1Zvino marudzi ose avaIsiraeri akauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni, akataura akati, Tarirai tiri mafupa enyu nenyama yenyu.
1イスラエルのすべての部族はヘブロンにいるダビデのもとにきて言った、「われわれは、あなたの骨肉です。
2Kare Sauro achiri mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsiraeri muchibuda navo nokupinda navo; Jehovha akati kwamuri, Iwe uchafudza vanhu vangu vaIsiraeri.
2先にサウルがわれわれの王であった時にも、あなたはイスラエルを率いて出入りされました。そして主はあなたに、『あなたはわたしの民イスラエルを牧するであろう。またあなたはイスラエルの君となるであろう』と言われました」。
3Naizvozvo vakuru vose vaIsiraeri vakauya kuna mambo paHebhuroni, mambo Dhavhidhi akaita sungano paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo waIsiraeri.
3このようにイスラエルの長老たちが皆、ヘブロンにいる王のもとにきたので、ダビデ王はヘブロンで主の前に彼らと契約を結んだ。そして彼らはダビデに油を注いでイスラエルの王とした。
4Dhavhidhi wakange ana makore makumi matatu pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe makore makumi mana.
4ダビデは王となったとき三十歳で、四十年の間、世を治めた。
5Akabata ushe paHebhuroni pavaJudha makore manomwe nemwedzi mitanhatu; akabatawo ushe paJerusaremu makore makumi matatu namatatu pavaIsiraeri navaJudha vose.
5すなわちヘブロンで七年六か月ユダを治め、またエルサレムで三十三年、全イスラエルとユダを治めた。
6lye mambo navanhu vake vakaenda Jerusaremu kundorwa navaJebhusi vakanga vagere panyika iyo; ivo vakataura naDhavhidhi, vakati, Haungapindi pano, mapofu nezvirema vangakudzinga, nekuti vakati, Dhavhidhi haangapindi pano.
6王とその従者たちとはエルサレムへ行って、その地の住民エブスびとを攻めた。エブスびとはダビデに言った、「あなたはけっして、ここに攻め入ることはできない。かえって、めしいや足なえでも、あなたを追い払うであろう」。彼らが「ダビデはここに攻め入ることはできない」と思ったからである。
7Kunyange zvakadaro Dhavhidhi wakakunda nhare yeZiyoni; ndiro guta raDhavhidhi.
7ところがダビデはシオンの要害を取った。これがダビデの町である。
8Dhavhidhi akati nezuva iro, Ani nani unorova vaJebhusi, ngaakwire kumugero wemvura, auraye zvirema namapofu, vanovengwa nomweya waDhavhidhi. Naizvozvo vanoti, Mapofu nezvirema havangapindi mumba.
8その日ダビデは、「だれでもエブスびとを撃とうとする人は、水をくみ上げる縦穴を上って行って、ダビデが心に憎んでいる足なえやめしいを撃て」と言った。それゆえに人々は、「めしいや足なえは、宮にはいってはならない」と言いならわしている。
9Dhavhidhi akagara munhare, akaitumidza guta raDhavhidhi. Dhavhidhi akavaka kunhivi dzose, kubva paMiro, zvichipinda mukati.
9ダビデはその要害に住んで、これをダビデの町と名づけた。またダビデはミロから内の周囲に城壁を築いた。
10Dhavhidhi akaramba achikura, nekuti Jehovha, Mwari wehondo, wakange anaye.
10こうしてダビデはますます大いなる者となり、かつ万軍の神、主が彼と共におられた。
11Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi namatanda emisidhari, navavezi, navavaki, vakavakira Dhavhidhi imba.
11ツロの王ヒラムはダビデに使者をつかわして、香柏および大工と石工を送った。彼らはダビデのために家を建てた。
12Zvino Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha wakange amusimbisa kuti ave mambo waIsiraeri, uye kuti wakange akudza ushe hwake nokuda kwavanhu vake Isiraeri.
