1Mbiri yakanaka inopfuura chizoro chakanaka, nezuva rokufa kupfuura zuva rokuzvarwa.
1良き名は良き油にまさり、死ぬる日は生るる日にまさる。
2Zviri nani kuenda kuimba yokuchema, pakuenda kuimba yomutambo; nekuti ndiwo mugumo wavanhu vose; munhu mupenyu achazvirangarira pamoyo pake.
2悲しみの家にはいるのは、宴会の家にはいるのにまさる。死はすべての人の終りだからである。生きている者は、これを心にとめる。
3Kuchema kunopfuura kuseka, nekuti moyo unofadzwa nokupunyaira kwechiso.
3悲しみは笑いにまさる。顔に憂いをもつことによって、心は良くなるからである。
4moyo yavakachenjera iri paimba yokuchema, asi moyo yamapenzi iri paimba yokufara.
4賢い者の心は悲しみの家にあり、愚かな者の心は楽しみの家にある。
5Zviri nani kuti munhu anzwe kutuka kwavakachenjera, pakuti anzwe kuimba kwamapenzi.
5賢い者の戒めを聞くのは、愚かな者の歌を聞くのにまさる。
6nekuti kuseka kwebenzi kwakafanana nokuputika kwemhinzwa pasi pehari; naizvozvowo hazvina maturo.
6愚かな者の笑いはかまの下に燃えるいばらの音のようである。これもまた空である。
7Zvirokwazvo kumanikidza kunoita muchenjeri benzi; uye fufuro inoparadza njere.
7たしかに、しえたげは賢い人を愚かにし、まいないは人の心をそこなう。
8Kuguma kwechinhu kunopfuura kutanga kwacho; ano moyo murefu anopfuura ano moyo unozvikudza.
8事の終りはその初めよりも良い。耐え忍ぶ心は、おごり高ぶる心にまさる。
9Usakurumidza pamweya wako kutsamwa, nekuti kutsamwa kunogara pachipfuva chamapenzi.
9気をせきたてて怒るな。怒りは愚かな者の胸に宿るからである。
10Usati, Mazuva ekare anopfuura azvino nokunaka neiko? nekuti haungabvunzi saizvozvo nouchenjeri.
10「昔が今よりもよかったのはなぜか」と言うな。あなたがこれを問うのは知恵から出るのではない。
11Uchenjeri hwakaenzana nenhaka; zvirokwazvo, hwakaisvonaka kuna vanoona zuva.
11知恵に財産が伴うのは良い。それは日を見る者どもに益がある。
12nekuti uchenjeri chitaviridzo, mariwo chitaviridzo, asi kunakisa kwezivo ndiko, kuti uchenjeri hunochengeta hupenyu hwaiye anahwo.
12知恵が身を守るのは、金銭が身を守るようである。しかし、知恵はこれを持つ者に生命を保たせる。これが知識のすぐれた所である。
13Cherekedza basa raMwari, nekuti ndiani angaruramisa chaakakombamisa iye?
13神のみわざを考えみよ。神の曲げられたものを、だれがまっすぐにすることができるか。
14Fara nezuva rokugara zvakanaka, rangarira nezuva rokutambudzika; Mwari ndiye akaita izvozvo zvose zviviri, kuti munhu arege kuziva zviri mberi kwake.
14順境の日には楽しめ、逆境の日には考えよ。神は人に将来どういう事があるかを、知らせないために、彼とこれとを等しく造られたのである。
15Izvozvi zvose ndakazviona pamazuva angu asina maturo. Akarurama ariko, anoparara pakati pokururama kwake, uyezve, munhu akaipa ariko, anorarama nguva huru pakati pezvakaipa zvake.
15わたしはこのむなしい人生において、もろもろの事を見た。そこには義人がその義によって滅びることがあり、悪人がその悪によって長生きすることがある。
16Usava munhu wakaisvorurama, usava wakaisvochenjera; uchazviparadzireiko?
