1Zvino negore repfumbamwe rokubata kwake ushe, nomwedzi wegumi, nezuva regumi romwedzi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika, iye nehondo yake yose, kuzorwa neJerusaremu, vakadzika matende avopo, vakarikomba nenhare.
1そこでゼデキヤの治世の第九年の十月十日に、バビロンの王ネブカデネザルはもろもろの軍勢を率い、エルサレムにきて、これにむかって陣を張り、周囲にとりでを築いてこれを攻めた。
2Naizvozvo guta rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia.
2こうして町は囲まれて、ゼデキヤ王の第十一年にまで及んだが、
3Zvino negore repfumbamwe romwedzi wechina nzara ikanyanya kwazvo paguta, vanhu venyika iyo vakashaiwa zvokudya.
3その四月九日になって、町のうちにききんが激しくなり、その地の民に食物がなくなった。
4Vakaputsa rusvingo rweguta, vanhu vose vehondo vakatiza usiku nenzira yesuwo, pakati pamadziro maviri aiva pamunda wamambo; (zvino vaKaradhea vakanga vakakomba guta;) mambo akaenda nenzira yerenje.
4町の一角がついに破れたので、王はすべての兵士とともに、王の園のかたわらにある二つの城壁のあいだの門の道から夜のうちに逃げ出して、カルデヤびとが町を囲んでいる間に、アラバの方へ落ち延びた。
5Asi hondo yavaKaradhea yakatevera mambo, vakamubata pamapani eJeriko, hondo yake yose ikapararira ikabva kwaari.
5しかしカルデヤびとの軍勢は王を追い、エリコの平地で彼に追いついた。彼の軍勢はみな彼を離れて散り去ったので、
6Zvino vakabata mambo, vakaenda naye kuna mambo weBhabhironi paRibhira, vakamutongerapo.
6カルデヤびとは王を捕え、彼をリブラにいるバビロンの王のもとへ引いていって彼の罪を定め、
7Vakauraya vana vaZedhekia achizviona, vakatumbura meso aZedhekia, vakamusunga namatare, vakamuisa Bhabhironi.
7ゼデキヤの子たちをゼデキヤの目の前で殺し、ゼデキヤの目をえぐり、足かせをかけてバビロンへ連れて行った。
8Zvino nomwedzi wechishanu, nezuva rechinomwe romwedzi, negore regumi namapfumbamwe ramambo Nebhukadhinezari mambo weBhabhiron, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, muranda wamambo weBhabhironi akasvika Jerusaremu;
8バビロンの王ネブカデネザルの第十九年の五月七日に、バビロンの王の臣、侍衛の長ネブザラダンがエルサレムにきて、
9akapisa imba yaJehovha, neimba yamambo; akapisawo dzimba dzose dzeJerusaremu, dzimba dzose huru, nomoto.
9主の宮と王の家とエルサレムのすべての家を焼いた。すなわち火をもってすべての大きな家を焼いた。
10Hondo yose yavaKaradhea, yakanga inomukuru wavarindi, ikaputsa masvingo eJerusaremu kunhivi dzose.
10また侍衛の長と共にいたカルデヤびとのすべての軍勢はエルサレムの周囲の城壁を破壊した。
11Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, akatapa vanhu vakanga vasara muguta, navakanga vatiza, vakaenda kuna mambo weBhabhironi, navakanga vasara kuvazhinji.
11そして侍衛の長ネブザラダンは、町に残された民およびバビロン王に降服した者と残りの群衆を捕え移した。
12Asi mukuru wavarindi wakasiya varombo venyika, kuti vave varimi veminda yemizambiringa nemimwe minda.
12ただし侍衛の長はその地の貧しい者を残して、ぶどうを作る者とし、農夫とした。
13VaKaradhea vakaputsanya mbiru dzendarira dzaiva mumba maJehovha, nezvingoro, nedziva rendarira, zvaiva mumba maJehovha, vakaenda nendarira yazvo Bhabhironi.
13カルデヤびとはまた主の宮の青銅の柱と、主の宮の洗盤の台と、青銅の海を砕いて、その青銅をバビロンに運び、
14vakatorawo hari nefoshoro nembato dzemwenje, nezvirongo, nenhumbi dzose dzendarira dzavaibata nadzo.
14またつぼと、十能と、心切りばさみと、香を盛る皿およびすべて神殿の務に用いる青銅の器、
15Nezvaenga zvomoto, nembiya, nezvose zvaiva zvendarama nezvose zvaiva zvesirivha, mukuru wavarindi akazvitora.
15また心取り皿と鉢を取り去った。侍衛の長はまた金で作った物と銀で作った物を取り去った。
16Nembiru mbiri, nedziva rimwe, nezvindori, zvakanga zvaitirwa imba yaJehovha naSoromoni; kurema kwendarira yenhumbi idzi dzose kwakanga kusingagoni kuyerwa.
16ソロモンが主の宮のために造った二つの柱と、一つの海と洗盤の台など、これらのもろもろの器の青銅の重さは量ることができなかった。
17Kureba kwembiru imwe kwakasvika makubhiti ane gumi namasere, yaiva nomusoro wendarira pamusoro payo; kureba komusoro kwakasvika makubhiti matatu; uye kwakanga kune zvakarukwa, namatamba, zvaipoteredza musoro, zvose zviri zvendarira; mbiru yechipiri yakanga yakafanana neyiyi nezvakarukwawo.
