1zvino rimwe zuva Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, Hendei tiyambukire kuboka ravarwi vavaFirisitia vari mhiri uko. Asi haana kuudza baba vake.
1ある日、サウルの子ヨナタンは、その武器を執る若者に「さあ、われわれは向こう側の、ペリシテびとの先陣へ渡って行こう」と言った。しかしヨナタンは父には告げなかった。
2Sauro wakange agere pamugumo weGibhiya, pasi pomutamba wakange uri paMigironi; wakange ana varume vanenge mazana matanhatu naye.
2サウルはギベアのはずれで、ミグロンにある、ざくろの木の下にとどまっていたが、共にいた民はおおよそ六百人であった。
3Ahija, mwanakomana waAhitubi, mukuru waIkabhodhi, mwanakomana waPinehasi, mwanakomana waEri, wakange ari mupristi waJehovha paShiro, akafuka efodhi. Vanhu vakanga vasingazivi kuti Jonatani waenda.
3またアヒヤはエポデを身に着けて共にいた。アヒヤはアヒトブの子、アヒトブはイカボデの兄弟、イカボデはピネハスの子、ピネハスはシロにおいて主の祭司であったエリの子である。民はヨナタンが出かけることを知らなかった。
4Zvino pakati pemipata, Jonatani paakanga achida kuyambukira napo mhiri kuboka ravarwi vavaFirisitia, pakanga paneshongwe yebwe kurutivi rumwe, neshongwe yebwezve kuno rumwe rutivi; zita reimwe rakanga riri Bhozezi, nezita reimwe Sene.
4ヨナタンがペリシテびとの先陣に渡って行こうとする渡りには、一方に険しい岩があり、他方にも険しい岩があり、一方の名をボゼヅといい、他方の名をセネといった。
5Shongwe imwe yakanga imire kurutivi rwokumusoro pamberi paMikimashi, neimwe kurutivi rwezasi pamberi peGeba.
5岩の一つはミクマシの前にあって北にあり、一つはゲバの前にあって南にあった。
6Zvino Jonatani akati kujaya raibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, Hendei tiyambukire kuboka ravarwi ravasina kudzingiswa ava; zvimwe Jehovha uchatibatsira, nekuti hakuna chinhu chingadzivisa Jehovha kuponesa, kunyange navazhinji kana navashoma.
6ヨナタンはその武器を執る若者に言った、「さあ、われわれは、この割礼なき者どもの先陣へ渡って行こう。主がわれわれのために何か行われるであろう。多くの人をもって救うのも、少ない人をもって救うのも、主にとっては、なんの妨げもないからである」。
7Ipapo mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akati kwaari, Itai zvose zvamunofunga; endai henyu, ini ndinemwi pamunoda kuita napo.
7武器を執る者は彼に言った、「あなたの望みどおりにしなさい。わたしは一緒にいます。わたしはあなたと同じ心です」。
8Ipapo Jonatani akati, Tarira, tichayambukira kuvarume avo, tindozviratidza kwavari.
8ヨナタンはまた言った、「われわれは、あの人々の所に渡っていって、彼らに身を現そう。
9Kana vakati kwatiri, Mirai kusvikira tasvika kwamuri, ticharamba timire kwatiri, hatingakwiri kwavari.
9そして、もし彼らがわれわれに、『こちらから行くまで待て』と言うならば、われわれはその場にとどまり、彼らの所に上っていかないであろう。
10Asi kana vakati, Kwirai kuno kwatiri, tichakwira, nekuti Mwari wavaisa mumaoko edu; ndicho chichava chiratidzo kwatiri.
10しかし、もし彼らが『われわれのところへ上ってこい』と言うならば、われわれは上って行こう。主が彼らをわれわれの手に渡されるからである。これをもってしるしとしよう」。
11Zvino vose vari vaviri vakazviratidza kuboka ravarwi vavaFirisitia. VaFirisitia vakati, Tarira, vaHebheru vobuda mumakomba mavakanga vakavanda.
