1Zvino Dhavhidhi akaverenga vanhu vaakanga anavo, akagadza vakuru vezviuru navakuru vamazana pamusoro pavo.
1さてダビデは自分と共にいる民を調べて、その上に千人の長、百人の長を立てた。
2Dhavhidhi akatuma vanhu, chetatu chavo vachirairwa naJoabhu, nechetatu chavo vachirairwa naAbhishai mwanakomana waZeruya, munin'ina waJoabhu, nechatatu chavozve vachirairwa naItai muGiti. Mambo akati kuvanhu, Zvirokwazvo, neniwo ndimene ndichaenda nemi.
2そしてダビデは民をつかわし、三分の一をヨアブの手に、三分の一をゼルヤの子ヨアブの兄弟アビシャイの手に、三分の一をガテびとイッタイの手にあずけた。こうして王は民に言った、「わたしもまた必ずあなたがたと一緒に出ます」。
3Asi vanhu vakati, Hamungaendi, nekuti kana tikatiza isu, havangavi nehanya nesu; kunyange hafu yavanhu vedu vakaurawa havangavi nehanya nesu; asi imwi makafanana navanhu vedu vane zviuru zvine gumi; naizvozvo zviri nani kuti mugare makazvigadzira kuzotibatsira muri muguta.
3しかし民は言った、「あなたは出てはなりません。それはわれわれがどんなに逃げても、彼らはわれわれに心をとめず、われわれの半ばが死んでも、われわれに心をとめないからです。しかしあなたはわれわれの一万に等しいのです。それゆえあなたは町の中からわれわれを助けてくださる方がよろしい」。
4Mambo akati kwavari, Ndichaita sezvamunofunga. Mambo akandomira kurutivi rwesuwo vanhu vose vakabuda vachiita mazana-mazana nezviuru-zviuru.
4王は彼らに言った、「あなたがたの最も良いと思うことをわたしはしましょう」。こうして王は門のかたわらに立ち、民は皆あるいは百人、あるいは千人となって出て行った。
5Zvino mambo akaraira Joabhu naAbhishai naItai, akati, nzwirai henyu jaya nyasha, iye Abhusaromu, nokuda kwangu. Vanhu vose vakanzwa mambo achiraira vakuru vose pamusoro paAbhusaromu.
5王はヨアブ、アビシャイおよびイッタイに命じて、「わたしのため、若者アブサロムをおだやかに扱うように」と言った。王がアブサロムの事についてすべての長たちに命じている時、民は皆聞いていた。
6Zvino vanhu vakabudira kusango kundorwa naIsiraeri, vakarwa mudondo raEfuremu.
6こうして民はイスラエルに向かって野に出て行き、エフライムの森で戦ったが、
7Vanhu vaIsiraeri vakakundwapo pamberi pavaranda vaDhavhidhi, vakauraya vanhu vazhinji-zhinji zuva iro vakasvika zviuru zvina mazana maviri.
7イスラエルの民はその所でダビデの家来たちの前に敗れた。その日その所に戦死者が多く、二万に及んだ。
8nekuti kurwa kwakapararira panyika yose, dondo rikaparadza vanhu vazhinji kukunda vakaparadzwa nomunondo.
8そして戦いはあまねくその地のおもてに広がった。この日、森の滅ぼした者は、つるぎの滅ぼした者よりも多かった。
9Zvino Abhusaromu akasangana navaranda vaDhavhidhi. Abhusaromu wakange akatasva hesera rake, hesera rikapinda napasi pamatavi makobvu omuoki mukuru, musoro wake ukabatwa pamuoki, iye ndokurembera pakati pedenga napasi; hesera raakanga akatasva rikaramba richifamba.
9さてアブサロムはダビデの家来たちに行き会った。その時アブサロムは騾馬に乗っていたが、騾馬は大きいかしの木の、茂った枝の下を通ったので、アブサロムの頭がそのかしの木にかかって、彼は天地の間につりさがった。騾馬は彼を捨てて過ぎて行った。
10Zvino mumwe murume akazviona, akandoudza Joabhu, akati, Tarira, ndaona Abhusaromu akarembera mumuoki.
10ひとりの人がそれを見てヨアブに告げて言った、「わたしはアブサロムが、かしの木にかかっているのを見ました」。
11Joabhu akati kumunhu wakamuudza, Wakazviona, ukaregereiko kumubaya ipapo? Ndingadai ndakakupa masirivha ane gumi nebhanhire.
