1Zvino Jehovha akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Akasvika kwaari, akati kwaari, Kwakanga kuna varume vaviri muguta rimwe; mumwe wakange akafuma, asi mumwe wakange ari murombo.
1主はナタンをダビデにつかわされたので、彼はダビデの所にきて言った、「ある町にふたりの人があって、ひとりは富み、ひとりは貧しかった。
2Mufumi wakange ana makwai nemombe zhinji kwazvo;
2富んでいる人は非常に多くの羊と牛を持っていたが、
3asi murombo wakange asine chinhu, asi gwayana rimwe duku resheshe, raakanga atenga, akarirera; rikakura kwaari pamwechete navana vake, rikadya zvokudya zvake, nokumwira pamukombe wake, nokuvata pachifuva chake, rikafanana nomukunda wake.
3貧しい人は自分が買った一頭の小さい雌の小羊のほかは何も持っていなかった。彼がそれを育てたので、その小羊は彼および彼の子供たちと共に成長し、彼の食物を食べ、彼のわんから飲み、彼のふところで寝て、彼にとっては娘のようであった。
4Zvino mufambi wakati achisvika kumufumi, iye akaramba kutora chipfuwo kumakwai ake kana kumombe dzake, kuti achigadzirire mufambi wakange asvika kwaari, asi wakatora gwayana romurombo, akarigadzirira munhu wakange asvika kwaari.
4時に、ひとりの旅びとが、その富んでいる人のもとにきたが、自分の羊または牛のうちから一頭を取って、自分の所にきた旅びとのために調理することを惜しみ、その貧しい人の小羊を取って、これを自分の所にきた人のために調理した」。
5Ipapo kutsamwa kwaDhavhidhi kwakamukira munhu uyu kwazvo, akati kuna Natani, NaJehovha mupenyu, munhu wakaita kudai, anofanira kufa.
5ダビデはその人の事をひじょうに怒ってナタンに言った、「主は生きておられる。この事をしたその人は死ぬべきである。
6Uye anofanira kuripira gwayana iro namana, zvaakaita izvozvo, uye zvaakanga asine nyasha.
6かつその人はこの事をしたため、またあわれまなかったため、その小羊を四倍にして償わなければならない」。
7Natani akati kuna Dhavhidhi, Ndiwe munhu uyo! Zvanzi naJehovha Mwari walsiraeri, Ndakakuzodza iwe kuti uve mambo waIsiraeri, ndikakurwira paruoko rwaSauro,
7ナタンはダビデに言った、「あなたがその人です。イスラエルの神、主はこう仰せられる、『わたしはあなたに油を注いでイスラエルの王とし、あなたをサウルの手から救いだし、
8ndikakupa imba yatenzi vako, navakadzi vatenzi vako pachipfuva chako, ndikakupa imba yaIsiraeri neyaJudha; uye dai izvo zvisina kuringana, ndaikuwedzera zvokuti nezvokuti.
8あなたに主人の家を与え、主人の妻たちをあなたのふところに与え、またイスラエルとユダの家をあなたに与えた。もし少なかったならば、わたしはもっと多くのものをあなたに増し加えたであろう。
9Wazvidzireiko shoko raJehovha, ukaita zvakaipa pamberi pake? Wauraya Uriya muHiti nomunondo, ukatora mukadzi wake kuti ave mukadzi wako, ukamuurayisa nomunondo wavaAmoni.
9どうしてあなたは主の言葉を軽んじ、その目の前に悪事をおこなったのですか。あなたはつるぎをもってヘテびとウリヤを殺し、その妻をとって自分の妻とした。すなわちアンモンの人々のつるぎをもって彼を殺した。
10Naizvozvo zvino munondo haungabvi paimba yako nokusingaperi; nekuti wakandizvidza, ukatora mukadzi waUriya muHiti kuti ave mukadzi wako.
