1Zvino ndiwo murairo, nezvakatemwa, nezvakatongwa, zvandakarairwa naJehovha Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei, kuti muzviite kunyika kwamunoenda kuti ive yenyu;
1これはあなたがたの神、主があなたがたに教えよと命じられた命令と、定めと、おきてであって、あなたがたは渡って行って獲る地で、これを行わなければならない。
2kuti utye Jehovha Mwari wako, uchengete zvose zvaakatema nemirairo yake, yandinokuraira, iwe, nomwanakomana wako, nomwanakomana womwanakomana wako, mazuva ose oupenyu hwako, kuti mazuva ako ave mazhinji.
2これはあなたが子や孫と共に、あなたの生きながらえる日の間、つねにあなたの神、主を恐れて、わたしが命じるもろもろの定めと、命令とを守らせるため、またあなたが長く命を保つことのできるためである。
3Naizvozvo chinzwa Isiraeri, uchenjere kuti uzviite; kuti zvive zvakanaka newe, muwande kwazvo, sezvamakapikirwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako, panyika inoyerera mukaka nouchi.
3それゆえ、イスラエルよ、聞いて、それを守り行え。そうすれば、あなたはさいわいを得、あなたの先祖の神、主があなたに言われたように、乳と蜜の流れる国で、あなたの数は大いに増すであろう。
4Chinzwa Isiraeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.
4イスラエルよ聞け。われわれの神、主は唯一の主である。
5Ude Jehovha Mwari wako nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose.
5あなたは心をつくし、精神をつくし、力をつくして、あなたの神、主を愛さなければならない。
6Zvino mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuva mumoyo mako,
6きょう、わたしがあなたに命じるこれらの言葉をあなたの心に留め、
7unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.
7努めてこれをあなたの子らに教え、あなたが家に座している時も、道を歩く時も、寝る時も、起きる時も、これについて語らなければならない。
8Unofanira kuasungira paruoko rwako, chive chiratidzo; uye anofanira kuva rundanyara pakati pameso ako.
8またあなたはこれをあなたの手につけてしるしとし、あなたの目の間に置いて覚えとし、
9Unofanira kuanyora pamagwatidziro emikova yeimba yako, napamasuwo ako.
9またあなたの家の入口の柱と、あなたの門とに書きしるさなければならない。
10Zvino kana Jehovha Mwari wako achinge akupinza munyika, yaakapikira madzibaba ako, Abhurahamu, naIsaka, naJakove, kuti uchakupa iyo, namaguta makuru akanaka, ausina kuvaka iwe,
10あなたの神、主は、あなたの先祖アブラハム、イサク、ヤコブに向かって、あなたに与えると誓われた地に、あなたをはいらせられる時、あなたが建てたものでない大きな美しい町々を得させ、
11nedzimba dzizere nezvinhu zvose zvakanaka, dzausina kuzadza iwe, namakangwa akacherwa, ausina kuchera iwe, neminda yemizambiringa nemiorivhi, yausina kusima iwe; iwe ukadya ukaguta,
11あなたが満たしたものでないもろもろの良い物を満たした家を得させ、あなたが掘ったものでない掘り井戸を得させ、あなたが植えたものでないぶどう畑とオリブの畑とを得させられるであろう。あなたは食べて飽きるであろう。
12zvino chenjera kuti urege kukangamwa Jehovha, wakakubudisa panyika yeEgipita paimba youranda.
12その時、あなたはみずから慎み、エジプトの地、奴隷の家から導き出された主を忘れてはならない。
13Unofanira kutya Jehovha Mwari wako, nokumushumira, nokupika nezita rake.
13あなたの神、主を恐れてこれに仕え、その名をさして誓わなければならない。
14Regai kutevera vamwe vamwari, vamwari vendudzi dzinokupoteredzai,
14あなたがたは他の神々すなわち周囲の民の神々に従ってはならない。
15nekuti Jehovha Mwari wako, ari pakati pako, ndiMwari ane godo; kuti Jehovha Mwari wako arege kukutsamwira, akuparadze panyika pose.
15あなたのうちにおられるあなたの神、主はねたむ神であるから、おそらく、あなたに向かって怒りを発し、地のおもてからあなたを滅ぼし去られるであろう。
16Musaidza Jehovha Mwari wenyu, sezvamakamuidza paMasa.
16あなたがたがマッサでしたように、あなたがたの神、主を試みてはならない。
17Munofanira kushingaira kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wenyu, nezvipupuriro zvake, nezvaakatema, zvaakakuraira.
17あなたがたの神、主があなたがたに命じられた命令と、あかしと、定めとを、努めて守らなければならない。
18Uye unofanira kuita zvakarurama nezvakanaka pamberi paJehovha, kuti zvive zvakanaka newe, upinde munyika yakanaka ive yako, iyo yakapikirwa madzibaba ako naJehovha,
18あなたは主が見て正しいとし、良いとされることを行わなければならない。そうすれば、あなたはさいわいを得、かつ主があなたの先祖に誓われた、あの良い地にはいって、自分のものとすることができるであろう。
19kuti iye uchadzinga vavengi vako vose pamberi pako, sezvakataurwa naJehovha.
19また主が仰せられたように、あなたの敵を皆あなたの前から追い払われるであろう。
20Zvino kana mwanakomana wako akakubvunza pashure, achiti, Ko izvi zvipupuriro, nezvakatemwa, nezvakatongwa, zvamakarairwa naJehovha Mwari wedu, zvinodiniko?
20後の日となって、あなたの子があなたに問うて言うであろう、『われわれの神、主があなたがたに命じられたこのあかしと、定めと、おきてとは、なんのためですか』。
21Unofanira kuti kumwanakomana wako, Isu takanga tiri varanda vaFarao, Jehovha akatibudisa nechanza chine simba;
21その時あなたはその子に言わなければならない。『われわれはエジプトでパロの奴隷であったが、主は強い手をもって、われわれをエジプトから導き出された。
22Jehovha akaita zviratidzo nezvinoshamisa kwazvo, zvakaipa, paEgipita, nokuna Farao, nokuimba yake yose, tichizviona;
22主はわれわれの目の前で、大きな恐ろしいしるしと不思議とをエジプトと、パロとその全家とに示され、
23akatibudisapo, kuti atipinze pano, atipe nyika yaakapikira madzibaba edu.
23われわれをそこから導き出し、かつてわれわれの先祖に誓われた地にはいらせ、それをわれわれに賜わった。
24Jehovha akaraira kuti tiite izvi zvose zvaakatema, titye Jehovha Mwari wedu, kuti tiitirwe zvakanaka nguva dzose, atichengete tive vapenyu, sezvatakaita nhasi.
24そして主はこのすべての定めを行えと、われわれに命じられた。これはわれわれの神、主を恐れて、われわれが、つねにさいわいであり、また今日のように、主がわれわれを守って命を保たせるためである。もしわれわれが、命じられたとおりに、このすべての命令をわれわれの神、主の前に守って行うならば、それはわれわれの義となるであろう』。
25Zvichava zvakarurama kwatiri, kana tichichenjerera kuti tiite murayiro wose pamberi paJehovha Mwari wedu, sezvatakarairwa naye.
25もしわれわれが、命じられたとおりに、このすべての命令をわれわれの神、主の前に守って行うならば、それはわれわれの義となるであろう』。