1Zvino Ahitoferi wakati kuna Abhusaromu, Nditenderei zvino nditsaure varume vane zviuru zvine gumi nezviviri, ndisimuke, nditeverere Dhavhidhi usiku hwuno;
1時にアヒトペルはアブサロムに言った、「わたしに一万二千の人を選び出させてください。わたしは立って、今夜ダビデのあとを追い、
2ndimuvambe akaneta, asine simba, ndimutyise, vanhu vose vaanavo vatize; ini ndichauraya mambo oga.
2彼が疲れて手が弱くなっているところを襲って、彼をあわてさせましょう。そして彼と共にいる民がみな逃げるとき、わたしは王ひとりを撃ち取り、
3Ipapo ndichadzosera vanhu vose kwamuri; kana mawana munhu mumwe wamunotsvaka, vanhu vose vachadzoka; naizvozvo vanhu vose vachava norugare.
3すべての民を花嫁がその夫のもとに帰るようにあなたに帰らせましょう。あなたが求めておられるのはただひとりの命だけですから、民はみな穏やかになるでしょう」。
4Shoko iro rakafadza Abhusaromu navakuru vose vaIsiraeri.
4この言葉はアブサロムとイスラエルのすべての長老の心にかなった。
5Ipapo Abhusaromu akati, Danai Hushai muArikiwo, tinzwe zvaanotaura.
5そこでアブサロムは言った、「アルキびとホシャイをも呼びよせなさい。われわれは彼の言うことを聞きましょう」。
6Hushai wakati asvika kuna Abhusaromu, Abhusaromu akataura naye akati, Ahitoferi wataura zvokuti nezvokuti; zvino toita sezvaakataura here? Kana tisingafaniri kudaro, taura iwe.
6ホシャイがアブサロムのもとにきた時、アブサロムは彼に言った、「アヒトペルはこのように言った。われわれは彼の言葉のように行うべきか。いけないのであれば、言いなさい」。
7Hushai akati kuna Abhusaromu, Zano ramapiwa nguva ino naAhitoferi harina kunaka.
7ホシャイはアブサロムに言った、「このたびアヒトペルが授けた計りごとは良くありません」。
8Hushai akawedzera, akati, Munoziva baba venyu navanhu vavo, kuti vanhu voumhare, zvino vane shungu pamoyo pavo, sebere ratorerwa vana varo kusango; baba venyu munhu wokurwa, havangavati navanhu.
8ホシャイはまた言った、「ごぞんじのように、あなたの父とその従者たちとは勇士です。その上彼らは、野で子を奪われた熊のように、ひどく怒っています。また、あなたの父はいくさびとですから、民と共に宿らないでしょう。
9Tarirai, zvino vandovanda pabako, kana pamwe; zvino kana vamwe vakatanga kuurawa, ani nani unonzwa uchati, Vanhu, vanotevera Abhusaromu, vourawa.
9彼は今でも穴の中か、どこかほかの所にかくれています。もし民のうちの幾人かが手始めに倒れるならば、それを聞く者はだれでも、『アブサロムに従う民のうちに戦死者があった』と言うでしょう。
10Ipapo kunyange munhu wemhare, ano moyo wakafanana noweshumba, uchawora moyo, nekuti vaIsiraeri vose vanoziva kuti baba venyu imhare, naivo vavanavo vanhu voumharewo.
10そうすれば、ししの心のような心のある勇ましい人であっても、恐れて消え去ってしまうでしょう。それはイスラエルのすべての人が、あなたの父の勇士であること、また彼と共にいる者が、勇ましい人々であることを知っているからです。
11Zvino zano rangu ndiro, kuti vaIsiraeri vose vaunganidzwe kwamuri, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, vawande sejecha riri pagungwa; nemiwo muende mumene kuhondo.
