1Zvino Jehovha wakatsamwirazve vaIsiraeri, akakurudzira Dhavhidhi pamusoro pavo, akati, Enda uverenge vaIsiraeri navaJudha.
1主は再びイスラエルに向かって怒りを発し、ダビデを感動して彼らに逆らわせ、「行ってイスラエルとユダとを数えよ」と言われた。
2Ipapo mambo akati kuna Joabhu mukuru wehondo wakange anaye, Enda zvino, upote namarudzi ose alsiraeri, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, uverenge vanhu, ndizive kuwanda kwavo.
2そこで王はヨアブおよびヨアブと共にいる軍の長たちに言った、「イスラエルのすべての部族のうちを、ダンからベエルシバまで行き巡って民を数え、わたしに民の数を知らせなさい」。
3Joabhu akati kuna mambo, Jehovha Mwari wenyu ngaawedzere hake kuvanhu, vapfuure ava runezana pakuwanda kwavo, nameso ashe wangu ngaazviwone; asi ishe wangu mambo unotsvakireiko chinhu ichi?
3ヨアブは王に言った、「どうぞあなたの神、主が、民を今よりも百倍に増してくださいますように。そして王、わが主がまのあたり、それを見られますように。しかし王、わが主は何ゆえにこの事を喜ばれるのですか」。
4Kunyange zvakadaro shoko ramambo rakakurira Joabhu navakuru vehondo. Joabhu navakuru vakabuda pamberi pamambo kundoverenga vanhu vaIsiraeri.
4しかし王の言葉がヨアブと軍の長たちとに勝ったので、ヨアブと軍の長たちとは王の前を退き、イスラエルの民を数えるために出て行った。
5Vakayambuka Joridhani, vakadzika matende avo paAroeri, kurutivi rworudyi rweguta, pakati pomupata weGadhi, kusvikira paJazeri.
5彼らはヨルダンを渡り、アロエルから、すなわち谷の中にある町から始めて、ガドに向かい、ヤゼルに進んだ。
6Ipapo vakasvika Giriyadhi, nokunyika yeTatimihodhisi; vakasvikawo Dhanijaani, nenyika yakapoteredza kusvikira paZidhoni,
6それからギレアデに行き、またヘテびとの地にあるカデシに行き、それからダンに至り、ダンからシドンにまわり、
7vakasvikawo kunhare yeTire, nokumaguta ose avaHivhi, navaKanani; vakapedzisa kurutivi rwezasi rwaJudha paBheerishebha.
7またツロの要害に行き、ヒビびと、およびカナンびとのすべての町に行き、ユダのネゲブに出てベエルシバへ行った。
8Zvino vakati vapota nenyika yose, vakasvika Jerusaremu, vapedza mwedzi mipfumbamwe namazuva ana makumi maviri.
8こうして彼らは国をあまねく行き巡って、九か月と二十日を経てエルサレムにきた。
9Joabhu akarondedzera kuwanda kwavanhu kuna mambo; kuna vaIsiraeri kwakanga kune mhare dzaiva nezviuru zvina mazana masere vaigona kurwa nomunondo; uye varume vaJudha vaiva varume vane zviuru zvina mazana mashanu.
9そしてヨアブは民の総数を王に告げた。すなわちイスラエルには、つるぎを抜く勇士たちが八十万あった。ただしユダの人々は五十万であった。
10Zvino Dhavhidhi wakati apedza kuverenga vanhu, hana yake ikamurova. Dhavhidhi akati kuna Jehovha, Ndatadza kwazvo zvandaita chinhu ichi; asi zvino Jehovha, bvisai henyu kuipa komuranda wenyu; nekuti ndaita sebenzi kwazvo.
10しかしダビデは民を数えた後、心に責められた。そこでダビデは主に言った、「わたしはこれをおこなって大きな罪を犯しました。しかし主よ、今どうぞしもべの罪を取り去ってください。わたしはひじょうに愚かなことをいたしました」。
11Zvino Dhavhidhi wakati achimuka mangwanani, shoko raJehovha rikasvika kumuporofita Gadhi, Muvoni waDhavhidhi, rikati,
11ダビデが朝起きたとき、主の言葉はダビデの先見者である預言者ガデに臨んで言った、
12Enda, undoudza Dhavhidhi, uti, Zvanzi naJehovha, ndinokuisira zvinhu zvitatu; chizvitsaurira chimwe chazvo, ndikuitire icho.
12「行ってダビデに言いなさい、『主はこう仰せられる、「わたしは三つのことを示す。あなたはその一つを選ぶがよい。わたしはそれをあなたに行うであろう」と』」。
13Naizvozvo Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi, akamuudza akati kwaari, Unoda kuti makore manomwe enzara ave panyika yako here? Kana unoda kutiza pamberi pavavengi vako mwedzi mitatu vachikuteverera here? Kana unoda kuti denda rive panyika yako mazuva matatu here? Zvino chifunga hako, urangarire mhinduro yandingadzosera kuna iye wakandituma.
