1Zvino takadzoka, tikafamba tichipinda murenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, sezvandakaudzwa naJehovha, tikapota-pota gomo reSeiri mazuva mazhinji.
1それから、われわれは身をめぐらし、主がわたしに告げられたように、紅海の方に向かって荒野に進み入り、日久しくセイル山を行きめぐっていたが、
2Zvino Jehovha akataura neni, akati,
2主はわたしに言われた、
3Mapota-pota gomo iri nguva yaringana; dzokai muende nechokumusoro.
3『あなたがたは既に久しくこの山を行きめぐっているが、身をめぐらして北に進みなさい。
4Raira vanhu, uti, Munofanira kupfuura nomunyika yehama dzenyu, vana vaEsau, vagere Seiri; ivo vachakutyai, saka chenjerai
4おまえはまた民に命じて言え、「あなたがたは、エサウの子孫、すなわちセイルに住んでいるあなたがたの兄弟の領内を通ろうとしている。彼らはあなたがたを恐れるであろう。それゆえ、あなたがたはみずから深く慎み、
5Musavavamba, nekuti handingakupiyi nyika yavo, kunyange pangatsikwa norutsoka; nekuti ndakapa Esau gomo reSeiri, rive rake.
5彼らと争ってはならない。彼らの地は、足の裏で踏むほどでも、あなたがたに与えないであろう。わたしがセイル山をエサウに与えて、領地とさせたからである。
6Munofanira kutenga zvokudya kwavari nemari, mudye, nemvura munofanira kuitengawo kwavari, mumwe.
6あなたがたは彼らから金で食物を買って食べ、また金で水を買って飲まなければならない。
7Nekuti Jehovha Mwari wako wakakuropafadza pamabasa ose amaoko ako; iye unoziva kufamba kwako murenje iri guru. Jehovha Mwari wako wakava newe makore awa makumi mana; hauna kushaiwa chinhu.
7あなたの神、主が、あなたのするすべての事において、あなたを恵み、あなたがこの大いなる荒野を通るのを、見守られたからである。あなたの神、主がこの四十年の間、あなたと共におられたので、あなたは何も乏しいことがなかった」』。
8Naizvozvo takapfuura hama dzedu, vana vaEsau, vagere Seiri, tikasiya nzira yokuMupata, inobva Erati napaEZiyoni-gebheri.
8こうしてわれわれは、エサウの子孫でセイルに住んでいる兄弟を離れ、アラバの道を避け、エラテとエジオン・ゲベルを離れて進んだ。われわれは転じて、モアブの荒野の方に向かって進んだ。
9Zvino Jehovha akati kwandiri, Usarwa navaMoabhu, kana kuvavamba pakurwa; nekuti handingakupi nyika yavo, ive yako; nekuti ndakapa Ari kuvana vaRoti, ive yavo.
9その時、主はわたしに言われた、『モアブを敵視してはならない。またそれと争い戦ってはならない。彼らの地は、領地としてあなたに与えない。ロトの子孫にアルを与えて、領地とさせたからである。
10(Kare vaEmi vakanga vageremo, vaiva vanhu vakuru, vazhinji, varefu, savaAnaki;
10(むかし、エミびとがこの所に住んでいた。この民は大いなる民であって、数も多く、アナクびとのように背も高く、
11vanonzi vorudzi rwavaRefaimu, savaAnaki, asi vaMoabhu vanovaidza vaEmi.
11またアナクびとと同じくレパイムであると、みなされていたが、モアブびとは、これをエミびとと呼んでいた。
12NavaHoriwo vakanga vagere Seiri kare; asi vana vaEsau vakavatevera, vakavaparadza pamberi pavo, vakagara panzvimbo yavo; sezvakaita vaIsiraeri nenyika yavo yavakapiwa naJehovha ive yavo.)
12ホリびとも、むかしはセイルに住んでいたが、エサウの子孫がこれを追い払い、これを滅ぼし、彼らに代ってそこに住んだ。主が賜わった所有の地に、イスラエルがおこなったのと同じである。)
13Zvino simukai, muyambuke rukova Zeredhi. Tikayambuka rukova Zeredhi.
