1Zvino mambo wakati agere mumba make, Jehovha amuzorodza pavavengi vake vose vakanga vakamupoteredza,
1さて、王が自分の家に住み、また主が周囲の敵をことごとく打ち退けて彼に安息を賜わった時、
2mambo akati kumuporofita Natani, Zvino tarira, ini ndigere muimba yomusidhari, asi areka yaMwari igere pakati pemicheka.
2王は預言者ナタンに言った、「見よ、今わたしは、香柏の家に住んでいるが、神の箱はなお幕屋のうちにある」。
3Natani akati kuna mambo, Endai, muite henyu zvose zviri mumoyo menyu, nekuti Jehovha anemi.
3ナタンは王に言った、「主があなたと共におられますから、行って、すべてあなたの心にあるところを行いなさい」。
4Zvino nousiku uhwo shoko raJehovha rakasvika kuna Natani, richiti,
4その夜、主の言葉がナタンに臨んで言った、
5Enda undoudza muranda wangu Dhavhidhi, uti, Zvanzi naJehovha: Iwe uchandivakira imba mandingagara here?
5「行って、わたしのしもべダビデに言いなさい、『主はこう仰せられる。あなたはわたしの住む家を建てようとするのか。
6Nekuti handina kugara mumba kubva pazuva randakandotora vana vaIsiraeri Egipita kusvikira zuva ranhasi, asi ndaifamba mutende nomutabhenakeri.
6わたしはイスラエルの人々をエジプトから導き出した日から今日まで、家に住まわず、天幕をすまいとして歩んできた。
7Pose pandakafamba navana vaIsiraeri vose, ndakatongotaura here shoko rimwe kunomumwe wavatongi vaIsiraeri, vandakaraira kufudza vanhu vangu vaIsiraeri, ndichiti Makaregereiko kundivakira imba yomusidhari?
7わたしがイスラエルのすべての人々と共に歩んだすべての所で、わたしがわたしの民イスラエルを牧することを命じたイスラエルのさばきづかさのひとりに、ひと言でも「どうしてあなたがたはわたしのために香柏の家を建てないのか」と、言ったことがあるであろうか』。
8Naizvozvo zvino, unofanira kuti kumuranda wangu Dhavhidhi, Zvanzi naJehovha wehondo, Ndakakutora kumafuro, kwawakanga uchifudza makwai, kuti uve mubati wavanhu vangu vaIsiraeri;
8それゆえ、今あなたは、わたしのしもべダビデにこう言いなさい、『万軍の主はこう仰せられる。わたしはあなたを牧場から、羊に従っている所から取って、わたしの民イスラエルの君とし、
9ndikava newe pose pawakafamba, ndikaparadza vavengi vako vose pamberi pako; ndichakuitira zita guru, ringafanana namazita avakuru vari panyika.
9あなたがどこへ行くにも、あなたと共におり、あなたのすべての敵をあなたの前から断ち去った。わたしはまた地上の大いなる者の名のような大いなる名をあなたに得させよう。
10Ndichatarira vanhu vangu vaIsiraeri nzvimbo, ndichavasima, vagare panzvimbo yavo, varege kubviswazve; navakaipa havangavatambudzizve sapakutanga,
10そしてわたしの民イスラエルのために一つの所を定めて、彼らを植えつけ、彼らを自分の所に住ませ、重ねて動くことのないようにするであろう。
11nokubva pazuva randakaraira vatongi kuti vabate vanhu vangu vaIsiraeri. Asi iwe ndichakuzorodza pavavengi vako vose. Uyezve Jehovha unokuudza kuti Jehovha uchakumisira imba.
11また前のように、わたしがわたしの民イスラエルの上にさばきづかさを立てた日からこのかたのように、悪人が重ねてこれを悩ますことはない。わたしはあなたのもろもろの敵を打ち退けて、あなたに安息を与えるであろう。主はまた「あなたのために家を造る」と仰せられる。
12Kana nguva yako yasvika, iwe ukavata namadzibaba ako, ndichamutsa mumwe worudzi rwako uchakutevera, uchabuda muura mako, ndikasimbisa ushe hwake.
12あなたが日が満ちて、先祖たちと共に眠る時、わたしはあなたの身から出る子を、あなたのあとに立てて、その王国を堅くするであろう。
13Iye uchavakira zita rangu imba, neni ndichasimbisa chigaro chake choushe nokusingaperi.
13彼はわたしの名のために家を建てる。わたしは長くその国の位を堅くしよう。
14Ini ndichava baba vake, naiye uchava mwanakomana wangu; kana akazoita zvakaipa, ndichamuranga neshamhu yavanhu, uye nokurohwa kwavana vavanhu;
14わたしは彼の父となり、彼はわたしの子となるであろう。もし彼が罪を犯すならば、わたしは人のつえと人の子のむちをもって彼を懲らす。
15asi nyasha dzangu hadzingabvi kwaari, sezvandakadzibvisa kuna Sauro, wandakabvisa pamberi pako.
15しかしわたしはわたしのいつくしみを、わたしがあなたの前から除いたサウルから取り去ったように、彼からは取り去らない。
16Imba yako noushe hwako zvichasimbiswa pamberi pako nokusingaperi, nechigaro chako choushe chichasimbiswa nokusingaperi.