11こうしてふたりはペリシテびとの先陣に、その身を現したので、ペリシテびとは言った、「見よ、ヘブルびとが、隠れていた穴から出てくる」。
12Varume veboka ravarwi vakapindura Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakati, Kwirai kuno kwatiri, tikuratidzei chinhu. Jonatani akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, Kwira unditevere, nekuti Jehovha wavaisa mumaoko avaIsiraeri.
12先陣の人々はヨナタンと、その武器を執る者に叫んで言った、「われわれのところに上ってこい。目に、もの見せてくれよう」。ヨナタンは、その武器を執る者に言った、「わたしのあとについて上ってきなさい。主は彼らをイスラエルの手に渡されたのだ」。
13Jonatani akakwira namaoko ake namakumbo ake, mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo achimutevera; ivo vakakundwa naJonatani, nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akamutevera achiuraya.
13そしてヨナタンはよじ登り、武器を執る者もそのあとについて登った。ペリシテびとはヨナタンの前に倒れた。武器を執る者も、あとについていってペリシテびとを殺した。
14Zvino pakuuraya uku kokutanga, Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo vakauraya varume vanenge makumi maviri pahafu yendima yomunda.
14ヨナタンとその武器を執る者とが、手始めに殺したものは、おおよそ二十人であって、このことは一くびきの牛の耕す畑のおおよそ半分の内で行われた。
15Vanhu, vakanga vari pamisasa, napaminda, navanhu vose vakabvunda; neboka ravarwi, navaparadzi, naivo vakabvunda, nenyikawo yakadengenyeka; naizvozvo kwakanga kunokubvunda kukuru.
15そして陣営にいる者、野にいるもの、およびすべての民は恐怖に襲われ、先陣のもの、および略奪隊までも、恐れおののいた。また地は震い動き、非常に大きな恐怖となった。
16Zvino nharirire dzaSauro paGibhiya kwaBhenjamini vakatarira, vakaona boka guru ravanhu richinyangarika, richipararira.
16ベニヤミンのギベアにいたサウルの番兵たちが見ると、ペリシテびとの群衆はくずれて右往左往していた。
17Ipapo Sauro akati kuvanhu vaakanga anavo, Verengai zvino, muwone kuti ndianiko usisipo kwatiri. Zvino vakati vaverenga, vakaona kuti Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo havapo.
17その時サウルは、共にいる民に言った、「人数を調べて、われわれのうちのだれが出て行ったかを見よ」。人数を調べたところ、ヨナタンとその武器を執る者とがそこにいなかった。
18Sauro akati kuna Ahija, Uya pano neareka yaMwari. Nekuti areka yaMwari yakanga iripo pakati pevana vaIsiraeri nenguva iyo.
18サウルはアヒヤに言った、「エポデをここに持ってきなさい」。その時、アヒヤはイスラエルの人々の前でエポデを身に着けていたからである。
19Zvino Sauro wakati achataurirana nomupristi, bopoto rakanga riri pamisasa yavaFirisitia rikaramba richinyanya. Sauro akati kumupristi: Dzosa ruoko rwako.
19サウルが祭司に語っている間にも、ペリシテびとの陣営の騒ぎはますます大きくなったので、サウルは祭司に言った、「手を引きなさい」。
20Sauro navanhu vose vaakanga anavo vakaungana, vakarwa, vakawana munondo womumwe nomuwe uchirwa neshamwari yake, kukava nokutambudzika kukuru.
20こうしてサウルおよび共にいる民は皆、集まって戦いに出た。ペリシテびとはつるぎをもって同志打ちしたので、非常に大きな混乱となった。
21NavaHebheru, vaibatsira vaFirisitia kare, vakanga vakwira navo kumisasa vaibva kunhivi dzose, naivo vakavashandukira, vakabatsira valsiraeri vakanga vana Sauro naJonatani.
21また先にペリシテびとと共にいて、彼らと共に陣営にきていたヘブルびとたちも、翻ってサウルおよびヨナタンと共にいるイスラエルびとにつくようになった。
22Zvino varume vose vaIsiraeri, vakanga vakawanda kunyika yamakomo yaEfuyenlu, vakati vachinzwa kuti vaFirisitia votiza naivo vakavatevera kuzorwa navo.
