1Zvino Dhavhidhi wakaunganidzazve varume vose vakanga vakatsaurwa vavaIsiraeri, vakanga vane zviuru zvina makumi matatu.
1ダビデは再びイスラエルのえり抜きの者三万人をことごとく集めた。
2Dhavhidhi akasimuka, akaenda navanhu vose vaakanga anavo, vachibva Bhaarijudha, kuti vatorepo areka yaMwari, panodamwa Zita, iro Zita raJehovha wehondo, ugere pamusoro pamakerubhi.
2そしてダビデは立って、自分と共にいるすべての民と共にバアレ・ユダへ行って、神の箱をそこからかき上ろうとした。この箱はケルビムの上に座しておられる万軍の主の名をもって呼ばれている。
3Vakaisa areka yaMwari pamusoro pengoro itsva, vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu, yakanga iri pachikomo, Uza naAhiyo, vanakomana vaAbhinadhabhu, vakafambisa ngoro itsva.
3彼らは神の箱を新しい車に載せて、山の上にあるアビナダブの家から運び出した。
4Vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu, yakanga iri pachikomo, ine areka yaMwari; Ahiyo akatungamirira areka.
4アビナダブの子たち、ウザとアヒオとが神の箱を載せた新しい車を指揮し、ウザは神の箱のかたわらに沿い、アヒオは箱の前に進んだ。
5Dhavhidhi neimba yose yaIsiraeri vakaridza pamberi paJehovha zvinoridzwa zvamarudzi ose, zvomusiperesi, nembira, nemitengeramwa, nengoma, namatare, anoridzwa, namakandira.
5ダビデとイスラエルの全家は琴と立琴と手鼓と鈴とシンバルとをもって歌をうたい、力をきわめて、主の前に踊った。
6Zvino vakati vachisvika paburiro raNakoni, Uza ndokutambanudzira ruoko rwake kuareka yaMwari, akaibata, nekuti nzombe dzakanga dzogumburwa.
6彼らがナコンの打ち場にきた時、ウザは神の箱に手を伸べて、それを押えた。牛がつまずいたからである。
7Kutsamwa kwaJehovha kukamukira Uza, Mwari akamuuraya ipapo, nemhaka yokutadza kwake, iye akafirapo paareka yaMwari.
7すると主はウザに向かって怒りを発し、彼が手を箱に伸べたので、彼をその場で撃たれた。彼は神の箱のかたわらで死んだ。
8Dhavhidhi akagumbuka nekuti Jehovha wakange arova Uza, akatumidza nzvimbo iyo Pereziuza kusvikira zuva ranhasi.
8主がウザを撃たれたので、ダビデは怒った。その所は今日までペレヅ・ウザと呼ばれている。
9Dhavhidhi akatya Jehovha zuva iro, akati, Zvino areka yaJehovha ichasvika seiko kwandiri?
9その日ダビデは主を恐れて言った、「どうして主の箱がわたしの所に来ることができようか」。
10Naizvozvo Dhavhidhi akaramba kuisa areka yaJehovha kwaari muguta raDhavhidhi; asi Dhavhidhi wakaitsausira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti.
10ダビデは主の箱をダビデの町に入れることを好まず、これを移してガテびとオベデエドムの家に運ばせた。
11Areka yaJehovha ikagara mumba maObhedhi-Edhomu muGiti mwedzi mitatu; Jehovha akaropafadza Obhedhi-Edhomu neimba yake yose.
11神の箱はガテびとオベデエドムの家に三か月とどまった。主はオベデエドムとその全家を祝福された。
12Zvino vakaudza mambo Dhavhidhi, vachiti, Jehovha wakaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvake nokuda kweareka yaMwari. Ipapo Dhavhidhi akaenda akatora areka yaMwari kumba kwa Obhedhi-Edhomu, akakwira nayo kuguta raDhavhidhi nomufaro.
12しかしダビデ王は、「主が神の箱のゆえに、オベデエドムの家とそのすべての所有を祝福されている」と聞き、ダビデは行って、喜びをもって、神の箱をオベデエドムの家からダビデの町にかき上った。
13Zvino nguva dzose kana ivo, vakatakura areka vachinge vafamba nhambwe nhanhatu, akabaya mombe nemhuru yakakora.
