1Zvino imwi vana vaIsiraeri, teererai zvakatemwa nezvakatongwa, zvandinokudzidzisai, kuti muzviite; kuti murarame, mupinde mutore nyika, yamunopiwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu.
1イスラエルよ、いま、わたしがあなたがたに教える定めと、おきてとを聞いて、これを行いなさい。そうすれば、あなたがたは生きることができ、あなたがたの先祖の神、主が賜わる地にはいって、それを自分のものとすることができよう。
2Musawedzera kana kutapudza pashoko randinokurairai, kuti muchengete mirairo yaJehovha Mwari wenyu, yandinokurairai.
2わたしがあなたがたに命じる言葉に付け加えてはならない。また減らしてはならない。わたしが命じるあなたがたの神、主の命令を守ることのできるためである。
3Meso enyu akaona zvakaitwa naJehovha nokuda kwezvakaitwa paBhaari-peori; nekuti varume vose vakatevera Bhaari-peori, Jehovha Mwari wenyu wakavaparadza pakati penyu.
3あなたがたの目は、主がバアル・ペオルで行われたことを見た。ペオルのバアルに従った人々は、あなたの神、主がことごとく、あなたのうちから滅ぼしつくされたのである。
4Asi imwi, makanamatira Jehovha Mwari wenyu, imwi mose muri vapenyu kusvikira nhasi.
4しかし、あなたがたの神、主につき従ったあなたがたは皆、きょう、生きながらえている。
5Tarirai, ndakakudzidzisai zvakatemwa nezvakatongwa, sezvandakarairwa naJehovha Mwari wangu, kuti muite saizvozvo panyika yamunopinda, kuti ive yenyu.
5わたしはわたしの神、主が命じられたとおりに、定めと、おきてとを、あなたがたに教える。あなたがたがはいって、自分のものとする地において、そのように行うためである。
6Naizvozvo muchengete izvozvo, muzviite; nekuti ndiko kuchenjera kwenyu nokungwara kwenyu pamberi pavanhu vachanzwa zvose izvi zvakatemwa, vachiti, Zvirokwazvo, rudzi urwu rukuru ndivanhu vakachenjera vakangwara.
6あなたがたは、これを守って行わなければならない。これは、もろもろの民にあなたがたの知恵、また知識を示す事である。彼らは、このもろもろの定めを聞いて、『この大いなる国民は、まことに知恵あり、知識ある民である』と言うであろう。
7Nekuti rudzi rukuru ruripiko, runa mwari uri pedo navo, saJehovha Mwari wedu nguva ipi neipi yatinodana kwaari?
7われわれの神、主は、われわれが呼び求める時、つねにわれわれに近くおられる。いずれの大いなる国民に、このように近くおる神があるであろうか。
8Rudzi rukuru ruripiko, rune zvakatemwa nezvakatongwa zvakarurama somurayiro uyu wose, wandinoisa pamberi penyu nhasi?
8また、いずれの大いなる国民に、きょう、わたしがあなたがたの前に立てるこのすべての律法のような正しい定めと、おきてとがあるであろうか。
9Asi zvichenjererei, mushingaire kuchengeta mweya yenyu, kuti murege kukangamwa zvinhu zvamakaona nameso enyu, zvirege kuzobva pamoyo yenyu mazuva ose oupenyu hwenyu; asi munofanira kuzvizivisa vana venyu navana vavana venyu;
9ただあなたはみずから慎み、またあなた自身をよく守りなさい。そして目に見たことを忘れず、生きながらえている間、それらの事をあなたの心から離してはならない。またそれらのことを、あなたの子孫に知らせなければならない。
10musi wamakanga mumire pamberi paJehovha Mwari wenyu paHorebhu, musi Jehovha waakati kwandiri, Ndiunganidzire vanhu, ndivaudze mashoko angu, kuti vadzidze kunditya mazuva ose avachagara panyika, vagodzidzisa vana vavowo.
10あなたがホレブにおいて、あなたの神、主の前に立った日に、主はわたしに言われた、『民をわたしのもとに集めよ。わたしは彼らにわたしの言葉を聞かせ、地上に生きながらえる間、彼らにわたしを恐れることを学ばせ、またその子供を教えることのできるようにさせよう』。
11imwi mukaswedera, mukamira pajinga pegomo; gomo rikapfuta nomoto kusvikira pakati pedenga, pamwechete nerima, negore, nokusviba kukuru.
