1zvino Erisha wakataura nomukadzi uya waakanga amutsira mwanakomana wake, akati, Simuka uende, iwe neimba yako, undogara kwaunogona kugara hako; nekuti Jehovha wakaraira nzara; ichava panyika makore manomwe.
1エリシャはかつて、その子を生きかえらせてやった女に言ったことがある。「あなたは、ここを立って、あなたの家族と共に行き、寄留しようと思う所に寄留しなさい。主がききんを呼び下されたので、七年の間それがこの地に臨むから」。
2Zvino mukadzi akasimuka, akaita sezvaakaudzwa nomunhu waMwari, akaenda neveimba yake, akandogara panyika yavaFirisitia makore manomwe.
2そこで女は立って神の人の言葉のようにし、その家族と共に行ってペリシテびとの地に七年寄留した。
3Zvino makore iwayo akati apera, mukadzi ndokudzoka kunyika yavaFirisitia; akaenda kuna mambo kundochema pamusoro peimba yake nomunda wake.
3七年たって後、女はペリシテびとの地から帰ってきて、自分の家と畑のために王に訴えようと出ていった。
4Zvino mambo wakange achitaurirana naGehazi muranda womunhu waMwari, mambo akati, Dondirondedzerawo zvinhu zvose zvikuru, zvakaitwa naErisha.
4時に王は神の人のしもべゲハジにむかって「エリシャがしたもろもろの大きな事をわたしに話してください」と言って、彼と物語っていた。
5Zvino wakati achaudza mambo kuti wakamutsa wakafa, iye mukadzi wakange amutsirwa mwanakomana wake, akachema kuna mambo pamusoro peimba yake nomunda wake. Ipapo Gehazi akati, Ishe wangu mambo, ndiyeyu mukadzi, noyuyu ndiye mwanakomana wake, wakamutswa naErisha.
5すなわちエリシャが死人を生きかえらせた事を、ゲハジが王と物語っていたとき、その子を生きかえらせてもらった女が、自分の家と畑のために王に訴えてきたので、ゲハジは言った、「わが主、王よ、これがその女です。またこれがその子で、エリシャが生きかえらせたのです」。
6Mambo wakati abvunza mukadzi, iye akamuudza. Naizvozvo mambo wakaraira mumwe mukuru pamusoro pake, akati, Mudzosere zvose zvaiva zvake, nemichero yomunda, kubva pazuva raakabva naro panyika kusvikira zvino.
6王がその女に尋ねると、彼女は王に話したので、王は彼女のためにひとりの役人に命じて言った、「すべて彼女に属する物、ならびに彼女がこの地を去った日から今までのその畑の産物をことごとく彼女に返しなさい」。
7Zvino Erisha wakasvika Dhamasiko Bhenihadhadhi mambo weSiria wakange achirwara, akaudzwa, zvichinzi, Munhu waMwari wasvika pano.
7さてエリシャはダマスコに来た。時にスリヤの王ベネハダデは病気であったが、「神の人がここに来た」と告げる者があったので、
8Ipapo mambo akati kuna Hazaeri, Tora chipo muruoko rwako, undosangana nomunhu waMwari, ubvunze Jehovha naye, uti, Ndichapora pakurwara uku here?
8王はハザエルに言った、「贈り物を携えて行って神の人を迎え、彼によって主に『わたしのこの病気はなおりましょうか』と言って尋ねなさい」。
9Naizvozvo Hazaeri akandosangana naye, akaenda nechipo chezvose zvakanga zvakanaka paDhamasiko, mutoro wakaringana makamera ana makumi mana, akasvika akamira pamberi pake, akati, Mwanakomana wenyu Bhenihadhadhi mambo weSiria, wakandituma kwamuri, achiti, Ndichapora here pakurwara uku?
9そこでハザエルは彼を迎えようと、ダマスコのもろもろの良い物をらくだ四十頭に載せ、贈り物として携え行き、エリシャの前に立って言った、「あなたの子、スリヤの王ベネハダデがわたしをあなたにつかわして、『わたしのこの病気はなおりましょうか』と言わせています」。
10Erisha akati kwaari, Enda, undoti kwaari, Zvirokwazvo haangapori; asi Jehovha wakandiratidza kuti zvirokwazvo iye uchafa.
10エリシャは彼に言った、「行って彼に『あなたは必ずなおります』と告げなさい。ただし主はわたしに、彼が必ず死ぬことを示されました」。
11Akaramba akamunananidza kusvikira anyara; munhu wa Mwari akachema.
11そして神の人がひとみを定めて彼の恥じるまでに見つめ、やがて泣き出したので、
12Ipapo Hazaeri akati, Munochemeiko, ishe wangu? Akapindura, akati, nekuti ndinoziva zvakaipa zvauchaitira vana vaIsiraeri; uchapisa nhare dzavo, uchauraya majaya avo nomunondo, uchapwanya pwere dzavo, uchatumbura vakadzi vavo vane mimba.
12ハザエルは言った、「わが主よ、どうして泣かれるのですか」。エリシャは答えた、「わたしはあなたがイスラエルの人々にしようとする害悪を知っているからです。すなわち、あなたは彼らの城に火をかけ、つるぎをもって若者を殺し、幼な子を投げうち、妊娠の女を引き裂くでしょう」。
13Hazaeri akati, Ko muranda wenyu chinyiko, iyo imbwa zvayo, kuti ndiite chinhu ichi chikuru chakadai? Erisha akapindura, akati, Jehovha wakandizivisa, kuti iwe uchava mambo weSiria.
