1Zvino Joabhu akaudzwa, zvichinzi Tarira, mambo unochema nokuungudzira Abhusaromu.
1時にヨアブに告げる者があって、「見よ、王はアブサロムのために泣き悲しんでいる」と言った。
2Naizvozvo kukunda kwezuva iro kwakashandurwa kukava kuchema kwavanhu vose, nekuti vanhu vakanzwa zuva iro zvichinzi, Mambo unochema mwanakomana wake.
2こうしてその日の勝利はすべての民の悲しみとなった。それはその日、民が、「王はその子のために悲しんでいる」と人の言うのを聞いたからである。
3Vanhu vakapinda muguta zuva iro vachiverevedza, savanhu vanonyara kana vachitiza kurwa.
3そして民はその日、戦いに逃げて恥じている民がひそかに、はいるように、ひそかに町にはいった。
4Mambo akafukidza chiso chake, mambo akachema nenzwi guru, achiti, Haiwa, mwana wangu Abhusaromu, Abhusaromu, mwana wangu, mwana wangu!
4王は顔をおおった。そして王は大声に叫んで、「わが子アブサロムよ。アブサロム、わが子よ、わが子よ」と言った。
5Ipapo Joabhu akapinda mumba kuna mambo, akati, Nhasi manyadza zviso zvavaranda venyu vose vakaponesa upenyu bwenyu nhasi, neupenyu hwevanakomana navanasikana venyu, noupenyu hwevakadzi venyu, noupenyu hwevarongo venyu;
5時にヨアブは家にはいり、王のもとにきて言った、「あなたは、きょう、あなたの命と、あなたのむすこ娘たちの命、およびあなたの妻たちの命と、めかけたちの命を救ったすべての家来の顔をはずかしめられました。
6nekuti munoda ivo vanokuvengai, muchivenga vanokudai. nekuti makatiratidza nhasi, kuti hamuna hanya namachinda navaranda, nekuti nhasi ndaona, kuti Abhusaromu akanga achiri mupenyu, nesu tose takafa hedu nhasi, maifarira izvozvo.
6それはあなたが自分を憎む者を愛し、自分を愛する者を憎まれるからです。あなたは、きょう、軍の長たちをも、しもべたちをも顧みないことを示されました。きょう、わたしは知りました。もし、アブサロムが生きていて、われわれが皆きょう死んでいたら、あなたの目にかなったでしょう。
7Naizvozvo zvino simukai, mubude, mundotaura navaranda venyu, muvanyaradze; nekuti ndinokupikirai naJehovha, kuti kana musingabudi, hakuna munhu ungasara nemwi usiku hwuno; izvozvo zvingava zvakaipa kwamuri kukunda zvakaipa zvose zvakakuwirai kubva pawuduku bwenyu kusvikira zvino.
7今立って出て行って、しもべたちにねんごろに語ってください。わたしは主をさして誓います。もしあなたが出られないならば、今夜あなたと共にとどまる者はひとりもないでしょう。これはあなたが若い時から今までにこうむられたすべての災よりも、あなたにとって悪いでしょう」。
8Ipapo mambo akasimuka, akandogara pasuwo. Vakaudza vanhu vose, vachiti, Tarirai, mambo ugere pasuwo; vanhu vose vakauya pamberi pamambo.
8そこで王は立って門のうちの座についた。人々はすべての民に、「見よ、王は門に座している」と告げたので、民はみな王の前にきた。さてイスラエルはおのおのその天幕に逃げ帰った。
9Asi vanhu vose vakanga vachiita bope kumarudzi ose avaIsiraeri, vachiti, Mambo wakatirwira pamaoko avavengi vedu, akatiponesa pamaoko avaFirisitia, zvino wabva panyika achitiza Abhusaromu.
9そしてイスラエルのもろもろの部族の中で民はみな争って言った、「王はわれわれを敵の手から救い出し、またわれわれをペリシテびとの手から助け出された。しかし今はアブサロムのために国のそとに逃げておられる。
10Asi Abhusaromu watakanga tazodza kuti ave mambo wedu, wafa pakurwa. Zvino munoregereiko kutaurirana kudzosa mambo?
10またわれわれが油を注いで、われわれの上に立てたアブサロムは戦いで死んだ。それであるのに、どうしてあなたがたは王を導きかえることについて、何をも言わないのか」。
11Zvino mambo Dhavhidhi wakatuma nhume kuna Zhadhoki naAbhiatari vapristi, akati, Taurai kuvakuru vaJudha, muti, Imi munononokereiko kudzosa mambo kumba kwake? nekuti mambo wakanzwa kuti vaIsiraeri vose vanotaura kuti adzoswe kumba kwake.