11そこであなたがたは近づいて、山のふもとに立ったが、山は火で焼けて、その炎は中天に達し、暗黒と雲と濃い雲とがあった。
12Zvino Jehovha wakataura nemwi ari mukati momoto; mukanzwa inzwi ramashoko, asi hamuna kuona kuti wakadini; makanzwa inzwi roga.
12時に主は火の中から、あなたがたに語られたが、あなたがたは言葉の声を聞いたけれども、声ばかりで、なんの形も見なかった。
13Ipapo wakadudzira sungano yake kwamuri, yaakakurairai, kuti muiite, iye mirairo ine gumi; akainyora pamahwendefa maviri amabwe.
13主はその契約を述べて、それを行うように、あなたがたに命じられた。それはすなわち十誡であって、主はそれを二枚の石の板に書きしるされた。
14Nenguva iyo Jehovha akandiraira, kuti ndikudzidzisei zvakatemwa nezvakatongwa, kuti mundozviita panyika iyo, kwamunoenda, kuzoiita yenyu.
14その時、主はわたしに命じて、あなたがたに定めと、おきてとを教えさせられた。あなたがたが渡って行って自分のものとする地で、行わせるためであった。
15Naizvozvo zvichenjererei nekuti hamuna kuona kuti wakange akadini, musi Jehovha waakataura nemwi paHorebhu ari pakati pomoto.
15それゆえ、あなたがたはみずから深く慎まなければならない。ホレブで主が火の中からあなたがたに語られた日に、あなたがたはなんの形も見なかった。
16Kuti murege kuzvishatisa, muchizviitira chifananidzo chakavezwa, chakafanana nechinhu chipi nechipi, kana mufananidzo womurume kana womukadzi,
16それであなたがたは道を誤って、自分のために、どんな形の刻んだ像をも造ってはならない。男または女の像を造ってはならない。
17kana mufananidzo wemhuka ipi neipi iri panyika, kana mufananidzo weshiri ipi neipi ina mapapiro, inobhururuka mudenga,
17すなわち地の上におるもろもろの獣の像、空を飛ぶもろもろの鳥の像、
18kana mufananidzo wechinhu chipi nechipi chinokambaira pasi, kana mufananidzo wehove ipi neipi iri mumvura pasi penyika;
18地に這うもろもろの物の像、地の下の水の中におるもろもろの魚の像を造ってはならない。
19kuti murege kusimudzira meso enyu kudenga, zvino kana muchiona zuva nomwedzi nenyeredzi, hondo yose yokudenga, mukatsauswa mukanamata kwazviri nokuzvishumira, izvo zvakagoverwa ndudzi dzose dziri pasi pedenga naJehovha Mwari wenyu.
19あなたはまた目を上げて天を望み、日、月、星すなわちすべて天の万象を見、誘惑されてそれを拝み、それに仕えてはならない。それらのものは、あなたの神、主が全天下の万民に分けられたものである。
20Asi Jehovha wakakutorai imwi, akakubudisai muchoto chamatare, paEgipita, kuti muve vanhu venhaka yake, sezvamuri nhasi.
20しかし、主はあなたがたを取って、鉄の炉すなわちエジプトから導き出し、自分の所有の民とされた。きょう、見るとおりである。
21Jehovha akanditsamwirawo nokuda kwenyu, akapika kuti ini handingayambuki Joridhani, ndipinde munyika iyo yakanaka, yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, kuti ive yenyu.
21ところで主はあなたがたのゆえに、わたしを怒り、わたしがヨルダンを渡って行くことができないことと、あなたの神、主が嗣業としてあなたに賜わる良い地にはいることができないこととを誓われた。
22Asi ini ndinofanira kufira munyika ino, handifaniri kuyambuka Joridhani asi imwi muchayambuka henyu, mukapiwa nyika iyo yakanaka.
22わたしはこの地で死ぬ。ヨルダンを渡って行くことはできない。しかしあなたがたは渡って行って、あの良い地を獲るであろう。
23Muzvichenjerere, kuti murege kukangamwa sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakaita nemi, mukazviitira chifananidzo chakavezwa chomufananidzo wechinhu chipi nechipi, chawakadziviswa naJehovha Mwari wako.
23あなたがたは慎み、あなたがたの神、主があなたがたと結ばれた契約を忘れて、あなたの神、主が禁じられたどんな形の刻んだ像をも造ってはならない。
24Nekuti Jehovha Mwari wako, moto unoparadza, naMwari ane godo.