17一つの柱の高さは十八キュビトで、その上に青銅の柱頭があり、柱頭の高さは三キュビトで、柱頭の周囲に網細工とざくろがあって、みな青銅であった。他の柱もその網細工もこれと同じであった。
18Mukuru wavarindi akatora Saraya mupristi wapamusoro, naZefaniya mupristi wechipiri, navarindi vatatu vomukova;
18侍衛の長は祭司長セラヤと次席の祭司ゼパニヤと三人の門を守る者を捕え、
19uye paguta akatora mukuru waitarira varume vehondo, navarume vashanu vaisionana namambo, vaakawana muguta; nomunyori, nomukuru wehondo waiunganidza vanhu venyika, navarume vanamakumi matanhatu vavanhu venyika, vaakawana muguta.
19また兵士をつかさどるひとりの役人と、王の前にはべる者のうち、町で見つかった者五人と、その地の民を募った軍勢の長の書記官と、町で見つかったその地の民六十人を町から捕え去った。
20Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora, akavaisa kuna mambo weBhabhironi paRibhira.
20侍衛の長ネブザラダンは彼らを捕えて、リブラにいるバビロンの王のもとへ連れて行ったので、
21Mambo weBhabhironi akavabaya, akavauraya paRibhira, panyika yeHamati. Naizvozvo vaJudha vakatapwa panyika yavo.
21バビロンの王はハマテの地のリブラで彼らを撃ち殺した。このようにしてユダはその地から捕え移された。
22Kana vari vanhu vakasiiwa panyika yaJudha, vakasiiwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, wakaita Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, mubati wavo.
22さてバビロンの王ネブカデネザルはユダの地に残してとどまらせた民の上に、シャパンの子アヒカムの子であるゲダリヤを立てて総督とした。
23Zvino vakuru vose vehondo, ivo navanhu vavo, vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi wakange aita Gedharia mubati wavo, vakaenda kuna Gedharia paMizipa, vaiti, Ishimaeri mwanakomana waNetania, naJohwanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, ivo navanhu vavo.
23時に軍勢の長たちおよびその部下の人々は、バビロンの王がゲダリヤを総督としたことを聞いて、ミヅパにいるゲダリヤのもとにきた。すなわちネタニヤの子イシマエル、カレヤの子ヨハナン、ネトパびとタンホメテの子セラヤ、マアカびとの子ヤザニヤおよびその部下の人々がゲダリヤのもとにきた。
24Gedharia akapika kwavari, ivo navanhu vavo, akati kwavari, Regai kutya nokuda kwavaranda vavaKaradhea; garai panyika, mushumire mambo weBhabhironi, mugofara henyu.
24ゲダリヤは彼らとその部下の人々に誓って言った、「あなたがたはカルデヤびとのしもべとなることを恐れてはならない。この地に住んで、バビロンの王に仕えなさい。そうすればあなたがたは幸福を得るでしょう」。
25Asi nomwedzi wechinomwe Ishimaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, worudzi rwamambo, wakasvika anavarume vane gumi, akabaya Gedharia, akafa iye pamwechete navaJudha navaKaradhea vaiva naye paMizipa.
25ところが七月になって、王の血統のエリシャマの子であるネタニヤの子イシマエルは十人の者と共にきて、ゲダリヤを撃ち殺し、また彼と共にミヅパにいたユダヤ人と、カルデヤびとを殺した。
26Ipapo vanhu vose, vaduku navakuru, navakuru vehondo vakasimuka vakaenda Egipita, nekuti vakanga vachitya vaKaradhea.
26そのため、大小の民および軍勢の長たちは、みな立ってエジプトへ行った。彼らはカルデヤびとを恐れたからである。
27Zvino negore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo waJudha, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi, Evhiri-merodhaki mambo weBhabhironi, negore raakatanga kubata ushe naro, wakasimudza musoro waJehoyakini mambo waJudha, akamubvisa mutirongo;
27ユダの王エホヤキンが捕え移されて後三十七年の十二月二十七日、すなわちバビロンの王エビルメロダクの治世の第一年に、王はユダの王エホヤキンを獄屋から出して
28akataura naye nomoyo munyoro, akakudza chigaro chake choushe kupfuura zvigaro zvoushe zvamadzimambo aiva naye paBhabhironi.
28ねんごろに彼を慰め、その位を彼と共にバビロンにいる王たちの位よりも高くした。
29Akashandura nguvo dzake dzokusungwa, akaramba achidya zvokudya pamberi pake mazuva ose oupenyu hwake.
29こうしてエホヤキンはその獄屋の衣を脱ぎ、一生の間、常に王の前で食事した。彼は一生の間、たえず日々の分を王から賜わって、その食物とした。
30Kana zviri zvokurarama nazvo, waisipiwa zvokurarama nazvo namambo nguva dzose, zuva rimwe nerimwe mugove waro, mazuva ose oupenyu hwake.
30彼は一生の間、たえず日々の分を王から賜わって、その食物とした。