16あなたの家と王国はわたしの前に長く保つであろう。あなたの位は長く堅うせられる』」。
17Natani akaudza Dhavhidhi mashoko awa ose, nezvose zvaakanga aratidzwa.
17ナタンはすべてこれらの言葉のように、またすべてこの幻のようにダビデに語った。
18Ipapo mambo Dhavhidhi akapinda, akagara pamberi paJehovha, akati, Jehovha Mwari, ndini aniko, neimba yangu chinyiko, zvamakandisvitsa kusvikira pano?
18その時ダビデ王は、はいって主の前に座して言った、「主なる神よ、わたしがだれ、わたしの家が何であるので、あなたはこれまでわたしを導かれたのですか。
19Asi chinhu ichi chakanga chiri chiduku pamberi penyu, Jehovha Mwari, asi makataurawo pamusoro peimba yomuranda wenyu kusvikira panguva huru inozouya; asi iyi ndiyo tsika yavanhu, Jehovha Mwari!
19主なる神よ、これはなおあなたの目には小さい事です。主なる神よ、あなたはまたしもべの家の、はるか後の事を語って、きたるべき代々のことを示されました。
20Ko Dhavhidhi ungareveizve kwamuri? nekuti munoziva henyu muranda wenyu, Jehovha Mwari.
20ダビデはこの上なにをあなたに申しあげることができましょう。主なる神よ、あなたはしもべを知っておられるのです。
21Nokuda kweshoko renyu, uye sezvamakafunga mumoyo menyu, makaita zvinhu izvi zvikuru zvose, kuzvizivisa muranda wenyu.
21あなたの約束のゆえに、またあなたの心に従って、あなたはこのもろもろの大いなる事を行い、しもべにそれを知らせられました。
22Naizvozvo muri mukuru, Jehovha Mwari, nekuti hakuna mumwe wakafanana nemi, hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu, sezvatakanzwa zvose nenzeve dzedu.
22主なる神よ、あなたは偉大です。それは、われわれがすべて耳に聞いたところによれば、あなたのような者はなく、またあなたのほかに神はないからです。
23Rumwe rudzi ruripiko panyika rwakafanana navanhu venyu vaIsiraeri, vakandodzikunurwa naMwari, vave vanhu vake kuti iye akurumbire, uye akuitirei imwi zvinhu zvikuru, nenyika yenyu zvinhu zvinotyisa, pamberi pavanhu venyu, vamakazvidzikunurira paEgipita, vabve pakati pavahedheni navamwari vavo?
23地のどの国民が、あなたの民イスラエルのようでありましょうか。これは神が行って、自分のためにあがなって民とし、自らの名をあげられたもの、また彼らのために大いなる恐るべきことをなし、その民の前から国びととその神々とを追い出されたものです。
24Mukazvisimbisira vanhu venyu vaIsiraeri, kuti vave vanhu venyu nokusingaperi; imwi Jehovha mukava Mwari wavo.
24そしてあなたの民イスラエルを永遠にあなたの民として、自分のために、定められました。主よ、あなたは彼らの神となられたのです。
25Zvino Jehovha Mwari, shoko ramakataura pamusoro pomuranda wenyu napamusoro peimba yake, murisimbisei henyu nokusingaperi, muite sezvamakataura.
25主なる神よ、今あなたが、しもべとしもべの家とについて語られた言葉を長く堅うして、あなたの言われたとおりにしてください。
26Zita renyu ngarikudzwe nokusingaperi, zvichinzi, Jehovha wehondo ndiMwari waIsiraeri; imba yomuranda wenyu Dhavhidhi ichasimbiswa pamberi penyu.
26そうすれば、あなたの名はとこしえにあがめられて、『万軍の主はイスラエルの神である』と言われ、あなたのしもべダビデの家は、あなたの前に堅く立つことができましょう。
27Nekuti imwi Jehovha wehondo Mwari waIsiraeri, makazivisa muranda wenyu, muchiti, Ndichakuvakira imba; naizvozvo muranda wenyu wakatsunga kunyengetera munyengetero uyu kwamuri.
27万軍の主、イスラエルの神よ、あなたはしもべに示して、『おまえのために家を建てよう』と言われました。それゆえ、しもべはこの祈をあなたにささげる勇気を得たのです。
28Zvino Jehovha Mwari, ndimi Mwari, uye mashoko enyu ndeechokwadi, makapikira muranda wenyu chinhu ichi chakanaka;
28主なる神よ、あなたは神にましまし、あなたの言葉は真実です。あなたはこの良き事をしもべに約束されました。どうぞ今、しもべの家を祝福し、あなたの前に長くつづかせてくださるように。主なる神よ、あなたがそれを言われたのです。どうぞあなたの祝福によって、しもべの家がながく祝福されますように」。
29naizvozvo zvino chiropafadzai henyu imba yomuranda wenyu, kuti irambe iripo pamberi penyu nokusingaperi, nekuti imwi Jehovha Mwari makataura saizvozvo; imba yomuranda wenyu ngairopafadzwe nokuropafadza kwenyu nokusingaperi.
29どうぞ今、しもべの家を祝福し、あなたの前に長くつづかせてくださるように。主なる神よ、あなたがそれを言われたのです。どうぞあなたの祝福によって、しもべの家がながく祝福されますように」。