13主の箱をかく者が六歩進んだ時、ダビデは牛と肥えた物を犠牲としてささげた。
14Dhavhidhi akatamba pamberi paJehovha nesimba rake rose; Dhavhidhi akanga akafuka efodhi yomucheka.
14そしてダビデは力をきわめて、主の箱の前で踊った。その時ダビデは亜麻布のエポデをつけていた。
15Naizvozvo Dhavhidhi neimba yose yaIsiraeri vakakwira neareka yaJehovha vachipururudza nokuridza hwamanda.
15こうしてダビデとイスラエルの全家とは、喜びの叫びと角笛の音をもって、神の箱をかき上った。
16Zvino areka yaJehovha yakati ichisvika muguta raDhavhidhi, Mikari mukunda waSauro akatarira napahwindo, akaona mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba pamberi paJehovha, akamushora mumoyo make.
16主の箱がダビデの町にはいった時、サウルの娘ミカルは窓からながめ、ダビデ王が主の前に舞い踊るのを見て、心のうちにダビデをさげすんだ。
17Vakapinda neareka yaJehovha, vakaiisa panzvimbo yayo pakati petende rayakanga yadzikirwa naDhavhidhi; Dhavhidhi akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha.
17人々は主の箱をかき入れて、ダビデがそのために張った天幕の中のその場所に置いた。そしてダビデは燔祭と酬恩祭を主の前にささげた。
18Zvino Dhavhidhi wakati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akaropafadza vanhu nezita raJehovha wehondo.
18ダビデは燔祭と酬恩祭をささげ終った時、万軍の主の名によって民を祝福した。
19Akagovera vanhu vose, ivo vaIsiraeri vazhinji vose, varume navakadzi, mumwe nomumwe bundu rechingwa, nenhindi yenyama, nesumbu ramazambiringa akawomeswa. Zvino vanhu vose vakabva, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.
19そしてすべての民、イスラエルの全民衆に、男にも女にも、おのおのパンの菓子一個、肉一きれ、ほしぶどう一かたまりを分け与えた。こうして民はみなおのおのその家に帰った。
20Dhavhidhi akadzoka kuzoropafadza imba yake. Mikari mukunda waSauro akabuda kuzosangana naDhavhidhi, akati, Haiwa, mambo waIsiraeri wazvikudza sei nhasi, zvaakazvifukura pamberi pavarandakadzi vavaranda vake, sokuzvifukura kwebenzi risinganyari!
20ダビデが家族を祝福しようとして帰ってきた時、サウルの娘ミカルはダビデを出迎えて言った、「きょうイスラエルの王はなんと威厳のあったことでしょう。いたずら者が、恥も知らず、その身を現すように、きょう家来たちのはしためらの前に自分の身を現されました」。
21Dhavhidhi akati kuna Mikari, Ndakazviita pamberi paJehovha, wakanditsaura pamusoro pababa vako, napamusoro peimba yake yose, kuti andiite mubati wavanhu vaJehovha, ivo vaIsiraeri; naizvozvo ndichatamba hangu pamberi paJehovha.
21ダビデはミカルに言った、「あなたの父よりも、またその全家よりも、むしろわたしを選んで、主の民イスラエルの君とせられた主の前に踊ったのだ。わたしはまた主の前に踊るであろう。
22Ndichazvidukupisa kupfuura izvozvo, ndichazvininipisa pachangu; asi varandakadzi vawareva, ndichakudzwa navo.
22わたしはこれよりももっと軽んじられるようにしよう。そしてあなたの目には卑しめられるであろう。しかしわたしは、あなたがさきに言った、はしためたちに誉を得るであろう」。こうしてサウルの娘ミカルは死ぬ日まで子供がなかった。
23Mikari mukunda waSauro, wakange asina vana kusvikira zuva rokufa kwake.
23こうしてサウルの娘ミカルは死ぬ日まで子供がなかった。