1Zvino Mozisi akadana vaIsiraeri vose, akati kwavari, Inzwai vaIsiraeri, zvakatemwa nezvakatongwa, zvandinotaura nhasi muchizvinzwa, kuti muzvidzidze nokuzvichengeta mugozviita.
1さてモーセはイスラエルのすべての人を召し寄せて言った、「イスラエルよ、きょう、わたしがあなたがたの耳に語る定めと、おきてを聞き、これを学び、これを守って行え。
2Jehovha Mwari wedu wakaita sungano nesu paHorebhu.
2われわれの神、主はホレブで、われわれと契約を結ばれた。
3Jehovha haana kuita sungano iyi namadzibaba edu, asi nesu, isu tose tiri vapenyu nhasi pano.
3主はこの契約をわれわれの先祖たちとは結ばず、きょう、ここに生きながらえているわれわれすべての者と結ばれた。
4Jehovha akataura nemi, zviso zvakatarisana, ari mukati momoto,
4主は山で火の中から、あなたがたと顔を合わせて語られた。
5(nenguva iyo ini ndakanga ndimire pakati paJehovha nemi, kuti ndikuzivisei shoko raJehovha; nekuti imwi makanga muchitya nokuda komoto, mukasakwira mugomo;) akati,
5その時、わたしは主とあなたがたとの間に立って主の言葉をあなたがたに伝えた。あなたがたは火のゆえに恐れて山に登ることができなかったからである。主は言われた、
6Ndini Jehovha Mwari wako, wakakubudisa munyika yeEgipita, muimba youranda.
6『わたしはあなたの神、主であって、あなたをエジプトの地、奴隷の家から導き出した者である。
7Usava navamwe vamwari kunze kwangu.
7あなたはわたしのほかに何ものをも神としてはならない。
8Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika.
8あなたは自分のために刻んだ像を造ってはならない。上は天にあるもの、下は地にあるもの、また地の下の水の中にあるものの、どのような形をも造ってはならない。
9Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nekuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari une godo; ndinorova vana nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwavanondivenga;
9それを拝んではならない。またそれに仕えてはならない。あなたの神、主であるわたしは、ねたむ神であるから、わたしを憎むものには、父の罪を子に報いて三、四代に及ぼし、
10ndichiitira nyasha vane zviuru zvamazana vanondida, vanochengeta mirairo yangu.
10わたしを愛し、わたしの戒めを守る者には恵みを施して千代に至るであろう。
11Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina; nekuti Jehovha haangaregi kumupa mhosva unoreva zita rake pasina.
11あなたの神、主の名をみだりに唱えてはならない。主はその名をみだりに唱える者を罰しないではおかないであろう。
12Chengeta zuva resabata, rive dzvene, sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako.
12安息日を守ってこれを聖とし、あなたの神、主があなたに命じられたようにせよ。
13Ubate basa mazuva matanhatu, uite mabasa ako ose.
13六日のあいだ働いて、あなたのすべてのわざをしなければならない。
14Asi zuva rechinomwe isabata raJehovha Mwari wako; usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana mombe yako, kana dhongi rako, kana chimwe chezvipfuwo zvako, kana mweni wako uri mukati mamasuwo ako; kuti muranda wako nomurandakadzi wako vazorore sewe.
14七日目はあなたの神、主の安息であるから、なんのわざをもしてはならない。あなたも、あなたのむすこ、娘、しもべ、はしため、牛、ろば、もろもろの家畜も、あなたの門のうちにおる他国の人も同じである。こうしてあなたのしもべ、はしためを、あなたと同じように休ませなければならない。
15Unofanira kurangarira kuti newewo waiva muranda panyika Jehovha Mwari wako akakubudisa nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa; naizvozvo Jehovha Mwari wako wakakuraira kuti uchengete zuva resabata.
15あなたはかつてエジプトの地で奴隷であったが、あなたの神、主が強い手と、伸ばした腕とをもって、そこからあなたを導き出されたことを覚えなければならない。それゆえ、あなたの神、主は安息日を守ることを命じられるのである。
16Kudza baba vako namai vako, sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako; kuti mazuva ako ave mazhinji, ufare panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
16あなたの神、主が命じられたように、あなたの父と母とを敬え。あなたの神、主が賜わる地で、あなたが長く命を保ち、さいわいを得ることのできるためである。
17Usauraya.
17あなたは殺してはならない。
18Uye usaita upombwe.
18あなたは姦淫してはならない。
19Uye usaba.
19あなたは盗んではならない。
20Uye usapupurira wokwako nhema.
20あなたは隣人について偽証してはならない。
21Uye usachiva mukadzi wowokwako; uye usachochora imba yowokwako, kana munda wake, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana mombe yake, kana mbongoro yake, kana chimwe chinhu chowokwako.
