1Zvino Mwari akataura mashoko awa ose, akati,
1神はこのすべての言葉を語って言われた。
2Ndini Jehovha, Mwari wako, akakubvisa munyika yeEgipita, muimba yeuranda.
2「わたしはあなたの神、主であって、あなたをエジプトの地、奴隷の家から導き出した者である。
3Usava nevamwe vamwari kunze kwangu.
3あなたはわたしのほかに、なにものをも神としてはならない。
4Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika.
4あなたは自分のために、刻んだ像を造ってはならない。上は天にあるもの、下は地にあるもの、また地の下の水のなかにあるものの、どんな形をも造ってはならない。
5Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nekuti ini Jehovha, Mwari wako, ndiri Mwari ane godo; ndinorova vana nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwavanondivenga ;
5それにひれ伏してはならない。それに仕えてはならない。あなたの神、主であるわたしは、ねたむ神であるから、わたしを憎むものは、父の罪を子に報いて、三四代に及ぼし、
6ndichaitira nyasha vane zviuru zvamazana vanondida, vanochengeta mirairo yangu.b
6わたしを愛し、わたしの戒めを守るものには、恵みを施して、千代に至るであろう。
7Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina; nekuti Jehovha haangaregi kupa mhosva anoreva zita rake pasina.
7あなたは、あなたの神、主の名を、みだりに唱えてはならない。主は、み名をみだりに唱えるものを、罰しないでは置かないであろう。
8Rangarira zuva resabata, kuti urichengete rive dzvene.
8安息日を覚えて、これを聖とせよ。
9Ubate mazuva matanhatu, uite mabasa ako ose;
9六日のあいだ働いてあなたのすべてのわざをせよ。
10asi zuva rechinomwe isabata raJehovha Mwari wako; usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana zvipfuwo zvako, kana mweni wako ari mukati mamasuwo ako,
10七日目はあなたの神、主の安息であるから、なんのわざをもしてはならない。あなたもあなたのむすこ、娘、しもべ、はしため、家畜、またあなたの門のうちにいる他国の人もそうである。
11nekuti namazuva matanhatu Jehovha akaita denga napasi, negungwa, nezvose zviri mukati mazvo, akazorora nezuva rechinomwe; naizvozvo Jehovha akaropafadza zuva resabata akariita dzvene.
11主は六日のうちに、天と地と海と、その中のすべてのものを造って、七日目に休まれたからである。それで主は安息日を祝福して聖とされた。
12Kudza baba vako namai vako, kuti mazuva ako ave mazhinji panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
12あなたの父と母を敬え。これは、あなたの神、主が賜わる地で、あなたが長く生きるためである。
13Usauraya.
13あなたは殺してはならない。
14Usaita upombwe.
14あなたは姦淫してはならない。
16Usapupurira wokwako nhema.
16あなたは隣人について、偽証してはならない。
17Usachiva imba yowokwako, usachiva mukadzi wowokwako, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana nzombe yake, kana dhongi rake, kana chimwe chowokwako.
17あなたは隣人の家をむさぼってはならない。隣人の妻、しもべ、はしため、牛、ろば、またすべて隣人のものをむさぼってはならない」。
18Vanhu vose vakaona kutinhira, nemheni, nenzwi rehwamanda, negomo rinopfungaira, zvino vanhu vakati vachiona izvozvo, vakadedera vakamira kure.
18民は皆、かみなりと、いなずまと、ラッパの音と、山の煙っているのとを見た。民は恐れおののき、遠く離れて立った。
19Vakati kuna Mozisi, imwi chitaurai henyu nesu, tinzwe; asi Mwari ngaarege kutaura nesu, tirege kufa.
19彼らはモーセに言った、「あなたがわたしたちに語ってください。わたしたちは聞き従います。神がわたしたちに語られぬようにしてください。それでなければ、わたしたちは死ぬでしょう」。
20Mozisi akati kuvanhu, Musatya henyu, nekuti Mwari akauya kuzokuidzai, kuti mugare muchimutya, murege kutadza.
20モーセは民に言った、「恐れてはならない。神はあなたがたを試みるため、またその恐れをあなたがたの目の前において、あなたがたが罪を犯さないようにするために臨まれたのである」。
21Vanhu vakamira kure, Mozisi akaswedera kurima guru kwakanga kuna Mwari.
21そこで、民は遠く離れて立ったが、モーセは神のおられる濃い雲に近づいて行った。
22Jehovha akati kuna Mozisi, Iti kuvana vaIsiraeri, imwi makaona mumene kuti ndakataura nemwi ndiri kudenga.
22主はモーセに言われた、「あなたはイスラエルの人々にこう言いなさい、『あなたがたは、わたしが天からあなたがたと語るのを見た。
23Musaita vamwe vamwari pamwechete neni; musazviitira vamwari vesirivha kana vamwari vendarama.
23あなたがたはわたしと並べて、何をも造ってはならない。銀の神々も、金の神々も、あなたがたのために、造ってはならない。
24Undiitire aritari yevhu, ubayire pamusoro payo zvipiriso zvako zvinopiswa nezvipiriso zvako zvokuyananisa, namakwai ako nenzombe dzako; panzvimbo imwe neimwe pandicharangaridza zita rangu, ndichauyapo kwauri, ndichikuropafadza.
24あなたはわたしのために土の祭壇を築き、その上にあなたの燔祭、酬恩祭、羊、牛をささげなければならない。わたしの名を覚えさせるすべての所で、わたしはあなたに臨んで、あなたを祝福するであろう。
25Zvino kana uchindivakira aritari yamabwe, urege kuivaka namabwe akavezwa, nekuti kana ukasimudzira mbezo yako pamusoro pebwe, warisvibisa.
25あなたがもしわたしに石の祭壇を造るならば、切り石で築いてはならない。あなたがもし、のみをそれに当てるならば、それをけがすからである。あなたは階段によって、わたしの祭壇に登ってはならない。あなたの隠し所が、その上にあらわれることのないようにするためである』。
26Rega kukwirawo kuaritari yangu nezvikwiriso, kuti kunyasi kwako kurege kufukurwa kwairi.
26あなたは階段によって、わたしの祭壇に登ってはならない。あなたの隠し所が、その上にあらわれることのないようにするためである』。