1Zvino Dhavhidhi wakataura kuna Jehovha mashoko orwiyo urwu nenguva yaakarwirwa naJehovha pamaoko avavengi vake vose, napamaoko aSauro;
1ダビデは主がもろもろの敵の手とサウルの手から、自分を救い出された日に、この歌の言葉を主に向かって述べ、
2akati: Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nemununuri wangu, iye ndewangu.
2彼は言った、「主はわが岩、わが城、わたしを救う者、
3Mwari wedombo rangu, ndichavimba naye; nhovo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu yakakwirira, noutiziro hwangu. Muponesi wangu, anondiponesa pakumanikidzwa.
3わが神、わが岩。わたしは彼に寄り頼む。わが盾、わが救の角、わが高きやぐら、わが避け所、わが救主。あなたはわたしを暴虐から救われる。
4Ndichadana kuna Jehovha, iye anofanira kurumbidzwa; Naizvozvo ndichaponeswa kuna vavengi vangu.
4わたしは、ほめまつるべき主に呼ばわって、わたしの敵から救われる。
5nekuti mafungu orufu akandikomba, Uye nzizi dzezvakaipa dzakandivhundusa.
5死の波はわたしをとりまき、滅びの大水はわたしを襲った。
6Mabote aSheori akandisunga, Misungo yorufu yakandiwira.
6陰府の綱はわたしをとりかこみ、死のわなはわたしに、たち向かった。
7Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Ndakadana kuna Mwari wangu, Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; Kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake.
7苦難のうちにわたしは主を呼び、またわが神に呼ばわった。主がその宮からわたしの声を聞かれて、わたしの叫びはその耳にとどいた。
8Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera; Nheyo dzokudenga dzakadengenyeka, Dzikazununguswa, nekuti iye wakange atsamwa.
8その時地は震いうごき、天の基はゆるぎふるえた。彼が怒られたからである。
9Utsi hwakakwira hwuchibva mumhino dzake, Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akabatidzwa nawo.
9煙はその鼻からたち上り、火はその口から出て焼きつくし、白熱の炭は彼から燃え出た。
10Wakakotamisawo kudenga-denga, akaburuka, Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake.
10彼は天を低くして下られ、暗やみが彼の足の下にあった。
11Wakatasva kerubhu, akabhururuka; Zvirokwazvo, wakaonekwa ari pamapapiro emhepo.
11彼はケルブに乗って飛び、風の翼に乗ってあらわれた。
12Wakazvipoteredza nerima setende, Mvura yakaunganidzwa, nemvumi dzehore dzedenga.
12彼はその周囲に幕屋として、やみと濃き雲と水の集まりとを置かれた。
13Nokupenya, kwakanga kuri pamberi pake, Mazimbe omoto akabatidzwa.
13そのみ前の輝きから炭火が燃え出た。
14Jehovha wakatinhira kudenga, Wekumusoro-soro wakataura nenzwi rake.
14主は天から雷をとどろかせ、いと高き者は声を出された。
15Wakatuma miseve, akavaparadza; Akatuma mheni, akavavhundusa.
15彼はまた矢を放って彼らを散らし、いなずまを放って彼らを撃ち破られた。
16Ipapo pasi pegungwa pakaonekwa, Uye nheyo dzenyika dzakaratidzwa pachena, Nokutuka kwaJehovha, Nokufema kwemweya wemhino dzake.
16主のとがめと、その鼻のいぶきとによって、海の底はあらわれ、世界の基が、あらわになった。
17Wakatambanudza ruoko rwake ari kumusoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji;
17彼は高き所から手を伸べてわたしを捕え、大水の中からわたしを引き上げ、
18Akandirwira pamuvengi wangu ane simba, Nokuna vanondivenga; nekuti vakanga vondikurira.
18わたしの強い敵と、わたしを憎む者とからわたしを救われた。彼らはわたしにとって、あまりにも強かったからだ。
19Vakandivinga nezuva renjodzi yangu, Asi Jehovha wakange ari mutsigiro wangu.
19彼らはわたしの災の日にわたしに、たち向かった。しかし主はわたしの支柱となられた。
20Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana, Akandirwira, nekuti wakange achindifarira.
20彼はまたわたしを広い所へ引きだされ、わたしを喜ばれて、救ってくださった。
21Jehovha wakandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Akandipa mubayiro wakaenzana nokuchena kwamaoko angu.
21主はわたしの義にしたがってわたしに報い、わたしの手の清きにしたがってわたしに報いかえされた。
22Nekuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, Handina kubva kuna Mwari wangu nokunyengera.
22それは、わたしが主の道を守り、悪を行わず、わが神から離れたことがないからである。
23Nekuti zvose zvaakatonga zvakanga zviri pamberi pangu; Kana zviri zvaakatema, handina kutsauka kwazviri.
23そのすべてのおきてはわたしの前にあって、わたしはその、み定めを離れたことがない。
24Ndakanga ndakarurama kwazvo pamberi pake, Ndakazvichengeta pazvakaipa zvangu.
24わたしは主の前に欠けた所なく、自らを守って罪を犯さなかった。
25Naizvozvo Jehovha wakandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Zvakaenzana nokuchena kwangu pamberi pake.
