1Zvino Jehovha akati kuna. Mozisi, Pinda kuna Farao, uti kwaari, Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandondinamata.
1主はモーセに言われた、「あなたはパロのところに行って言いなさい、『主はこう仰せられます、「わたしの民を去らせて、わたしに仕えさせなさい。
2Kana ukaramba kuvatendera, tarira, ndicharova nyika yako yose namatatya;
2しかし、去らせることを拒むならば、見よ、わたしは、かえるをもって、あなたの領土を、ことごとく撃つであろう。
3rwizi ruchazara kwazvo namatatya; achakwira, achipinda mumba mako, nomuimba yako yokuvata, napanhovo dzako, nomudzimba dzavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomuzvoto zvako, nomumidziyo yako mamunokanyira zvokudya;
3ナイル川にかえるが群がり、のぼって、あなたの家、あなたの寝室にはいり、寝台にのぼり、あなたの家来と民の家にはいり、またあなたのかまどや、こね鉢にはいり、
4matatya achakwira pamusoro pako napamusoro pavanhu vako, napamusoro pavaranda vako vose.
4あなたと、あなたの民と、すべての家来のからだに、はい上がるであろう」と』」。
5Jehovha akati kuna Mozisi, Iti kuna Aroni, Tambanudzira ruoko rwako rwakabata tsvimbo yako pamusoro penzizi, napamusoro pehova, napamusoro pamadziva, uraire matatya kuti akwire panyika
5主はモーセに言われた、「あなたはアロンに言いなさい、『つえを持って、手を川の上、流れの上、、池の上にさし伸べ、かえるをエジプトの地にのぼらせなさい』と」。
6Ipapo Aroni akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pemvura yeEgipita, matatya akakwira, akafukidza nyika yeEgipita.
6アロンが手をエジプトの水の上にさし伸べたので、かえるはのぼってエジプトの地をおおった。
7n'anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo dzikaraira matatya kuti akwire panyika yeEgipita.
7魔術師らも秘術をもって同じように行い、かえるをエジプトの地にのぼらせた。
8Zvino Farao akadana Mozisi naAroni, akati, Nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise matatya kwandiri nokuvanhu vangu, nditendere vanhu kuenda kundobayira Jehovha.
8パロはモーセとアロンを召して言った、「かえるをわたしと、わたしの民から取り去るように主に願ってください。そのときわたしはこの民を去らせて、主に犠牲をささげさせるでしょう」。
9Mozisi akati kuna Farao, imwi mukudzwe kupfuura ini ! Ndokunyengetererai nguva ipi, imwi navaranda venyu, navanhu venyu, kuti matatya aparadzwe kwamuri, nomudzimba dzenyu, asare murwizi chete?
9モーセはパロに言った、「あなたと、あなたの家来と、あなたの民のために、わたしがいつ願って、このかえるを、あなたとあなたの家から断って、ナイル川だけにとどまらせるべきか、きめてください」。
10Iye akati, Mangwana. Akati, Zvichaitwa sezvamareva; kuti muzive kuti hakuna mumwe akafanana naJehovha, Mwari wedu.
10パロは言った、「明日」。モーセは言った、「仰せのとおりになって、わたしたちの神、主に並ぶもののないことを、あなたが知られますように。
11Matatya achabva kwamuri, nomudzimba dzenyu, nokuvaranda venyu, nokuvanhu venyu; achasara murwizi chete.
11そして、かえるはあなたと、あなたの家と、あなたの家来と、あなたの民を離れてナイル川にだけとどまるでしょう」。
12Mozisi naAroni vakabuda muna Farao, Mozisi akadana kuna Jehovha nokuda kwamatatya aakanga atuma kuna Farao.
12こうしてモーセとアロンはパロを離れて出た。モーセは主がパロにつかわされたかえるの事について、主に呼び求めたので、
13Jehovha akaita sezvakanga zvarehwa naMozisi, matatya akafa mudzimba nomuzvivanze nokuruwa.
13主はモーセのことばのようにされ、かえるは家から、庭から、また畑から死に絶えた。
14Vakaaunganidza, vakaaita mirwi, nyika ikanhuwa.
14これをひと山ひと山に積んだので、地は臭くなった。
15Zvino Farao akati achiona kuti zvava zviri nani, akaomesa moyo wake, akasavateerera; sezvakanga zvarehwa naJehovha.
15ところがパロは息つくひまのできたのを見て、主が言われたように、その心をかたくなにして彼らの言うことを聞かなかった。
16Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Iti kuna Aroni, Tambanudza tsvimbo yako, urove guruva rapasi, rishanduke utunga panyika
16主はモーセに言われた、「あなたはアロンに言いなさい、『あなたのつえをさし伸べて地のちりを打ち、それをエジプトの全国にわたって、ぶよとならせなさい』と」。
17Vakaita saizvozvo; Aroni akatambanudza ruoko rwake rwakabata tsvimbo yake, akarova guruva rapasi, utunga ukavapo pavanhu napazvipfuwo; guruva rose rapasi rikashanduka utunga panyika yose
17彼らはそのように行った。すなわちアロンはそのつえをとって手をさし伸べ、地のちりを打ったので、ぶよは人と家畜についた。すなわち、地のちりはみなエジプトの全国にわたって、ぶよとなった。
18n'anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo kuti dzibudise utunga, asi hadzina kugona; utunga hwakanga huri pavanhu napazvipfuwo.
