1Inzwa, iwe Isiraeri, nhasi unofanira kuyambuka Joridhani, kuti upinde nyika kundopiwa ndudzi dzinokupfuura paukuru nesimba, dzive dzako, namaguta makuru ana masvingo anosvika kudenga,
1イスラエルよ、聞きなさい。あなたは、きょう、ヨルダンを渡って行って、あなたよりも大きく、かつ強い国々を取ろうとしている。その町々は大きく、石がきは天に達している。
2navanhu vakuru varefu, vana vaAnaki, vaunoziva, vawakanzwa zvichinzi, Ndianiko ungamira pamberi pavana vaAnaki?
2その民は、あなたの知っているアナクびとの子孫であって、大きく、また背が高い。あなたはまた『アナクの子孫の前に、だれが立つことができようか』と人の言うのを聞いた。
3Naizvozvo uzive nhasi kuti Jehovha Mwari wako ndiye unokutungamirira somoto unoparadza; iye uchavaparadza, iye uchavakunda pamberi pako; naizvozvo iwe uchavadzinga, nokuvaparadza nokukurumidza, sezvawakaudzwa naJehovha.
3それゆえ、あなたは、きょう、あなたの神、主は焼きつくす火であって、あなたの前に進まれることを知らなければならない。主は彼らを滅ぼし、彼らをあなたの前に屈伏させられるであろう。主があなたに言われたように、彼らを追い払い、すみやかに滅ぼさなければならない。
4Zvino kana Jehovha Mwari wako avadzinga pamberi pako, usataura mumoyo mako, uchiti, Jehovha wakandipinza munyika ino ive yangu, nokuda kokururama kwangu; nekuti Jehovha unodzinga ndudzi idzi nokuda kokuipa kwavo.
4あなたの神、主があなたの前から彼らを追い払われた後に、あなたは心のなかで『わたしが正しいから主はわたしをこの地に導き入れてこれを獲させられた』と言ってはならない。この国々の民が悪いから、主はこれをあなたの前から追い払われるのである。
5Haupindi munyika yavo, ive yako, nokuda kokururama kwako, kana nokuda kokururama komoyo wako; asi Jehovha Mwari wako unodzinga ndudzi idzi pamberi pako nokuda kokuipa kwavo, uye kuti asimbise shoko rakapikirwa madzibaba ako naJehovha, kuna Abhurahamu, nokuna Isaka, nokuna Jakove.
5あなたが行ってその地を獲るのは、あなたが正しいからではなく、またあなたの心がまっすぐだからでもない。この国々の民が悪いから、あなたの神、主は彼らをあなたの前から追い払われるのである。これは主があなたの先祖アブラハム、イサク、ヤコブに誓われた言葉を行われるためである。
6Naizvozvo uzive kuti Jehovha Mwari wako haakupi nyika iyi yakanaka ive yako, nokuda kokururama kwako; nekuti uri rudzi rune mitsipa mikukutu.
6それであなたは、あなたの神、主があなたにこの良い地を与えてこれを得させられるのは、あなたが正しいからではないことを知らなければならない。あなたは強情な民である。
7Rangarira, usakangamwa, kuti wakatsamwisa Jehovha Mwari wako sei murenje; kubva pazuva rawakabuda naro panyika yeEgipita kudzimana masvika kunzvimbo iyi, makaramba muchimukira Jehovha.
7あなたは荒野であなたの神、主を怒らせたことを覚え、それを忘れてはならない。あなたがたはエジプトの地を出た日からこの所に来るまで、いつも主にそむいた。
8NapaHorebhu makatsamwisa Jehovha, Jehovha akakutsamwirai, akada kukuparadzai.
8またホレブにおいてさえ、あなたがたが主を怒らせたので、主は怒ってあなたがたを滅ぼそうとされた。
9Nguva yandakakwira pagomo kundogamuchira mabwendefa amabwe, iwo mabwendefa esungano, yaakaita iye Jehovha nemi, ndakagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya, kana kumwa mvura.
9わたしが石の板すなわち主があなたがたと結ばれた契約の板を受けるために山に登った時、わたしは四十日四十夜、山にいて、パンも食べず水も飲まなかった。
10Zvino Jehovha akandipa mabwendefa maviri amabwe, akanga akanyorwa nomumwe waMwari; pamusoro pawo pakanga pakanyorwa mashoko ose akanga ataurwa kwamuri naJehovha pagomo, ari mukati momoto nomusi weungano.
10主は神の指をもって書きしるした石の板二枚をわたしに授けられた。その上には、集会の日に主が山で火の中から、あなたがたに告げられた言葉が、ことごとく書いてあった。
11Zvino mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana zvakati zvapera, Jehovha akandipa mabwendefa maviri amabwe, iwo mabwendefa esungano.
11すなわち四十日四十夜が終った時、主はわたしにその契約の板である石の板二枚を授け、
12Zvino Jehovha akati kwandiri, Simuka, kurumidza kuburuka pano, nekuti vanhu vako vawakabudisa paEgipita, vazvitadzira; vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira; vazviitira mufananidzo wakaumbwa.
12そして主はわたしに言われた、『おまえは立って、すみやかにこの所から降りなさい。おまえがエジプトから導き出した民は悪を行ったからである。彼らはわたしが命じた道を早くも離れて、鋳た像を自分たちのために造った』。
13Uye Jehovha akataura neni, akati, Ndaona rudzi urwu, tarira, rudzi rune mitsipa mikukutu;
13主はまたわたしに言われた、『この民を見るのに、これは強情な民である。
14ndirege, ndivaparadze, ndidzime zita ravo pasi pedenga, ndikuite iwe rudzi runovapfuura nesimba noukuru.