13あなたがたは、いま、立ちあがってゼレデ川を渡りなさい』。そこでわれわれはゼレデ川を渡った。
14Zvino mazuva okubva kwedu paKadheshi-bharinea kusvikira tayambuka rukova Zeredhi, aiva makore makumi matatu namasere; kusvikira rudzi rwose rwavarume vehondo vaparadzwa pakati pemisasa, sezvavakanga vapikirwa naJehovha.
14カデシ・バルネアを出てこのかた、ゼレデ川を渡るまでの間の日は三十八年であって、その世代のいくさびとはみな死に絶えて、宿営のうちにいなくなった。主が彼らに誓われたとおりである。
15Uye ruoko rwaJehovhawo rwairamba ruchirwa navo, kuti vaparadzwe pakati pemisasa kusvikira vapera.
15まことに主の手が彼らを攻め、宿営のうちから滅ぼし去られたので、彼らはついに死に絶えた。
16Zvino varume vose vehondo vakati vapera nokufa pakati pavanhu,
16いくさびとがみな民のうちから死に絶えたとき、
17Jehovha akataura neni, akati,
17主はわたしに言われた、
18Nhasi unofanira kupfuura napaAri, pamuganhu waMoabhu;
18『おまえは、きょう、モアブの領地アルを通ろうとしている。
19kana woswedera pakatarisana navana vaAmoni, usarwa navo, kana kuvavamba; nekuti handingakupi nyika yavana vaAmoni, ive yako; nekuti ndakaipa vana vaRoti, ive yavo.
19アンモンの子孫に近づく時、おまえは彼らを敵視してはならない。また争ってはならない。わたしはアンモンの子孫の地を領地として、おまえに与えない。それをロトの子孫に領地として与えたからである。
20Naiyowo yainzi inyika yavaRefaimu; vaRefaimu vakanga vageremo kare; asi vaAmoni vaivaidza vaZamuzumi;
20(これもまたレパイムの国とみなされた。むかし、レパイムがここに住んでいたからである。しかし、アンモンびとは彼らをザムズミびとと呼んだ。
21vaiva vanhu vakuru, vazhinji, varefu savaAnaki; asi Jehovha wakavaparadza pamberi pavo, vakavatevera, vakagara panzvimbo yavo;
21この民は大いなる民であって数も多く、アナクびとのように背も高かったが、主はアンモンびとの前から、これを滅ぼされ、アンモンびとがこれを追い払って、彼らに代ってそこに住んだ。
22sezvaakaita navana vaEsau, vanogara Seiri, nguva yaakaparadza vaHori pamberi pavo, ivo vakavatevera, vakagara panzvimbo yavo kusvikira nhasi;
22この事は、セイルに住んでいるエサウの子孫のためにその前から、ホリびとを滅ぼされたのと同じである。彼らはホリびとを追い払い、これに代って今日までそこに住んでいる。
23vaAvhi, vakanga vagere mumisha kusvikira Gaza, vakaparadzwa navaKafitori, vakabva Kafitori, vakagara panzvimbo yavo.
23またカフトルから出たカフトルびとは、ガザにまで及ぶ村々に住んでいたアビびとを滅ぼして、これに代ってそこに住んでいる。)
24Simukai, mufambe, muyambuke rwizi Arinoni; tarirai, ndakaisa mumaoko enyu Sihoni muAmori, mambo weHeshibhoni, nenyika yake; tangai kuitora, muvambe kurwa naye.
24あなたがたは立ちあがり、進んでアルノン川を渡りなさい。わたしはヘシボンの王アモリびとシホンとその国とを、おまえの手に渡した。それを征服し始めよ。彼と争って戦え。
25Nhasi ndichatanga kuvhundusa nokutyisa ndudzi dziri pasi pedenga rose pamusoro penyu, ivo vachanzwa guhu pamusoro penyu, vachabvunda nokutya kwazvo pamusoro penyu.