24あなたの神、主は焼きつくす火、ねたむ神である。
25Zvino kana iwe wabereka vana navazukuru, mukagara ,nguva huru panyika, mukazvishatisa, mukaita chifananidzo chakavezwa nomufananidzo wechinhu chipi nechipi, mukaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wako, mukamutsamwisa;
25あなたがたが子を生み、孫を得、長くその地におるうちに、道を誤って、すべて何かの形に刻んだ像を造り、あなたの神、主の目の前に悪をなして、その憤りを引き起すことがあれば、
26ini ndinodana denga napasi zvikupupurirei nhasi, kuti muchakurumidza kuparadzwa chose panyika yamunoyambukira Joridhani kuti muende kwairi kuiita yenyu; hamungaitimo mazuva mazhinji, asi muchaparadzwa chose.
26わたしは、きょう、天と地を呼んであなたがたに対してあかしとする。あなたがたはヨルダンを渡って行って獲る地から、たちまち全滅するであろう。あなたがたはその所で長く命を保つことができず、全く滅ぼされるであろう。
27Jehovha uchakuparadzirai pakati pendudzi, muchasara muri vashoma pakati pendudzi, kwamuchandoiswa naJehovha.
27主はあなたがたを国々に散らされるであろう。そして主があなたがたを追いやられる国民のうちに、あなたがたの残る者の数は少ないであろう。
28Apo muchashumira vamwari, vakaitwa namaoko avanhu, vamatanda navamabwe, vasingaoni, kana kunzwa, kana kudya, kana kunhuwidza.
28その所であなたがたは人が手で作った、見ることも、聞くことも、食べることも、かぐこともない木や石の神々に仕えるであろう。
29Asi kana mukazotsvaka Jehovha Mwari wako, ipapo, uchamuwana, kana ukamutsvaka nomoyo wako wose nomweya wako wose.
29しかし、その所からあなたの神、主を求め、もし心をつくし、精神をつくして、主を求めるならば、あなたは主に会うであろう。
30Zvino kana uri munjodzi, zvinhu izvi zvose zvakuwira, pamazuva okupedzisira uchadzokera kuna Jehovha Mwari wako, ukateerera inzwi rake.
30後の日になって、あなたがなやみにあい、これらのすべての事が、あなたに臨むとき、もしあなたの神、主に立ち帰ってその声に聞きしたがうならば、
31Nekuti Jehovha Mwari wako ndiMwari une nyasha; haangakusii, kana kukuparadza, kana kukangamwa sungano yamadzibaba ako, yaakavapikira.
31あなたの神、主はいつくしみの深い神であるから、あなたを捨てず、あなたを滅ぼさず、またあなたの先祖に誓った契約を忘れられないであろう。
32Nekuti bvunzai henyu zvino pamazuva akapfuura, imwi musati mavapo, kubva pazuva rokusikwa kwavanhu panyika naMwari, kubva panorumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe, kana kwaimbovapo chinhu chikuru chakadai, kunyange kumbonzwika chakadai?
32試みにあなたの前に過ぎ去った日について問え。神が地上に人を造られた日からこのかた、天のこの端から、かの端までに、かつてこのように大いなる事があったであろうか。このようなことを聞いたことがあったであろうか。
33Ko kuna vanhu, vakambonzwa inzwi raMwari richitaura riri mukati momoto, sezvamakanzwa imwi, vakararama here?
33火の中から語られる神の声をあなたが聞いたように、聞いてなお生きていた民がかつてあったであろうか。
34Kana Mwari wakatongoidza kundozvitsaurira rudzi pakati porumwe rudzi, nemiidzo, nezviratidzo, nezvinoshamisa, nehondo, nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa, nezvinotyisa kwazvo, sezvamakaona zvamakaitirwa zvose naJehovha paEgipita here?
34あるいはまた、あなたがたの神、主がエジプトにおいて、あなたがたの目の前に、あなたがたのためにもろもろの事をなされたように、試みと、しるしと、不思議と、戦いと、強い手と、伸ばした腕と、大いなる恐るべき事とをもって臨み、一つの国民を他の国民のうちから引き出して、自分の民とされた神が、かつてあったであろうか。
35imwi makaratidzwa izvozvo, kuti muzive kuti Jehovha ndiye Mwari; hakunomumwe kunze kwake.
35あなたにこの事を示したのは、主こそ神であって、ほかに神のないことを知らせるためであった。
36Wakakunzwisai inzwi rake ari kudenga, kuti akudzidzise; panyika wakakuonesa moto wake mukuru; iwe wakanzwa mashoko ake ari mukati momoto.
