1Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Pinda kuna Farao, undomuudza, uti, Zvanzi naJehovha, Mwari waVaHebheru: Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.
1主はモーセに言われた、「パロのもとに行って、彼に言いなさい、『ヘブルびとの神、主はこう仰せられる、「わたしの民を去らせて、わたしに仕えさせなさい。
2nekuti kana ukaramba kuvatendera, ukaramba uchivadzivisa,
2あなたがもし彼らを去らせることを拒んで、なお彼らを留めおくならば、
3tarira, ruoko rwaJehovha ruchava pamusoro pezvipfuwo zvako zviri kusango, napamusoro pamabhiza, napamusoro pemadhongi, napamusoro pamakamera, napamusoro pemombe, napamusoro pezvipfuwo zviduku; hosha yakaipa kwazvo ichavapo.
3主の手は最も激しい疫病をもって、野にいるあなたの家畜、すなわち馬、ろば、らくだ、牛、羊の上に臨むであろう。
4Jehovha acharaura zvipfuwo zvavaIsiraeri pazvipfuwo zvavaEgipita; hapana chimwe chingafa pazvipfuwo zvose zvavaIsiraeri.
4しかし、主はイスラエルの家畜と、エジプトの家畜を区別され、すべてイスラエルの人々に属するものには一頭も死ぬものがないであろう」と』」。
5Zvino Jehovha akatara nguva akati, Mangwana Jehovha achaita chinhu ichi munyika ino.
5主は、また、時を定めて仰せられた、「あす、主はこのことを国に行うであろう」。
6Fume mangwana Jehovha akaita chinhu ichocho, zvipfuwo zvose zveEgipita zvikafa; asi pazvipfuwo zvavana vaIsiraeri hapana zvakafa, kunyange nechimwe chete.
6あくる日、主はこのことを行われたので、エジプトびとの家畜はみな死んだ。しかし、イスラエルの人々の家畜は一頭も死ななかった。
7Farao akatuma vanhu, vakawana kuti pazvipfuwo zvavaIsiraeri hapana zvakafa, kunyange chimwe chete. Asi moyo waFarao wakava mukukutu, akasatendera vanhu kuenda.
7パロは人をつかわして見させたが、イスラエルの家畜は一頭も死んでいなかった。それでもパロの心はかたくなで、民を去らせなかった。
8Zvino Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, Torai tsama dzamadota echoto, Mozisi aakushire kudenga pamberi paFarao.
8主はモーセとアロンに言われた、「あなたがたは、かまどのすすを両手いっぱい取り、それをモーセはパロの目の前で天にむかって、まき散らしなさい。
9Achashanduka guruva rakatsetseka panyika yose yeEgipita, achiita mamota anoputika semhoni pavanhu napazvipfuwo zvose zveIjjipiti.
9それはエジプトの全国にわたって、細かいちりとなり、エジプト全国で人と獣に付いて、うみの出るはれものとなるであろう」。
10Ivo vakatora madota echoto, vakamira pamberi paFarao, Mozisi akaakushira kudenga, akaita mamota anoputika semhoni pavanhu napazvipfuwo.
10そこで彼らは、かまどのすすを取ってパロの前に立ち、モーセは天にむかってこれをまき散らしたので、人と獣に付いて、うみの出るはれものとなった。
11Zvino n'anga dzakanga dzisingagoni kumira pamberi paMozisi nokuda kwamamota, nekuti mamota akanga ari pan'anga napavaEgipita vose.
11魔術師らは、はれもののためにモーセの前に立つことができなかった。はれものが魔術師らと、すべてのエジプトびとに生じたからである。
12Asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha kuna Mozisi.
12しかし、主はパロの心をかたくなにされたので、彼は主がモーセに語られたように、彼らの言うことを聞かなかった。
13Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao, uti kwaari, Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru: Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.
13主はまたモーセに言われた、「朝早く起き、パロの前に立って、彼に言いなさい、『ヘブルびとの神、主はこう仰せられる、「わたしの民を去らせて、わたしに仕えさせなさい。
14Nekuti nenguva ino ndichatuma matambudziko angu ose pamusoro pomoyo wako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, uzive kuti hapana akafanana neni panyika dzose.
14わたしは、こんどは、もろもろの災を、あなたと、あなたの家来と、あなたの民にくだし、わたしに並ぶものが全地にないことを知らせるであろう。
15Nekuti dai ndisakadaro, ndingadai ndaitambanudza ruoko rwangu, ndikakurova iwe navanhu vako nehosha yakaipa, ukaparadzwa chose panyika;
15わたしがもし、手をさし伸べ、疫病をもって、あなたと、あなたの民を打っていたならば、あなたは地から断ち滅ぼされていたであろう。
16asi zvirokwazvo ndakakuraramisa nokuda kwaizvozvo, kuti ndikuratidze simba rangu, uye kuti zita rangu rikurumbire kunyika dzose.
16しかし、わたしがあなたをながらえさせたのは、あなたにわたしの力を見させるため、そして、わたしの名が全地に宣べ伝えられるためにほかならない。
17Zvino ucharamba uchingozvikudza uchirwa navanhu vangu, usingadi kuvatendera kuenda here?
17それに、あなたはなお、わたしの民にむかって、おのれを高くし、彼らを去らせようとしない。
18Tarira, mangwana, nenguva yakaita seino, ndichanisa chimvuramabwe chakaipa kwazvo, chisina kumbovapo paEgipita kubva pakuvambwa kwayo kusvikira zvino.
