1Zvino shure kwaizvozvo Abhusaromu mwanakomana waDhavhidhi wakange ane hanzvadzi yakanaka, yainzi Tamari; Amunoni mwanakomana waDhavhidhi akamuda.
1さてダビデの子アブサロムには名をタマルという美しい妹があったが、その後ダビデの子アムノンはこれを恋した。
2Amunoni akatambudzika, akarwara pamusoro paTamari hanzvadzi yake; nekuti yakanga iri mhandara, Amunoni akaona kuti haangamuiti chinhu.
2アムノンは妹タマルのために悩んでついにわずらった。それはタマルが処女であって、アムノンは彼女に何事もすることができないと思ったからである。
3Asi Amunoni wakange ane shamwari, yainzi Jonadhabhu mwanakomana waShimei, mukoma waDhavhidhi; zvino Jonadhabhu wakange ari munhu waiva namano.
3ところがアムノンにはひとりの友だちがあった。名をヨナダブといい、ダビデの兄弟シメアの子である。ヨナダブはひじょうに賢い人であった。
4Iye akati kwaari, Nhandi, mwanakomana wamambo, wakawondereiko kudai mazuva ose? Haungandiudzi here? Amunoni akati kwaari, Ndinoda Tamari, hanzvadzi yomunin'ina wangu Abhusaromu.
4彼はアムノンに言った、「王子よ、あなたは、どうして朝ごとに、そんなにやせ衰えるのですか。わたしに話さないのですか」。アムノンは彼に言った、「わたしは兄弟アブサロムの妹タマルを恋しているのです」。
5Jonadhabhu akati kwaari, Vata panhovo dzako, uzviite somunhu unorwara; zvino kana baba vako vakasvika kuzokuona, uti kwavari, Ndinokumbira kuti hanzvadzi yangu Tamari auye, andipe zvokudya, ndidye, agadzire zvokudya pamberi pangu, ndizviwone, ndizvidye pamaoko ake.
5ヨナダブは彼に言った、「あなたは病と偽り、寝床に横たわって、あなたの父がきてあなたを見るとき彼に言いなさい、『どうぞ、わたしの妹タマルをこさせ、わたしの所に食物を運ばせてください。そして彼女がわたしの目の前で食物をととのえ、彼女の手からわたしが食べることのできるようにさせてください』」。
6Naizvozvo Amunoni akavata pasi, akazviita somunhu unorwara; zvino mambo wakati achisvika kuzomuona, Amunoni akati kuna mambo, Ndinokumbira kuti Tamari, hanzvadzi yangu auye, andibikire zvingwa zviviri ndichizviona, kuti ndidye pamaoko ake.
6そこでアムノンは横になって病と偽ったが、王がきて彼を見た時、アムノンは王に言った、「どうぞわたしの妹タマルをこさせ、わたしの目の前で二つの菓子を作らせて、彼女の手からわたしが食べることのできるようにしてください」。
7Dhavhidhi akatuma shoko kumusha kuna Tamari, akati, Enda zvino kumba kwaAmunoni hanzvadzi yako, umugadzirire zvokudya.
7ダビデはタマルの家に人をつかわして言わせた、「あなたの兄アムノンの家へ行って、彼のために食物をととのえなさい」。
8Naizvozvo Tamari akaenda kumba kwehanzvadzi yake Amunoni; iye akanga avete pasi. Akatora mukanyiwa, akaukanya, akaumba zvingwa achizviona, akabika zvingwa.
8そこでタマルはその兄アムノンの家へ行ったところ、アムノンは寝ていた。タマルは粉を取って、これをこね、彼の目の前で、菓子を作り、その菓子を焼き、
9Akatora gango, akazvidurura pamberi pake; asi iye wakaramba kudya. Amunoni akati, Vanhu vose ngavabude kwandiri. Vanhu vose vakabuda kwaari.
9なべを取って彼の前にそれをあけた。しかし彼は食べることを拒んだ。そしてアムノンは、「みな、わたしを離れて出てください」と言ったので、皆、彼を離れて出た。
10Amunoni akati kuna Tamari, Uya nezvokudya muimba yokuvata, kuti ndidye pamaoko ako. Tamari akatora zvingwa zvaakanga abika, akauya nazvo mumba mokuvata maAmunoni hanzvadzi yake.
10アムノンはタマルに言った、「食物を寝室に持ってきてください。わたしはあなたの手から食べます」。そこでタマルは自分の作った菓子をとって、寝室にはいり兄アムノンの所へ持っていった。
11Zvino wakati aswedera pedo kwaari nazvo, iye akamubata, akati kwaari, Uya uvate neni, hanzvadzi yangu.
11タマルが彼に食べさせようとして近くに持って行った時、彼はタマルを捕えて彼女に言った、「妹よ、来て、わたしと寝なさい」。
12Iye akamupindura akati, Kwete, hanzvadzi yangu, usandichinya; nekuti chinhu chakadai hachifaniri kuitwa pakati pavaIsiraeri; usaita chinhu ichi chakaipa.