13ガデはダビデのもとにきて、彼に言った、「あなたの国に三年のききんをこさせようか。あなたが敵に追われて三か月敵の前に逃げるようにしようか。それとも、あなたの国に三日の疫病をおくろうか。あなたは考えて、わたしがどの答を、わたしをつかわされた方になすべきかを決めなさい」。
14Ipapo Dhavhidhi akati kuna Gadhi, Ndiri pakumanikidzwa kukuru; tiwire hedu zvino muruoko rwaJehovha, nekuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege hangu kuwira muruoko rwomunhu.
14ダビデはガデに言った、「わたしはひじょうに悩んでいますが、主のあわれみは大きいゆえ、われわれを主の手に陥らせてください。わたしを人の手には陥らせないでください」。
15Ipapo Jehovha akatuma denda pakati paIsiraeri kubva mangwanani kusvikira panguva yakanga yatarwa, varume vane zviuru zvina makumi manomwe vakafa pakati pavanhu, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha.
15そこで主は朝から定めの時まで疫病をイスラエルに下された。ダンからベエルシバまでに民の死んだ者は七万人あった。
16Zvino mutumwa wakati achitambanudzira ruoko rwake kuJerusaremu, kuti ariparadze, Jehovha akazvidemba pamusoro pechakaipa icho, akati kumutumwa wakange achiparadza vanhu, Ndizvo, chidzosa ruoko rwako. Zvino mutumwa waJehovha wakange amire paburiro raArauna muJebhusi.
16天の使が手をエルサレムに伸べてこれを滅ぼそうとしたが、主はこの害悪を悔い、民を滅ぼしている天の使に言われた、「もはや、じゅうぶんである。今あなたの手をとどめるがよい」。その時、主の使はエブスびとアラウナの打ち場のかたわらにいた。
17Dhavhidhi wakati achiona mutumwa wakange achiuraya vanhu, akataura naJehovha, akati, Tarirai, ndini ndatadza, ndini ndaita zvakaipa; asi makwai awa akaiteiko? Ruoko rwenyu ngarundirove harwo ini neimba yababa vangu.
17ダビデは民を撃っている天の使を見た時、主に言った、「わたしは罪を犯しました。わたしは悪を行いました。しかしこれらの羊たちは何をしたのですか。どうぞあなたの手をわたしとわたしの父の家に向けてください」。
18Zvino Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi zuva iro, akati kwaari, Enda undovakira Jehovha aritari paburiro raArauna muJebhusi.
18その日ガデはダビデのところにきて彼に言った、「上って行ってエブスびとアラウナの打ち場で主に祭壇を建てなさい」。
19Dhavhidhi akaenda sezvaakaudzwa naGadhi, sezvaakarairwa naJehovha.
19ダビデはガデの言葉に従い、主の命じられたように上って行った。
20Zvino Arauna akatarira, akaona mambo navaranda vake vachiuya kwaari, Arauna akabuda, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo.
20アラウナは見おろして、王とそのしもべたちが自分の方に進んでくるのを見たので、アラウナは出てきて王の前に地にひれ伏して拝した。
21Arauna akati, Ishe wangu mambo wauyireiko kumuranda wake? Dhavhidhi akati, Ndauya kuzotenga buriro kwauri, kuti ndivakire Jehovha aritari, kuti denda ripere pakati pavanhu.
21そしてアラウナは言った、「どうして王わが主は、しもべの所にこられましたか」。ダビデは言った、「あなたから打ち場を買い取り、主に祭壇を築いて民に下る災をとどめるためです」。
22Arauna akati kuna Dhavhidhi, Ishe wangu mambo ngaatore hake, abayire Jehovha sezvaanoda; tarirai, hedzo nzombe dzokubayira chipiriso chinopiswa; uye nhumbi dzokupira nadzo, namajoko enzombe, dzive huni;
22アラウナはダビデに言った、「どうぞ王、わが主のよいと思われる物を取ってささげてください。燔祭にする牛もあります。たきぎにする打穀機も牛のくびきもあります。
23izvi zvose, mambo, Arauna unopa mambo. Arauna akati kuna mambo, Jehovha Mwari wenyu ngaakugamuchirei hake.
23王よ、アラウナはこれをことごとく王にささげます」。アラウナはまた王に、「あなたの神、主があなたを受けいれられますように」と言った。
24Mambo akati kuna Arauna, Kwete, ndichazvitenga kwauri zvirokwazvo nomutengo wazvo, uye handingabayiri Jehovha Mwari wangu zvipiriso, zvandisina kutenga. Naizvozvo Dhavhidhi akatenga buriro nenzombe namashekeri esirivha ana makumi mashanu.
24しかし王はアラウナに言った、「いいえ、代価を支払ってそれをあなたから買い取ります。わたしは費用をかけずに燔祭をわたしの神、主にささげることはしません」。こうしてダビデは銀五十シケルで打ち場と牛とを買い取った。ダビデはその所で主に祭壇を築き、燔祭と酬恩祭をささげた。そこで主はその地のために祈を聞かれたので、災がイスラエルに下ることはとどまった。
25Dhavhidhi akavakirapo Jehovha aritari, akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa. Naizvozvo Jehovha akanzwira nyika tsitsi, denda rikapera pakati paIsiraeri.
25ダビデはその所で主に祭壇を築き、燔祭と酬恩祭をささげた。そこで主はその地のために祈を聞かれたので、災がイスラエルに下ることはとどまった。