1Zvino ndiwo mashoko okupedzisira aDhavhidhi, Zvanzi naDhavhidhi mwanakomana waJese, Zvanzi nomunhu wakakudzwa kwazvo, Naiye muzodzwa waMwari waJakove, Muimbi wezvakanaka waIsiraeri,
1これはダビデの最後の言葉である。エッサイの子ダビデの託宣、すなわち高く挙げられた人、ヤコブの神に油を注がれた人、イスラエルの良き歌びとの託宣。
2Mweya waJehovha wakataura mukati mangu, Shoko rake rakanga riri parurimi rwangu.
2「主の霊はわたしによって語る、その言葉はわたしの舌の上にある。
3Mwari waIsiraeri wakataura, dombo raIsiraeri rakataura neni, rikati, Mumwe uchavapo, uchabata vanhu zvakarurama, Uchabata ushe achitya Mwari;
3イスラエルの神は語られた、イスラエルの岩はわたしに言われた、『人を正しく治める者、神を恐れて、治める者は、
4Uchava sechiedza chamangwanani, kana zuva robuda, Samangwanani kana kusina makore. Kana bumhudza richibuda pavhu Kana mushana wobuda mvura yapera kunaya.
4朝の光のように、雲のない朝に、輝きでる太陽のように、地に若草を芽ばえさせる雨のように人に臨む』。
5Ko imba yangu haizakadaro kuna Mwari here? nekuti wakaita neni sungano isingaperi, Yakanatswa pazvinhu zvose, yakasimba; nekuti ndiko kuponeswa kwangu kose, nokuda kwangu kose, Ko haangazvikurisi here?
5まことに、わが家はそのように、神と共にあるではないか。それは、神が、よろず備わって確かなとこしえの契約をわたしと結ばれたからだ。どうして彼はわたしの救と願いを、皆なしとげられぬことがあろうか。
6Asi vose vasingadi Mwari vachafanana nemhinzwa inorashwa. Nekuti haigoni kubatwa namaoko;
6しかし、よこしまな人は、いばらのようで、手をもって取ることができないゆえ、みな共に捨てられるであろう。
7Asi munhu anoibata Anofanira kutora rutare norwiriko rwepfumo; Ipiswe kwazvo panzvimbo yayo nomoto.
7これに触れようとする人は鉄や、やりの柄をもって武装する、彼らはことごとく火で焼かれるであろう」。
8Ndiwo mazita emhare dzaDhavhidhi: Joshebhibhashebheti muTakemoni, mukuru wavatongi; iye wakange ari Adhino muEzini, wakauraya vanhu vana mazana masere nenguva imwe.
8ダビデの勇士たちの名は次のとおりである。タクモンびとヨセブ・バッセベテはかの三人のうちの長であったが、彼はいちじに八百人に向かって、やりをふるい、それを殺した。
9Wakamutevera wakange ari Ereazari mwanakomana waDhodhai, mwanakomana womuAhohi, mumwe wemhare nhatu dzakanga dzinaDhavhidhi, musi wavakavamba vaFirisitia vakanga vaungana kuzorwa, varume vaIsiraeri vabva;
9彼の次はアホアびとドドの子エレアザルであって、三勇士のひとりである。彼は、戦おうとしてそこに集まったペリシテびとに向かって戦いをいどみ、イスラエルの人々が退いた時、ダビデと共にいたが、
10iye akasimuka, akabaya vaFirisitia kusvikira ruoko rwake rwaneta, ruoko rwake rukawomerera pamunondo wake; Jehovha akavakundisa kwazvo nomusi iwoyo, vanhu vakadzoka vachimutevera, kuzopamba koga.
10立ってペリシテびとを撃ち、ついに手が疲れ、手がつるぎに着いて離れないほどになった。その日、主は大いなる勝利を与えられた。民は彼のあとに帰ってきて、ただ殺された者をはぎ取るばかりであった。
11Wakamutevera wakange ari Shama mwanakomana waAgee, muHarari. VaFirisitia vakanga vaungana paRehi, pakanga pane bindu renyemba; vanhu vakatiza vaFirisitia.
11彼の次はハラルびとアゲの子シャンマであった。ある時、ペリシテびとはレヒに集まった。そこに一面にレンズ豆を作った地所があった。民はペリシテびとの前から逃げたが、
12Asi iye wakamira pakati pebindu, akarirwira, akauraya vaFirisitia; Jehovha akavakundisa kwazvo.
12彼はその地所の中に立って、これを防ぎ、ペリシテびとを殺した。そして主は大いなる救を与えられた。
13Zvino vatatu vavakuru vana makumi matatu vakaburuka, vakasvika kuna Dhavhidhi kubako reAdhuramu, nenguva yokukohwa; boka ravaFirisitia; rakanga radzika matende pamupata weRefaimu.
13三十人の長たちのうちの三人は下って行って刈入れのころに、アドラムのほら穴にいるダビデのもとにきた。時にペリシテびとの一隊はレパイムの谷に陣を取っていた。
14Zvino nenguva iyo Dhavhidhi wakange ari munhare, uye varwi vavaFirisitia vaiva paBheterehemu nenguva iyo.
14その時ダビデは要害におり、ペリシテびとの先陣はベツレヘムにあったが、
15Dhavhidhi akapanga, akati, Haiwa! Dai mumwe achindipa mvura yetsime reBheterehemu, riri pasuwo, ndimwe!
15ダビデは、せつに望んで、「だれかベツレヘムの門のかたわらにある井戸の水をわたしに飲ませてくれるとよいのだが」と言った。
16Ipapo mhare idzo nhatu dzakapasanura napakati pehondo yavaFirisitia, vakandoteka mvura patsime reBheterehemu, riri pasuwo, vakaitora vakauya nayo kuna Dhavhidhi; asi iye wakaramba kuimwa, akaidururira kuna Jehovha.