12タマルは言った、「いいえ、兄上よ、わたしをはずかしめてはなりません。このようなことはイスラエルでは行われません。この愚かなことをしてはなりません。
13Neni ndichaendepiko nokunyara kwangu? Kana uriwe, uchava sebenzi pakati paIsiraeri. Naizvozvo zvino, dotaura hako namambo; nekuti ivo havangandinyimi iwe.
13わたしの恥をわたしはどこへ持って行くことができましょう。あなたはイスラエルの愚か者のひとりとなるでしょう。それゆえ、どうぞ王に話してください。王がわたしをあなたに与えないことはないでしょう」。
14Asi wakaramba kuteerera inzwi rake, akaita simba naye, akamukurira, akavata naye.
14しかしアムノンは彼女の言うことを聞こうともせず、タマルよりも強かったので、タマルをはずかしめてこれと共に寝た。
15Ipapo Amunoni akamuvenga nokuvenga kukuru kwazvo; nekuti kuvenga kwaakamuvenga nako, kwakapfuura rudo rwaaimuda narwo. Amunoni akati kwaari, Muka, uende.
15それからアムノンは、ひじょうに深くタマルを憎むようになった。彼女を憎む憎しみは、彼女を恋した恋よりも大きかった。アムノンは彼女に言った、「立って、行きなさい」。
16Iye akati kwaari, Kwete, nekuti chinhu ichi chokundidzinga chikuru kunechecho chawandiitira. Asi wakaramba kumuteerera.
16タマルはアムノンに言った、「いいえ、兄上よ、わたしを返すことは、あなたがさきにわたしになさった事よりも大きい悪です」。しかしアムノンは彼女の言うことを聞こうともせず、
17Zvino akadana muranda wake wakange achimubatira, akati, Dzinga mukadzi uyu abve kwandiri, ukiye mukova kana abva.
17彼に仕えている若者を呼んで言った、「この女をわたしの所から外におくり出し、そのあとに戸を閉ざすがよい」。
18Zvino iye wakange ane nguvo yakareba ina maoko, nekuti vakunda vamambo, vaiva mhandara, vaifuka nguvo dzakadai. Muranda wake akamubudisa, akakiya mukova abva.
18この時、タマルは長そでの着物を着ていた。昔、王の姫たちの処女である者はこのような着物を着たからである。アムノンのしもべは彼女を外に出して、そのあとに戸を閉ざした。
19Zvino Tamari akaisa madota pamusoro wake, akabvarura nguvo yake yakareba ina maoko, akabata ruoko rwake pamusoro wake, akaenda achichema.
19タマルは灰を頭にかぶり、着ていた長そでの着物を裂き、手を頭にのせて、叫びながら去って行った。
20Abhusaromu hanzvadzi yake, akati kwaari, Amunoni hanzvadzi yako wakange ari kwauri here? Chinyarara hako, hanzvadzi yangu; iye ihanzvadzi yako, usazvidya moyo nemhaka yechinhu ichi. Naizvozvo Tamari akagara ari oga mumba maAbhusaromu hanzvadzi yake.
20兄アブサロムは彼女に言った、「兄アムノンがあなたと一緒にいたのか。しかし妹よ、今は黙っていなさい。彼はあなたの兄です。この事を心にとめなくてよろしい」。こうしてタマルは兄アブサロムの家に寂しく住んでいた。
21Asi, mambo Dhavhidhi wakati achinzwa izvi zvose, akatsamwa kwazvo.
21ダビデ王はこれらの事をことごとく聞いて、ひじょうに怒った。
22Asi Abhusaromu haana kutaura chinhu chakanaka kana chakaipa kuna Amunoni; nekuti Abhusaromu wakavenga Amunoni, nekuti wakange achiva hanzvadzi yake Tamari.
22アブサロムはアムノンに良いことも悪いことも語ることをしなかった。それはアムノンがアブサロムの妹タマルをはずかしめたので、アブサロムが彼を憎んでいたからである。
23Zvino makore maviri akati apfuura, Abhusaromu wakange ana vaveuri vamakwai paBhaarihazori pedo naEfuremu; Abhusaromu akakoka vana vose vamambo.
23満二年の後、アブサロムはエフライムの近くにあるバアル・ハゾルで羊の毛を切らせていた時、王の子たちをことごとく招いた。
24Abhusaromu akaenda kuna mambo, akati, Tarirai zvino, muranda wenyu anavaveuri vamakwai; ndinokumbira kuti mambo navaranda vake vaende nomuranda wenyu.
24そしてアブサロムは王のもとにきて言った、「見よ、しもべは羊の毛を切らせております。どうぞ王も王の家来たちも、しもべと共にきてください」。
25Mambo akati kuna Abhusaromu, Kwete, mwana wangu, ngatirege kuenda isu tose, tirege kuzokutambudza. Akamukurudzira, asi wakaramba kuenda, akamuropafadza hake.
25王はアブサロムに言った、「いいえ、わが子よ、われわれが皆行ってはならない。あなたの重荷になるといけないから」。アブサロムはダビデにしいて願った。しかしダビデは行くことを承知せず彼に祝福を与えた。
26Zvino Abhusaromu akati, Kana musingadi henyu, ndinokumbira kuti mukoma wangu Amunoni aende nesu. Mambo akati kwaari, Iye unofanira kuendireiko newe?
