1Zvino kwakanga kuripo munhu wakaipa, wainzi Shebha, mwanakomana waBhikiri, muBhenjamini; iye akaridza hwamanda, akati, Isu hatina mugove kuna Dhavhidhi, uye hatina nhaka kumwanakomana waJese; vaIsiraeri, mumwe nomumwe ngaaende kutende rake.
1さて、その所にひとりのよこしまな人があって、名をシバといった。ビクリの子で、ベニヤミンびとであった。彼はラッパを吹いて言った、「われわれはダビデのうちに分がない。またエッサイの子のうちに嗣業を持たない。イスラエルよ、おのおのその天幕に帰りなさい」。
2Naizvozvo varume vose vaIsiraeri vakarega kutevera Dhavhidhi, vakatevera Shebha mwanakomana waBhikiri; asi varume vaJudha vakanamatira mambo wavo, kubva paJoridhani kusvikira paJerusaremu.
2そこでイスラエルの人々は皆ダビデに従う事をやめて、ビクリの子シバに従った。しかしユダの人々はその王につき従って、ヨルダンからエルサレムへ行った。
3Dhavhidhi akasvika kumba kwake Jerusaremu, mambo akatora vakadzi vane gumi, ivo varongo vake vaakanga asiya kuti varinde imba, akavaisa panzvimbo pavangachengetwa, akavatumira zvokudya, asi haana kupinda kwavari. Naizvozvo vakapfigirwa kusvikira pazuva rokufa kwavo, vakagara sechirikadzi.
3ダビデはエルサレムの自分の家にきた。そして王は家を守るために残しておいた十人のめかけたちを取って、一つの家に入れて守り、また養ったが、彼女たちの所には、はいらなかった。彼女たちは死ぬ日まで閉じこめられ一生、寡婦としてすごした。
4Zvino mambo akati kuna Amasa, Ndikokere varume vaJudha vaungane namazuva matatu; newe uve panowo.
4王はアマサに言った、「わたしのため三日のうちにユダの人々を呼び集めて、ここにきなさい」。
5Naizvozvo Amasa akaenda akakokera varume vaJudha, asi wakanonoka akadarika nguva yaakanga atarirwa naye.
5アマサはユダを呼び集めるために行ったが、彼は定められた時よりもおくれた。
6Dhavhidhi akati kuna Abhishai, Zvino Shebha mwanakomana waBhikiri uchatitadzira kupfuura Abhusaromu. Tora varanda vashe wako, umuteverere, arege kuzviwanira maguta akakombwa namasvingo, akatipukunyukira.
6ダビデはアビシャイに言った、「ビクリの子シバは今われわれにアブサロムよりも多くの害をするであろう。あなたの主君の家来たちを率いて、彼のあとを追いなさい。さもないと彼は堅固な町々を獲て、われわれを悩ますであろう」。
7Ipapo varume vaJoabhu, navaKereti navaPereti, navarume vose vemhare vakamutevera. Vakabuda Jerusaremu kuzoteverera Shebha mwanakomana waBhikiri.
7こうしてヨアブとケレテびととペレテびと、およびすべての勇士はアビシャイに従って出た。すなわち彼らはエルサレムを出て、ビクリの子シバのあとを追った。
8Vakati vachisvika pabwe guru raiva paGibhiyoni, Amasa akasangana navo. Zvino Joabhu wakange akazvisunga nguvo yake yokurwa nayo yaakanga afuka; iyo yakanga yakasungwa nebhanhire rakanga rino munondo wakasungirwa pachiuono chake, uri mumuhara mawo; zvino wakati achifamba, ukawira pasi.
8彼らがギベオンにある大石のところにいた時、アマサがきて彼らに会った。時にヨアブは軍服を着て、帯をしめ、その上にさやに納めたつるぎを腰に結んで帯びていたが、彼が進み出た時つるぎは抜け落ちた。
9Joabhu akati kuna Amasa, Wakadiniko, munin'ina wangu? Joabhu akabata ndebvu dzaAmasa noruoko rwake rworudyi, kuti amutsvode.
9ヨアブはアマサに、「兄弟よ、あなたは安らかですか」と言って、ヨアブは右の手をもってアマサのひげを捕えて彼に口づけしようとしたが、
10Asi Amasa haana kuchenjera munondo wakange uri muruoko rwaJoabhu; naizvozvo akamubaya nawo nomudumbu, akatumburira ura hwake pasi, akasamubaya rwechipiri, akafirapo. Joabhu nomunin'ina wake Abhishai vakateverera Shebha mwanakomana waBhikiri.
10アマサはヨアブの手につるぎがあることに気づかなかったので、ヨアブはそれをもってアマサの腹部を刺して、そのはらわたを地に流し出し、重ねて撃つこともなく彼を殺した。こうしてヨアブとその兄弟アビシャイはビクリの子シバのあとを追った。
11Zvino rimwe jaya raJoabhu rakanga rimirepo naye, rikati, Ani nani unoda Joabhu, nouri kurutivi rwaDhavhidhi, ngaatevere Joabhu.
11時にヨアブの若者のひとりがアマサのかたわらに立って言った、「ヨアブに味方する者、ダビデにつく者はヨアブのあとに従いなさい」。
12Asi Amasa wakange achiumburuka muropa rake pakati penzira. Zvino murume uyu wakati achiona kuti vanhu vose vakaramba vamire, akabvisa Amasa panzira, akamutakurira kusango, akamufukidza nenguvo, nekuti wakaona kuti vanhu vose, vakasvika kwaari, vakaramba vamire.
