1Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya, wakaona kuti moyo
1ゼルヤの子ヨアブは王の心がアブサロムに向かっているのを知った。
2Joabhu akatumira Tekoa, akatorako mukadzi wakange akangwara, akati kwaari, Uzviite hako somuchemi, ufuke nguvo dzokuchema, usazvizora mafuta, asi uzviite somukadzi wakanguva achema wakafa;
2そこでヨアブはテコアに人をつかわして、そこからひとりの賢い女を連れてこさせ、その女に言った、「あなたは悲しみのうちにある人をよそおって、喪服を着、油を身に塗らず、死んだ人のために長いあいだ悲しんでいる女のように、よそおって、
3zvino upinde kuna mambo, utaure naye zvokuti nezvokuti. Naizvozvo Joabhu akaisa mashoko mumuromo make.
3王のもとに行き、しかじかと彼に語りなさい」。こうしてヨアブはその言葉を彼女の口に授けた。
4Zvino mukadzi weTekoa wakati achitaura namambo, akawira pasi nechiso chake, akakotama, akati, Ndibatsirei, mambo wangu!
4テコアの女は王のもとに行き、地に伏して拝し、「王よ、お助けください」と言った。
5Mambo akati kwaari, Unonzweiko? Akapindura, akati, Zvirokwazvo, ndiri chirikadzi, murume wangu wakafa.
5王は女に言った、「どうしたのか」。女は言った、「まことにわたしは寡婦でありまして、夫は死にました。
6Murandakadzi wenyu wakange ana vanakomana vaviri, ivo vaviri vakarwa kusango; kwakanga kusino munhu wakavanunura, mumwe akarova mumwe, akamuuraya.
6つかえめにはふたりの子どもがあり、ふたりは野で争いましたが、だれも彼らを引き分ける者がなかったので、ひとりはついに他の者を撃って殺しました。
7Zvino tarirai, imba yose yamukira murandakadzi wenyu, vakati, Tipei uyo wakauraya munin'ina wake, timuuraye pamusoro poupenyu hwomunin'ina wake waakauraya, tiuraye nomudyi wenhakawo; naizvozvo vachadzima zimbe rangu rakasara, vakasasiira murume wangu zita kana mumwe wakasara panyika.
7すると全家族がつかえめに逆らい立って、『兄弟を撃ち殺した者を引き渡たすがよい。われわれは彼が殺したその兄弟の命のために彼を殺そう』と言い、彼らは世継をも殺そうとしました。こうして彼らは残っているわたしの炭火を消して、わたしの夫の名をも、跡継をも、地のおもてにとどめないようにしようとしています」。
8Mambo akati kumukadzi, Enda hako kumba kwako, ndicharaira shoko pamusoro pako.
8王は女に言った、「家に帰りなさい。わたしはあなたのことについて命令を下します」。
9Mukadzi weTekoa akati kuna mambo, Ishe wangu mambo, mhosva ngaive kwandiri nokuimba yababa vangu, asi mambo nechigaro chake choushe ngazvirege kuva nemhosva.
9テコアの女は王に言った、「わが主、王よ、わたしとわたしの父の家にその罪を帰してください。どうぞ王と王の位には罪がありませんように」。
10Mambo akati, Ani nani anotaura chinhu kwauri, uya naye kwandiri, haangazokugunzvizve.
10王は言った、「もしあなたに何か言う者があれば、わたしの所に連れてきなさい。そうすれば、その人は重ねてあなたに触れることはないでしょう」。
11Ipapo iye akati, Mambo ngaarangarire Jehovha Mwari wenyu, kuti mutsivi weropa arege kuramba achiparadza, varege kuzoparadza mwanakomana wangu. Iye akati, NaJehovha mupenyu, ruvhudzi rumwe rwomwanakomana wako harungawiri pasi.
11女は言った、「どうぞ王が、あなたの神、主をおぼえて、血の報復をする者に重ねて滅ぼすことをさせず、わたしの子の殺されることのないようにしてください」。王は言った、「主は生きておられる。あなたの子の髪の毛一筋も地に落ちることはないでしょう」。
12Zvino mukadzi akati, Murandakadzi wenyu ngaatenderwe hake kutaura shoko rimwe kunashe wangu mambo. Iye akati, Taura hako.
12女は言った、「どうぞ、つかえめにひと言、わが主、王に言わせてください」。ダビデは言った、「言いなさい」。
13Mukadzi akati, Zvino makarangarireiko kuitira vanhu vaIsiraeri chinhu chakadai? nekuti pakutaura kwenyu shoko rakadai, mambo wafanana nomunhu ane mhosva, nekuti mambo haadzoserizve kumusha kwake mwanakomana wake waakadzinga.