25きょうから、わたしは全天下の民に、おまえをおびえ恐れさせるであろう。彼らはおまえのうわさを聞いて震え、おまえのために苦しむであろう』。
26Zvino ndakatuma nhume mbiri murenje reKedhemoti, kuna Sihoni, mambo weHeshibhoni, namashoko orugare, ndichiti,
26そこでわたしは、ケデモテの荒野から、ヘシボンの王シホンに使者をつかわし、平和の言葉を述べさせた。
27Nditendere kupfuura nomunyika yako, ndichafamba nenzira huru, handingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe.
27『あなたの国を通らせてください。わたしは大路をとおっていきます、右にも左にも曲りません。
28Munganditengesera zvokudya nemari, ndidye; mungandipa mvura ndichiripa nemari, ndimwe, asi nditenderei henyu kupfuura namakumbo;
28金で食物を売ってわたしに食べさせ、金をとって水を与えてわたしに飲ませてください。徒歩で通らせてくださるだけでよいのです。
29sezvandakaitirwa navana vaEsau vagere Seiri, navaMoabhu, vagere Ari; kusvikira ndayambuka Joridhani, ndikapinda munyika yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.
29セイルに住むエサウの子孫と、アルに住むモアブびとが、わたしにしたようにしてください。そうすれば、わたしはヨルダンを渡って、われわれの神、主が賜わる地に行きます』。
30Asi Sihoni, mambo weHeshibhoni, wakaramba kutitendera kupfuura nokwaari, nekuti Jehovha Mwari wako wakawomesa mweya wake, akarambidza moyo wake, kuti amuise iye muruoko rwako, sezvazvakaita nhasi.
30しかし、ヘシボンの王シホンは、われわれを通らせるのを好まなかった。あなたの神、主が彼をあなたの手に渡すため、その気を強くし、その心をかたくなにされたからである。今日見るとおりである。
31Zvino Jehovha akati kwandiri, Tarira, ndatanga kuisa Sihoni nenyika yake kwauri; tanga kutora, kuti nyika ive yako.
31時に主はわたしに言われた、『わたしはシホンと、その地とを、おまえに渡し始めた。おまえはそれを征服しはじめ、その地を自分のものとせよ』。
32Ipapo Sihoni akauya, iye navanhu vake vose kuzorwa nesu paJahazi.
32そこでシホンは、われわれを攻めようとして、その民をことごとく率い、出てきてヤハズで戦ったが、
33Jehovha Mwari wedu akamuisa mumaoko edu, tikamukunda, iye navana vake, navanhu vake vose.
33われわれの神、主が彼を渡されたので、われわれは彼とその子らと、そのすべての民とを撃ち殺した。
34Nenguva iyo tikakunda maguta ake ose, tikaparadza chose maguta ose aiva navanhu, pamwechete navakadzi navana vaduku, hatina kusiya kunyange nomumwe.
34その時、われわれは彼のすべての町を取り、そのすべての町の男、女および子供を全く滅ぼして、ひとりをも残さなかった。
35Asi zvipfuwo zvoga takazvitora zvive zvedu zvatakatapa, pamwechete nezvatakapamba pamaguta atakakunda.
35ただその家畜は、われわれが取った町々のぶんどり物と共に、われわれが獲て自分の物とした。
36Kubva paAroeri pamuuyo worwizi Arinoni, nokuguta riri parwizi, kusvikira Giriyadhi, kwakanga kusina guta rakatikurira; Jehovha Mwari wedu wakaaisa ose pamaoko edu;
36アルノンの谷のほとりにあるアロエルおよび谷の中にある町からギレアデに至るまで、われわれが攻めて取れなかった町は一つもなかった。われわれの神、主がことごとくわれわれに渡されたのである。ただアンモンの子孫の地、すなわちヤボク川の全岸、および山地の町々、またすべてわれわれの神、主が禁じられた所には近寄らなかった。
37asi hamuna kuswedera kunyika yavana vaAmoni; kurutivi rwose rworwizi Jabhoki, namaguta enyika yamakomo, napose patakanga tadziviswa naJehovha Mwari wedu.
37ただアンモンの子孫の地、すなわちヤボク川の全岸、および山地の町々、またすべてわれわれの神、主が禁じられた所には近寄らなかった。