らに歩むべき良い道を教えて、あなたが、あなたの民に嗣業として与えられた地に雨を降らせてください。
37Kana nzara ikavapo panyika, kana denda rikavapo, kana nyunje nokuvhuvha zvikavapo, nemhashu nehonye; kana vavengi vavo vakavakomba panyika ina maguta avo; kana nyatwa kana hosha ipi neipi ikavapo;
37もし国にききんがあるか、もしくは疫病、立ち枯れ、腐り穂、いなご、青虫があるか、もしくは敵のために町の中に攻め囲まれることがあるか、どんな災害、どんな病気があっても、
38kana munhu upi noupi, kana vanhu venyu vose vaIsiraeri vakanyengetera kana kukumbira, mumwe nomumwe achiziva kutambudzika kuri pamoyo pake, akatambanudzira maoko ake kuimba ino;
38もし、だれでも、あなたの民イスラエルがみな、おのおのその心の悩みを知って、この宮に向かい、手を伸べるならば、どんな祈、どんな願いでも、
39inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, mukangamwire, muite, muripire mumwe nomumwe zvakafanira mufambiro wake wose, iye wamunoziva moyo wake; nekuti imi, imwi moga, ndimi munoziva moyo yavana vavanhu vose;
39あなたは、あなたのすみかである天で聞いてゆるし、かつ行い、おのおのの人に、その心を知っておられるゆえ、そのすべての道にしたがって報いてください。ただ、あなただけ、すべての人の心を知っておられるからです。
40kuti vakutyei mazuva ose oupenyu hwavo pachiso chenyika yamakapa madzibaba edu.
40あなたが、われわれの先祖に賜わった地に、彼らの生きながらえる日の間、常にあなたを恐れさせてください。
41Zvino kana ari mutorwa, asati ari wavanhu venyu vaIsiraeri, kana akabva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu;
41またあなたの民イスラエルの者でなく、あなたの名のために遠い国から来る異邦人が、
42nekuti vachazonzwa mukurumbira wezita renyu guru, noworuoko rwenyu rune simba, noruoko rwenyu rwakatambanudzwa kana akauya akanyengetera akatarira kuimba ino;
42――それは彼らがあなたの大いなる名と、強い手と、伸べた腕とについて聞き及ぶからです、――もしきて、この宮に向かって祈るならば、
43inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose sezvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri, vazive kuti imba ino yandakavaka yakatumidzwa zita renyu.
43あなたは、あなたのすみかである天で聞き、すべて異邦人があなたに呼び求めることをかなえさせてください。そうすれば、地のすべての民は、あなたの民イスラエルのように、あなたの名を知り、あなたを恐れ、またわたしが建てたこの宮があなたの名によって呼ばれることを知るにいたるでしょう。
44Kana vanhu venyu vakandorwa hondo navavengi vavo nenzira ipi neipi yamuchavatuma nayo, vakanyengetera kuna Jehovha vakatarira kuguta ramakatsaura, nokuimba yandakavakira zita renyu,
44あなたの民が敵と戦うために、あなたがつかわされる道を通って出て行くとき、もし彼らがあなたの選ばれた町、わたしがあなたの名のために建てた宮の方に向かって、主に祈るならば、
45inzwai henyu iko kudenga kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo, muvaruramisire.