18魔術師らも秘術をもって同じように行い、ぶよを出そうとしたが、彼らにはできなかった。ぶよが人と家畜についたので、
19Zvino n'anga dzakati kuna Farao, Mumwe waMwari; asi moyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
19魔術師らはパロに言った、「これは神の指です」。しかし主の言われたように、パロの心はかたくなになって、彼らのいうことを聞かなかった。
20Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao; tarira, achabuda achienda kumvura, uti kwaari, Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.
20主はモーセに言われた、「あなたは朝早く起きてパロの前に立ちなさい。ちょうど彼は水のところに出ているから彼に言いなさい、『主はこう仰せられる、「わたしの民を去らせて、わたしに仕えさせなさい。
21nekuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu, tarira ndichatuma bute renhunzi pamusoro pako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomudzimba dzako; dzimba dzavaEgipita dzichazara namapute enhunzi, kunyange nevhu padzimire.
21あなたがわたしの民を去らせないならば、わたしは、あなたとあなたの家来と、あなたの民とあなたの家とに、あぶの群れをつかわすであろう。エジプトびとの家々は、あぶの群れで満ち、彼らの踏む地もまた、そうなるであろう。
22Nomusi iwoyo ndichatsaura nyika yeGosheni pagere vanhu vangu, kuti ipapo mapute enhunzi arege kuvapo; kuti uzive kuti ndini Jehovha pakati penyika dzose.
22その日わたしは、わたしの民の住むゴセンの地を区別して、そこにあぶの群れを入れないであろう。国の中でわたしが主であることをあなたが知るためである。
23Ndichaparadzanisa vanhu vangu navanhu vako; chiratidzo ichi chichavapo mangwana.
23わたしはわたしの民とあなたの民の間に区別をおく。このしるしは、あす起るであろう」と』」。
24Zvino Jehovha akaita saizvozvo, mapute makuru-kuru enhunzi akapinda mumba maFarao, nomudzimba dzavaranda vake, nomunyika yose yeEgipita; nyika ikaodzwa namapute enhunzi.
24主はそのようにされたので、おびただしいあぶが、パロの家と、その家来の家と、エジプトの全国にはいってきて、地はあぶの群れのために害をうけた。
25Zvino Farao akadana Mozisi naAroni, akati, Endai, mundobayira Mwari wenyu munyika ino.
25そこで、パロはモーセとアロンを召して言った、「あなたがたは行ってこの国の内で、あなたがたの神に犠牲をささげなさい」。
26Mozisi akati, Hazvina kunaka kuita saizvozvo, nekuti tichabayira Jehovha, Mwari wedu, zvibayiro zvinonyangadza vaEgipita; tarirai, kana tikabayira zvinonyangadza vaEgipita havangatitaki namabwe here?
26モーセは言った、「そうすることはできません。わたしたちはエジプトびとの忌むものを犠牲として、わたしたちの神、主にささげるからです。もし、エジプトびとの目の前で、彼らの忌むものを犠牲にささげるならば、彼らはわたしたちを石で打たないでしょうか。
27Tichaenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tigobayira Jehovha Mwari wedu sezvaanotiraira.
27わたしたちは三日の道のりほど、荒野にはいって、わたしたちの神、主に犠牲をささげ、主がわたしたちに命じられるようにしなければなりません」。
28Farao akati, Ndichakutenderai kuenda mundobayira Jehovha Mwari wenyu murenje, asi musaenda kure-kure. Ndinyengetererei.
28パロは言った、「わたしはあなたがたを去らせ、荒野で、あなたがたの神、主に犠牲をささげさせよう。ただあまり遠くへ行ってはならない。わたしのために祈願しなさい」。
29Mozisi akati, Tarirai, ndinobuda kwamuri, ndichandonyengetera kuna Jehovha kuti mapute enhunzi abve kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake mangwana; asi Farao ngaarege kuzonyengerazve, achiramba kutendera vanhu kuenda kundobayira Jehovha.
29モーセは言った、「わたしはあなたのもとから出て行って主に祈願しましょう。あすあぶの群れがパロと、その家来と、その民から離れるでしょう。ただパロはまた欺いて、民が主に犠牲をささげに行くのをとめないようにしてください」。
30Ipapo Mozisi akabuda kuna Farao, akandonyengetera kuna Jehovha.
30こうしてモーセはパロのもとを出て、主に祈願したので、
31Jehovha akaita sezvakakumbira Mozisi, akabvisa mapute enhunzi kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake; haana kusara kunyange neimwe.
31主はモーセの言葉のようにされた。すなわち、あぶの群れをパロと、その家来と、その民から取り去られたので、一つも残らなかった。しかしパロはこんどもまた、その心をかたくなにして民を去らせなかった。
32Asi Farao akaomesa moyo wake nenguva iyowo, akasatendera vanhu kuenda.
32しかしパロはこんどもまた、その心をかたくなにして民を去らせなかった。