1Kana ukabuda kundorwa navavengi vako, ukaona mabhiza, nengoro navanhu vakawanda kupfuura iwe, usavatya; nekuti Jehovha Mwari wako unewe, iye wakakubudisa panyika yeEgipita.
1あなたが敵と戦うために出る時、馬と戦車と、あなたよりも大ぜいの軍隊を見ても、彼らを恐れてはならない。あなたをエジプトの国から導きのぼられたあなたの神、主が共におられるからである。
2Zvino kana moswedera pakurwa, mupristi anofanira kuuya kuzotaura navanhu,
2あなたがたが戦いに臨むとき、祭司は進み出て民に告げて、
3achiti kwavari, Inzwai imwi Isiraeri, nhasi moswedera pakurwa navavengi venyu, moyo yenyu ngairege kupera simba; regai kutya kana kudedera, kana kuvhunduka pamberi pavo;
3彼らに言わなければならない、『イスラエルよ聞け。あなたがたは、きょう、敵と戦おうとしている。気おくれしてはならない。恐れてはならない。あわててはならない。彼らに驚いてはならない。
4nekuti Jehovha Mwari wenyu ndiye unoenda nemi, kukurwirai pavavengi venyu, kukuponesai.
4あなたがたの神、主が共に行かれ、あなたがたのために敵と戦って、あなたがたを救われるからである』。
5Navakuru vanofanira kutaura navanhu, vachiti, Pano munhu here wakavaka imba itsva, uchigere kutanga kuigara? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akatanga kuigara.
5次につかさたちは民に告げて言わなければならない。『新しい家を建てて、まだそれをささげていない者があれば、その人を家に帰らせなければならない。そうしなければ、彼が戦いに死んだとき、ほかの人がそれをささげるようになるであろう。
6Uye, pano munhu here wakarima munda wemizambiringa, uchigere kudya michero yawo? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akadya michero yawo.
6ぶどう畑を作って、まだその実を食べていない者があれば、その人を家に帰らせなければならない。そうしなければ彼が戦いに死んだとき、ほかの人がそれを食べるようになるであろう。
7Uye, pano munhu here wakanyenga musikana, uchigere kumuwana? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akamuwana.
7女と婚約して、まだその女をめとっていない者があれば、その人を家に帰らせなければならない。そうしなければ彼が戦いに死んだとき、ほかの人が彼女をめとるようになるであろう』。
8Uye vakuru vanofanira kutaurawo kuvanhu, vachiti, Pano munhu here unotya, unomoyo unovhunduka? Ngaadzokere kumba kwake; kuti moyo yehama dzake irege kunyauka somoyo wake.
8つかさたちは、また民に告げて言わなければならない。『恐れて気おくれする者があるならば、その人を家に帰らせなければならない。そうしなければ、兄弟たちの心が彼の心のようにくじけるであろう』。
9Zvino kana vakuru vapedza kutaura navanhu, vanofanira kugadza vatariri vehondo vangatungamirira vanhu.
9つかさたちがこのように民に告げ終ったならば、軍勢のかしらたちを立てて民を率いさせなければならない。
10Kana woswedera pedo neguta kuti urwe naro, unofanira kuriparidzira rugare.
10一つの町へ進んで行って、それを攻めようとする時は、まず穏やかに降服することを勧めなければならない。
11Zvino kana ivo vachikupindura norugare, vakakuzarurira masuwo avo, ipapo vanhu vose vanowanikwa mukati maro vanofanira kukuteerera mutero nokukubatira.
11もしその町が穏やかに降服しようと答えて、門を開くならば、そこにいるすべての民に、みつぎを納めさせ、あなたに仕えさせなければならない。
12Kana vasingadi kuyanana newe, asi kurwa newe, iwe unofanira kurikomba;
12もし穏やかに降服せず、戦おうとするならば、あなたはそれを攻めなければならない。
13kana Jehovha Mwari wako akariisa mumaoko ako, unofanira kuparadza varume vose varimo nomunondo unopinza;
13そしてあなたの神、主がそれをあなたの手にわたされる時、つるぎをもってそのうちの男をみな撃ち殺さなければならない。
14asi vakadzi, nepwere, nemombe, nezvose zviri muguta, zvose zvingapambwa, unofanira kuzvitapira izvo; iwe uchadya zvakapambwa kuvavengi vako, zvaunopiwa naJehovha Mwari wako.
14ただし女、子供、家畜およびすべて町のうちにあるもの、すなわちぶんどり物は皆、戦利品として取ることができる。また敵からぶんどった物はあなたの神、主が賜わったものだから、あなたはそれを用いることができる。
15Unofanira kuita saizvozvo namaguta ose ari kure kwazvo newe, asati ari maguta endudzi idzi.
15遠く離れている町々、すなわちこれらの国々に属さない町々には、すべてこのようにしなければならない。
16Asi kana ari maguta avanhu ava, vaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti vave nhaka yako, haufaniri kurega chinhu chimwe chinofema chiri chipenyu;
16ただし、あなたの神、主が嗣業として与えられるこれらの民の町々では、息のある者をひとりも生かしておいてはならない。
17asi unofanira kuvaparadza chose, ivo vaHeti, navaAmori, naKanani, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi; sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako;
17すなわちヘテびと、アモリびと、カナンびと、ペリジびと、ヒビびと、エブスびとはみな滅ぼして、あなたの神、主が命じられたとおりにしなければならない。
18kuti varege kukudzidzisai kuita zvose zvavo zvinonyangadza, zvavakaitira vamwari vavo; imwi mukatadzira Jehovha Mwari wenyu.
18これは彼らがその神々を拝んでおこなったすべての憎むべき事を、あなたがたに教えて、それを行わせ、あなたがたの神、主に罪を犯させることのないためである。
19Kana ukakomba guta nguva refu, uchirwa naro, kuti urikunde, haufaniri kuparadza miti yaro, uchiitema nesanhu; ungaidya, haufaniri kuitema; nekuti muti womusango munhu here, kuti ukombwe newe?
19長く町を攻め囲んで、それを取ろうとする時でも、おのをふるって、そこの木を切り枯らしてはならない。それはあなたの食となるものだから、切り倒してはならない。あなたは田野の木までも、人のように攻めなければならないであろうか。ただし実を結ばない木とわかっている木は切り倒して、あなたと戦っている町にむかい、それをもってとりでを築き、陥落するまで、それを攻めることができる。
20Asi miti yaunoziva kuti miti isingadyiwi, unofanira kuiparadza uchiitema; guta rinorwa newe unofanira kurivakira mhanda kusvikira rakundwa.
20ただし実を結ばない木とわかっている木は切り倒して、あなたと戦っている町にむかい、それをもってとりでを築き、陥落するまで、それを攻めることができる。