22またエフライムの山地に身を隠していたイスラエルびとたちも皆、ペリシテびとが逃げると聞いて、彼らもまた戦いに出て、それを追撃した。
23Naizvozvo Jehovha akaponesa vaIsiraeri nomusi uyo; kurwa kukapfuura napaBhetiaveni.
23こうして主はその日イスラエルを救われた。そして戦いはベテアベンに移った。
24Zvino varume vaIsiraeri vakaziya nomusi uyo, asi Sauro wakapikira vanhu, akati, Ani nani unodya zvokudya kusvikira madekwana, kusvikira ndatsivira vavengi vangu, ngaatukwe. Naizvozvo hakuna munhu wakaravira zvokudya.
24しかしその日イスラエルの人々は苦しんだ。これはサウルが民に誓わせて「夕方まで、わたしが敵にあだを返すまで、食物を食べる者は、のろわれる」と言ったからである。それゆえ民のうちには、ひとりも食物を口にしたものはなかった。
25Zvino vanhu vose vakasvika padondo, vakawana uchi huripo pasi.
25ところで、民がみな森の中にはいると、地のおもてに蜜があった。
26Vanhu vakati vasvika padondo, vakawana uchi hoyerera pasi, asi hakuna munhu wakaisa ruoko rwake kumuromo wake, nekuti vanhu vakatya kupika kwaSauro.
26民は森にはいった時、蜜のしたたっているのを見た。しかしだれもそれを手に取って口につけるものがなかった。民が誓いを恐れたからである。
27Asi Jonatani wakange asina kunzwa baba vake vachiraira vanhu nokupika kwavo; naizvozvo akatambanudza muromo wetsvimbo yake, yakanga iri muruoko rwake, akainyika muzinga rouchi, akaisa ruoko rwake kumuromo wake, meso ake akasvinudzwa.
27しかしヨナタンは、父が民に誓わせたことを聞かなかったので、手を伸べてつえの先を蜜ばちの巣に浸し、手に取って口につけた。すると彼は目がはっきりした。
28Ipapo mumwe wavanhu akapindura, akati, Baba vako vakaraira vanhu kwazvo nokupika vachiti, Ani nani unodya zvokudya nhasi ngaatukwe. Asi vanhu vakanga vaziya.
28その時、民のひとりが言った、「あなたの父は、かたく民に誓わせて『きょう、食物を食べる者は、のろわれる』と言われました。それで民は疲れているのです」。
29Zvino Jonatani akati, Baba vangu vanetsa nyika. Chionai henyu, meso angu asvinudzwa seiko, nekuti ndaravira uchi uhwu;
29ヨナタンは言った、「父は国を悩ませました。ごらんなさい。この蜜をすこしなめたばかりで、わたしの目がこんなに、はっきりしたではありませんか。
30ndoda kana vanhu vakanga vatenderwa kudya zvavakanga vapamba kuvavengi vavo! Asi zvino havana kuuraya vaFirisitia vazhinji.
30まして、民がきょう敵からぶんどった物を、じゅうぶん食べていたならば、さらに多くのペリシテびとを殺していたでしょうに」。
31Nomusi uyo vakauraya vaFirisitia kubva paMikimashi kusvikira paAjaroni; vanhu vakaziya kwazvo.
31その日イスラエルびとは、ペリシテびとを撃って、ミクマシからアヤロンに及んだ。そして民は、ひじょうに疲れたので、
32Vanhu vakamhanyira zvakapambwa, vakatora makwai nemombe, nemhuru, vakazviurayira pasi, vanhu vakazvidya pamwechete neropa razvo.
32ぶんどり物に、はせかかって、羊、牛、子牛を取って、それを地の上に殺し、血のままでそれを食べた。
33Zvino vakaudza Sauro, vakati, Tarirai, vanhu vanotadzira Jehovha, nekuti vanodya pamwechete neropa. Akati, Makaita nokusatendeka; ndikungurusirei pano ibwe guru nhasi.