36あなたを訓練するために、主は天からその声を聞かせ、地上では、またその大いなる火を示された。あなたはその言葉が火の中から出るのを聞いた。
37Wakada madzibaba ako, naizvozvo akazvitsaurira vana vavo vakavatevera, akakubudisa paEgipita, iye anewe nesimba rake guru;
37主はあなたの先祖たちを愛されたので、その後の子孫を選び、大いなる力をもって、みずからあなたをエジプトから導き出し、
38kuti adzinge pamberi pako ndudzi dzinokupfuura noukuru nesimba, akupinze iwe, akupe nyika yavo ive nhaka yako, sezvaakaita nhasi.
38あなたよりも大きく、かつ強いもろもろの国民を、あなたの前から追い払い、あなたをその地に導き入れて、これを嗣業としてあなたに与えようとされること、今日見るとおりである。
39Naizvozvo uzive nhasi, uzvichengete mumoyo mako, kuti Jehovha ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi; hakunomumwe.
39それゆえ、あなたは、きょう知って、心にとめなければならない。上は天、下は地において、主こそ神にいまし、ほかに神のないことを。
40Unofanira kuchengeta zvaakatema, nemirairo yake, yandinokuraira nhasi, kuti ufare iwe navana vako vanokutevera, kuti uwedzere mazuva ako panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako nokusingaperi.
40あなたは、きょう、わたしが命じる主の定めと命令とを守らなければならない。そうすれば、あなたとあなたの後の子孫はさいわいを得、あなたの神、主が永久にあなたに賜わる地において、長く命を保つことができるであろう」。
41Zvino Mozisi akatsaura maguta matatu mhiri kwaJoridhani kumabvazuva
41それからモーセはヨルダンの向こう側、東の方に三つの町々を指定した。
42kuti. muurayi agone kutizirako, iye wakauraya wokwake, asina kuita nobwoni, asina kumuvenga kare; kuti kana achinge atizira kune rimwe ramaguta iwayo, ararame;
42過去の恨みによるのではなく、あやまって隣人を殺した者をそこにのがれさせ、その町の一つにのがれて、命を全うさせるためであった。
43aiti: Bhezeri murenje, kunyika yamapani, wavaRubheni, neRamoti paGiriyadhi, wavaGadhi, neGorani paBhashani, wavaManase.
43すなわちルベンびとのためには荒野の中の高地にあるベゼルを、ガドびとのためにはギレアデのラモテを、マナセびとのためにはバシャンのゴランを定めた。
44Zvino ndiwo murayiro wakaiswa naMozisi pamberi pavana vaIsiraeri.
44モーセがイスラエルの人々の前に示した律法はこれである。
45Ndizvo zvakapupurwa, zvakatemwa, nezvakatongwa, zvakataurwa naMozisi kuvana vaIsiraeri, pakubuda kwavo Egipita;
45イスラエルの人々がエジプトから出たとき、モーセが彼らに述べたあかしと、定めと、おきてとはこれである。
46vari kumabvazuva kwaJoridhani, pamupata wakatarisana neBheti-peori, munyika yaSihoni, mambo wavaAmori, wakange agere Heshibhoni, iye wakakundwa naMozisi navana vaIsiraeri, pakubuda kwavo Egipita;
46すなわちヨルダンの向こう側、アモリびとの王シホンの国のベテペオルに対する谷においてこれを述べた。シホンはヘシボンに住んでいたが、モーセとイスラエルの人々が、エジプトを出てきた時、これを撃ち敗って、
47vakatora nyika yake, nenyika yaOgi, mambo weBhashani, ikava yavo; iwo madzimambo maviri avaAmori, vakanga vari mhiri kwaJoridhani, kumabvazuva;
47その国を獲、またバシャンの王オグの国を獲た。このふたりはアモリびとの王であって、ヨルダンの向こう側、東の方におった。
48kubva paAroeri, pamuuyo womupata weArinoni, kusvikira pagomo reSioni (ndiro Herimoni),
48彼らの獲た地はアルノン川のほとりにあるアロエルからシリオン山すなわちヘルモンに及び、ヨルダンの東側のアラバの全部をかねて、アラバの海に達し、ピスガのふもとに及んだ。
49noMupata wose uri mhiri kwaJoridhani kumabvazuva, kusvikira pagungwa romupata, pajinga pePisiga.
49ヨルダンの東側のアラバの全部をかねて、アラバの海に達し、ピスガのふもとに及んだ。