13女は言った、「あなたは、それならばどうして、神の民に向かってこのような事を図られたのですか。王は今この事を言われたことによって自分を罪ある者とされています。それは王が追放された者を帰らせられないからです。
14Nekuti tinofanira kufa, takafanana nemvura yakateurirwa pasi, isingagoni kuworerwazve; Mwari haatoreri munhu upenyu, asi unofunga mano kuti wakadzingwa arege kurashwa chose naye.
14わたしたちはみな死ななければなりません。地にこぼれた水の再び集めることのできないのと同じです。しかし神は、追放された者が捨てられないように、てだてを設ける人の命を取ることはなさいません。
15Naizvozvo zvino, ndauya ini kuzotaura shoko iri kunashe wangu mambo, nekuti vanhu vakandityisa; murandakadzi wenyu akati, Ndichataura zvino namambo; zvimwe mambo uchatenda zvinokumbirwa nomura-ndakadzi wake.
15わたしがこの事を王、わが主に言おうとして来たのは、わたしが民を恐れたからです。つかえめは、こう思ったのです、『王に申し上げよう。王は、はしための願いのようにしてくださるかもしれない。
16nekuti mambo uchateerera hake, akarwira murandakadzi wake paruoko rwomunhu unoda kundiparadza ini pamwechete nomwanakomana wangu, tirege kudya nhaka yaMwari.
16王は聞いてくださる。わたしとわたしの子を共に滅ぼして神の嗣業から離れさせようとする人の手から、はしためを救い出してくださるのだから』。
17Zvino murandakadzi wenyu akati, Ndinokumbira kuti shoko rashe wangu mambo rive rokunyaradza; nekuti ishe wangu mambo wakafanana nomutumwa waMwari pakuziva zvakanaka nezvakaipa; Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi.
17つかえめはまた、こう思ったのです、『王、わが主の言葉はわたしを安心させるであろう』と。それは王、わが主は神の使のように善と悪を聞きわけられるからです。どうぞあなたの神、主があなたと共におられますように」。
18Ipapo mambo akapindura, akati kumukadzi, Usavanzira hako shoko randinokubvunza. Mukadzi akati, Ishe wangu ngaataure hake zvino.
18王は女に答えて言った、「わたしが問うことに隠さず答えてください」。女は言った、「王、わが主よ、どうぞ言ってください」。
19Mambo akati, Joabhu wakabatsirana newe pazvinhu izvi zvose here? Mukadzi akapindura, akati, Noupenyu hwomweya wangu, ishe wangu mambo, hakuna munhu ungatsauka kurudyi kana kuruboshwe pashoko rimwe rakataurwa nashe wangu mambo; nekuti muranda wenyu Joabhu ndiye wakandiraira, ndiye wakaisa mashoko awa ose mumuromo womurandakadzi wenyu.
19王は言った、「このすべての事において、ヨアブの手があなたと共にありますか」。女は答えた、「あなたはたしかに生きておられます。王、わが主よ、すべて王、わが主の言われた事から人は右にも左にも曲ることはできません。わたしに命じたのは、あなたのしもべヨアブです。彼がつかえめの口に、これらの言葉をことごとく授けたのです。
20Muranda wenyu Joabhu wakandiraira kushandura shoko iri kudai; asi ishe wangu wakangwara, nokungwara kwakafanana nokomutumwa waMwari, nekuti munoziva zvose zviri panyika.
20事のなりゆきを変えるため、あなたのしもべヨアブがこの事をしたのです。わが君には神の使の知恵のような知恵があって、地の上のすべてのことを知っておられます」。
21Ipapo mambo akati kuna Joabhu, Tarira zvino, ndatenda hangu chinhu ichi, naizvozvo chienda undotora jaya Abhusaromu.
21そこで王はヨアブに言った、「この事を許す。行って、若者アブサロムを連れ帰るがよい」。
22Joabhu akawira pasi nechiso chake, akakotama, akavonga mambo. Joabhu akati, Nhasi muranda wenyu unoziva kuti ndanzwirwa nyasha nemi, ishe wangu mambo; nekuti mambo wakaita zvakumbirwa nomuranda wake.
22ヨアブは地にひれ伏して拝し、王を祝福した。そしてヨアブは言った、「わが主、王よ、王がしもべの願いを許されたので、きょうしもべは、あなたの前に恵みを得たことを知りました」。
23Naizvozvo Joabhu akasimuka, akaenda Geshuri, akadzosera Abhusaromu Jerusaremu.