11ところでわたしの計りごとは、イスラエルをダンからベエルシバまで、海べの砂のように多くあなたのもとに集めて、あなたみずから戦いに臨むことです。
12Naizvozvo tichamuvamba paanenge achiwanikwa, tigomhara pamusoro pake somumharire weveta pasi; hatingasii kunyange mumwe wavo, kunyange ivo kunyange vanhu vavanavo.
12こうしてわれわれは彼の見つかる場所で彼を襲い、つゆが地におりるように彼の上に下る。そして彼および彼と共にいるすべての人をひとりも残さないでしょう。
13Uye, kana vakapinda muguta, vaIsiraeri vose vangauya namabote kuguta iro, tirikwevere murwizi, kusvikira pachishaikwa kunyange ibwe rimwe duku.
13もし彼がいずれかの町に退くならば、全イスラエルはその町になわをかけ、われわれはそれを谷に引き倒して、そこに一つの小石も見られないようにするでしょう」。
14Ipapo Abhusaromu navarume vose vaIsiraeri vakati, Zano raHushai muAriki rakanaka kukunda zano raAhitoferi. Nekuti Jehovha wakange atema kuti zano rakanaka raAhitoferi rikoneswe, kuti Jehovha apinze Abhusaromu panjodzi.
14アブサロムとイスラエルの人々はみな、「アルキびとホシャイの計りごとは、アヒトペルの計りごとよりもよい」と言った。それは主がアブサロムに災を下そうとして、アヒトペルの良い計りごとを破ることを定められたからである。
15Zvino Hushai akati kuna Zadhoki nokuna Abhiatari vapristi, Ahitoferi wakapa Abhusaromu navakuru vaIsiraeri zano rokuti nerokuti, asi ini ndakavapa zano rokuti nerokuti.
15そこでホシャイは祭司たち、ザドクとアビヤタルとに言った、「アヒトペルはアブサロムとイスラエルの長老たちのためにこういう計りごとをした。またわたしはこういう計りごとをした。
16Naizvozvo zvino, tumai munhu pakarepo, audze Dhavhidhi, ati, Regai kuvata usiku hwuno kumazambuko erenje, asi munofanira kuyambuka, kuti mambo arege kumedzwa navanhu vose vaanavo.
16それゆえ、あなたがたはすみやかに人をつかわしてダビデに告げ、『今夜、荒野の渡し場に宿らないで、必ず渡って行きなさい。さもないと王および共にいる民はみな、滅ぼされるでしょう』と言いなさい」。
17Zvino Jonatani naAhimazi vakanga vari paEnirogeri; murandakadzi akaenda kundovaudza ivo vakandoudza mambo Dhavhidhi, nekuti havazaifanira kuonekwa vachipinda paguta.
17時に、ヨナタンとアヒマアズはエンロゲルで待っていた。ひとりのつかえめが行って彼らに告げ、彼らは行ってダビデ王に告げるのが常であった。それは彼らが町にはいるのを見られないようにするためである。
18Asi mumwe mukomana wakavaona, akandoudza Abhusaromu; ivo vaviri vakakurumidza kuenda, vakasvika paimba yomumwe munhu paBhahurimu; iye wakange ane tsime paruvazhe rwake, ivo vakaburukiramo.
18ところがひとりの若者が彼らを見てアブサロムに告げたので、彼らふたりは急いで去り、バホリムの、あるひとりの人の家にきた。その人の庭に井戸があって、彼らはその中に下ったので、
19Mukadzi akatora chokufukidzira nacho, akachiwarira pamusoro pomuromo wetsime, akanika zviyo zvakatswiwa pamusoro pacho; hakune chinhu chakazozikamwa.
19女はおおいを取ってきて井戸の口の上にひろげ、麦をその上にまき散らした。それゆえその事は何も知れなかった。
20Zvino varanda vaAbhusaromu vakasvika kumukadzi kumba, vakati, Ahimaazi naJonatani varipiko? Mukadzi akati kwavari, Vayambuka rukova. Ivo vakavatsvaka, vakavashaiwa, vakadzokera Jerusaremu.