21あなたは隣人の妻をむさぼってはならない。また隣人の家、畑、しもべ、はしため、牛、ろば、またすべて隣人のものをほしがってはならない』。
22Jehovha wakataura mashoko awa ose pagomo kuungano yenyu yose, ari mukati memoto negore, nokusviba kukuru, nenzwi guru; haana kuwedzera mamwe. Akaanyora pamabwendefa maviri amabwe, akandipa iwo.
22主はこれらの言葉を山で火の中、雲の中、濃い雲の中から、大いなる声をもって、あなたがたの全会衆にお告げになったが、このほかのことは言われず、二枚の石の板にこれを書きしるして、わたしに授けられた。
23Zvino imwi makati muchinzwa inzwi richibva mukati merima, negomo richipfuta nomoto, mukaswedera kwandiri, vakuru vose Namarudzi enyu, navakuru venyu,
23時に山は火で燃えていたが、あなたがたが暗黒のうちから聞える声を聞くに及んで、あなたがたの部族のすべてのかしらと長老たちは、わたしに近寄って、
24mukati, Tarirai, Jehovha Mwari wedu watiratidza kubwinya kwake noukuru hwake, tikanzwa inzwi rake richibva mumoto; taona hedu nhasi kuti Mwari ungataura nomunhu, akararama hake.
24言った、『われわれの神、主がその栄光と、その大いなることとを、われわれに示されて、われわれは火の中から出るその声を聞きました。きょう、われわれは神が人と語られ、しかもなおその人が生きているのを見ました。
25Naizvozvo zvino tichafireiko? Nekuti moto uyu mukuru uchatiparadza, kana tikaramba tichinzwa inzwi raJehovha Mwari wedu tichafa.
25われわれはなぜ死ななければならないでしょうか。この大いなる火はわれわれを焼き滅ぼそうとしています。もしこの上なおわれわれの神、主の声を聞くならば、われわれは死んでしまうでしょう。
26Nekuti ndianiko pakati pavanhu vose wakanzwa inzwi raMwari mupenyu achitaura ari mumoto, sesu, akararama here?
26およそ肉なる者のうち、だれが、火の中から語られる生ける神の声を、われわれのように聞いてなお生きている者がありましょうか。
27Swedera hako iwe, unzwe zvose zvicharehwa naJehovha Mwari wedu, ugozotiudza zvose zvauchaudzwa iwe naJehovha Mwari wedu; tichazvinzwa, nokuzviita.
27あなたはどうぞ近く進んで行って、われわれの神、主が言われることをみな聞き、われわれの神、主があなたにお告げになることをすべてわれわれに告げてください。われわれは聞いて行います』。
28Zvino Jehovha akanzwa inzwi ramashoko enyu, nguva yamakataura neni; Jehovha akati kwandiri, Ndanzwa inzwi ramashoko avanhu ava, avakataura newe; zvose zvavakareva vakataura havo zvakanaka.
28あなたがたがわたしに語っている時、主はあなたがたの言葉を聞いて、わたしに言われた、『わたしはこの民がおまえに語っている言葉を聞いた。彼らの言ったことはみな良い。
29Dai vaiva nemoyo yakadai, vakanditya nokuchengeta mirairo yangu nguva dzose, kuti zvive zvakanaka navo, ivo navana vavo, nokusingaperi!
29ただ願わしいことは、彼らがつねにこのような心をもってわたしを恐れ、わたしのすべての命令を守って、彼らもその子孫も永久にさいわいを得るにいたることである。
30Enda, undoti kwavari, Dzokerai kumatende enyu.
30おまえは行って彼らに、「あなたがたはおのおのその天幕に帰れ」と言え。
31Asi iwe, mira pano kwandiri, ndikuudze murayiro wose, nezvakatemwa, nezvakatongwa, zvaunofanira kuvadzidzisa, kuti vazviite panyika yandinovapa, kuti ive yavo.
31しかし、おまえはこの所でわたしのそばに立て。わたしはすべての命令と、定めと、おきてとをおまえに告げ示すであろう。おまえはこれを彼らに教え、わたしが彼らに与えて獲させる地において、これを行わせなければならない』。
32Naizvozvo chenjerai, kuti muite sezvamakarairwa naJehovha Mwari wenyu; musatsaukira kurutivi rworudyi kana rworuboshwe.
32それゆえ、あなたがたの神、主が命じられたとおりに、慎んで行わなければならない。そして左にも右にも曲ってはならない。あなたがたの神、主が命じられた道に歩まなければならない。そうすればあなたがたは生きることができ、かつさいわいを得て、あなたがたの獲る地において、長く命を保つことができるであろう。
33Munofanira kufamba nenzira yose yamakarairwa naJehovha Mwari wenyu, kuti murarame, zvive zvakanaka nemi, namazuva enyu ave mazhinji panyika iyo, ichava yenyu.
33あなたがたの神、主が命じられた道に歩まなければならない。そうすればあなたがたは生きることができ、かつさいわいを得て、あなたがたの獲る地において、長く命を保つことができるであろう。