1Zvino Soromoni wakati apedza kuvaka imba yaJehovha, neimba yamambo, nezvose Soromoni zvaakanga achida kuita,
1ソロモンが主の宮と王の宮殿およびソロモンが建てようと望んだすべてのものを建て終った時、
2Jehovha akazviratidza kuna Soromoni rwechipiri, sezvaakazviratidza kwaari paGibhiyoni.
2主はかつてギベオンでソロモンに現れられたように再び現れて、
3Jehovha akati kwaari, Ndakanzwa kunyengetera kwako nokukumbira kwako kwawakaita pamberi pangu; ndakatsaura imba iyi yawakavaka, kuti ndiise zita rangupo nokusingaperi; meso angu nomoyo wangu zvichavapo nguva dzose.
3彼に言われた、「あなたが、わたしの前に願った祈と願いとを聞いた。わたしはあなたが建てたこの宮を聖別して、わたしの名を永久にそこに置く。わたしの目と、わたしの心は常にそこにあるであろう。
4Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sababa vako Dhavhidhi nomoyo usinganyengeri, nokururama, ukaita zvose zvandakakuraira ukachengeta zvandatema nezvandatonga,
4あなたがもし、あなたの父ダビデが歩んだように全き心をもって正しくわたしの前に歩み、すべてわたしが命じたようにおこなって、わたしの定めと、おきてとを守るならば、
5ipapo ini ndichasimbisa chigaro chako choushe pakati paIsiraeri nokusingaperi, sezvandakapikira baba vako Dhavhidhi, ndichiti, Haungashaiwi munhu uchagara pachigaro choushe chaIsiraeri,
5わたしは、あなたの父ダビデに約束して『イスラエルの王位にのぼる人があなたに欠けることはないであろう』と言ったように、あなたのイスラエルに王たる位をながく確保するであろう。
6Asi kana mukatsauka pakunditevera, imwi kana vana venyu, mukasachengeta mirairo yangu nezvandatema zvandakaisa pamberi penyu, asi mukandoshumira vamwe vamwari, mukanamata kwavari;
6しかし、あなたがた、またはあなたがたの子孫がそむいてわたしに従わず、わたしがあなたがたの前に置いた戒めと定めとを守らず、他の神々に行って、それに仕え、それを拝むならば、
7ipapo ndichaparadza Isiraeri panyika yandakavapa; neimba iyi yandakatsaurira zita rangu, ndichairashira kure ndirege kuiona, vaIsiraeri vachava shumo nechiseko pakati pavanhu vose;
7わたしはイスラエルを、わたしが与えた地のおもてから断つであろう。またわたしの名のために聖別した宮をわたしの前から投げすてるであろう。そしてイスラエルはもろもろの民のうちにことわざとなり、笑い草となるであろう。
8uye imba iyi kunyange yakakwirira ikadai, vose vanopfuura nayo vachakanuka nokuridza muridzo, vachiti, Jehovha wakaitireiko kudai nenyika ino uye neimba ino?
8かつ、この宮は荒塚となり、そのかたわらを過ぎる者は皆驚き、うそぶいて『なにゆえ、主はこの地と、この宮とにこのようにされたのか』と言うであろう。
9Vachapindura, vachiti, nekuti vakasiya Jehovha Mwari wavo, wakange abudisa madzibaba avo munyika yeEgipita, vakanamatira vamwe vamwari, vakanamata kwavari, nokuvashumira; saka Jehovha wakavapinza panjodzi idzi dzose.
9その時人々は答えて『彼らは自分の先祖をエジプトの地から導き出した彼らの神、主を捨てて、他の神々につき従い、それを拝み、それに仕えたために、主はこのすべての災を彼らの上に下したのである』と言うであろう」。
10Makore ana makumi maviri akati apera, Soromoni aakavaka nawo dzimba idzi mbiri, iyo imba yaJehovha neimba yamambo;
10ソロモンは二十年を経て二つの家すなわち主の宮と王の宮殿とを建て終った時、
11(zvino Hiramu mambo weTire wakange atsvakira Soromoni misidhari; nemisipiresi, nendarama, nezvose zvaakanga achida), mambo Soromoni akapa Hiramu maguta ana makumi maviri panyika yeGarire.
11ツロの王ヒラムがソロモンの望みに任せて香柏と、いとすぎと、金とを供給したので、ソロモン王はガリラヤの地の町二十をヒラムに与えた。
12Hiramu akabva Tire kuzoona maguta aakanga apiwa naSoromoni, asi haana kumufadza.
12しかしヒラムがツロから来て、ソロモンが彼に与えた町々を見たとき、それらは彼の気にいらなかったので、
13Akati, Maguta kunyiko awa awandipa, hama yangu? Akatumidza nyika yeKabhuri kusvikira zuva ranhasi.