25それゆえ、主はわたしの義にしたがい、その目のまえにわたしの清きにしたがって、わたしに報いられた。
26Ane tsitsi, munomuitirawo tsitsi; Munhu, wakarurama kwazvo, munomuitirawo zvakarurama;
26忠実な者には、あなたは忠実な者となり、欠けた所のない人には、あなたは欠けた所のない者となり、
27Wakanaka, munomuitirawo zvakanaka; Wakatsauka, munomuitira hasha.
27清い者には、あなたは清い者となり、まがった者には、かたいぢな者となられる。
28Muchaponesa vanhu vanotambudzika, Asi meso enyu anoona vanozvikudza kuti muvaderedze.
28あなたはへりくだる民を救われる、しかしあなたの目は高ぶる者を見てこれをひくくせられる。
29Nekuti muri mwenje wangu, Jehovha; Jehovha uchavhenekera rima rangu.
29まことに、主よ、あなたはわたしのともし火、わが神はわたしのやみを照される。
30Nekuti nemwi ndichavamba hondo, Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo.
30まことに、あなたによってわたしは敵軍をふみ滅ぼし、わが神によって石がきをとび越えることができる。
31Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhovo yavose vanotenda kwaari.
31この神こそ、その道は非のうちどころなく、主の約束は真実である。彼はすべて彼に寄り頼む者の盾である。
32Nekuti ndiani Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu?
32主のほかに、だれが神か、われらの神のほか、だれが岩であるか。
33Mwari ndiye nhare yangu ine simba; Iye unondifambisa nenzira yakarurama.
33この神こそわたしの堅固な避け所であり、わたしの道を安全にされた。
34Unoita tsoka dzangu setsoka dzenondokadzi, Unondiisa pakakwirira.
34わたしの足をめじかの足のようにして、わたしを高い所に安全に立たせ、
35Unodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anowembura uta bwendarira.
35わたしの手を戦いに慣らされたので、わたしの腕は青銅の弓を引くことができる。
36Makandipawo nhovo yokuponesa kwenyu, Unyoro bwenyu hwakandikurisa.
36あなたはその救の盾をわたしに与え、あなたの助けは、わたしを大いなる者とされた。
37Makandiitira nzvimbo yakafarikana pasi pangu pandingatsika; Tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.
37あなたはわたしが歩く広い場所を与えられたので、わたしの足はすべらなかった。
38Ndakateverera vavengi vangu, ndikavaparadza, Handina kudzokazve kusvikira vapedzwa.
38わたしは敵を追って、これを滅ぼし、これを絶やすまでは帰らなかった。
39Ndakavapedza, ndakavabaya, havagoni kumuka; Vakawira pasi petsoka dzangu.
39わたしは彼らを絶やし、彼らを砕いたので彼らは立つことができず、わたしの足もとに倒れた。
40nekuti makandisunga chiwuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira.
40あなたは戦いのために、わたしに力を帯びさせわたしを攻める者をわたしの下にかがませられた。
41Makatizisa vavengi vangu, Kuti ndiparadze vanondivenga.
41あなたによって、敵はそのうしろをわたしに向けたので、わたしを憎む者をわたしは滅ぼした。
42Vakatarira, asi kwakanga kusino muponesi, Kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.
42彼らは見まわしたが、救う者はいなかった。彼らは主に叫んだが、彼らには答えられなかった。
43Ipapo ndakavapwanya seguruva renyika; Ndikavatswa samatope enzira dzomumusha, ndikavaparadzira kure.
43わたしは彼らを地のちりのように細かに打ちくだき、ちまたのどろのように、踏みにじった。
44Makandirwirawo pakukakavadzana kwavanhu vangu, Makandichengeta kuti ndive mukuru wendudzi; Vanhu vandakanga ndisingazivi, vachandishumira.
44あなたはわたしを国々の民との争いから救い出し、わたしをもろもろの国民のかしらとされた。わたしの知らなかった民がわたしに仕えた。
45Vatorwa vachanamata kwandiri; Vachateerera pakarepo kana vachindinzwa.
45異国の人たちはきてわたしにこび、わたしの事を聞くとすぐわたしに従った。
46Vatorwa vachatorerwa simba, Vachabuda pavaivanda vachidedera.
46異国の人たちは、うちしおれてその城からふるえながら出てきた。
47Jehovha mupenyu; dombo rangu ngarikudzwe; Mwari, dombo rokuponeswa kwangu, ngaarumbidzwe.
47主は生きておられる。わが岩はほむべきかな。わが神、わが救の岩はあがむべきかな。
48Ndiye Mwari unonditsivira, Unondikundisa vanhu.
48この神はわたしのために、あだを報い、もろもろの民をわたしの下に置かれた。
49Unondibvisa kuvavengi vangu; Zvirokwazvo, munondisimudzira kumusoro kwavanondimukira; Munondirwira pamunhu unondimanikidza.
49またわたしを敵から救い出し、あだの上にわたしをあげ、暴虐の人々からわたしを救い出された。
50Naizvozvo ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi, Ndichakudza zita renyu nenziyo;
50それゆえ、主よ、わたしはもろもろの国民の中で、あなたをたたえ、あなたの、み名をほめ歌うであろう。主はその王に大いなる勝利を与え、油を注がれた者に、ダビデとその子孫とに、とこしえに、いつくしみを施される」。
51Unopa mambo wake kuponeswa kukuru; Unoitira muzodzwa wake unyoro, Kuna Dhavhidhi navana vake nokusingaperi.
51主はその王に大いなる勝利を与え、油を注がれた者に、ダビデとその子孫とに、とこしえに、いつくしみを施される」。