1Zvino Mozisi akanga achifudza makwai aJeturo, mukarahwa wake, mupristi weMidhiani; akaisa makwai mberi murenje, akasvika kugomo raMwari rinonzi Horebhi.
1モーセは妻の父、ミデヤンの祭司エテロの羊の群れを飼っていたが、その群れを荒野の奥に導いて、神の山ホレブにきた。
2Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumurazvo womoto pakati pegwenzi; akatarira, akaona gwenzi richipfuta nomoto, asi rakanga risingatsvi.
2ときに主の使は、しばの中の炎のうちに彼に現れた。彼が見ると、しばは火に燃えているのに、そのしばはなくならなかった。
3Mozisi akati, Regai, nditsaukire ndione chishamiso icho chikuru, kuti gwenzi haritsvi neiko.
3モーセは言った、「行ってこの大きな見ものを見、なぜしばが燃えてしまわないかを知ろう」。
4Zvino Jehovha akati achiona kuti wotsaukira kuti aone, Mwari akadana ari mukati megwenzi, akati, Mozisi, Mozisi! Iye akati, Ndiri pano hangu.
4主は彼がきて見定ようとするのを見、神はしばの中から彼を呼んで、「モーセよ、モーセよ」と言われた。彼は「ここにいます」と言った。
5Akati, Usaswedera pano; bvisa shangu dzako patsoka dzako, nekuti paumire patsvene.
5神は言われた、「ここに近づいてはいけない。足からくつを脱ぎなさい。あなたが立っているその場所は聖なる地だからである」。
6Akatiwo, Ndini Mwari wababa vako, naMwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakove. Mozisi akavanza chiso chake, nekuti akatya kutarira Mwari.
6また言われた、「わたしは、あなたの先祖の神、アブラハムの神、イサクの神、ヤコブの神である」。モーセは神を見ることを恐れたので顔を隠した。
7Zvino Mwari akati, Zvirokwazvo, ndakaona kunetswa kwavanhu vangu vari muEgipita ndikanzwa kudanidzira kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa; nekuti ndinoziva kuchema kwavo;
7主はまた言われた、「わたしは、エジプトにいるわたしの民の悩みを、つぶさに見、また追い使う者のゆえに彼らの叫ぶのを聞いた。わたしは彼らの苦しみを知っている。
8ndaburuka kuti ndivarwire mumaoko avaEgipita nokuvabudisa munyika iyoyo, ndindovaisa kunyika yakanaka huru, kunyika inoyerera mukaka nouchi; uko kunogara vaKanani, navaHeti, navaAmori, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi.
8わたしは下って、彼らをエジプトびとの手から救い出し、これをかの地から導き上って、良い広い地、乳と蜜の流れる地、すなわちカナンびと、ヘテびと、アモリびと、ペリジびと、ヒビびと、エブスびとのおる所に至らせようとしている。
9Zvino tarira, kuchema kwavana vaIsiraeri kwasvika kwandiri, ndaona kutambudzwa kwavanotambudzwa nako navaEgipita.
9いまイスラエルの人々の叫びがわたしに届いた。わたしはまたエジプトびとが彼らをしえたげる、そのしえたげを見た。
10Naizvozvo zvino uya ndikutume kuna Farao, kuti undobudisa vanhu vangu, vana vaIsiraeri muEgipita.
10さあ、わたしは、あなたをパロにつかわして、わたしの民、イスラエルの人々をエジプトから導き出させよう」。
11Zvino Mozisi akati kuna Mwari, Ini ndini aniko, kuti ndiende kuna Farao, ndibudise vana vaIsiraeri muEgipita here?
11モーセは神に言った、「わたしは、いったい何者でしょう。わたしがパロのところへ行って、イスラエルの人々をエジプトから導き出すのでしょうか」。
12Akati, Zvirokwazvo ndichava newe; hechi chiratidzo chokuti ndakutuma: Kana mabudisa vanhu vangu muEgipita, muchanamata Mwari pagomo rino.
12神は言われた、「わたしは必ずあなたと共にいる。これが、わたしのあなたをつかわしたしるしである。あなたが民をエジプトから導き出したとき、あなたがたはこの山で神に仕えるであろう」。
13Ipapo Mozisi kuna Mwari, Tarirai, kana ndikasvika kuvana vaIsiraeri, ndikati kwavari, Mwari wamadzibaba enyu akandituma kwamuri, ivo vakati kwandiri, Ko zita rake ndiani? Ndichatiyi kwavari?