10あなたがわたしを軽んじてヘテびとウリヤの妻をとり、自分の妻としたので、つるぎはいつまでもあなたの家を離れないであろう』。
11Zvanzi naJehovha, Ndichakumutsira zvakaipa zvichabva mumba mako, ndichatora vakadzi vako pamberi pako ndichavapa waugere naye, iye uchavata navakadzi vako masikati machena.
11主はこう仰せられる、『見よ、わたしはあなたの家からあなたの上に災を起すであろう。わたしはあなたの目の前であなたの妻たちを取って、隣びとに与えるであろう。その人はこの太陽の前で妻たちと一緒に寝るであろう。
12Nekuti iwe wakazviita pakavanda, asi ini ndichazviita pamberi pavaIsiraeri vose, ari masikati machena.
12あなたはひそかにそれをしたが、わたしは全イスラエルの前と、太陽の前にこの事をするのである』」。
13Ipapo Dhavhidhi akati kuna Natani, Ndatadzira Jehovha. Natani akati kuna Dhavhidhi, Jehovha wakangamwirawo zvivi zvako; haungafi.
13ダビデはナタンに言った、「わたしは主に罪をおかしました」。ナタンはダビデに言った、「主もまたあなたの罪を除かれました。あなたは死ぬことはないでしょう。
14Kunyange zvakadaro, zvawakabatsira kwazvo vavengi vaJehovha kumumhura nechinhu ichi chawaita, uyo mwana wawaberekerwa, zvirokwazvo uchafa.
14しかしあなたはこの行いによって大いに主を侮ったので、あなたに生れる子供はかならず死ぬでしょう」。
15Natani akabva, akaenda kumba kwake.
15こうしてナタンは家に帰った。さて主は、ウリヤの妻がダビデに産んだ子を撃たれたので、病気になった。
16Naizvozvo Dhavhidhi akanyengeterera mwana kuna Jehovha, akatsanya, akapinda, akavata pasi usiku hwose.
16ダビデはその子のために神に嘆願した。すなわちダビデは断食して、へやにはいり終夜地に伏した。
17Vakuru veimba yake vakasimuka, vakaenda kwaari, vakada kumumutsa pasi; asi iye wakaramba, akasadyawo zvokudya navo.
17ダビデの家の長老たちは、彼のかたわらに立って彼を地から起そうとしたが、彼は起きようとはせず、また彼らと一緒に食事をしなかった。
18Zvino nezuva rechinomwe mwana akafa. Varanda vaDhavhidhi vakatya kumuudza kuti mwana wafa, nekuti vakati, Tarirai, mwana achiri mupenyu, takataura naye, akasateerera manzwi edu; zvino uchatambudzika seiko, kana tikamuudza kuti mwana wafa.
18七日目にその子は死んだ。ダビデの家来たちはその子が死んだことをダビデに告げるのを恐れた。それは彼らが、「見よ、子のなお生きている間に、われわれが彼に語ったのに彼はその言葉を聞きいれなかった。どうして彼にその子の死んだことを告げることができようか。彼は自らを害するかも知れない」と思ったからである。
19Asi Dhavhidhi wakati achiona kuti varanda vake vanoita zeve-zeve, Dhavhidhi akaziva kuti mwana wafa; Dhavhidhi akati kuvaranda vake, Mwana wafa here? Ivo vakati, Wafa.
19しかしダビデは、家来たちが互にささやき合うのを見て、その子の死んだのを悟り、家来たちに言った、「子は死んだのか」。彼らは言った、「死なれました」。
20Ipapo Dhavhidhi akasimuka pasi, akashamba, akazora mafuta, akafuka dzimwe nguvo, akapinda mumba maJehovha, akanamata; ipapo akaenda kumba kwake, akakumbira zvokudya, vakamupa, akadya.
20そこで、ダビデは地から起き上がり、身を洗い、油をぬり、その着物を替えて、主の家にはいって拝した。そののち自分の家に行き、求めて自分のために食物を備えさせて食べた。
21Ipapo varanda vake vakati kwaari, Ndokudiniko? Achiri mupenyu makatsanya, mukachema mwana, asi zvino mwana wakati afa, mukasimuka mukadya zvokudya.