11ダビデ王は祭司たちザドクとアビヤタルとに人をつかわして言った、「ユダの長老たちに言いなさい、『全イスラエルの言葉が王に達したのに、どうしてあなたがたは王をその家に導きかえる最後の者となるのですか。
12imwi muri hama dzangu, muri mafupa angu nenyama yangu, zvino munononokerei kudzosa mambo?
12あなたがたはわたしの兄弟、わたしの骨肉です。それにどうして王を導きかえる最後の者となるのですか』。
13Zvino muti kuna Amasa, Iwe hausi pfupa rangu nenyama yangu here? Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana iwe usingazovi mukuru wehondo nguva yose pamberi pangu panzvimbo yaJoabhu.
13またアマサに言いなさい、『あなたはわたしの骨肉ではありませんか。これから後あなたをヨアブに代えて、わたしの軍の長とします。もしそうしないときは、神が幾重にもわたしを罰してくださるように』」。
14Akarereudza moyo yavanhu vose vaJudha somoyo womunhu mumwe; naizvozvo vakatuma shoko kuna mambo, vakati, Dzokai, imwi navaranda venyu vose.
14こうしてダビデはユダのすべての人の心を、ひとりのように自分に傾けさせたので、彼らは王に、「どうぞあなたも、すべての家来たちも帰ってきてください」と言いおくった。
15Naizvozvo mambo akadzoka akasvika paJoridhani VaJudha vakasvika paGirigari, vakasangana namambo, vakayambusa mambo Joridhani.
15そこで王は帰ってきてヨルダンまで来ると、ユダの人人は王を迎えるためギルガルにきて、王にヨルダンを渡らせた。
16Zvino Shimei mwanakomana waGera, muBhenjamini, wakange agere Bhahurimu, wakakurumidza akaburuka navarume vaJudha kundosangana namambo Dhavhidhi.
16バホリムのベニヤミンびと、ゲラの子シメイは、急いでユダの人々と共に下ってきて、ダビデ王を迎えた。
17Iye waiva navarume veBhenjamini vane chiuru chimwe, naZibha, muranda weimba yaSauro, navanakomana vake vane gumi navashanu, navaranda vake vane makumi maviri; ivo vakayambuka Joridhani pamberi pamambo.
17一千人のベニヤミンびとが彼と共にいた。またサウルの家のしもべヂバもその十五人のむすこと、二十人のしもべを従えて、王の前にヨルダンに駆け下った。
18Igwa rikaenda kundoyambusa veimba yamambo, nokuita sezvavaida. Ipapo Shimei mwanakomana waGera wakazviwisira pasi pamberi pamambo, iye akayambuka Joridhani.
18そして王の家族を渡し、王の心にかなうことをしようと渡し場を渡った。ゲラの子シメイはヨルダンを渡ろうとする時、王の前にひれ伏し、
19Akati kuna mambo, Ishe wangu ngaarege kundipa mhaka; regai henyu kurangarira kutadza komuranda wenyu zuva riya rokubuda kwashe wangu paJerusaremu; mambo ngaarege hake kurangarira izvozvo pamoyo pake.
19王に言った、「どうぞわが君が、罪をわたしに帰しられないように。またわが君、王のエルサレムを出られた日に、しもべがおこなった悪い事を思い出されないように。どうぞ王がそれを心に留められないように。
20nekuti muranda wenyu unoziva kuti ndakatadza; naizvozvo tarirai, nhasi ndauya ndichitangira vose veimba yaJosefa, ndakaburuka kuzosangana nashe wangu mambo.
20しもべは自分が罪を犯したことを知っています。それゆえ、見よ、わたしはきょう、ヨセフの全家のまっ先に下ってきて、わが主、王を迎えるのです」。
21Asi Abhishai mwanakomana waZeruya, akapindura akati, Shimei haafaniri here kuurawa pamusoro pechinhu ichi, nekuti wakatuka muzodzwa waJehovha?
21ゼルヤの子アビシャイは答えて言った、「シメイは主が油を注がれた者をのろったので、そのために殺されるべきではありませんか」。
22Dhavhidhi akati, Ndine mhosva yeiko nemi, imwi vanakomana vaZeruya, zvamunoda kuva vavengi vangu nhasi? Kungaurawa munhu mumwe waIsiraeri nhasi here? Munoti handizivi here kuti ndiri mambo waIsiraeri nhasi?