13ハザエルは言った、「しもべは一匹の犬にすぎないのに、どうしてそんな大きな事をすることができましょう」。エリシャは言った、「主がわたしに示されました。あなたはスリヤの王となるでしょう」。
14Ipapo akabva kuna Erisha, akaenda kuna tenzi wake; iye akati kwaari, Erisha wati kudiniko kwauri? Akapindura, akati, Wakandiudza kuti zvirokwazvo muchapora henyu.
14彼がエリシャのもとを去って、主君のところへ行くと、「エリシャはあなたになんと言ったか」と尋ねられたので、「あなたが必ずなおるでしょうと、彼はわたしに告げました」と答えた。
15Zvino fume mangwana akatora jira, akarinyika mumvura, ndokumufumbira chiso, naizvozvo akafa; Hazaeri akamutevera paushe.
15しかし翌日になってハザエルは布を取って水に浸し、それをもって王の顔をおおったので、王は死んだ。ハザエルは彼に代って王となった。
16Zvino negore rechishanu raJoramu mwanakomana waAhabhi, mambo waIsiraeri, Jehoshafati ari mambo waJudha, Jehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha, akatanga kubata ushe.
16イスラエルの王アハブの子ヨラムの第五年に、ユダの王ヨシャパテの子ヨラムが位についた。
17Iye akatanga kubata ushe ava namakore makumi matatu namaviri; akabata ushe paJerusaremu makore masere.
17彼は王となったとき三十二歳で、八年の間エルサレムで世を治めた。
18Akafamba nenzira yamadzimambo aIsiraeri, sezvakaita imba yaAhabhi; nekuti mukunda waAhabhi waiva mukadzi wake; akaita zvakaipa pamberi paJehovha.
18彼はアハブの家がしたようにイスラエルの王たちの道に歩んだ。アハブの娘が彼の妻であったからである。彼は主の目の前に悪をおこなったが、
19Kunyange zvakadaro Jehovha wakange asingadi kuparadza Judha, nokuda kwaDhavhidhi muranda wake, nekuti wakange amupikira, kuti uchamupa mwenje wavana vake nguva dzose.
19主はしもべダビデのためにユダを滅ぼすことを好まれなかった。すなわち主は彼とその子孫に常にともしびを与えると、彼に約束されたからである。
20Zvino namazuva ake vaEdhomu vakamukira vaJudha, vakazvigadzira mambo.
20ヨラムの世にエドムがそむいてユダの支配を脱し、みずから王を立てたので、
21Ipapo Joramu akaenda Zairi, ane ngoro dzake dzose; akamuka usiku, akaparadza vaEdhomu vakanga vakamukomba navakuru vengoro; vanhu vakatizira kumatende avo.
21ヨラムはすべての戦車を従えてザイルにわたって行き、その戦車の指揮官たちと共に、夜のうちに立ちあがって、彼を包囲しているエドムびとを撃った。しかしヨラムの軍隊は天幕に逃げ帰った。
22Naizvozvo vaEdhomu vakamukira vaJudha, kusvikira zuva ranhasi. Ipapo Ribhina akavamukirawo nenguva iyo.
22エドムはこのようにそむいてユダの支配を脱し、今日に至っている。リブナもまた同時にそむいた。
23Mamwe mabasa aJoramu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
23ヨラムのその他の事績および彼がしたすべての事は、ユダの歴代志の書にしるされているではないか。
24Joramu akavata namadzibaba ake, akavigwa kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi; Ahazia mwanakomana wake akamutevera paushe.
24ヨラムはその先祖たちと共に眠って、ダビデの町にその先祖たちと共に葬られ、その子アハジヤが代って王となった。
25Negore regumi namaviri raJoramu mwanakomana waAhabhi mambo walsiraeri, Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha, akatanga kubata ushe.
25イスラエルの王アハブの子ヨラムの第十二年にユダの王ヨラムの子アハジヤが位についた。
26Ahazia wakange ana makore ana makumi maviri namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu gore rimwe. Zita ramai vake rakanga riri Ataria, mukunda waOmiri mambo welsiraeri.
26アハジヤは王となったとき二十二歳で、エルサレムで一年世を治めた。その母は名をアタリヤと言って、イスラエルの王オムリの孫娘であった。
27Iye wakafamba nenzira yeimba yaAhabhi, akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaitwa neimba yaAhabhi; nekuti wakange ari mukwasha weimba yaAhabhi.
27アハジヤはまたアハブの家の道に歩み、アハブの家がしたように主の目の前に悪をおこなった。彼はアハブの家の婿であったからである。
28Akaenda naJoramu mwanakomana waAhabhi kundorwa naHazaeri mambo weSiria paRamotiGiriyadhi; vaSiria vakakuvadza Joramu.
28彼はアハブの子ヨラムと共に行って、スリヤの王ハザエルとラモテ・ギレアデで戦ったが、スリヤびとらはヨラムに傷を負わせた。ヨラム王はそのスリヤの王ハザエルと戦うときにラマでスリヤびとに負わされた傷をいやすため、エズレルに帰ったが、ユダの王ヨラムの子アハジヤはアハブの子ヨラムが病んでいたので、エズレルに下って彼をおとずれた。
29Mambo Joramu akadzokera Jezereeri kuti arapwe mavanga ake aakatemwa navaSiria paRama, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha akaenda kundoona Joramu mwanakomana waAhabhi paJezereeri, nekuti wakange achirwara.
29ヨラム王はそのスリヤの王ハザエルと戦うときにラマでスリヤびとに負わされた傷をいやすため、エズレルに帰ったが、ユダの王ヨラムの子アハジヤはアハブの子ヨラムが病んでいたので、エズレルに下って彼をおとずれた。