1Kana vanhu vakaita nharo, vakauya kutongerwa, vatongi vakavatongera, vanofanira kururamisira wakarurama, nokupa mhosva munhu wakatadza.
1人と人との間に争い事があって、さばきを求めてきたならば、さばきびとはこれをさばいて、正しい者を正しいとし、悪い者を悪いとしなければならない。
2Zvino kana wakatadza achifanirwa nokurohwa, mutongi anofanira kumutsivamisa pasi, agorohwa pamberi pake zvakaenzana nokutadza kwake.
2その悪い者が、むち打つべき者であるならば、さばきびとは彼を伏させ、自分の前で、その罪にしたがい、数えて彼をむち打たせなければならない。
3Anofanira kumurova kana makumi mana, haafaniri kupfuudza; kuti, kana akapfuudza, akamurova kupfuura ipapo kazhinji, hama yako irege kuzvidzwa pamberi pako.
3彼をむち打つには四十を越えてはならない。もしそれを越えて、それよりも多くむちを打つときは、あなたの兄弟はあなたの目の前で、はずかしめられることになるであろう。
4Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo.
4脱穀をする牛にくつこを掛けてはならない。
5Kana vana vomunhu mumwe vagere pamwechete, mumwe wavo akafa asina mwanakomana, mukadzi wowakafa haafaniri kuwanikwa nomutorwa kunze kwehama; munin'ina womurume wake anofanira kupinda kwaari, ave mukadzi wake, amuitire sezvinofanira kuita munin'ina womurume.
5兄弟が一緒に住んでいて、そのうちのひとりが死んで子のない時は、その死んだ者の妻は出て、他人にとついではならない。その夫の兄弟が彼女の所にはいり、めとって妻とし、夫の兄弟としての道を彼女につくさなければならない。
6Zvino mwana wedangwe waachabereka, ndiye anofanira kupinda panzvimbo yomukoma wake wakafa, kuti zita rake rirege kudzima pakati paIsiraeri.
6そしてその女が初めに産む男の子に、死んだ兄弟の名を継がせ、その名をイスラエルのうちに絶やさないようにしなければならない。
7Kana munhu asingadi kuwana mukadzi womukoma wake, mukadzi womukoma wake anofanira kukwira kusuwo ravakuru, agoti, Munin'ina womurume wangu unoramba kumutsira mukoma wake zita muna Isiraeri, haadi kundiitira sezvinofanira kuita munin'ina womurume.
7しかしその人が兄弟の妻をめとるのを好まないならば、その兄弟の妻は町の門へ行って、長老たちに言わなければならない、『わたしの夫の兄弟はその兄弟の名をイスラエルのうちに残すのを拒んで、夫の兄弟としての道をつくすことを好みません』。
8Zvino vakuru veguta rake vanofanira kumudana, vataure naye; kana akaramba, achiti, Handidi hangu kumuwana;
8そのとき町の長老たちは彼を呼び寄せて、さとさなければならない。もし彼が固執して、『わたしは彼女をめとることを好みません』と言うならば、
9mukadzi womukoma wake anofanira kuuya kwaari pamberi pavakuru, ndokubvisa shangu yake parutsoka rwake, ndokumupfira mate pameso, agopindura achiti, Ndizvo zvinofanira kuitirwa munhu usingavaki imba yomukoma wake.
9その兄弟の妻は長老たちの目の前で、彼のそばに行き、その足のくつを脱がせ、その顔につばきして、答えて言わなければならない。『兄弟の家をたてない者には、このようにすべきです』。
10Zita rake muna Isiraeri rinofanira kunzi, Imba yomunhu wakabviswa shangu yake.
10そして彼の家の名は、くつを脱がされた者の家と、イスラエルのうちで呼ばれるであろう。
11Kana varume vakarwa, mukadzi womumwe akaswedera kurwira murume wake paruoko rwaiye anomurova, akatambanudza ruoko rwake, akamubata pa mberi,
11ふたりの人が互に争うときに、そのひとりの人の妻が、打つ者の手から夫を救おうとして近づき、手を伸べて、その人の隠し所をつかまえるならば、
12iwe unofanira kugura ruoko rwake, haufaniri kumunzwira tsitsi.
12その女の手を切り落さなければならない。あわれみをかけてはならない。
13Haufaniri kuva nezviyereso zvisina kuenzana muhombodo yako, chikuru nechiduku.
13あなたの袋に大小二種の重り石を入れておいてはならない。
14Haufaniri kuva nezviyero zvisina kuenzana mumba mako, chikuru nechiduku.
14あなたの家に大小二種のますをおいてはならない。
15Unofanira kuva nechiyereso chakakwana, chakarurama; kuti mazuva ako ave mazhinji panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
15不足のない正しい重り石を持ち、また不足のない正しいますを持たなければならない。そうすればあなたの神、主が賜わる地で、あなたは長く命を保つことができるであろう。
16nekuti vose vanoita zvinhu zvakadai, ivo vose vanoita zvisina kururama, vanonyangadza Jehovha Mwari wako.
16すべてこのような不正をする者を、あなたの神、主が憎まれるからである。
17Rangarira zvawakaitirwa naAmareki panzira, pakubuda kwenyu Egipita;
17あなたがエジプトから出てきた時、道でアマレクびとがあなたにしたことを記憶しなければならない。
18kuti wakakuwira panzira, akaparadza vanhu vako vakanga vari shure, vose vakanga vasine simba, panguva yamakanga maziya nokuneta; iye wakange asingatyi Mwari.
18すなわち彼らは道であなたに出会い、あなたがうみ疲れている時、うしろについてきていたすべての弱っている者を攻め撃った。このように彼らは神を恐れなかった。それで、あなたの神、主が嗣業として賜わる地で、あなたの神、主があなたの周囲のすべての敵を征服して、あなたに安息を与えられる時、あなたはアマレクの名を天の下から消し去らなければならない。この事を忘れてはならない。
19Zvino kana Jehovha Mwari wako akupa zororo pavavengi vako vose, vanokupoteredza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, ive nhaka yako, unofanira kubvisa pasi pokudenga zvose zvinorangaridza Amareki; usakakangamwa.
19それで、あなたの神、主が嗣業として賜わる地で、あなたの神、主があなたの周囲のすべての敵を征服して、あなたに安息を与えられる時、あなたはアマレクの名を天の下から消し去らなければならない。この事を忘れてはならない。