33人々はサウルに言った、「民は血のままで食べて、主に罪を犯しています」。サウルは言った、「あなたがたはそむいている。この所へ、わたしのもとに大きな石をころがしてきなさい」。
34Zvino Sauro akati, Pararirai pakati pavanhu, muti kwavari, Mumwe nomumwe ngaauye kwandiri nenzombe yake, mumwe nomumwe negwai rake, azviurayire pano, adye murege kutadzira Jehovha muchidya pamwechete neropa. Zvino vanhu vose vakauya usiku uhwo mumwe nomumwe nenzombe yake, vakadziurayirapo.
34サウルはまた言った、「あなたがたは分れて、民の中にはいって、彼らに言いなさい、『おのおの牛または、羊を引いてきてここでほふって食べなさい。血のままで食べて、主に罪を犯してはならない』」。そこで民は皆、その夜、おのおの牛を引いてきて、それを、その所でほふった。
35Sauro akavakira Jehovha aritari, iyo aritari ndiyo yokutanga yaakavakira Jehovha.
35こうしてサウルは主に一つの祭壇を築いた。これはサウルが主のために築いた最初の祭壇である。
36Zvino Sauro akati, Ngatiburuke, titevere vaFirisitia usiku, tivapambare kusvikira kwaedza, tirege kusiya munhu mumwe kwavari. Ivo vakati, Itai henyu sezvamunoda. Ipapo mupristi akati Ngatiswedere kuna Mwari pano.
36サウルは言った、「われわれは夜のうちにペリシテびとを追って下り、夜明けまで彼らをかすめて、ひとりも残らぬようにしよう」。人々は言った、「良いと思われることを、なんでもしてください」。しかし祭司は言った、「われわれは、ここで、神に尋ねましょう」。
37Sauro akabvunza Mwari, akati, Ndoburuka, nditevere vaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko avaIsiraeri here? Asi haana kumupindura musi iwoyo.
37そこでサウルは神に伺った、「わたしはペリシテびとを追って下るべきでしょうか。あなたは彼らをイスラエルの手に渡されるでしょうか」。しかし神はその日は答えられなかった。
38Sauro akati, Swederai pano, imwi vakuru vose vavanhu, muzive nokuona kuti chivi ichi chakaitwa nhasi ndecheiko?
38そこでサウルは言った、「民の長たちよ、みなこの所に近よりなさい。あなたがたは、よく見きわめて、きょうのこの罪が起きたわけを知らなければならない。
39Nekuti naJehovha mupenyu, iye unoponesa Isiraeri, kunyange zviri kuna Jonatani mwanakomana wangu, achafanira kufa zvirokwazvo. Asi kwakanga kusino munhu pakati pavanhu vose wakamupindura.
39イスラエルを救う主は生きておられる。たとい、それがわたしの子ヨナタンであっても、必ず死ななければならない」。しかし民のうちにはひとりも、これに答えるものがいなかった。
40Zvino akati kuvaIsiraeri vose, imwi mirai kurutivi rumwe, neni naJonatani mwanakomana wangu tichamira kuno rumwe rutivi. Vanhu vakati kuna Sauro, Itai henyu sezvamunoda.
40サウルはイスラエルのすべての人に言った、「あなたがたは向こう側にいなさい。わたしとわたしの子ヨナタンはこちら側にいましょう」。民はサウルに言った、「良いと思われることをしてください」。
41Zvino Sauro akati kuna Jehovha, Mwari waIsiraeri, Ratidzai zvakarurama. Zvino Jonatani naSauro vakabatwa nemijenya, asi vanhu vakapukunyuka havo.
41そこでサウルは言った、「イスラエルの神、主よ、あなたはきょう、なにゆえしもべに答えられなかったのですか。もしこの罪がわたしにあるか、またはわたしの子ヨナタンにあるのでしたら、イスラエルの神、主よ、ウリムをお与えください。しかし、もしこの罪が、あなたの民イスラエルにあるのでしたらトンミムをお与えください」。こうしてヨナタンとサウルとが、くじに当り、民はのがれた。
42Zvino Sauro akati kuvaIsiraeri vose, Kandai mijenya pakati pangu naJonatani mwanakomana wangu. Jonatani akabatwa.