18ゆえに、あすの今ごろ、わたしは恐ろしく大きな雹を降らせるであろう。それはエジプトの国が始まった日から今まで、かつてなかったほどのものである。
19Naizvozvo zvino tuma vanhu, uunganidze zvipfuwo zvako nezvose zvaunazvo kusango, nekuti vanhu vose nezvipfuwo zvose zvinowanikwa kusango, zvisina kuiswa mudzimba, zvicharohwa nechimvuramabwe zvikafa.
19それゆえ、いま、人をやって、あなたの家畜と、あなたが野にもっているすべてのものを、のがれさせなさい。人も獣も、すべて野にあって家に帰らないものは降る雹に打たれて死ぬであろう」と』」。
20Zvino vakatya shoko raJehovha pakati pavaranda vaFarao vakaraira kuti varanda vavo nezvipfuwo zvavo zvitizire mudzimba.
20パロの家来のうち、主の言葉をおそれる者は、そのしもべと家畜を家にのがれさせたが、
21Asi vakanga vasingateereri shoko raJehovha, vakarega varanda vavo nezvipfuwo zvavo kusango.
21主の言葉を意にとめないものは、そのしもべと家畜を野に残しておいた。
22Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudzira ruoko rwako kudenga, chimvuramabwe chivepo panyika yose yeEgipita, pamusoro pavanhu, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro pemiriwo yose yeminda panyika yose yeEgipita.
22主はモーセに言われた、「あなたの手を天にむかってさし伸べ、エジプトの全国にわたって、エジプトの地にいる人と獣と畑のすべての青物の上に雹を降らせなさい」。
23Mozisi akatambanudzira tsvimbo yake kudenga, Jehovha akatuma kutinhira nechimvuramabwe, moto wemheni ukarova pasi. Jehovha akanaisa chimvuramabwe panyika
23モーセが天にむかってつえをさし伸べると、主は雷と雹をおくられ、火は地にむかって、はせ下った。こうして主は、雹をエジプトの地に降らされた。
24Chimvuramabwe chikavapo, nomoto wakavengana nechimvuramabwe, chikanyanya kwazvo, chisina kumbovapo panyika yose yeEgipita, kubva pakutanga korudzi ipapo.
24そして雹が降り、雹の間に火がひらめき渡った。雹は恐ろしく大きく、エジプト全国には、国をなしてこのかた、かつてないものであった。
25Chimvuramabwe chikarova zvose zvakanga zviri kusango, vanhu nezvipfuwo, panyika yose yeEgipita; chimvuramabwe chikarova miriwo yose yeminda, chikavhuna miti yose yesango.
25雹はエジプト全国にわたって、すべて畑にいる人と獣を打った。雹はまた畑のすべての青物を打ち、野のもろもろの木を折り砕いた。
26Asi munyika yeGosheni chete, imo makanga muna vana vaIsiraeri, ndipo pakanga pasina chimvuramabwe.
26ただイスラエルの人々のいたゴセンの地には、雹が降らなかった。
27Zvino Farao akatuma vanhu kundodana Mozisi naAroni, akati kwavari, Nguva ino ndatadza; Jehovha akarurama, asi ini navaranda vangu takaipa.
27そこで、パロは人をつかわし、モーセとアロンを召して言った、「わたしはこんどは罪を犯した。主は正しく、わたしと、わたしの民は悪い。
28Nyengeterai kuna Jehovha, nekuti kutinhira kukuru kwaMwari nechimvuramabwe zvaringana; ndichakutenderai kuenda, murege kugara.
28主に祈願してください。この雷と雹はもうじゅうぶんです。わたしはあなたがたを去らせます。もはやとどまらなくてもよろしい」。
29Mozisi akati kwaari, Kana ndangobuda paguta, ndichatambanudzira maoko angu kuna Jehovha; ipapo kutinhira kuchanyarara, nechimvuramabwe hachizovipo; muchaziva kuti nyika yose ndeyaJehovha.
29モーセは彼に言った、「わたしは町を出ると、すぐ、主にむかってわたしの手を伸べひろげます。すると雷はやみ、雹はもはや降らなくなり、あなたは、地が主のものであることを知られましょう。
30Asi kana murimwi navaranda venyu, ndinoziva kuti hamungatyi Jehovha Mwari.
30しかし、あなたとあなたの家来たちは、なお、神なる主を恐れないことを、わたしは知っています」。
31Miti yoruchinda nebhari zvikarohwa, nekuti bhari yakanga yatumbuka, nemiti yoruchinda yakanga yava namaruva.
31――亜麻と大麦は打ち倒された。大麦は穂を出し、亜麻は花が咲いていたからである。
32Asi zviyo zvegorosi nezvesipereti hazvina kurohwa, nekuti zvakanga zvisina kukura.
32小麦とスペルタ麦はおくてであるため打ち倒されなかった。――
33Zvino Mozisi akabuda muguta pamberi paFarao, akatambanudzira maoko ake kuna Jehovha, kutinhira nechimvuramabwe zvikanyarara, nemvura ikasadururirwa panyika.
33モーセはパロのもとを去り、町を出て、主にむかって手を伸べひろげたので、雷と雹はやみ、雨は地に降らなくなった。
34Zvino Farao akati aona kuti mvura nechimvuramabwe nokutinhira zvanyarara, akawedzera kutadza, akaomesa moyo wake, iye navaranda vake.
34ところがパロは雨と雹と雷がやんだのを見て、またも罪を犯し、心をかたくなにした。彼も家来も、そうであった。すなわちパロは心をかたくなにし、主がモーセによって語られたように、イスラエルの人々を去らせなかった。
35moyo waFarao ukaomeswa, akasatendera vana vaIsiraeri kuenda; sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waMozisi.
35すなわちパロは心をかたくなにし、主がモーセによって語られたように、イスラエルの人々を去らせなかった。