20アブサロムのしもべたちはその女の家にきて言った、「アヒマアズとヨナタンはどこにいますか」。女は彼らに言った、「あの人々は小川を渡って行きました」。彼らは尋ねたが見当らなかったのでエルサレムに帰った。
21Zvino vakati vabva, ivo vakabuda mutsime, vakandoudza mambo Dhavhidhi; vakati kuna Dhavhidhi, Simukai, mukurumidze kuyambuka mvura, nekuti Ahitoferi wakapa zano rokuti nerokuti pamusoro penyu.
21彼らが去った後、人々は井戸から上り、行ってダビデ王に告げた。すなわち彼らはダビデに言った、「立って、すみやかに川を渡りなさい。アヒトペルがあなたがたに対してこういう計りごとをしたからです」。
22Dhavhidhi akasimuka, navanhu vose vaakanga anavo, vakayambuka Joridhani; kwakati koedza mangwanani, kwakanga kusino mumwe wavo wakange achigere kuyambuka Joridhani.
22そこでダビデは立って、共にいるすべての民と一緒にヨルダンを渡った。夜明けには、ヨルダンを渡らない者はひとりもなかった。
23Zvino Ahitoferi wakati achiona kuti vakanga vasine hanya nezano rake, akaisa chigaro pamusoro pembongoro yake, akasimuka, akaenda kumba kwake kuguta rake, akaraira vose veimba yake, akazvisungirira, akafa, akavigwa muhwiro hwababa vake.
23アヒトペルは、自分の計りごとが行われないのを見て、ろばにくらを置き、立って自分の町に行き、その家に帰った。そして家の人に遺言してみずからくびれて死に、その父の墓に葬られた。
24Zvino Dhavhidhi akasvika Mahanaimu. Abhusaromu akayambuka Joridhani, iye navarume vose valsiraeri, vaakanga anavo.
24ダビデはマハナイムにきた。またアブサロムは自分と共にいるイスラエルのすべての人々と一緒にヨルダンを渡った。
25Abhusaromu akagadza Amasa ave mutungamiriri wehondo panzvimbo yaJoabhu. Amasa wakange ari mwanakomana womunhu wainzi Jitira mulsiraeri, wakange apinda kuna Abhigairi, mukunda waNahashi, munin'ina waZeruya, amai vaJoabhu.
25アブサロムはアマサをヨアブの代りに軍の長とした。アマサはかのナハシの娘でヨアブの母ゼルヤの妹であるアビガルをめとったイシマエルびと、名はイトラという人の子である。
26VaIsiraeri naAbhusaromu vakadzika matende avo panyika yeGiriyadhi.
26そしてイスラエルとアブサロムはギレアデの地に陣取った。
27Zvino Dhavhidhi wakati achisvika paMahanaimu, Shobhi mwanakomana waNahashi weRabha, wavana vaAmoni, naMakiri mwanakomana waAmieri weRodhebhari, naBharizirai muGiriyadhi weRogerimi,
27ダビデがマハナイムにきた時、アンモンの人々のうちのラバのナハシの子ショビと、ロ・デバルのアンミエルの子マキル、およびロゲリムのギレアデびとバルジライは、
28vakauya nenhovo, nehari, nemidziyo yevhu, nezviyo, nebhari, noupfu, nezviyo zvakakangwa, nenyimo, nenyemba, nezvakakangwa,
28寝床と鉢、土器、小麦、大麦、粉、いり麦、豆、レンズ豆、蜜、凝乳、羊、乾酪をダビデおよび共にいる民が食べるために持ってきた。それは彼らが、「民は荒野で飢え疲れかわいている」と思ったからである。
29nouchi, namafuta, namakwai, namapundu omukaka, kuti Dhavhidhi navanhu vose vaakanga anavo vadye; nekuti vakati, Vanhu vane nzara, vaneta, vane nyota murenje.
29蜜、凝乳、羊、乾酪をダビデおよび共にいる民が食べるために持ってきた。それは彼らが、「民は荒野で飢え疲れかわいている」と思ったからである。