42サウルは言った、「わたしか、わたしの子ヨナタンかを決めるために、くじを引きなさい」。くじはヨナタンに当った。
43Zvino Sauro akati kuna Jonatani, Ndiudze chawaita. Jonatani akamuudza, akati, Ndakaravira hangu zviuchi nomuromo wetsvimbo yandakanga ndakabata muruoko rwangu; zvino ndinofanira kufa hangu.
43サウルはヨナタンに言った、「あなたがしたことを、わたしに言いなさい」。ヨナタンは言った、「わたしは確かに手にあったつえの先に少しばかりの蜜をつけて、なめました。わたしはここにいます。死は覚悟しています」。
44Sauro akati, Mwari ngaandirove, arambe achidaro, nekuti zvirokwazvo unofanira kufa, Jonatani.
44サウルは言った、「神がわたしをいくえにも罰してくださるように。ヨナタンよ、あなたは必ず死ななければならない」。
45Zvino vanhu vakati kuna Sauro, Jonatani ungafa seiko, iye wakaponesa vaIsiraeri nokuponesa kukuru uku? Ngazvisadaro! NaJehovha mupenyu, ruvhudzi rumwe rwomusoro wake harungawiri pasi, nekuti wakabata pamwechete naMwari nhasi. Naizvozvo vanhu vakadzikunura Jonatani, akasafa.
45その時、民はサウルに言った、「イスラエルのうちにこの大いなる勝利をもたらしたヨナタンが死ななければならないのですか。決してそうではありません。主は生きておられます。ヨナタンの髪の毛一すじも地に落してはなりません。彼は神と共にきょう働いたのです」。こうして民はヨナタンを救ったので彼は死を免れた。
46Zvino Sauro akarega kutevera vaFirisitia, vaFirisitia vakaenda kunyika yavo.
46サウルはペリシテびとを追うことをやめて引きあげ、ペリシテびとはその国へ帰った。
47Zvino Sauro wakati agadzwa ushe hwaIsiraeri, akarwa navavengi vake vose kunhivi dzose, navaMoabhu, navana vaAmoni, navaEdhomu, namadzimambo eZoba, navaFirisitia; pose paakaenda wakakunda.
47サウルはイスラエルの王となって、周囲のもろもろの敵、すなわちモアブ、アンモンの人々、エドム、ゾバの王たちおよびペリシテびとと戦い、すべて向かう所で勝利を得た。
48Akarwa noumhare, akakunda vaAmareki, akarwira vaIsiraeri pamaoko avaivapambara.
48サウルは勇ましく働き、アマレクびとを撃って、イスラエルびとを略奪者の手から救い出した。
49Zvino vanakomana vaSauro vaiva Jonatani, naIshivi, naMarikishua, namazita avanasikana vake vaviri aiti, Zita rowedangwe Merabhi, nezita romuduku Mikari.
49さて、サウルのむすこたちはヨナタン、エスイ、およびマルキシュアである。ふたりの娘の名は次のとおりである。すなわち姉の名はメラブ、妹の名はミカルである。
50Zita romukadzi waSauro raiva Ahinowamu, mwanasikana waAhimaazi, nezita romutungamiriri wehondo yake raiva Abhineri, mwanakomana waNeri, babamunini vaSauro.
50サウルの妻の名はアヒノアムといい、アヒマアズの娘である。また軍の長の名はアブネルといい、サウルのおじネルの子である。
51Kishi ndiye waiva baba vaSauro; naNeri, baba vaAbhineri, waiva mwanakomana waAbhieri.
51サウルの父キシとアブネルの父ネルとは、アビエルの子である。サウルの一生の間、ペリシテびとと激しい戦いがあった。サウルは力の強い人や勇気のある人を見るごとに、それを召しかかえた。
52Pamazuva ose aSauro vakanga vachirwa zvikuru navaFirisitia; zvino Sauro wakati kana achiona murume ane simba kana murume uno umhare, waimugarisa naye.
52サウルの一生の間、ペリシテびとと激しい戦いがあった。サウルは力の強い人や勇気のある人を見るごとに、それを召しかかえた。