1Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Pinda kuna Farao, nekuti ndaomesa moyo wake, nemoyo yavaranda vake, kuti ndiise zviratidzo zvangu izvo pakati pavo;
1そこで、主はモーセに言われた、「パロのもとに行きなさい。わたしは彼の心とその家来たちの心をかたくなにした。これは、わたしがこれらのしるしを、彼らの中に行うためである。
2kuti iwe ugotaura munzeve dzomwanakomana wako, nedzomwanakomana womwanakomana wako, zvose zvandakaitira Egipita, nezviratidzo zvandakaita pakati pavo; muzive kuti ndini Jehovha.
2また、わたしがエジプトびとをあしらったこと、また彼らの中にわたしが行ったしるしを、あなたがたが、子や孫の耳に語り伝えるためである。そしてあなたがたは、わたしが主であることを知るであろう」。
3Zvino Mozisi naAroni vakapinda kuna Farao, vakati kwaari, Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru, Ucharamba kuzvininipisa pamberi pangu kusvikira rinhiko? Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.
3モーセとアロンはパロのもとに行って彼に言った、「ヘブルびとの神、主はこう仰せられる、『いつまで、あなたは、わたしに屈伏することを拒むのですか。民を去らせて、わたしに仕えさせなさい。
4Nekuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu kuenda, tarira, mangwana ndichauyisa mhashu panyika yenyu;
4もし、わたしの民を去らせることを拒むならば、見よ、あす、わたしはいなごを、あなたの領土にはいらせるであろう。
5dzichafukidza nyika yose, kuti munhu asagona kuona pasi; dzichadya zvakasara zvakapukunyuka, zvamakasiirwa nechimvuramabwe, dzichadya miti yose inokumererai muminda;
5それは地のおもてをおおい、人が地を見ることもできないほどになるであろう。そして雹を免れて、残されているものを食い尽し、野にはえているあなたがたの木をみな食い尽すであろう。
6nedzimba dzenyu dzichazara, nedzimba dzavaranda venyu vose, nedzimba dzavaEgipita vose; zvakadaro hazvina kumboonekwa namadzibaba enyu, namadzibaba amadzibaba enyu, kubva pazuva ravakatanga panyika kusvikira zuva rino. Ipapo akatendeuka akabuda pamberi paFarao.
6またそれはあなたの家とあなたのすべての家来の家、および、すべてのエジプトびとの家に満ちるであろう。このようなことは、あなたの父たちも、また、祖父たちも、彼らが地上にあった日から今日に至るまで、かつて見たことのないものである』と」。そして彼は身をめぐらして、パロのもとを出て行った。
7Zvino varanda vaFarao vakati kwaari, Munhu uyu achava musungo kwatiri kusvikira rinhiko? Tenderai henyu vanhu kuenda, vandonamata Jehovha Mwari wavo; hamuzivi here kuti Egipita raparadzwa?
7パロの家来たちは王に言った、「いつまで、この人はわれわれのわなとなるのでしょう。この人々を去らせ、彼らの神なる主に仕えさせては、どうでしょう。エジプトが滅びてしまうことに、まだ気づかれないのですか」。
8Zvino Mozisi naAroni vakadzoserwazve kuna Farao, iye akati kwavari, Endai mundonamata Jehovha Mwari wenyu; asi vachaenda ndivana aniko?
8そこで、モーセとアロンは、また、パロのもとに召し出された。パロは彼らに言った、「行って、あなたがたの神、主に仕えなさい。しかし、行くものはだれだれか」。
9Mozisi akati, Tichaenda navaduku vedu, navakuru vedu, navakomana vedu navasikana vedu; tichaenda namakwai edu, nemombe dzedu; nekuti tinofanira kuitira Jehovha mutambo.
9モーセは言った、「わたしたちは幼い者も、老いた者も行きます。むすこも娘も携え、羊も牛も連れて行きます。わたしたちは主の祭を執り行わなければならないのですから」。
10akati kwavari, Jehovha ngaave nemwi kana ini ndikatongokutenderai kuenda, imwi nepwere dzenyu! Chenjerai, nekuti munenge munofunga zvakaipa.
10パロは彼らに言った、「万一、わたしが、あなたがたに子供を連れてまで去らせるようなことがあれば、主があなたがたと共にいますがよい。あなたがたは悪いたくらみをしている。
11Ngazvisadaro! imwi varume endai henyu, mundonamata Jehovha, nekuti ndizvo zvamakumbira. Vakadzingwa pamberi paFarao.
11それはいけない。あなたがたは男だけ行って主に仕えるがよい。それが、あなたがたの要求であった」。彼らは、ついにパロの前から追い出された。
12Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudzira ruoko rwako pamusoro penyika yeEgipita, mhashu dziuye pamusoro penyika yeEgipita, dzidye miti yose yenyika yose yakanga yasiiwa nechimvuramabwe.
12主はモーセに言われた、「あなたの手をエジプトの地の上にさし伸べて、エジプトの地にいなごをのぼらせ、地のすべての青物、すなわち、雹が打ち残したものを、ことごとく食べさせなさい」。
13Mozisi akatambanudzira tsvimbo yake pamusoro penyika Jehovha akauyisa pamusoro penyika mhepo yakabva kumabvazuva zuva iroro rose nousiku hwose; zvino fume mangwana mhepo yokumabvazuva ikauyisa mhashu.
