1Zvino ndiyo mirairo yaunofamra kuisa pamberi pavo:
1これはあなたが彼らの前に示すべきおきてである。
2Kana ukatenga muranda muHebheru, ngaakubatire makore matanhatu; asi nerechinomwe anofanira kubuda hake asina chaanoripa.
2あなたがヘブルびとである奴隷を買う時は、六年のあいだ仕えさせ、七年目には無償で自由の身として去らせなければならない。
3Kana achipinda ari oga, anofanira kubuda ari oga; kana ano mukadzi, mukadzi wake anofanira kubuda naye.
3彼がもし独身できたならば、独身で去らなければならない。もし妻を持っていたならば、その妻は彼と共に去らなければならない。
4Kana tenzi wake akamupa mukadzi, iye akamuberekera vanakomana navanasikana, mukadzi navana vake vanofanira kuva vatenzi wake, asi iye anofanira kubuda ari oga.
4もしその主人が彼に妻を与えて、彼に男の子また女の子を産んだならば、妻とその子供は主人のものとなり、彼は独身で去らなければならない。
5Asi kana iye muranda akati, Ndinoda tenzi wangu nomukadzi wangu navana vangu, handidi kubuda hangu;
5奴隷がもし『わたしは、わたしの主人と、わたしの妻と子供を愛します。わたしは自由の身となって去ることを好みません』と明言するならば、
6zvino tenzi wake anofanira kumuisa kuna Mwari, nokumuisa kumukova, kana kugwatidziro romukova; ipapo tenzi wake anofanira kumuurura nzeve yake norunji; zvino anofanira kumubatira nokusingaperi.
6その主人は彼を神のもとに連れて行き、戸あるいは柱のところに連れて行って、主人は、きりで彼の耳を刺し通さなければならない。そうすれば彼はいつまでもこれに仕えるであろう。
7Kana munhu akatengesa mukunda wake kuti ave murandakadzi, iye haafaniri kubuda savaranda varume.
7もし人がその娘を女奴隷として売るならば、その娘は男奴隷が去るように去ってはならない。
8Kana asingafadzi tenzi wake, akafunga kumuwana amene, anofanira kutendera kuti adzikunurwe, haangavi nesimba rokumutengesa kuvatorwa, nekuti amunyengedzera.
8彼女がもし彼女を自分のものと定めた主人の気にいらない時は、その主人は彼女が、あがなわれることを、これに許さなければならない。彼はこれを欺いたのであるから、これを他国の民に売る権利はない。
9Kana akamuwanisa nomwanakomana wake; anofanira kumuitira nenzira yavakunda.
9彼がもし彼女を自分の子のものと定めるならば、これを娘のように扱わなければならない。
10Kana akazowana mumwe mukadzi, haafaniri kutapudza zvokudya zvake, kana nguvo dzake, kana zvaanofanirwa nazvo pakuwanikwa.
10彼が、たとい、ほかに女をめとることがあっても、前の女に食物と衣服を与えることと、その夫婦の道とを絶えさせてはならない。
11Kana akasamuitira zvinhu izvi zvitatu, anofanira kubuda hake asingaripi chinhu, asingaripi mari.
11彼がもしこの三つを行わないならば、彼女は金を償わずに去ることができる。
12Anorova munhu, akafa, zvirokwazvo iye anofanira kuurawa.
12人を撃って死なせた者は、必ず殺されなければならない。
13Asi kana munhu asina kumuvandira, asi Mwari achinge atendera kuti awire muruoko rwake, ndichakutarira nzvimbo kwaangatizira.
13しかし、人がたくむことをしないのに、神が彼の手に人をわたされることのある時は、わたしはあなたのために一つの所を定めよう。彼はその所へのがれることができる。
14Kana munhu akaita nobwoni kuno wokwake, akamuuraya nokunyengedzera, iwe unofanira kumubvisa paaritari yangu afe.
14しかし人がもし、ことさらにその隣人を欺いて殺す時は、その者をわたしの祭壇からでも、捕えて行って殺さなければならない。
15Anorova baba vake kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa.
15自分の父または母を撃つ者は、必ず殺されなければならない。
16Anoba munhu, akamutengesa, kana zvimwe akawanikwa ari muruoko rwake, zvirokwazvo anofanira kuurawa.
16人をかどわかした者は、これを売っていても、なお彼の手にあっても、必ず殺されなければならない。
17Anotuka baba vake kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa.
17自分の父または母をのろう者は、必ず殺されなければならない。
18Kana vanhu vakaita nharo, mumwe akarova mumwe nebwe, kana netsiva, akasafa, asi akavata panhovo;
18人が互に争い、そのひとりが石または、こぶしで相手を撃った時、これが死なないで床につき、
19kana akazomukazve, akafamba panze achidonzva, akamurova haangavi nemhosva, asi anofanira kuripira nguva yaakarasikirwa nayo, uye anofanira kumurapisa kusvikira apora kwazvo.
19再び起きあがって、つえにすがり、外を歩くようになるならば、これを撃った者は、ゆるされるであろう。ただその仕事を休んだ損失を償い、かつこれにじゅうぶん治療させなければならない。
20Kana munhu akarova muranda wake kana murandakadzi wake neshamhu, akafira paruoko rwake, zvirokwazvo anofanira kutsiviwa.
