1Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Ndichauyisa dambudziko rimwezve pamusoro paFarao napamusoro peEgipita, ipapo achakutenderai kubva pano; musi waachakutenderai kuenda, zvirokwazvo achakudzingai chose pano.
1主はモーセに言われた、「わたしは、なお一つの災を、パロとエジプトの上にくだし、その後、彼はあなたがたをここから去らせるであろう。彼が去らせるとき、彼はあなたがたを、ことごとくここから追い出すであろう。
2Zvino udza vanhu vanzwe, kuti murume mumwe nomumwe akumbire kunowokwake, nomukadzi mumwe nomumwe akumbire kunowokwake, vapiwe zvishongo zvesirivha nezvishongo zvendarama.
2あなたは民の耳に語って、男は隣の男から、女は隣の女から、それぞれ銀の飾り、金の飾りを請い求めさせなさい」。
3Zvino Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaEgipita. Naiye munhu uyu Mozisi, akanga ari mukuru kwazvo munyika yeEgipita, pamberi pavaranda vaFarao, napamberi pavanhu.
3主は民にエジプトびとの好意を得させられた。またモーセその人は、エジプトの国で、パロの家来たちの目と民の目とに、はなはだ大いなるものと見えた。
4Zvino Mozisi akati, Zvanzi naJehovha, Kana pava pakati pousiku, ndichabuda ndikafamba napakati peEgipita;
4モーセは言った、「主はこう仰せられる、『真夜中ごろ、わたしはエジプトの中へ出て行くであろう。
5madangwe ose munyika yeEgipita achafa, kutanga padangwe raFarao anogara pachigaro choushe, kusvikira padangwe romurandakadzi ari paguyo, navana vose vemhongora dzezvipfuwo.
5エジプトの国のうちのういごは、位に座するパロのういごをはじめ、ひきうすの後にいる、はしためのういごに至るまで、みな死に、また家畜のういごもみな死ぬであろう。
6Panyika yose yeEgipita pachava nokuchema kukuru, kwakadaro hakuna kumbovapo, uye hakungazovipozve.
6そしてエジプト全国に大いなる叫びが起るであろう。このようなことはかつてなく、また、ふたたびないであろう』と。
7Asi pakati pavana valsiraeri vose, pakati pavanhu kana zvipfuwo, hapangavi nembwa ichasimudza rurimi rwayo; kuti muzive kuti Jehovha akatsaura pakati pavaEgipita navalsiraeri.
7しかし、すべて、イスラエルの人々にむかっては、人にむかっても、獣にむかっても、犬さえその舌を鳴らさないであろう。これによって主がエジプトびととイスラエルびととの間の区別をされるのを、あなたがたは知るであろう。
8Navaranda venyu vose ava vachaburukira kwandiri, vachandipfugamira, vachiti, Ibvai henyu, navanhu vose vanokuteverai; shure kwaizvozvo ndichabuda. Akabuda pamberi, paFarao, akatsamwa kwazvo.
8これらのあなたの家来たちは、みな、わたしのもとに下ってきて、ひれ伏して言うであろう、『あなたもあなたに従う民もみな出て行ってください』と。その後、わたしは出て行きます」。彼は激しく怒ってパロのもとから出て行った。
9Jehovha akati kuna Mozisi, Farao haangakuteerereyi kuti zvishamiso zvangu zviwanzwe panyika yeEgipita.
9主はモーセに言われた、「パロはあなたがたの言うことを聞かないであろう。それゆえ、わたしはエジプトの国に不思議を増し加えるであろう」。モーセとアロンは、すべてこれらの不思議をパロの前に行ったが、主がパロの心をかたくなにされたので、彼はイスラエルの人々をその国から去らせなかった。
10Mozisi naAroni vakaita zvishamiso zviya zvose pamberi paFarao, asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akasatendera vana vaIsiraeri kubva munyika yake.
10モーセとアロンは、すべてこれらの不思議をパロの前に行ったが、主がパロの心をかたくなにされたので、彼はイスラエルの人々をその国から去らせなかった。