11ヨアブはそれを告げた人に言った、「あなたはそれを見たというのか。それなら、どうしてあなたは彼をその所で、地に撃ち落さなかったのか。わたしはあなたに銀十シケルと帯一筋を与えたであろうに」。
12Murume akati kuna Joabhu, Kunyange ndikapiwa masirivha ane chiuru muruoko rwangu, handingatambanudziri ruoko rwangu kumwanakomana wamambo, nekuti mambo wakaraira imwi naAbhishai naItai, isu tichizvinzwa, akati, Chenjerai kuti kusava nomunhu unogunzva jaya, iye Abhusaromu.
12その人はヨアブに言った、「たといわたしの手に銀千シケルを受けても、手を出して王の子に敵することはしません。王はわれわれが聞いているところで、あなたとアビシャイとイッタイに、『わたしのため若者アブサロムを保護せよ』と命じられたからです。
13Dai ndakanga ndamuuraya pakavanda (hakune shoko rinovanzirwa mambo), imwi mungadai mandiregera.
13もしわたしがそむいて彼の命をそこなったのであれば、何事も王に隠れることはありませんから、あなたはみずから立ってわたしを責められたでしょう」。
14Ipapo Joabhu akati, Handigoni kunonoka kudai newe pano. Zvino akatora mapfumo matatu muruoko rwake, akabaya Abhusaromu nawo pamoyo, achiri mupenyu mukati momuoki.
14そこで、ヨアブは「こうしてあなたと共にとどまってはおられない」と言って、手に三筋の投げやりを取り、あのかしの木にかかって、なお生きているアブサロムの心臓にこれを突き通した。
15Ipapo majaya ane gumi, aibata nhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu, akakomba Abhusaromu, akamubaya, akamuuraya.
15ヨアブの武器を執る十人の若者たちは取り巻いて、アブサロムを撃ち殺した。
16Zvino Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vakadzoka pakuteverera vaIsiraeri, nekuti Joabhu wakadzivisa vanhu.
16こうしてヨアブがラッパを吹いたので、民はイスラエルのあとを追うことをやめて帰った。ヨアブが民を引きとめたからである。
17Vakatora Abhusaromu, vakamukanda mugomba mudondo, vakatutira pamusoro pake murwi mukuru wamabwe; vaIsiraeri vose vakatizira murenje mumwe nomumwe kutende rake.
17人々はアブサロムを取って、森の中の大きな穴に投げいれ、その上にひじょうに大きい石塚を積み上げた。そしてイスラエルはみなおのおのその天幕に逃げ帰った。
18Zvino Abhusaromu achiri mupenyu wakange atora shongwe akazvimutsira iyo pamupata wamambo, nekuti wakati, Handina mwanakomana ungayeudza vanhu zita rangu; akatumidza shongwe iyo zita rake, rikanzi shongwe yokuyeudzira Abhusaromu kusvikira nhasi.
18さてアブサロムは生きている間に、王の谷に自分のために一つの柱を建てた。それは彼が、「わたしは自分の名を伝える子がない」と思ったからである。彼はその柱に自分の名をつけた。その柱は今日までアブサロムの碑ととなえられている。
19Zvino Ahimaazi mwanakomana waZadhoki, akati, Regai ndimhanye zvino ndindoudza mambo shoko iri, kuti Jehovha wakamutsiva kuvavengi vake.
19さてザドクの子アヒマアズは言った、「わたしは走って行って、主が王を敵の手から救い出されたおとずれを王に伝えましょう」。
20Joabhu akati kwaari, Iwe haungaendi neshoko nhasi, asi ungaenda neshoko rimwe zuva; asi nhasi haungaendi neshoko, nekuti mwanakomana wamambo wafa.
20ヨアブは彼に言った、「きょうは、おとずれを伝えてはならない。おとずれを伝えるのは、ほかの日にしなさい。きょうは王の子が死んだので、おとずれを伝えてはならない」。
21Zvino Joabhu akati kumuKushi, Enda iwe undoudza mambo zvawaona. MuKushi akakotamira pasi pamberi paJoabhu, akamhanya.
21ヨアブはクシびとに言った、「行って、あなたの見た事を王に告げなさい」。クシびとはヨアブに礼をして走って行った。
22Ahimaazi mwanakomana waZadhoki akatizve kuna Joabhu, Kunyange zvakadaro hazvo, nditendere ndimhanye neniwo, nditevere muKushi. Joabhu akati, Unoda kumhanyireiko, mwana wangu, nekuti hauna shoko raungakumikidza?
22ザドクの子アヒマアズは重ねてヨアブに言った、「何事があろうとも、わたしにもクシびとのあとから走って行かせてください」。ヨアブは言った、「子よ、おとずれの報いを得られないのに、どうしてあなたは走って行こうとするのか」。
23Iye akati, Kunyange zvakadaro hazvo, ndichamhanya hangu. Akati kwaari, Mhanya hako. Ipapo Ahimaazi akamhanya nenzira yomubani, akapfuura muKushi.
