1Murayiro wose wandinokurairai nhasi munofanira kuchenjera kuti muuite, kuti mugorarama, nokuwanda, nokupinda munyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, muiite yenyu.
1わたしが、きょう、命じるこのすべての命令を、あなたがたは守って行わなければならない。そうすればあなたがたは生きることができ、かつふえ増し、主があなたがたの先祖に誓われた地にはいって、それを自分のものとすることができるであろう。
2Unofanira kurangarira nzira yose yawakafambiswa nayo naJehovha Mwari wako murenje makore awa makumi mana, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti azive zvaiva mumoyo mako, kana wakange uchida kuchengeta mirairo yake, kana kwete.
2あなたの神、主がこの四十年の間、荒野であなたを導かれたそのすべての道を覚えなければならない。それはあなたを苦しめて、あなたを試み、あなたの心のうちを知り、あなたがその命令を守るか、どうかを知るためであった。
3Akakuninipisa, akakuziyisa nenzara, akakugutsa nemana yawakanga usingazivi, kunyange madzibaba ako akanga asingaziviwo; kuti akuzivise kuti munhu haararami nezvokudya zvoga, asi kuti munhu unorarama nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha.
3それで主はあなたを苦しめ、あなたを飢えさせ、あなたも知らず、あなたの先祖たちも知らなかったマナをもって、あなたを養われた。人はパンだけでは生きず、人は主の口から出るすべてのことばによって生きることをあなたに知らせるためであった。
4nguvo dzako hadzina kukusakarira, netsoka dzako hadzina kuzvimba makore awa makumi mana.
4この四十年の間、あなたの着物はすり切れず、あなたの足は、はれなかった。
5Funga mumoyo mako, kuti Jehovha Mwari wako unokuranga somunhu unoranga mwanakomana wake.
5あなたはまた人がその子を訓練するように、あなたの神、主もあなたを訓練されることを心にとめなければならない。
6Unofanira kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wako, kuti ufambe nenzira dzake nokumutya.
6あなたの神、主の命令を守り、その道に歩んで、彼を恐れなければならない。
7nekuti Jehovha Mwari wako unokupinza munyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura, namatsime, namadziva akadzika, anobuda pamipata napamakomo;
7それはあなたの神、主があなたを良い地に導き入れられるからである。そこは谷にも山にもわき出る水の流れ、泉、および淵のある地、
8nyika ine zviyo, nebhari, nemizambiringa, nemionde, nemitamba; nyika yemiorivhi ina mafuta, nouchi;
8小麦、大麦、ぶどう、いちじく及びざくろのある地、油のオリブの木、および蜜のある地、
9nyika kwauchadya chingwa, usingashaiwi, kwausingatongoshaiwi chinhu; nyika ina mabwe emhangura, napamakomo ayo uchachera ndarira.
9あなたが食べる食物に欠けることなく、なんの乏しいこともない地である。その地の石は鉄であって、その山からは銅を掘り取ることができる。
10Uchadya ukaguta, ukavonga Jehovha Mwari wako nokuda kwenyika yakanaka yaakakupa.
10あなたは食べて飽き、あなたの神、主がその良い地を賜わったことを感謝するであろう。
11Chenjera kuti urege kukangamwa Jehovha Mwari wako, ukasachengeta mirairo yake, nezvaakatonga, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi;
11あなたは、きょう、わたしが命じる主の命令と、おきてと、定めとを守らず、あなたの神、主を忘れることのないように慎まなければならない。
12kuti kana wadya ukaguta, ukavaka dzimba dzakanaka, ukagara madziri,
12あなたは食べて飽き、麗しい家を建てて住み、
13nemombe dzako namakwai ako akawanda, nesirivha yako nendarama yako ikawanda, nezvose zvaunazvo zvikawanda,
13また牛や羊がふえ、金銀が増し、持ち物がみな増し加わるとき、
14moyo wako ukazvikudza, ukakangamwa Jehovha Mwari wako, wakakubudisa panyika yeEgipita paimba youranda;
14おそらく心にたかぶり、あなたの神、主を忘れるであろう。主はあなたをエジプトの地、奴隷の家から導き出し、
15iye wakakufambisa murenje guru rinotyisa, makanga mune nyoka dzinopenga nezvinyavada, nevhu rakaoma risina mvura; iye wakakubudisira mvura padombo romusarasara;
15あなたを導いて、あの大きな恐ろしい荒野、すなわち火のへびや、さそりがいて、水のない、かわいた地を通り、あなたのために堅い岩から水を出し、
16wakakugutsa murenje nemana, yakanga isina kuzikamwa namadzibaba ako, kuti akuninipise akuidze, kuti akuitire zvakanaka pakupedzisira;
16先祖たちも知らなかったマナを荒野であなたに食べさせられた。それはあなたを苦しめ、あなたを試みて、ついにはあなたをさいわいにするためであった。
17kuti urege kuzoti mumoyo mako, Simba rangu nokugona koruoko rwangu ndizvo zvakandiwanisa fuma iyi.
17あなたは心のうちに『自分の力と自分の手の働きで、わたしはこの富を得た』と言ってはならない。
18Asi unofanira kurangarira Jehovha Mwari wako, nekuti ndiye unokupa simba rokufuma; kuti asimbise sungano yake, yaakapikira madzibaba ako, sezvaanoita nhasi.
18あなたはあなたの神、主を覚えなければならない。主はあなたの先祖たちに誓われた契約を今日のように行うために、あなたに富を得る力を与えられるからである。
19Zvino kana ukakangamwa Jehovha Mwari wako, ukatevera vamwe vamwari, ukavashumira, ukanamata kwavari, ndinokupupurirai nhasi kuti muchaparadzwa zvirokwazvo.
19もしあなたの神、主を忘れて他の神々に従い、これに仕え、これを拝むならば、――わたしは、きょう、あなたがたに警告する。――あなたがたはきっと滅びるであろう。主があなたがたの前から滅ぼし去られる国々の民のように、あなたがたも滅びるであろう。あなたがたの神、主の声に従わないからである。
20imwi muchaparadzwa sendudzi dzinoparadzwa naJehovha pamberi penyu; nekuti makaramba kuteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu.
20主があなたがたの前から滅ぼし去られる国々の民のように、あなたがたも滅びるであろう。あなたがたの神、主の声に従わないからである。