12そしてダビデは主が自分を堅く立ててイスラエルの王とされたこと、主がその民イスラエルのためにその王国を興されたことを悟った。
13Dhavhidhi wakati abva Hebhuroni, akazvitorera vamwe varongo navakadzi paJerusaremu, Dhavhidhi akaberekerwa vanakomana navanasikana.
13ダビデはヘブロンからきて後、さらにエルサレムで妻とそばめを入れたので、むすこと娘がまたダビデに生れた。
14Ndiwo mazita avakaberekerwa Jerusaremu: Shamua, naShobhabhu, naNatani, naSoromoni,
14エルサレムで彼に生れた者の名は次のとおりである。シャンムア、ショバブ、ナタン、ソロモン、
15naIbhari, naErishua, naNefegi, naJafia,
15イブハル、エリシュア、ネペグ、ヤピア、
16naErishama, naEriadha, naErifereti.
16エリシャマ、エリアダ、およびエリペレテ。
17Zvino vaFirisitia vakati vachinzwa kuti Dhavhidhi wakange azodzwa kuti ave mambo wavaIsiraeri, vaFirisitia vose vakakwira kundotsvaka Dhavhidhi; Dhavhidhi akazvinzwa, akaburukira kunhare.
17さてペリシテびとは、ダビデが油を注がれてイスラエルの王になったことを聞き、みな上ってきてダビデを捜したが、ダビデはそれを聞いて要害に下って行った。
18VaFirisitia vakanga vasvika, vakapararira pamupata weRefaimu.
18ペリシテびとはきて、レパイムの谷に広がっていた。
19Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, Ndokwira kundorwa navaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko angu here? Jehovha akati kuna Dhavhidhi, Kwira, nekuti zvirokwazvo ndichaisa vaFirisitia mumaoko ako.
19ダビデは主に問うて言った、「ペリシテびとに向かって上るべきでしょうか。あなたは彼らをわたしの手に渡されるでしょうか」。主はダビデに言われた、「上るがよい。わたしはかならずペリシテびとをあなたの手に渡すであろう」。
20Dhavhidhi akasvika paBhaari-perazimi, Dhavhidhi akavaparadzapo. Akati, Jehovha wakabudira vavengi vangu pamberi pangu, sokupwanya kwemvura. Naizvozvo akatumidza nzvimbo iyo Bhaari-perazimi.
20そこでダビデはバアル・ペラジムへ行って、彼らをその所で撃ち破り、そして言った、「主は、破り出る水のように、敵をわたしの前に破られた」。それゆえにその所の名はバアル・ペラジムと呼ばれている。
21Vakasiya zvifananidzo zvavo ipapo, Dhavhidhi navanhu vake vakazvibvisa.
21ペリシテびとはその所に彼らの偶像を捨てて行ったので、ダビデとその従者たちはそれを運び去った。
22VaFirisitia vakauyazve, vakapararira pamupata weRefaimu.
22ペリシテびとが、ふたたび上ってきて、レパイムの谷に広がったので、
23Zvino Dhavhidhi wakati achibvunza Jehovha, iye akati, Usakwira, asi upote shure kwavo, ugovavamba napakatarisana nemiti yemimaribheri.
23ダビデは主に問うたが、主は言われた、「上ってはならない。彼らのうしろに回り、バルサムの木の前から彼らを襲いなさい。
24Zvino kana uchinzwa kutinhira kokufamba pangara dzemiti yemimaribheri, unofanira kukurumidza, nekuti ndiJehovha wakutungamirira kundoparadza hondo yavaFirisitia.
24バルサムの木の上に行進の音が聞えたならば、あなたは奮い立たなければならない。その時、主があなたの前に出て、ペリシテびとの軍勢を撃たれるからである」。ダビデは、主が命じられたようにして、ペリシテびとを撃ち、ゲバからゲゼルに及んだ。
25Dhavhidhi akaita sezvaakarairwa naJehovha; akaparadza vaFirisitia kubva paGebha kusvikira paGezeri.
25ダビデは、主が命じられたようにして、ペリシテびとを撃ち、ゲバからゲゼルに及んだ。