22ダビデは言った、「あなたがたゼルヤの子たちよ、あなたがたとなにのかかわりがあって、あなたがたはきょうわたしに敵対するのか。きょう、イスラエルのうちで人を殺して良かろうか。わたしが、きょうイスラエルの王となったことを、どうして自分で知らないことがあろうか」。
23Mambo akati kuna Shimei, Haungafi. Mambo akapika kwaari.
23こうして王はシメイに、「あなたを殺さない」と言って、王は彼に誓った。
24Zvino Mefibhosheti mwanakomana waSauro wakaburuka kuzosangana namambo; asi iye wakange asina kushambidza tsoka dzake, kana kupetura ndebvu dzake, kana kusuka nguvo dzake, kubva pazuva rakaenda mambo kusvikira zuva raakadzoka naro norugare.
24サウルの子メピボセテは下ってきて王を迎えた。彼は王が去った日から安らかに帰る日まで、その足を飾らず、そのひげを整えず、またその着物を洗わなかった。
25Zvino wakati asvika Jerusaremu kuzosangana namambo, mambo akati kwaari, Wakaregereiko kuenda neni, Mefibhosheti?
25彼がエルサレムからきて王を迎えた時、王は彼に言った、「メピボセテよ、あなたはどうしてわたしと共に行かなかったのか」。
26Iye akapindura akati, Ishe wangu mambo, muranda wangu wakandinyengera; nekuti muranda wenyu wakati, ndichazviisira chigaro pambongoro, ndiitasve, ndiende namambo, nekuti muranda wenyu chirema.
26彼は答えた、「わが主、王よ、わたしの家来がわたしを欺いたのです。しもべは彼に、『わたしのために、ろばにくらを置け。わたしはそれに乗って王と共に行く』と言ったのです。しもべは足なえだからです。
27Iye akandochera muranda wenyu kunashe wangu mambo; asi ishe wangu mambo wakafanana nomutumwa waMwari, naizvozvo itai henyu sezvamunoda.
27ところが彼はしもべのことをわが主、王の前に、あしざまに言ったのです。しかし、わが主、王は神の使のようでいらせられます。それで、あなたの良いと思われることをしてください。
28nekuti vose veimba yababa vangu vaifanira kuurawa nashe wangu mambo; kunyange zvakadaro makagadza muranda wenyu pakati pavaidya patafura yenyu. Ini ndichine simba reiko rokuchema naro kuna mambo?
28わたしの父の全家はわが主、王の前にはみな死んだ人にすぎないのに、あなたはしもべを、あなたの食卓で食事をする人々のうちに置かれました。わたしになんの権利があって、重ねて王に訴えることができましょう」。
29Mambo akati kwaari, Ucharamba uchitaureiko? Ndinoti, Iwe naZibha govanai nyika.
29王は彼に言った、「あなたはどうしてなおも自分のことを言うのですか。わたしは決めました。あなたとヂバとはその土地を分けなさい」。
30Mefibhosheti akati kuna mambo, Iye ngaatore hake zvose, ishe wangu mambo zvaakadzokera kumba kwake norugare.
30メピボセテは王に言った、「わが主、王が安らかに家に帰られたのですから、彼にそれをみな取らせてください」。
31NaBharizirai muGiriyadhi wakaburukawo achibva Rogerimi, akayambuka Joridhani namambo, kuzomuperekedzera mhiri kwaJoridhani.
31さてギレアデびとバルジライはロゲリムから下ってきて、ヨルダンで王を見送るため、王と共にヨルダンに進んだ。
32Zvino Bharizirai wakange ari mutana kwazvo, wakange asvika makore makumi masere; wakange avigira mambo zvokudya panguva yokugara kwake paMahanaimi, nekuti wakange akafuma kwazvo.
32バルジライは、ひじょうに年老いた人で八十{歳であった。彼はまた、ひじょうに裕福な人であったので、王がマハナイムにとどまっている間、王を養った。
33Mambo akati kuna Bharizirai, Hendei, tiyambuke tose, ini ndichakuraramisa kwandiri paJerusaremu.
33王はバルジライに言った、「わたしと一緒に渡って行きなさい。わたしはエルサレムであなたをわたしと共におらせて養いましょう」。
34Bharizirai akati kuna mambo, Makore oupenyu hwangu achava manganiko, kuti ndikwire Jerusaremu namambo?
34バルジライは王に言った、「わたしは、なお何年いきながらえるので、王と共にエルサレムに上るのですか。
35Nhasi ndava namakore makumi masere; ini ndichagona kutsaura zvakanaka kune zvakaipa here? Muranda wenyu uchagona kuravira zvakanaka zvaanodya kana zvaanomwa here? Ndichagona kunzwa manzwi avarume navakadzi kana vachiimba here? Muranda wenyu ucharemedzereiko ishe wangu mambo?