23彼は言った、「何事があろうとも、わたしは走って行きます」。ヨアブは彼に言った、「走って行きなさい」。そこでアヒマアズは低地の道を走って行き、クシびとを追い越した。
24Zvino Dhavhidhi wakange agere pakati pamasuwo maviri, nharirire ikakwira padenga resuwo parusvingo rweguta, akatarira, akaona murume achimhanya ari oga.
24時にダビデは二つの門の間にすわっていた。そして見張りの者が城壁の門の屋根にのぼり、目をあげて見ていると、ただひとりで走ってくる者があった。
25Nharirire ikadanidzira, ikaudza mambo. Mambo akati, Kana ari oga, ane shoko mumuromo make Akaramba achifamba, akaswedera.
25見張りの者が呼ばわって王に告げたので、王は言った、「もしひとりならば、その口におとずれがあるであろう」。その人は急いできて近づいた。
26Nharirire ikaona mumwe munhuzve achimhanya; nharirire ikadanidzira kumutariri wesuwo, ikati, Tarira, kuno mumwe munhuzve unomhanya ari oga. Mambo akati, Naiye unouya neshoko.
26見張りの者は、ほかにまたひとり走ってくるのを見たので、門の方に呼ばわって言った、「見よ、ほかにただひとりで走って来る者があります」。王は言った、「彼もまたおとずれを持ってくるのだ」。
27Nharirire ikati, Ndinofunga kuti kumhanya kowokutanga kwakafanana nokumhanya kwaAhimaazi mwanakomana waZadhoki. Mambo akati, Iye munhu wakanaka, unouya neshoko rakanaka.
27見張りの者は言った、「まっ先に走って来る人はザドクの子アヒマアズのようです」。王は言った、「彼は良い人だ。良いおとずれを持ってくるであろう」。
28Ahimaazi akadanidzira akati kuna mambo, Rugare! Akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo, akati, Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, wakaisa kwamuri vanhu vakanga vatambanudzira maoko avo kunashe wangu mambo.
28時にアヒマアズは呼ばわって王に言った、「平安でいらせられますように」。そして王の前に地にひれ伏して言った、「あなたの神、主はほむべきかな。主は王、わが君に敵して手をあげた人々を引き渡されました」。
29Mambo akati, Ko jaya, iye Abhusaromu, wakafara here? Ahimaazi akapindura, akati, Pakutumwa komuranda wenyu, iyeni muranda wenyu, naJoabhu, ndakaona nyongano huru, asi ndakanga ndisingazivi kuti chinyiko.
29王は言った、「若者アブサロムは平安ですか」。アヒマアズは答えた、「ヨアブがしもべをつかわす時、わたしは大きな騒ぎを見ましたが、何事であったか知りません」。
30Mambo akati, Tsauka, umire pano. Akatsauka, akaramba amirepo.
30王は言った、「わきへ行って、そこに立っていなさい」。彼はわきへ行って立った。
31Zvino muKushi akasvika. MuKushi akati, Ndine shoko kunashe wangu mambo; nekuti Jehovha wakakutsivai nhasi kuna vose vakanga vakumukirai.
31その時クシびとがきた。そしてそのクシびとは言った、「わが君、王が良いおとずれをお受けくださるよう。主はきょう、すべてあなたに敵して立った者どもの手から、あなたを救い出されたのです」。
32Mambo akati kumuKushi, Ko jaya, iye Abhusaromu, wakafara here? MuKushi akapindura akati, Vavengi vashe wangu mambo, navose vanokumukirai, ngavave sejaya iro.
32王はクシびとに言った、「若者アブサロムは平安ですか」。クシびとは答えた、「王、わが君の敵、およびすべてあなたに敵して立ち、害をしようとする者は、あの若者のようになりますように」。王はひじょうに悲しみ、門の上のへやに上って泣いた。彼は行きながらこのように言った、「わが子アブサロムよ。わが子、わが子アブサロムよ。ああ、わたしが代って死ねばよかったのに。アブサロム、わが子よ、わが子よ」。
33Mambo akavhunduka kwazvo, akakwira kukamuri yakanga iri pamusoro pesuwo, akachema; akaramba achifamba, achiti, Haiwa, mwana wangu Abhusaromu! Ndingadai ndakafa hangu panzvimbo yako, haiwa Abhusaromu, mwana wangu, mwana wangu!
33王はひじょうに悲しみ、門の上のへやに上って泣いた。彼は行きながらこのように言った、「わが子アブサロムよ。わが子、わが子アブサロムよ。ああ、わたしが代って死ねばよかったのに。アブサロム、わが子よ、わが子よ」。