45あなたは天で、彼らの祈と願いを聞いて彼らをお助けください。
46Kana vakakutadzirai (nokuti hakuna munhu usingatadzi), mukavatsamwira, mukavakumikidza kuvavengi vavo, vakatapwa kunyika yavavengi vavo, kure kana pedo;
46彼らがあなたに対して罪を犯すことがあって、――人は罪を犯さない者はないのです、――あなたが彼らを怒り、彼らを敵にわたし、敵が彼らを捕虜として遠近にかかわらず、敵の地に引いて行く時、
47kana vakazozvifunga kunyika kwavakatapirwa, vakadzokazve, vakakumbira kwamuri panyika yavatapi vavo, vachiti, Tatadza, taita zvakaipa, taita zvisakarurama;
47もし彼らが捕われていった地で、みずから省みて悔い、自分を捕えていった者の地で、あなたに願い、『われわれは罪を犯しました、そむいて悪を行いました』と言い、
48kana vakadzokerazve kwamuri nomoyo wavo wose, nomweya wavo wose, panyika yavavengi vavo vakavatapa; kana vakanyengetera kwamuri vakatarira kunyika yavo, yamakapa madzibaba avo, kuguta ramakatsaurirwa nokuimba yandakavakira zita renyu.
48自分を捕えていった敵の地で、心をつくし、精神をつくしてあなたに立ち返り、あなたが彼らの先祖に与えられた地、あなたが選ばれた町、わたしがあなたの名のために建てた宮の方に向かって、あなたに祈るならば、
49Inzwai henyu kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo iko kudenga kwamunogara, muvaruramisire ;
49あなたのすみかである天で、彼らの祈と願いを聞いて、彼らを助け、
50mu kangamwire vanhu venyu vakakutadzirai, nokudarika kwavo kose, kwavakadarika nako kwamuri; muvawanise tsitsi kunavakavatapa, kuti vavanzwire nyasha;
50あなたの民が、あなたに対して犯した罪と、あなたに対して行ったすべてのあやまちをゆるし、彼らを捕えていった者の前で、彼らにあわれみを得させ、その人々が彼らをあわれむようにしてください。
51nekuti ndivo vanhu venyu, nenhaka yenyu, yamakabudisa Egipita pakati pevira ramatare;
51(彼らはあなたがエジプトから、鉄のかまどの中から導き出されたあなたの民、あなたの嗣業であるからです)。
52meso enyu ngaawone kukumbira komuranda wenyu, nokukumbira kwavanhu venyu vaIsiraeri, kuti muvanzwe pakuchema kwavo kose kwamuri.
52どうぞ、しもべの願いと、あなたの民イスラエルの願いに、あなたの目を開き、すべてあなたに呼び求める時、彼らの願いをお聞きください。
53nekuti imwi Jehovha, makavatsaura kundudzi dzose dzenyika, vave nhaka yenyu, sezvamakataura nomuromo waMozisi muranda wenyu, nguva yamakabudisa madzibaba edu paEgipita.
53あなたは彼らを地のすべての民のうちから区別して、あなたの嗣業とされたからです。主なる神よ、あなたがわれわれの先祖をエジプトから導き出された時、モーセによって言われたとおりです」。
54Zvino Soromoni wakati apedza kunyengetera kuna Jehovha munyengetero uyu wose nokukumbira uku, akasimuka pamberi pearitari yaJehovha, paakanga akapfugama namabvi ake, maoko ake akatambanudzirwa kudenga.
54ソロモンはこの祈と願いをことごとく主にささげ終ると、それまで天に向かって手を伸べ、ひざまずいていた主の祭壇の前から立ちあがり、
55Akamira akaropafadza ungano yose yaIsiraeri nenzwi guru, akati,
55立って大声でイスラエルの全会衆を祝福して言った、
56Jehovha ngaakudzwe, wakapa vanhu vake kuzorora, sezvaakatipa zvose; hapana shoko rimwe pazvose zvakanaka zvaakatipikira rakakona, izvo zvaakatipikira nomuromo waMozisi muranda wake.
56「主はほむべきかな。主はすべて約束されたように、その民イスラエルに太平を賜わった。そのしもべモーセによって仰せられたその良き約束は皆一つもたがわなかった。
57Jehovha wedu ngaave nesu, sezvaaiva namadzibaba edu; ngaarege kutisiya, kana kutirasha;
57われわれの神がわれわれの先祖と共におられたように、われわれと共におられるように。われわれを離れず、またわれわれを見捨てられないように。
58kuti arerekese moyo yedu kwaari, tifambe panzira dzake dzose, tichengete mirairo yake, nezvaakatema, nezvaakatonga, izvo zvaakaraira madzibaba edu.