13そこでモーセはエジプトの地の上に、つえをさし伸べたので、主は終日、終夜、東風を地に吹かせられた。朝となって、東風は、いなごを運んできた。
14Mhashu dzikauya pamusoro penyika yose yeEgipita, dzikandomhara munyika yose yeEgipita, dzakanga dzakawanda kwazvo; mhashu dzakadai hadzina kumbovapo kubva pakutanga, uye dzakaita saidzodzo hadzingazovipozve.
14いなごはエジプト全国にのぞみ、エジプトの全領土にとどまり、その数がはなはだ多く、このようないなごは前にもなく、また後にもないであろう。
15Nekuti dzakafukidza nyika yose-yose, nyika ikati zvi! Dzikadya miti yose yenyika, nemichero yose yemiti, yakanga yasiiwa nechimvuramabwe; hapana kuzosara kunyange chinhu chimwe chitema pamiti, kana pamiriwo yeminda, panyika yose yeEgipita.
15いなごは地の全面をおおったので、地は暗くなった。そして地のすべての青物と、雹の打ち残した木の実を、ことごとく食べたので、エジプト全国にわたって、木にも畑の青物にも、緑の物とては何も残らなかった。
16Ipapo Farao akakurumidza kudana Mozisi naAroni, akati, Ndatadzira Jehovha, Mwari wenyu, nemi.
16そこで、パロは、急いでモーセとアロンを召して言った、「わたしは、あなたがたの神、主に対し、また、あなたがたに対して罪を犯しました。
17Naizvozvo zvino ndikangamwirei zvivi zvangu nguva ino chete, mukumbire kuna Jehovha Mwari wenyu, kuti abvise kwandiri rufu urwu chete.
17それで、どうか、もう一度だけ、わたしの罪をゆるしてください。そしてあなたがたの神、主に祈願して、ただ、この死をわたしから離れさせてください」。
18Akabuda pamberi paFarao, akandokumbira kuna Jehovha.
18そこで彼はパロのところから出て、主に祈願したので、
19Zvino Jehovha akadzosera mhepo ine simba kwazvo, yakabva kumavirazuva, ikasimudza mhashu ikadzikandira muGungwa Dzvuku; hakuna kuzosara kunyange nemhashu imwe chete munyika yose yeEgipita.
19主は、はなはだ強い西風に変らせ、いなごを吹き上げて、これを紅海に追いやられたので、エジプト全土には一つのいなごも残らなかった。
20Asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akasatendera vana vaIsiraeri kuenda.
20しかし、主がパロの心をかたくなにされたので、彼はイスラエルの人々を去らせなかった。
21Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudzira ruoko rwako kudenga,rima rivepo panyika yeEgipita, rima ringaita seringabatwa namaoko.
21主はまたモーセに言われた、「天にむかってあなたの手をさし伸べ、エジプトの国に、くらやみをこさせなさい。そのくらやみは、さわれるほどである」。
22Mozisi akatambanudzira ruoko rwake kudenga, rima guru rikavapo panyika yose yeEgipita, rikaita mazuva matatu;
22モーセが天にむかって手をさし伸べたので、濃いくらやみは、エジプト全国に臨み三日に及んだ。
23havana kuonana, uye hapana mumwe akasimuka paakanga agere namazuva matatu; asi vana vaIsiraeri vose vakanga vane chiedza kwavaigara.
23三日の間、人々は互に見ることもできず、まただれもその所から立つ者もなかった。しかし、イスラエルの人々には、みな、その住む所に光があった。
24Zvino Farao akadana Mozisi, akati, Endai, mundonamata Jehovha; asi makwai enyu nemombe dzenyu ngadzisare; nepwere dzenyu dzingaenda hadzo nemi.
24そこでパロはモーセを召して言った、「あなたがたは行って主に仕えなさい。あなたがたの子供も連れて行ってもよろしい。ただ、あなたがたの羊と牛は残して置きなさい」。
25Mozisi akati, Munofanira kutipawo mumaoko edu zvokubayira nezvipiriso zvokupisa zvatingandobayira Jehovha Mwari wedu.
25しかし、モーセは言った、「あなたは、また、わたしたちの神、主にささげる犠牲と燔祭の物をも、わたしたちにくださらなければなりません。
26Zvipfuwo zvedu zvichaendawo nesu, hakungasari kunyange nehwanda rimwe, nekuti tinofanira kutora kwazviri kuti tinamate nazvo Jehovha Mwari wedu; hatizivi zvatinganamata Jehovha nazvo kudzimana tasvikapo.
26わたしたちは家畜も連れて行きます。ひずめ一つも残しません。わたしたちは、そのうちから取って、わたしたちの神、主に仕えねばなりません。またわたしたちは、その場所に行くまでは、何をもって、主に仕えるべきかを知らないからです」。
27Asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akaramba kuvatendera kuenda.
27けれども、主がパロの心をかたくなにされたので、パロは彼らを去らせようとしなかった。
28Zvino Farao akati kwaari, Ibva pamberi pangu, chenjera kuti urege kuonazve chiso changu, nekuti nomusi waunoona chiso changu uchafa.
28それでパロはモーセに言った、「わたしの所から去りなさい。心して、わたしの顔は二度と見てはならない。わたしの顔を見る日には、あなたの命はないであろう」。モーセは言った、「よくぞ仰せられました。わたしは、二度と、あなたの顔を見ないでしょう」。
29Mozisi akati, Mareva kwazvo, handichazooni chiso chenyuzve.
29モーセは言った、「よくぞ仰せられました。わたしは、二度と、あなたの顔を見ないでしょう」。