16あなたは義に過ぎてはならない。また賢きに過ぎてはならない。あなたはどうして自分を滅ぼしてよかろうか。
17Usava munhu akaisvoipa, uye usava benzi; uchafireiko nguva yako isati yasvika?
17悪に過ぎてはならない。また愚かであってはならない。あなたはどうして、自分の時のこないのに、死んでよかろうか。
18Zvakanaka kuti ubatisise chinhu ichi, uye usabvisa ruoko rwako panechecho; nekuti anotya Mwari, achapukunyuka panaizvozvo zvose.
18あなたがこれを執るのはよい、また彼から手を引いてはならない。神をかしこむ者は、このすべてからのがれ出るのである。
19Uchenjeri hunosimbisa akachenjera kupfuura vabati vane gumi vari muguta.
19知恵が知者を強くするのは、十人のつかさが町におるのにまさる。
20Zvirokwazvo, hapana munhu akarurama panyika, anoita zvakanaka, asingatadzi.
20善を行い、罪を犯さない正しい人は世にいない。
21Uyezve, usava nehanya namashoko ose anotaurwa, kuti urege kunzwa muranda wako achikutuka.
21人の語るすべての事に心をとめてはならない。これはあなたが、自分のしもべのあなたをのろう言葉を聞かないためである。
22nekuti kazhinji moyo wako unoziva kuti newewo wakatuka vamwe saizvozvo.
22あなたもまた、しばしば他人をのろったのを自分の心に知っているからである。
23Izvozvi zvose ndakazviidza nouchenjeri; ndakati, Ndichava akachenjera; asi zvakanga zviri kure neni.
23わたしは知恵をもってこのすべての事を試みて、「わたしは知者となろう」と言ったが、遠く及ばなかった。
24Izvo, zviripo, zviri kure, zvakadzika kwazvo, ndiani angazviziva?
24物事の理は遠く、また、はなはだ深い。だれがこれを見いだすことができよう。
25Ndakatendeuka, nemoyo wangu ukada kuziva nokunzvera, nokutsvaka uchenjeri namano, ndizive kuti kuipa upenzi, noupenzi kupenga.
25わたしは、心を転じて、物を知り、事を探り、知恵と道理を求めようとし、また悪の愚かなこと、愚痴の狂気であることを知ろうとした。
26Ndikawana chinhu chinovava kukunda rufu, ndiye mukadzi ari musungo, moyo wake ari mambure, namaoko ake zvisungo; Ani naani wakanaka pana Mwari, achapukunyuka kwaari; asi mutadzi achabatwa naye.
26わたしは、その心が、わなと網のような女、その手が、かせのような女は、死よりも苦い者であることを見いだした。神を喜ばす者は彼女からのがれる。しかし罪びとは彼女に捕えられる。
27Zvanzi noMuparidzi, Tarirai, ndizvozvi zvandakawana, ndichiverenga chinhu chimwe nechimwe, kuti ndiwane shumo yazvo;
27伝道者は言う、見よ、その数を知ろうとして、いちいち数えて、わたしが得たものはこれである。
28zvinongoramba zvichitsvakwa nomweya wangu, asi ndigere kuzviwana, ndakawana murume mumwe pakati pechiuru chezana, asi handina kuwana mukadzi pakati pavazhinji vakadai.
28わたしはなおこれを求めたけれども、得なかった。わたしは千人のうちにひとりの男子を得たけれども、そのすべてのうちに、ひとりの女子をも得なかった。見よ、わたしが得た事は、ただこれだけである。すなわち、神は人を正しい者に造られたけれども、人は多くの計略を考え出した事である。
29Asi tarirai, chinhu chimwe ichi chete ndicho chandakawana, kuti Mwari akaita munhu akarurama, asi ivo vakatsvaka mano mazhinji.
29見よ、わたしが得た事は、ただこれだけである。すなわち、神は人を正しい者に造られたけれども、人は多くの計略を考え出した事である。