21家来たちは彼に言った、「あなたのなさったこの事はなんでしょうか。あなたは子の生きている間はその子のために断食して泣かれました。しかし子が死ぬと、あなたは起きて食事をなさいました」。
22Iye akati, Mwana achiri mupenyu ndakatsanya, ndikachema, nekuti ndakati, Ndianiko ungaziva, zvimwe Mwari ungandinzwira tsitsi, mwana akararama hake?
22ダビデは言った、「子の生きている間に、わたしが断食して泣いたのは、『主がわたしをあわれんで、この子を生かしてくださるかも知れない』と思ったからです。
23Asi zvino wafa hake, ndichazvinyimireiko zvokudya? Ndingamudzosazve here? Ini ndichaenda kwaari, asi iye haangadzokeri kwandiri.
23しかし今は死んだので、わたしはどうして断食しなければならないでしょうか。わたしは再び彼をかえらせることができますか。わたしは彼の所に行くでしょうが、彼はわたしの所に帰ってこないでしょう」。
24Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha, akapinda kwaari, akavata naye, iye akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Soromoni. Iye akadikamwa naJehovha.
24ダビデは妻バテシバを慰め、彼女の所にはいって、彼女と共に寝たので、彼女は男の子を産んだ。ダビデはその名をソロモンと名づけた。主はこれを愛された。
25Jehovha akatuma shoko nomuromo waNatani muporofita, akamutumidza zita rinonzi Jedhidhia, nokuda kwaJehovha.
25そして預言者ナタンをつかわし、命じてその名をエデデアと呼ばせられた。
26Zvino Joabhu akandorwa naRabha, guta ravana vaAmoni, akakunda muzinda.
26さてヨアブはアンモンの人々のラバを攻めて王の町を取った。
27Joabhu akatuma nhume kuna Dhavhidhi, akati, Ndandorwa neRabha, ndikakunda guta remvura.
27ヨアブは使者をダビデにつかわして言った、「わたしはラバを攻めて水の町を取りました。
28Naizvozvo zvino, unganidzai vanhu vakasara, mudzike matende enyu paguta, murikunde, ini ndirege kuzokunda guta, rikatumidzwa zita rangu.
28あなたは今、残りの民を集め、この町に向かって陣をしき、これを取りなさい。わたしがこの町を取って、人がわたしの名をもって、これを呼ぶようにならないためです」。
29Dhavhidhi akaunganidza vanhu vose, vakaenda Rabha, vakarwa naro, vakarikunda.
29そこでダビデは民をことごとく集めてラバへ行き、攻めてこれを取った。
30Akabvisa korona yamambo wavo pamusoro wake; iyo yakasvika tarenda rimwe rendarama pakurema kwayo, uye yakanga ina mabwe anokosha, ikaiswa pamusoro waDhavhidhi. Akapamba zvizhinji kwazvo paguta iro.
30そしてダビデは彼らの王の冠をその頭から取りはなした。それは金で重さは一タラントであった。宝石がはめてあり、それをダビデの頭に置いた。ダビデはその町からぶんどり物を非常に多く持ち出した。またダビデはそのうちの民を引き出して、彼らをのこぎりや、鉄のつるはし、鉄のおのを使う仕事につかせ、また、れんが造りの労役につかせた。彼はアンモンの人々のすべての町にこのようにした。そしてダビデと民とは皆エルサレムに帰った。
31Akabudisawo vanhu vakanga varimo, akavabatisa namajeko, nembambo dzamatare, namasanhu amatare, akavasevenzesa pakuita zvitinha; akaita saizvozvo namaguta ose avana vaAmoni. Dhavhidhi navanhu vose vakadzokera Jerusaremu.
31またダビデはそのうちの民を引き出して、彼らをのこぎりや、鉄のつるはし、鉄のおのを使う仕事につかせ、また、れんが造りの労役につかせた。彼はアンモンの人々のすべての町にこのようにした。そしてダビデと民とは皆エルサレムに帰った。