1Zvino kana wapinda panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako, ikava yako, ukagaramo;
1あなたの神、主が嗣業として賜わる国にはいって、それを所有し、そこに住む時は、
2unofanira kutora zvitsva zvezvibereko zvose zvenyika, zvaunowana panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, ndokuzviisa mudengu, ndokuenda nazvo kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti agarisepo zita rake.
2あなたの神、主が賜わる国にできる、地のすべての実の初物を取ってかごに入れ、あなたの神、主がその名を置くために選ばれる所へ携えて行かなければならない。
3Zvino uende kumupristi uchavapo pamazuva iwayo, uti kwaari, Ndinoreva pachena nhasi pamberi paJehovha Mwari wako, kuti ndasvika panyika yakapikirwa madzibaba edu naJehovha, kuti uchatipa iyo.
3そしてその時の祭司の所へ行って彼に言わなければならない、『きょう、あなたの神、主にわたしは申します。主がわれわれに与えると先祖たちに誓われた国に、わたしははいることができました』。
4Ipapo mupristi anofanira kutora dengu paruoko rwako, ndokurigadza pamberi pearitari yaJehovha Mwati. wako.
4そのとき祭司はあなたの手からそのかごを受け取ってあなたの神、主の祭壇の前に置かなければならない。
5iwe ugopupura, uchiti pamberi paJehovha Mwari wako, Baba vangu vakanga vari muArameya, mufambi wakange oda kuparara, akaburukira Egipita, akagarapo, ana vanhu vashoma havo; vakaitwapo rudzi rukuru, runesimba, runa vanhu vazhinji.
5そして、あなたはあなたの神、主の前に述べて言わなければならない、『わたしの先祖は、さすらいの一アラムびとでありましたが、わずかの人を連れてエジプトへ下って行って、その所に寄留し、ついにそこで大きく、強い、人数の多い国民になりました。
6VaEgipita vakatiitira zvakaipa, nokutitambudza, vakatibatisa mabasa anorema.
6ところがエジプトびとはわれわれをしえたげ、また悩まして、つらい労役を負わせましたが、
7Ipapo takadana kuna Jehovha Mwari wamadzibaba edu, Jehovha akanzwa inzwi redu, akaona kutambudzika kwedu;
7われわれが先祖たちの神、主に叫んだので、主はわれわれの声を聞き、われわれの悩みと、骨折りと、しえたげとを顧み、
8Jehovha akatibudisa paEgipita neruoko rune simba, noruoko rwakatambanudzwa, nezvinotyisa, nezviratidzo, nezvishamiso;
8主は強い手と、伸べた腕と、大いなる恐るべき事と、しるしと、不思議とをもって、われわれをエジプトから導き出し、
9akatisvitsa panzvimbo ino, akatipa nyika ino, nyika inoyerera mukaka nouchi.
9われわれをこの所へ連れてきて、乳と蜜の流れるこの地をわれわれに賜わりました。
10Zvino tarira, ndauya nezvitsva zvezvibereko zvenyika yamakandipa, imwi Jehovha. Ipapo unofanira kuzviisa pasi pamberi paJehovha Mwari wako; ndokunamata pamberi paJehovha Mwari wako.
10主よ、ごらんください。あなたがわたしに賜わった地の実の初物を、いま携えてきました』。そしてあなたはそれをあなたの神、主の前に置いて、あなたの神、主の前に礼拝し、
11Unofanira kufarira zvose zvakanaka, zvaunopiwa naJehovha Mwari wako, iwe, naveimba yako, nomuRevhi, nomutorwa uri pakati pako.
11あなたの神、主があなたとあなたの家とに賜わったすべての良い物をもって、レビびとおよびあなたのなかにいる寄留の他国人と共に喜び楽しまなければならない。
12Zvino kana wapedza kutsaura zvegumi zvezvibereko zvako zvose negore rechitatu, nekuti ndiro gore rokutsaura zvegumi, unofanira kuzvipa muRevhi, nomutorwa, nenherera, nechirikadzi, kuti vadye mukati mamasuwo ako, vagute.
12第三年すなわち十分の一を納める年に、あなたがすべての産物の十分の一を納め終って、それをレビびとと寄留の他国人と孤児と寡婦とに与え、町のうちで彼らに飽きるほど食べさせた時、
13Ipapo iwe unofanira kutaura pamberi paJehovha Mwari wako, uchiti, Ndabvisa mumba mangu zvinhu zvakatsaurwa, ndikazvipa muRevhi, nomutorwa, nenherera, nechirikadzi, zvose sezvamakandiraira; handina kudarika mumwe wemirairo yenyu, kana kuikangamwa.
13あなたの神、主の前で言わなければならない、『わたしはその聖なる物を家から取り出し、またレビびとと寄留の他国人と孤児と寡婦とにそれを与え、すべてあなたが命じられた命令のとおりにいたしました。わたしはあなたの命令にそむかず、またそれを忘れませんでした。
14Handina kuzvidya pakuchema kwangu, kana kuviga zvimwe zvazvo, ndisina kunaka, kana kupa vakafa zvimwe zvazvo; ndakateerera inzwi raJehovha Mwari wangu, ndikaita zvose zvamakandiraira.
14わたしはその聖なる物を喪のうちで食べたことがなく、また汚れた身でそれを取り出したことがなく、また死人にそれを供えたことがありませんでした。わたしはわたしの神、主の声に聞き従い、すべてあなたがわたしに命じられたとおりにいたしました。
15Dotarirai muri paugaro bwenyu hutsvene, pakudenga, muropafadze vanhu venyu Isiraeri, nenyika yamakatipa, sezvamakapikira madzibaba edu, nyika inoyerera mukaka nouchi.
15あなたの聖なるすみかである天からみそなわして、あなたの民イスラエルと、あなたがわれわれに与えられた地とを祝福してください。これはあなたがわれわれの先祖に誓われた乳と蜜の流れる地です』。
16Nhasi Jehovha Mwari wako unokuraira kuti uite izvi zvakatemwa nezvakatongwa, naizvozvo unofanira kuzvichengeta nokuzviita nomoyo wako wose nomweya wako wose.
16きょう、あなたの神、主はこれらの定めと、おきてとを行うことをあなたに命じられる。それゆえ、あなたは心をつくし、精神をつくしてそれを守り行わなければならない。
17Wapikisa Jehovha nhasi kuti ave Mwari wako, newe kuti unofanira kufamba munzira dzake, nokuchengeta zvaakatema, nemirairo yake, nezvaakatonga, uye kuti uchateerera inzwi rake.
17きょう、あなたは主をあなたの神とし、かつその道に歩み、定めと、戒めと、おきてとを守り、その声に聞き従うことを明言した。
18NaJehovha wakakupikisa iwe kuti uchava rudzi rwake chairwo, sezvaakakupikira, uye kuti uchachengeta mirairo yake yose;
18そして、主は先に約束されたように、きょう、あなたを自分の宝の民とされること、また、あなたがそのすべての命令を守るべきことを明言された。主は誉と良き名と栄えとをあなたに与えて、主の造られたすべての国民にまさるものとされるであろう。あなたは主が言われたように、あなたの神、主の聖なる民となるであろう」。
19kuti akukurise kwazvo kupfuura ndudzi dzose dzaakaita, pakurumbidzwa, napamukurumbira, napakukudzwa; kuti uve rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako, sezvaakataura.
19主は誉と良き名と栄えとをあなたに与えて、主の造られたすべての国民にまさるものとされるであろう。あなたは主が言われたように、あなたの神、主の聖なる民となるであろう」。