13彼は、「兄弟よ、あなたがくださったこれらの町々は、いったいなんですか」と言った。それで、そこは今日までカブルの地と呼ばれている。
14Hiramu akatumira mambo matarenda endarama ane zana namakumi maviri.
14ヒラムはかつて金百二十タラントを王に贈った。
15Zvino ndiro shoko rechibharo chakarairwa namambo Soromoni, kuzovaka imba yaJehovha, neimba yake, neMiro, norusvingo rweJerusaremu, neHazori, neMegidho, neGezeri.
15ソロモン王が強制的に労働者を徴募したのはこうである。すなわち主の宮と自分の宮殿と、ミロとエルサレムの城壁と、ハゾルとメギドとゲゼルを建てるためであった。
16Farao mambo weEgipita wakange andokunda Gezeri, akaripisa nomoto, akauraya vaKanani vakanga vagere muguta, akaripa mukunda wake, mukadzi waSoromoni.
16(エジプトの王パロはかつて上ってきて、ゲゼルを取り、火でこれを焼き、その町に住んでいたカナンびとを殺し、これをソロモンの妻である自分の娘に与えて婚姻の贈り物としたので、
17Soromoni akavaka Gezeri, neBhe- tihoroni rezasi,
17ソロモンはそのゲゼルを建て直した)。また下ベテホロンと、
18naBharati, neTamari, murenje munyika iyo,
18バアラテとユダの国の荒野にあるタマル、
19namaguta ose amatura aSoromoni, namaguta engoro dzake, namaguta avatasvi vamabhiza ake, nezvose Soromoni zvaaida kuzvivakira paJerusaremu, napaRebhanoni, napanyika yose yakanga yakabatwa naye.
19およびソロモンが持っていた倉庫の町々、戦車の町々、騎兵の町々ならびにソロモンがエルサレム、レバノンおよびそのすべての領地において建てようと望んだものをことごとく建てるためであった。
20Kuvanhu vose vakanga vasara vavaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaHivhi navaJebhusi, vakanga vasi vana vaIsiraeri;
20すべてイスラエルの子孫でないアモリびと、ヘテびと、ペリジびと、ヒビびと、エブスびとの残った者、
21navana vavo vakanga vasara panyika shure kwavo, ivo vana vaIsiraeri vakanga vasingagoni kuvaparadza chose kuna ivavo Soromoni wakaraira chibharo chavaranda kusvikira nhasi.
21その地にあって彼らのあとに残った子孫すなわちイスラエルの人々の滅ぼしつくすことのできなかった者を、ソロモンは強制的に奴隷として徴募をおこない、今日に至っている。
22Asi Soromoni haana kuita varanda pakati pavana vaIsiraeri, asi ivo vaiva varwi vake, navabatiri vake, namachinda ake, navakuru vake, navarairi vengoro dzake, navatasvi vamabhiza ake.
22しかしイスラエルの人々をソロモンはひとりも奴隷としなかった。彼らは軍人、また彼の役人、司令官、指揮官、戦車隊長、騎兵隊長であったからである。
23Ndivo vaiva vatariri vakuru vamabasa aSoromoni, vaiva namazana mashanu namakumi mashanu, vairairira vanhu vaibata basa.
23ソロモンの工事を監督する上役の官吏は五百五十人であって、工事に働く民を治めた。
24Zvino mukunda waFarao wakabva kuguta raDhavhidhi, akaenda kuimba yake, yaakanga avakirwa naSoromoni; ipapo akavaka Miro.
24パロの娘はダビデの町から上って、ソロモンが彼女のために建てた家に住んだ。その時ソロモンはミロを建てた。
25Katatu pagore Soromoni waibayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa pamusoro pearitari yaakanga avakira Jehovha, akapisa zvinonhuhwira pamwechete nazvo paaritari yakanga iri pamberi paJehovha. Naizvozvo akapedza imba.
25ソロモンは主のために築いた祭壇の上に年に三度燔祭と酬恩祭をささげ、また主の前に香をたいた。こうしてソロモンは宮を完成した。
26Mambo Soromoni wakavakawo zvikepe zvizhinji paEZiyonigebheri, pedo neEroti, pamahombekombe eGungwa Dzvuku, panyika yaEdhomu.
26ソロモン王はエドムの地、紅海の岸のエラテに近いエジオン・ゲベルで数隻の船を造った。
27Hiramu akatuma nezvikepe izvo varanda vake, vaiva vafambisi vezvikepe vaiziva gungwa kwazvo, pamwechete navaranda vaSoromoni.
27ヒラムは海の事を知っている船員であるそのしもべをソロモンのしもべと共にその船でつかわした。彼らはオフルへ行って、そこから金四百二十タラントを取って、ソロモン王の所にもってきた。
28Vakasvika Ofiri, vakatorapo ndarama yakasvika matarenda ana mazana mana namakumi maviri vakauya nayo kuna mambo Soromoni.
28彼らはオフルへ行って、そこから金四百二十タラントを取って、ソロモン王の所にもってきた。