35わたしは今日八十歳です。わたしに、良いこと悪いことがわきまえられるでしょうか。しもべは食べるもの、飲むものを味わうことができましょうか。わたしは歌う男や歌う女の声をまだ聞くことができましょうか。それであるのに、しもべはどうしてなおわが主、王の重荷となってよろしいでしょうか。
36Muranda wenyu wakange achingoda hake kuyambuka Joridhani namambo; zvino mambo ungandiripira izvozvo nomubayiro wakadai seiko?
36しもべは王と共にヨルダンを渡って、ただ少し行きましょう。どうして王はこのような報いをわたしに報いられなければならないのでしょうか。
37Regai, muranda wenyu adzoke hake, ndinofira hangu muguta rangu, pamarinda ababa vangu namai vangu; asi hoyo muranda wenyu Chimhamu, iye ngaayambuke nashe wangu mambo, mugomuitira iye sezvamunoda.
37どうぞしもべを帰らせてください。わたしは自分の町で、父母の墓の近くで死にます。ただし、あなたのしもべキムハムがここにおります。わが主、王と共に彼を渡って行かせてください。またあなたが良いと思われる事を彼にしてください」。
38Mambo akapindura akati, Chimhamu uchayambuka neni, ini ndichamuitira iye sezvaunoda iwe; zvose zvaunoreva kwandiri ndichakuitira izvo.
38王は答えた、「キムハムはわたしと共に渡って行かせます。わたしは、あなたが良いと思われる事を彼にしましょう。またあなたが望まれることはみな、あなたのためにいたします」。
39Vanhu vose vakayambuka Joridhani, naiye mambo akayambukawo; mambo akatsvoda Bharizirai akamuropafadza, iye akadzokera kumusha kwake.
39こうして民はみなヨルダンを渡った。王は渡った時、バルジライに口づけして、祝福したので、彼は自分の家に帰っていった。
40Naizvozvo mambo akapfuurira Girigari, Chimhamu akayambuka naye, navanhu vose vaJudha vakapfuudzira mberi mambo, uyewo hafu yavanhu vaIsiraeri.
40王はギルガルに進んだ。キムハムも彼と共に進んだ。ユダの民はみな王を送り、イスラエルの民の半ばもまたそうした。
41Zvino varume vose vaIsiraeri vakauya kuna mambo, vakati kuna mambo, Hama dzedu, varume vaJudha, vakakubireiko, vakayambusa mambo naveimba yake Joridhani, pamwechete navarume vose vaDhavhidhi?
41さてイスラエルの人々はみな王の所にきて、王に言った、「われわれの兄弟であるユダの人々は、何ゆえにあなたを盗み去って、王とその家族、およびダビデに伴っているすべての従者にヨルダンを渡らせたのですか」。
42Varume vose vaJudha vakapindura varume vaIsiraeri, vakati, nekuti mambo ihama yedu yomumba; matsamwireiko nemhaka iyi? Ko isu takatongodya zvamambo here? Iye wakatongotipa chipo here?
42ユダの人々はみなイスラエルの人々に答えた、「王はわれわれの近親だからです。あなたがたはどうしてこの事で怒られるのですか。われわれが少しでも王の物を食べたことがありますか。王が何か賜物をわれわれに与えたことがありますか」。イスラエルの人々はユダの人々に答えた、「われわれは王のうちに十の分を持っています。またダビデのうちにもわれわれはあなたがたよりも多くを持っています。それであるのに、どうしてあなたがたはわれわれを軽んじたのですか。われらの王を導き帰ろうと最初に言ったのはわれわれではないのですか」。しかしユダの人々の言葉はイスラエルの人々の言葉よりも激しかった。
43Varume vaIsiraeri vakapindura varume vaJudha, vakati, Isu tine migove ine gumi kuna mambo, naDhavhidhi ndewedu kukunda imi; zvino imwi makatizvidzireiko, zvamusina kutanga kurangana nesu pamusoro pokudzosa mambo wedu? Asi mashoko avarume vaJudha akanga achityisa kukunda mashoko avarume vaIsiraeri.
43イスラエルの人々はユダの人々に答えた、「われわれは王のうちに十の分を持っています。またダビデのうちにもわれわれはあなたがたよりも多くを持っています。それであるのに、どうしてあなたがたはわれわれを軽んじたのですか。われらの王を導き帰ろうと最初に言ったのはわれわれではないのですか」。しかしユダの人々の言葉はイスラエルの人々の言葉よりも激しかった。