12アマサは血に染んで大路の中にころがっていたので、そのそばに来る者はみな彼を見て立ちどまった。この人は民がみな立ちどまるのを見て、アマサを大路から畑に移し、衣服をその上にかけた。
13Iye wakati abviswa panzira, vanhu vose vakatevera Joabhu, kuzoteverera Shebha mwanakomana waBhikiri.
13アマサが大路から移されたので、民は皆ヨアブに従って進み、ビクリの子シバのあとを追った。
14Akafamba namarudzi ose aIsiraeri kusvikira paAbheri, neBhetimaaka, navaBheri vose; vanhu vose vakaungana, vakamuteverawo.
14シバはイスラエルのすべての部族のうちを通ってベテマアカのアベルにきた。ビクリびとは皆、集まってきて彼に従った。
15Vakasvika vakandomukomba paAbheri reBhetimaaka, vakatutira gomo revhu paguta, rikaenzana norusvingo; vanhu vose vaiva naJoabhu vakakanganisa rusvingo kuti varuputsire pasi.
15そこでヨアブと共にいたすべての人々がきて、彼をベテマアカのアベルに囲み、町に向かって土塁を築いた。それはとりでに向かって立てられた。こうして彼らは城壁をくずそうとしてこれを撃った。
16lpapo mumwe mukadzi, wakange akachenjera, akadanidzira ari muguta, akati, Inzwai, inzwai, doudzai Joabhu, muti, Swedera pano, nditaure newe.
16その時、ひとりの賢い女が町から呼ばわった、「あなたがたは聞きなさい。あなたがたは聞きなさい。ヨアブに、『ここにきてください。わたしはあなたに言うことがあります』と言ってください」。
17Iye akaswedera kwaari. Mukadzi akati, Ndiwe Joabhu here? Iye akapindura akati, Ndini. Ipapo akati kwaari, Inzwai mashoko omurandakadzi wenyu. Iye akapindura akati, Ndinonzwa.
17彼がその女に近寄ると、女は「あなたがヨアブですか」と言った。彼は「そうです」と答えた。すると女は彼に「はしための言葉をお聞きください」と言ったので、「聞きましょう」と彼は言った。
18Zvino akataura akati, Kare vanhu vaiti, Zvirokwazvo, vachabvunza mano paAbheri, mhosva ndokupererapo.
18そこで女は言った、「昔、人々はいつも、『アベルで尋ねなさい』と言って、事を定めました。
19Ini ndiri mumwe wavanotsvaka rugare nowavakarurama pakati paIsiraeri, asi imwi munotsvaka kuparadza guta, rakaita samai pakati palsiraeri; munotsvakireiko kumedza nhaka yaJehovha?
19わたしはイスラエルのうちの平和な、忠誠な者です。そうであるのに、あなたはイスラエルのうちで母ともいうべき町を滅ぼそうとしておられます。どうして主の嗣業を、のみ尽そうとされるのですか」。
20Joabhu akapindura akati, Ngazvisadaro, Ngazvisadaro, handingatongomedzi kana kuparadza;
20ヨアブは答えた、「いいえ、決してそうではなく、わたしが、のみ尽したり、滅ぼしたりすることはありません。
21hazvizi izvo; asi munhu wenyika yamakomo yaEfuremu, unonzi Shebha mwanakomana waBhikiri, ndiye wakasimudzira mambo Dhavhidhi ruoko rwake kuti arwe naye; mumuisei pano iye oga, ipapo ini ndichabva paguta. Mukadzi akati kuna Joabhu, Tarirai, musoro wake uchakandirwa kwamuri napamusoro porusvingo.
21事実はそうではなく、エフライムの山地の人ビクリの子、名をシバという者が手をあげて王ダビデにそむいたのです。あなたがたが彼ひとりを渡すならば、わたしはこの町を去ります」。女はヨアブに言った、「彼の首は城壁の上からあなたの所へ投げられるでしょう」。
22Ipapo mukadzi akaenda kuvanhu vose nokuchenjera kwake. Ivo vakagura musoro waShebha mwanakomana waBhikiri, vakaukandira kuna Joabhu. Iye akaridza hwamanda, vanhu vakapararira vakabva paguta, mumwe nomumwe akaenda kutende rake. Joabhu akadzokera Jerusaremu kuna mambo.
22こうしてこの女が知恵をもって、すべての民の所に行ったので、彼らはビクリの子シバの首をはねてヨアブの所へ投げ出した。そこでヨアブはラッパを吹きならしたので、人々は散って町を去り、おのおの家に帰った。ヨアブはエルサレムにいる王のもとに帰った。
23Zvino Joabhu ndiye wairaira hondo yose yaIsiraeri, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha ndiye wairaira vaKereti navaPereti,
23ヨアブはイスラエルの全軍の長であった。エホヤダの子ベナヤはケレテびと、およびペレテびとの長、
24Adhoramu ndiye wairaira chibharo, naJehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva sahwira;
24アドラムは徴募人の長、アヒルデの子ヨシャパテは史官、
25Sheva waiva munyori; naZadhoki naAbhiatari vaiva vapristi;
25シワは書記官、ザドクとアビヤタルとは祭司。またヤイルびとイラはダビデの祭司であった。
26Ira muJairi waiva mupristiwo waDhavhidhi.
26またヤイルびとイラはダビデの祭司であった。