1Zvino kana Jehovha Mwari wako achiparadza ndudzi dzaunopiwa nyika yadzo naJehovha Mwari wako, iwe ukapinda panzvimbo yavo, ukagara mumaguta avo nomudzimba dzavo;
1あなたの神、主が国々の民を滅ぼしつくして、あなたの神、主がその地を賜わり、あなたがそれを獲て、その町々と、その家々に住むようになる時は、
2unofanira kuzvitsaurira maguta matatu munyika yako, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako.
2あなたの神、主が与えて獲させられる地のうちに、三つの町をあなたのために指定しなければならない。
3Unofanira kuzvigadzirira nzira, nokuganhura nyika yako, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako, uchiita migove mitatu, kuti munhu upi noupi wakauraya agone kutizirako.
3そしてそこに行く道を備え、またあなたの神、主があなたに継がせられる地の領域を三区に分け、すべて人を殺した者をそこにのがれさせなければならない。
4Zvino ndiwo murayiro womuurayi unotizirako akazorarama: Munhu upi noupi unouraya wokwake, nokusaziva, asina kumuvenga kare;
4人を殺した者がそこにのがれて、命を全うすべき場合は次のとおりである。すなわち以前から憎むこともないのに、知らないでその隣人を殺した場合、
5somunhu unoti kana achienda nowokwake kudondo kundotema huni, akasimudza ruoko rwake kuti ateme muti nesanhu, dare ndokuvhomoka pamupinyi, ndokutema wokwake akafa; iye unofanira kutizira kune rimwe ramaguta awa, ararame.
5たとえば人が木を切ろうとして、隣人と一緒に林に入り、手におのを取って、木を切り倒そうと撃ちおろすとき、その頭が柄から抜け、隣人にあたって、死なせたような場合がそれである。そういう人はこれらの町の一つにのがれて、命を全うすることができる。
6Kuti mutsivi weropa arege kuteverera muurayi, moyo wake uchine shungu, akamubata nekuti kure, akamurova akafa; izvo wakange asina kufanirwa norufu, nekuti wakange asina kumuvenga kare.
6そうしなければ、復讐する者が怒って、その殺した者を追いかけ、道が長いために、ついに追いついて殺すであろう。しかし、その人は以前から彼を憎んでいた者でないから、殺される理由はない。
7Saka ndinokuraira, ndichiti, Unofanira kuzvitsaurira maguta matatu.
7それでわたしはあなたに命じて『三つの町をあなたのために指定しなければならない』と言ったのである。
8Zvino kana Jehovha Mwari wako achizokurisa nyika yako, sezvaakapikira madzibaba ako, akakupa nyika yose yaakapikira madzibaba ako, kuti uchavapa iyo;
8あなたの神、主が先祖たちに誓われたように、あなたの領域を広め、先祖たちに与えると言われた地を、ことごとく賜わる時、――
9kana ukachengeta murayiro uyu wose nokuuita, uyu wandinokuraira nhasi, kuti ude Jehovha Mwari wako,nokufamba munzira dzake, nguva dzose; ipapo unofanira kuzowedzerazve mamwe maguta matatu kuna awa matatu;
9わたしが、きょう、命じるこのすべての戒めを守って、それをおこない、あなたの神、主を愛して、常にその道に歩む時――あなたはこれら三つの町のほかに、また三つの町をあなたのために増し加えなければならない。
10kuti ropa romunhu usine mhosva rirege kuteurwa panyika yako, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako; kuti nokudaro ropa rirege kuva pamusoro pako.
10これはあなたの神、主が与えて嗣業とされる地のうちで、罪のない者の血が流されないようにするためである。そうしなければ、その血を流したとがは、あなたに帰するであろう。
11Asi kana munhu upi noupi akavenga wokwake, akamuvandira, akamumukira, ndokumurova akafa, kana iye akatizira kune rimwe ramaguta awa;
11しかし、もし人が隣人を憎んでそれをつけねらい、立ちかかってその人を撃ち殺し、そしてこれらの町の一つにのがれるならば、
12ipapo vakuru veguta rake vanofanira kutuma munhu kundomutorako, vagomuisa mumaoko omutsivi weropa, afe.
12その町の長老たちは人をつかわして彼をそこから引いてこさせ、復讐する者にわたして殺させなければならない。
13Haufaniri kumunzwira tsitsi, asi iwe unofanira kubvisa ropa romunhu usine mhosva pakati paIsiraeri, kuti zvive zvakanaka newe. Unotorera mumwe nyika yake neanopupura nhema vanofanira kurohwa
13彼をあわれんではならない。罪のない者の血を流したとがを、イスラエルから除かなければならない。そうすればあなたにさいわいがあるであろう。
14Usashandura miganhu yowokwako, yakatarwa navekare, panhaka yako yauchazopiwa, panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako.
14あなたの神、主が与えて獲させられる地で、あなたが継ぐ嗣業において、先祖の定めたあなたの隣人の土地の境を移してはならない。
15Chapupu chimwe hachifaniri kupupurira munhu pachinhu chakaipa chipi nechipi, kana chivi chipi nechipi, chiri chivi chipi nechipi chaakatadza; shoko rinofanira kusimbiswa nezvapupu zviviri kana zvitatu.
15どんな不正であれ、どんなとがであれ、すべて人の犯す罪は、ただひとりの証人によって定めてはならない。ふたりの証人の証言により、または三人の証人の証言によって、その事を定めなければならない。
16Kana chapupu chisina kururama chikapupurira munhu upi noupi kuti wakatadza;
16もし悪意のある証人が起って、人に対して悪い証言をすることがあれば、
17ipapo varume vaviri vose vane nharo vanofanira kumira pamberi paJehovha, pamberi pavapristi navatongi vachavapo namazuva iwayo;
17その相争うふたりの者は主の前に行って、その時の祭司と裁判人の前に立たなければならない。
18zvino vatongi vanofanira kuferefeta kwazvo; kana vakaona kuti chapupu icho chapupu chenhema, chakapupurira hama yacho nhema,
18その時、裁判人は詳細にそれを調べなければならない。そしてその証人がもし偽りの証人であって、兄弟にむかって偽りの証言をした者であるならば、
19munofanira kumuitira iye sezvaakafunga kuitira hama yake; nokudaro iwe unofanira kubvisa chakaipa pakati pako.
19あなたがたは彼が兄弟にしようとしたことを彼に行い、こうしてあなたがたのうちから悪を除き去らなければならない。
20Vakasara vanofanira kuzvinzwawo, vatye, varege kuzoita chakaipa chakadai pakati pako.
20そうすれば他の人たちは聞いて恐れ、その後ふたたびそのような悪をあなたがたのうちに行わないであろう。あわれんではならない。命には命、目には目、歯には歯、手には手、足には足をもって償わせなければならない。
21Haufaniri kumunzwira tsitsi; upenyu hunofanira kutsihwa noupenyu, ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, rutsoka norutsoka.
21あわれんではならない。命には命、目には目、歯には歯、手には手、足には足をもって償わせなければならない。