16そこでその三人の勇士たちはペリシテびとの陣を突き通って、ベツレヘムの門のかたわらにある井戸の水を汲み取って、ダビデのもとに携えてきた。しかしダビデはそれを飲もうとはせず、主の前にそれを注いで、
17Akati, Ngazvisadaro, Jehovha, handingaiti chinhu ichi! Ndingamwa ropa ravarume ava vakaenda vasingarangariri upenyu hwavo here? Naizvozvo akaramba kuimwa. Ndizvo zvakaitwa nemhare idzo.
17言った、「主よ、わたしは断じて飲むことをいたしません。いのちをかけて行った人々の血を、どうしてわたしは飲むことができましょう」。こうして彼はそれを飲もうとはしなかった。三勇士はこれらのことを行った。
18Abhishai munin'ina waJoabhu, mwanakomana waZeruya, wakange ari mukuru wavatatu avo. Ndiye wakasimudza pfumo rake akarwa navanhu vana mazana matatu, akavauraya, akava nomukurumbira pakati pavatatu avo.
18ゼルヤの子ヨアブの兄弟アビシャイは三十人の長であった。彼は三百人に向かって、やりをふるい、それを殺した。そして、彼は三人と共に名を得た。
19Iye wakarumbidzwa zvikuru pakati pavatatu avo; naizvozvo akaitwa mukuru wavo, asi haana kuenzana navatatu vokutanga.
19彼は三十人のうち最も尊ばれた者で、彼らの長となった。しかし、かの三人には及ばなかった。
20Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare yeKabhizeeri, wakange aita mabasa makuru, iye wakauraya vanakomana vaviri vaArieri waMoabhu, akandourayawo shumba mukati mehuzha panguva yechando;
20エホヤダの子ベナヤはカブジエル出身の勇士であって、多くのてがらを立てた。彼はモアブのアリエルのふたりの子を撃ち殺した。彼はまた雪の日に下っていって、穴の中でししを撃ち殺した。
21akaurayawo muEgipita, murume wakange akanaka, muEgipita uyu wakange akabata pfumo muruoko rwake, asi iye wakaburukira kwaari akabata tsvimbo, akabvuta pfumo muruoko rwomuEgipita, akamuuraya nepfumo rake iro.
21彼はまた姿のうるわしいエジプトびとを撃ち殺した。そのエジプトびとは手にやりを持っていたが、ベナヤはつえをとってその所に下っていき、エジプトびとの手からやりをもぎとって、そのやりをもって殺した。
22Zvinhu izvi zvakaitwa naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, wakange akakurumbira pakati pemhare idzo nhatu.
22エホヤダの子ベナヤはこれらの事をして三勇士と共に名を得た。
23Iye wakange achirumbidzwa kupfuura vana makumi matatu, asi haana kuenzana navatatu vokutanga. Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.
23彼は三十人のうちに有名であったが、かの三人には及ばなかった。ダビデは彼を侍衛の長とした。
24Ashaheri munin'ina waJoabhu wakange ari mumwe wavana makumi matatu, naErihanani mwanakomana waDhodho weBheterehemu;
24三十人のうちにあったのは、ヨアブの兄弟アサヘル。ベツレヘム出身のドドの子エルハナン。
25naShama muHarodhi, naErika muHarodhi;
25ハロデ出身のシャンマ。ハロデ出身のエリカ。
26naHerezi muPariti, naIra mwanakomana waIkeshe muTekoi;
26パルテびとヘレヅ。テコア出身のイッケシの子イラ。
27naAbhiezeri muAnatoti, naMebhunai muHushati;
27アナトテ出身のアビエゼル。ホシャびとメブンナイ。
28naZarimoni muAhohi, naMaharai muNetofati;
28アホアびとザルモン。ネトパ出身のマハライ。
29naHerebhu, mwanakomana waBhaana muNetofati, naItai mwanakomana waRibhai weGibhiya wavana vaBhenjamini;
29ネトパ出身のバアナの子ヘレブ。ベニヤミンびとのギベアから出たリバイの子イッタイ。
30naBhenaya muPiratoni, naHidai wehova dzeGaashi;
30ピラトンのベナヤ。ガアシの谷出身のヒダイ。
31naAbhiaribhoni muAribhati, naAzimavheti muBharihumi;
31アルバテびとアビアルボン。バホリム出身のアズマウテ。
32naEriabha muShaaribhoni, naJonatani kuvana vaJasheni;
32シャルボン出身のエリヤバ。ヤセンの子たち。ヨナタン。
33naShama muHarari, naAhiami mwanakomana waSharari muArari;
33ハラルびとシャンマ。ハラルびとシャラルの子アヒアム。
34naErifereti mwanakomana waAhashabhai, mwanakomana womuMaakati, naEriami mwanakomana waAhitoferi muGironi;
34マアカ出身のアハスバイの子エリペレテ。ギロ出身のアヒトペルの子エリアム。
35naHezero muKarimeri, naParai muAribhi;
35カルメル出身のヘヅロ。アルバびとパアライ。
36naIgari mwanakomana waNatani weZobha, naBhani muGadhi;
36ゾバ出身のナタンの子イガル。ガドびとバニ。
37naZereki muAmoni, naNaharai muBheeroti, vaibata nhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya;
37アンモンびとゼレク。ゼルヤの子ヨアブの武器を執る者、ベエロテ出身のナハライ。
38naIra muItiri, naGarebhi muItiri;
38イテルびとイラ。イテルびとガレブ。ヘテびとウリヤ。合わせて三十七人である。
39naUriya muHiti, vose makumi matatu navanomwe.
39ヘテびとウリヤ。合わせて三十七人である。