20もし人がつえをもって、自分の男奴隷または女奴隷を撃ち、その手の下に死ぬならば、必ず罰せられなければならない。
21Asi kana akararama zuva rimwe kana maviri, haafaniri kutsiviwa; nekuti iye imari yake.
21しかし、彼がもし一日か、ふつか生き延びるならば、その人は罰せられない。奴隷は彼の財産だからである。
22Kana varume vakarwa, vakakuvadza mukadzi ane mimba, akashaya, asi asina kukuvadzwa hake zvikuru, iye anofanira kuripiswa sezvaanotarirwa nomurume womukadzi uyo; anofanira kuripa sezvinotarwa navatongi.
22もし人が互に争って、身ごもった女を撃ち、これに流産させるならば、ほかの害がなくとも、彼は必ずその女の夫の求める罰金を課せられ、裁判人の定めるとおりに支払わなければならない。
23Asi kana achinge akuvadzwa kwazvo, iye anofanira kutsiva upenyu noupenyuwo,
23しかし、ほかの害がある時は、命には命、
24ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, rutsoka norutsoka,
24目には目、歯には歯、手には手、足には足、
25kutsva nokutsva, vanga nevanga, kukuvadzwa nokukuvadzwa.
25焼き傷には焼き傷、傷には傷、打ち傷には打ち傷をもって償わなければならない。
26Kana munhu akarova ziso romuranda wake, kana ziso romurandakadzi wake, akariuraya, anofanira kumurega kuti aende hake nokuda kweziso rake.
26もし人が自分の男奴隷の片目、または女奴隷の片目を撃ち、これをつぶすならば、その目のためにこれを自由の身として去らせなければならない。
27Kana akarova muranda wake kana murandakadzi wake, zino rake rikabva, anofanira kumurega kuti aende hake nokuda kwezino rake.
27また、もしその男奴隷の一本の歯、またはその女奴隷の一本の歯を撃ち落すならば、その歯のためにこれを自由の身として去らせなければならない。
28Kana nzombe ikatunga murume kana mukadzi, akafa, nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe, nenyama yayo haifaniri kudyiwa; asi muridzi wenzombe haangavi nemhosva.
28もし牛が男または女を突いて殺すならば、その牛は必ず石で撃ち殺されなければならない。その肉は食べてはならない。しかし、その牛の持ち主は罪がない。
29Asi kana nzombe yaisitunga kare, muridzi wayo akaudzwa izvozvo, akasaichengeta, ikauraya murume kana mukadzi, nzombe inofanira kutakwa namabwe, naiye muridzi wayo anofanira kuurawa.
29牛がもし以前から突く癖があって、その持ち主が注意されても、これを守りおかなかったために、男または女を殺したならば、その牛は石で撃ち殺され、その持ち主もまた殺されなければならない。
30Kana achinge atarirwa rudzikunuro, anofanira kuripa zvose zvaatarirwa, kuti adzikunure upenyu hwake.
30彼がもし、あがないの金を課せられたならば、すべて課せられたほどのものを、命の償いに支払わなければならない。
31Kunyange ikatunga mwanakomana kana mwanasikana vanofanira kumuitira nomurayiro uyu.
31男の子を突いても、女の子を突いても、この定めに従って処置されなければならない。
32Kana nzombe ikatunga muranda kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripira tenzi wake mashekeri esirivha ana makumi matatu, uye nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe.
32牛がもし男奴隷または女奴隷を突くならば、その主人に銀三十シケルを支払わなければならない。またその牛は石で撃ち殺されなければならない。
33Kana munhu akadziura gomba, uye kana munhu akachera gomba, akasaridzivira, nzombe kana dhongi rikawiramo,
33もし人が穴をあけたままに置き、あるいは穴を掘ってこれにおおいをしないために、牛または、ろばがこれに落ち込むことがあれば、
34muridzi wegomba anofanira kuripa, anofanira kubudisira muridzi wayo mari, asi chipfuwo chakafa chichava chake.
34穴の持ち主はこれを償い、金をその持ち主に支払わなければならない。しかし、その死んだ獣は彼のものとなるであろう。
35Kana nzombe yomumwe munhu ikatunga yomumwe, ikafa, vanofanira kutengesa nzombe mhenyu, vagovane mutengo wayo, naiyo yakafa vanofanira kuigovana.
35ある人の牛が、もし他人の牛を突いて殺すならば、彼らはその生きている牛を売って、その価を分け、またその死んだものをも分けなければならない。あるいはその牛が以前から突く癖のあることが知られているのに、その持ち主がこれを守りおかなかったならば、その人は必ずその牛のために牛をもって償わなければならない。しかし、その死んだ獣は彼のものとなるであろう。
36Kana vaiziva kare kuti nzombe iyo inotunga, muridzi wayo akasaichengeta, zvirokwazvo anofanira kuripa, nzombe nenzombe, asi yakafa ichava yake.
36あるいはその牛が以前から突く癖のあることが知られているのに、その持ち主がこれを守りおかなかったならば、その人は必ずその牛のために牛をもって償わなければならない。しかし、その死んだ獣は彼のものとなるであろう。