23そこでヨアブは立ってゲシュルに行き、アブサロムをエルサレムに連れてきた。
24Mambo akati, Ngaatsaukire kumba kwake, asi ngaarege kuona chiso changu. Naizvozvo Abhusaromu akatsaukira kumba kwake, akasaona chiso chamambo.
24王は言った、「彼を自分の家に引きこもらせるがよい。わたしの顔を見てはならない」。こうしてアブサロムは自分の家に引きこもり、王の顔を見なかった。
25Zvino pakati pavaIsiraeri vose kwakanga kusino munhu wairumbidzwa kwazvo saAbhusaromu pamusoro pokunaka kwake; kubva patsoka dzake kusvikira kumusoro wake kwakanga kusine chinhu chakaremara kwaari.
25さて全イスラエルのうちにアブサロムのように、美しさのためほめられた人はなかった。その足の裏から頭の頂まで彼には傷がなかった。
26Nguva yaaigurira vhudzi rake (zvino wairigurira pakupera kwegore rimwe nerimwe, nekuti vhudzi rake raimuremera, naizvozvo wairigurira), waiyera vhudzi romusoro wake, rikasvika mashekeri ana mazana maviri, achienzanisa nechiyero chamambo.
26アブサロムがその頭を刈る時、その髪の毛をはかったが、王のはかりで二百シケルあった。毎年の終りにそれを刈るのを常とした。それが重くなると、彼はそれを刈ったのである。
27Abhusaromu akaberekerwa vanakomana vatatu nomwanasikana mu mwe, wainzi Tamari; iye waiva mukadzi wakange ane chiso chakanaka.
27アブサロムに三人のむすこと、タマルという名のひとりの娘が生れた。タマルは美しい女であった。
28Zvino Abhusaromu akagara makore maviri paJerusaremu asingaoni chiso chamambo.
28こうしてアブサロムは満二年の間エルサレムに住んだが、王の顔を見なかった。
29Ipapo Abhusaromu akadana Joabhu, kuti amutumire kuna mambo; asi wakaramba kuuya kwaari; akatumazve rwechipiri, asi wakarambazve kuuya.
29そこでアブサロムはヨアブを王のもとにつかわそうとして、ヨアブの所に人をつかわしたが、ヨアブは彼の所にこようとはしなかった。彼は再び人をつかわしたがヨアブはこようとはしなかった。
30Zvino akati kuvaranda vake, Tarirai munda waJoabhu uri pedo nowangu, uye ane bhari; endai mundoupisa. Varanda vaAbhusaromu vakandopisa munda.
30そこでアブサロムはその家来に言った、「ヨアブの畑はわたしの畑の隣にあって、そこに大麦がある。行ってそれに火を放ちなさい」。アブサロムの家来たちはその畑に火を放った。
31Joabhu akasimuka, akaenda kuna Abhusaromu kumba kwake, akati kwaari, Varanda vako vapisireiko munda wangu?
31ヨアブは立ってアブサロムの家にきて彼に言った、「どうしてあなたの家来たちはわたしの畑に火を放ったのですか」。
32Abhusaromu akapindura Joabhu akati, Tarira, ndakatuma shoko kwauri, ndichiti, Uya pano, ndikutume kuna mambo, undoti Ndakabvireiko Geshuri? Zvaiva zviri nani kuti ndivepo nazvino; naizvozvo zvino nditendere ndiwone chiso chamambo; kana ndine mhosva, ngaandiuraya hake.
32アブサロムはヨアブに言った、「わたしはあなたに人をつかわして、ここへ来るようにと言ったのです。あなたを王のもとにつかわし、『なんのためにわたしはゲシュルからきたのですか。なおあそこにいたならば良かったでしょうに』と言わせようとしたのです。それゆえ今わたしに王の顔を見させてください。もしわたしに罪があるなら王にわたしを殺させてください」。そこでヨアブは王のもとへ行って告げたので、王はアブサロムを召しよせた。彼は王のもとにきて、王の前に地にひれ伏して拝した。王はアブサロムに口づけした。
33Naizvozvo Joabhu akaenda kuna mambo, akamuudza; ivo vakadana Abhusaromu, akasvika kuna mambo, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo, mambo akatsvoda Abhusaromu.
33そこでヨアブは王のもとへ行って告げたので、王はアブサロムを召しよせた。彼は王のもとにきて、王の前に地にひれ伏して拝した。王はアブサロムに口づけした。