58われわれの心を主に傾けて、主のすべての道に歩ませ、われわれの先祖に命じられた戒めと定めと、おきてとを守らせられるように。
59Zvino mashoko awa andakakumbira nawo pamberi paJehovha, ngaagare pedo naJehovha Mwari wedu masikati nousiku, aruramisire muranda wake, navanhu vake vaIsiraeri, panodikamwa napo zuva rimwe nerimwe;
59主の前にわたしが述べたこれらの願いの言葉が、日夜われわれの神、主に覚えられるように。そして主は日々の事に、しもべを助け、主の民イスラエルを助けられるように。
60kuti vanhu vose venyika vazive kuti Jehovha ndiye Mwari, hakuna mumwe.
60そうすれば、地のすべての民は主が神であることと、他に神のないことを知るに至るであろう。
61Naizvozvo moyo yenyu ive yakarurama kwazvo kuna Jehovha Mwari wedu, mufambe pane zvaakatema, nokuchengeta mirairo yake, sezvamunoita nhasi.
61それゆえ、あなたがたは、今日のようにわれわれの神、主に対して、心は全く真実であり、主の定めに歩み、主の戒めを守らなければならない」。
62Zvino mambo navalsiraeri vose pamwechete naye vakabayira zvibayiro pamberi paJehovha.
62そして王および王と共にいるすべてのイスラエルびとは主の前に犠牲をささげた。
63Soromoni akabayira zvipiriso zvokuyananisa, zvaakabayira Jehovha, nzombe dzine zviuru zvina makumi maviri nezviviri, namakwai ane zviuru zvine zana namakumi maviri. Naizvozvo mambo navana vaIsiraeri vose vakatsaurira Jehovha imba iyo.
63ソロモンは酬恩祭として牛二万二千頭、羊十二万頭を主にささげた。こうして王とイスラエルの人々は皆主の宮を奉献した。
64Nomusi uyo mambo akatsaurawo nzvimbo yapakati yoruvazhe rwakanga ruri pamberi peimba yaJehovha, nekuti ndipo paakabayira chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa; nekuti aritari yendarira, yaiva pamberi paJehovha, yakanga iri duku kwazvo, isingagoni kuringana chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa.
64その日、王は主の宮の前にある庭の中を聖別し、その所で燔祭と素祭と酬恩祭の脂肪をささげた。これは主の前にある青銅の祭壇が素祭と酬恩祭の脂肪とを受けるに足りなかったからである。
65Naizvozvo Soromoni akatamba mutambo nguva iyo yose, navaIsiraeri vose pamwechete naye, vakaita ungano huru, kubva pavanopinda paHamati kusvikira parukova rweEgipita, pamberi paJehovha Mwari wedu, mazuva manomwe namazuva manomwezve ndiwo mazuva ane gumi namana.
65その時ソロモンは七日の間われわれの神、主の前に祭を行った。ハマテの入口からエジプトの川に至るまでのすべてのイスラエルびとの大いなる会衆が彼と共にいた。八日目にソロモンは民を帰らせた。民は王を祝福し、主がそのしもべダビデと、その民イスラエルとに施されたもろもろの恵みを喜び、心に楽しんでその天幕に帰って行った。
66Pazuva rorusere akaendisa vanhu, ivo vakatenda mambo, vakaenda kumatende avo nemoyo yakanga ichifara, ichifarira zvakanaka zvose zvakanga zvaitirwa Dhavhidhi muranda wake naIsiraeri vanhu vake naJehovha.
66八日目にソロモンは民を帰らせた。民は王を祝福し、主がそのしもべダビデと、その民イスラエルとに施されたもろもろの恵みを喜び、心に楽しんでその天幕に帰って行った。