26そこでアブサロムは言った、「それでは、どうぞわたしの兄アムノンをわれわれと共に行かせてください」。王は彼に言った、「どうして彼があなたと共に行かなければならないのか」。
27Asi Abhusaromu akamukurudzira, akatendera Amunoni navamwe vana vose vamambo kuenda naye.
27しかしアブサロムは彼にしいて願ったので、ついにアムノンと王の子たちを皆、アブサロムと共に行かせた。
28Zvino Abhusaromu akaraira varanda vake akati, Tarirai zvakanaka zvino, kana moyo waAmunoni wofara newaini, ini ndikati kwamuri, Urayai Amunoni! imwi munofanira kumuuraya, musatya henyu; handizini ndakakurairai here? Tsungai, muve noumhare.
28そこでアブサロムは若者たちに命じて言った、「アムノンが酒を飲んで、心楽しくなった時を見すまし、わたしがあなたがたに、『アムノンを撃て』と言う時、彼を殺しなさい。恐れることはない。わたしが命じるのではないか。雄々しくしなさい。勇ましくしなさい」。
29Zvino varanda vaAbhusaromu vakaitira Amunoni sezvavakanga varairwa naAbhusaromu. Ipapo vanakomana vose vamambo vakasimuka, mumwe nomumwe akakwira mbongoro yake vakatiza.
29アブサロムの若者たちはアブサロムの命じたようにアムノンにおこなったので、王の子たちは皆立って、おのおのその騾馬に乗って逃げた。
30Zvino vakati vachiri munzira, shoko rikasvika kuna Dhavhidhi Abhusaromu wauraya vanakomana vose vamambo, hakuna wakasara kwavari kunyangwe nomumwe.
30彼らがまだ着かないうちに、「アブサロムは王の子たちをことごとく殺して、ひとりも残っている者がない」という知らせがダビデに達したので、
31Ipapo mambo akasimuka, akabvarura nguvo dzake, akavata pasi; navaranda vake vose vakamirapo nenguvo dzakabvarurwa.
31王は立ち、その着物を裂いて、地に伏した。そのかたわらに立っていた家来たちも皆その着物を裂いた。
32Asi Jonadhabhu, mwanakomana waShimei, mukoma waDhavhidhi, akapindura, akati, Ishe wangu ngaarege kuti vauraya majaya ose, ivo vana vamambo; nekuti Amunoni woga ndiye wafa, nekuti Abhusaromu wakavaraira izvozvo kubva pazuva raakachiva hanzvadzi yake Tamari.
32しかしダビデの兄弟シメアの子ヨナダブは言った、「わが主よ、王の子たちである若者たちがみな殺されたと、お考えになってはなりません。アムノンだけが死んだのです。これは彼がアブサロムの妹タマルをはずかしめた日から、アブサロムの命によって定められていたことなのです。
33Zvino ishe wangu mambo ngaarege kuzvidya moyo pamusoro pechinhu ichi, achiti vanakomana vose vamambo vafa, nekuti Amunoni woga ndiye wafa.
33それゆえ、わが主、王よ、王の子たちが皆死んだと思って、この事を心にとめられてはなりません。アムノンだけが死んだのです」。
34Asi Abhusaromu wakatiza. Zvino jaya rakanga rakarindira rakatarira, rikaona vanhu vazhinji vachiuya nenzira yegomo mushure make.
34アブサロムはのがれた。時に見張りをしていた若者が目をあげて見ると、山のかたわらのホロナイムの道から多くの民の来るのが見えた。
35Jonadhabhu akati kuna mambo, Tarirai, vana vamambo vasvika; zvaitika sezvakataura muranda wenyu.
35ヨナダブは王に言った、「見よ、王の子たちがきました。しもべの言ったとおりです」。
36Wakati apedza kutaura, vana vamambo vakasvika, vakachema kwazvo; namambowo navaranda vake vose vakachemawo kwazvo.
36彼が語ることを終った時、王の子たちはきて声をあげて泣いた。王もその家来たちも皆、非常にはげしく泣いた。
37Asi Abhusaromu wakatiza, akaenda kuna Tarimai mwanakomana waAmihuri mambo weGeshuri. Dhavhidhi akachema mwanakomana wake mazuva ose.
37しかしアブサロムはのがれて、ゲシュルの王アミホデの子タルマイのもとに行った。ダビデは日々その子のために悲しんだ。
38Naizvozvo Abhusaromu akatiza akaenda Geshuri, akagarapo makore matatu.
38アブサロムはのがれてゲシュルに行き、三年の間そこにいた。王は心に、アブサロムに会うことを、せつに望んだ。アムノンは死んでしまい、ダビデが彼のことはあきらめていたからである。
39moyo wamambo Dhavhidhi ukada kwazvo kuenda kuna Abhusaromu, nekuti wakange anyaradzwa pamusoro paAmunoni, achiti wafa hake.
39王は心に、アブサロムに会うことを、せつに望んだ。アムノンは死んでしまい、ダビデが彼のことはあきらめていたからである。