14わたしを止めるな。わたしは彼らを滅ぼし、彼らの名を天の下から消し去り、おまえを彼らよりも強く、かつ大いなる国民としよう』。
15Naizvozvo ndakadzoka, ndikaburuka mugomo, gomo rikapfuta nomoto; zvino mabwendefa maviri esungano akanga ari mumaoko angu maviri.
15そこでわたしは身をめぐらして山を降りたが、山は火で焼けていた。契約の板二枚はわたしの両手にあった。
16Ndikatarira, ndikaona kuti makanga matadzira Jehovha Mwari wenyu; makanga mazviitira mhuru yakaumbwa; makanga makurumidza kutsauka panzira yamakanga marairwa naJehovha.
16そしてわたしが見ると、あなたがたは、あなたがたの神、主にむかって罪を犯し、自分たちのために鋳物の子牛を造って、主が命じられた道を早くも離れたので、
17Ndikabata mabwendefa maviri, ndikaarashira pasi muchizviona.
17わたしはその二枚の板をつかんで、両手から投げ出し、あなたがたの目の前でこれを砕いた。
18Ndikawira pasi pamberi paJehovha, sapakutanga, mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya, kana kumwa mvura, nokuda kwezvivi zvenyu zvose zvamakanga matadza, muchiita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa.
18そしてわたしは前のように四十日四十夜、主の前にひれ伏し、パンも食べず、水も飲まなかった。これはあなたがたが主の目の前に悪をおこない、罪を犯して主を怒らせたすべての罪によるのである。
19Nekuti ndakatya hasha nekutsamwa kukuru, kwamakatsamwirwa nako naJehovha, nekuti wakange achida kukuparadzai. Asi Jehovha wakandinzwawo nenguva iyo.
19主は怒りを発し、憤りを起し、あなたがたを怒って滅ぼそうとされたので、わたしは恐れたが、その時もまた主はわたしの願いを聞かれた。
20Jehovha wakange ane shunguvo kwazvo naAroni, akada kumuparadza, ndikanyengeterera Aroniwo nenguva iyo.
20主はまた、はなはだしくアロンを怒って、彼を滅ぼそうとされたが、わたしはその時もまたアロンのために祈った。
21Ndikatora zvivi zvenyu, iyo mhuru iya yamakanga maumba, ndikaipisa nomoto, ndikaipwanya, nokuikuya kwazvo, kusvikira yatsetseka seguruva; ndikakandira guruva rayo murukova rwakanga ruchibva mugomo.
21わたしはあなたがたが造って罪を得た子牛を取り、それを火で焼き、それを撃ち砕き、よくひいて細かいちりとし、そのちりを山から流れ下る谷川に投げ捨てた。
22NapaTabherawo, napaMasa, napaKibhiroti-hatava makatsamwisa Jehovha.
22あなたがたはタベラ、マッサおよびキブロテ・ハッタワにおいてもまた主を怒らせた。
23Nenguva yamakatumwa naJehovha kuti mubve paKadheshi-bharinea, achiti, Kwirai, mutore nyika, yandakakupai, ive yenyu, makamukira murayiro waJehovha Mwari wenyu, mukasamutenda, nokusateerera inzwi rake.
23また主はカデシ・バルネアから、あなたがたをつかわそうとされた時、『上って行って、わたしが与える地を占領せよ』と言われた。ところが、あなたがたはあなたがたの神、主の命令にそむき、彼を信ぜず、また彼の声に聞き従わなかった。
24Makaramba muchimukira Jehovha kubva pazuva randakatanga kukuzivai.
24わたしがあなたがたを知ったその日からこのかた、あなたがたはいつも主にそむいた。
25Zvino ndikawira pasi pamberi paJehovha mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana, ndiyo nguva yandakawira pasi; nekuti Jehovha wakati, Ndichakuparadzai.
25そしてわたしは、さきにひれ伏したように、四十日四十夜、主の前にひれ伏した。主があなたがたを滅ぼすと言われたからである。
26Zvino ndikanyengetera kuna Jehovha, ndikati, Haiwa, Jehovha Mwari, musaparadza henyu vanhu venyu nenhaka yenyu, vamakadzikunura noukuru bwenyu, vamakabudisa paEgipita neruoko rune simba.
26わたしは主に祈って言った、『主なる神よ、あなたが大いなる力をもってあがない、強い手をもってエジプトから導き出されたあなたの民、あなたの嗣業を滅ぼさないでください。
27Rangarirai varanda venyu, Abhurahamu, naIsaka, naJakove; musatarira kusindimara kwavanhu ava, kana kuipa kwavo, kana zvivi zvavo;
27あなたのしもべアブラハム、イサク、ヤコブを覚えてください。この民の強情と悪と罪とに目をとめないでください。
28kuti nyika kwamakatibudisa, irege kuzoti, Jehovha wakavabudisa akavaurayira murenje, nekuti wakange asingagoni kuvapinza munyika yaakanga avapikira, uye nekuti wakange achivavenga.
28あなたがわれわれを導き出された国の人はおそらく、「主は、約束した地に彼らを導き入れることができず、また彼らを憎んだので、彼らを導き出して荒野で殺したのだ」と言うでしょう。しかし彼らは、あなたの民、あなたの嗣業であって、あなたが大いなる力と伸ばした腕とをもって導き出されたのです』。
29Kunyange zvakadaro rudzi rwenyu nenhaka yenyu, rwamakabudisa nesimba renyu guru, noruoko rwenyu rwakatambanudzwa.
29しかし彼らは、あなたの民、あなたの嗣業であって、あなたが大いなる力と伸ばした腕とをもって導き出されたのです』。