13モーセは神に言った、「わたしがイスラエルの人々のところへ行って、彼らに『あなたがたの先祖の神が、わたしをあなたがたのところへつかわされました』と言うとき、彼らが『その名はなんというのですか』とわたしに聞くならば、なんと答えましょうか」。
14Mwari akati kuna Mozisi, NDICHAVA IYE WANDICHAVA. Akati, Unoti kuvana vaIsiraeri, NDICHAVA ndiye akandituma kwamuri.
14神はモーセに言われた、「わたしは、有って有る者」。また言われた、「イスラエルの人々にこう言いなさい、『「わたしは有る」というかたが、わたしをあなたがたのところへつかわされました』と」。
15Mwari akatiwo kuna Mozisi, Unoti kuvana vaIsiraeri, Jehovha, Mwari waAbhurahamu, naMwari walsaka, naMwari waJakove, akandituma kwamuri; ndiro zita rangu nokusingaperi, ndiro zita ravachandirangarira naro kusvikira kumarudzi ose.
15神はまたモーセに言われた、「イスラエルの人々にこう言いなさい『あなたがたの先祖の神、アブラハムの神、イサクの神、ヤコブの神である主が、わたしをあなたがたのところへつかわされました』と。これは永遠にわたしの名、これは世々のわたしの呼び名である。
16Enda, undounganidza vakuru vaIsiraeri, uti kwavari, Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakove, akazviratidza kwandiri, akati, Ndakakushanyirai zvirokwazvo, ndikaona izvo zvamakaitirwa Egipita;
16あなたは行って、イスラエルの長老たちを集めて言いなさい、『あなたがたの先祖の神、アブラハム、イサク、ヤコブの神である主は、わたしに現れて言われました、「わたしはあなたがたを顧み、あなたがたがエジプトでされている事を確かに見た。
17ndikati, Ndichakubudisai pakunetswa kwenyu paEgipita, ndimuise kunyika yavaKanani, neyavaHeti, neyavaAmori, neyavaPerezi, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, kunyika inoyerera mukaka nouchi.
17それでわたしはあなたがたを、エジプトの悩みから導き出して、カナンびと、ヘテびと、アモリびと、ペリジびと、ヒビびと、エブスびとの地、乳と蜜の流れる地へ携え上ろうと決心した」と』。
18Vachateerera inzwi rako; uende, iwe navakuru vaIsiraeri, kuna mambo weEgipita, muti kwaari, Jehovha, Mwari wavaHebheru, akasangana nesu; zvino titendere kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha, Mwari wedu.
18彼らはあなたの声に聞き従うであろう。あなたはイスラエルの長老たちと一緒にエジプトの王のところへ行って言いなさい、『ヘブルびとの神、主がわたしたちに現れられました。それで、わたしたちを、三日の道のりほど荒野に行かせて、わたしたちの神、主に犠牲をささげることを許してください』と。
19Ndinoziva kuti mambo weEgipita haangakutendereyi kuenda, kwete, kunyange noruoko rune simba.
19しかし、エジプトの王は強い手をもって迫らなければ、あなたがたを行かせないのをわたしは知っている。
20Ndichatambanudza ruoko rwangu, ndirove Egipita nezvishamiso zvangu zvose, zvandichaitamo; pashure achakutenderai kuenda.
20それで、わたしは手を伸べて、エジプトのうちに行おうとする、さまざまの不思議をもってエジプトを打とう。その後に彼はあなたがたを去らせるであろう。
21Ndichapa vanhu ava nyasha pamberi pavaEgipita, kuti kana muchizoenda, murege kuenda musina chinhu.
21わたしはこの民にエジプトびとの好意を得させる。あなたがたは去るときに、むなし手で去ってはならない。女はみな、その隣の女と、家に宿っている女に、銀の飾り、金の飾り、また衣服を求めなさい。そしてこれらを、あなたがたのむすこ、娘に着けさせなさい。このようにエジプトびとのものを奪い取りなさい」。
22Asi mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira kune waanogara naye, nokumutorwa anogara mumba make, zvishongo zvesirivha nozvendarama, nenguvo, kuti mufukidze vanakomana venyu navanasikana venyu; munofanira kutorera vaEgipita nhumbi dzavo.
22女はみな、その隣の女と、家に宿っている女に、銀の飾り、金の飾り、また衣服を求めなさい。そしてこれらを、あなたがたのむすこ、娘に着けさせなさい。このようにエジプトびとのものを奪い取りなさい」。