1Zvino mumwe murume weimba yavaRevhi akawana mukunda wavaRevhi.
1さて、レビの家のひとりの人が行ってレビの娘をめとった。
2Mukadzi akava nemimba, akabereka mwanakomana; zvino akati achiona kuti mwana akanaka, akamuvanza mwedzi mitatu.
2女はみごもって、男の子を産んだが、その麗しいのを見て、三月のあいだ隠していた。
3Akati asisagoni kumuvanza, akamutorera tswanda yenhokwe, akainamira nebhitumini nenamo, akaisa mwana mukati mayo, akaigadzika pakati petsanga pamahombekombe erwizi.
3しかし、もう隠しきれなくなったので、パピルスで編んだかごを取り、それにアスファルトと樹脂とを塗って、子をその中に入れ、これをナイル川の岸の葦の中においた。
4Hanzvadzi yake ikandomira kure zvishoma, kuti azive zvichaitwa naye.
4その姉は、彼がどうされるかを知ろうと、遠く離れて立っていた。
5Zvino mukunda waFarao akaburuka kundoshamba murwizi, vasikana vake vakafamba-famba pamahombekombe erwizi; iye akaona tswanda pakati petsanga, ndokutuma musikana wake kundoitora.
5ときにパロの娘が身を洗おうと、川に降りてきた。侍女たちは川べを歩いていたが、彼女は、葦の中にかごのあるのを見て、つかえめをやり、それを取ってこさせ、
6Akaizarura, akona mwana, mwana wechikomana, onei anochema. Akamunzwira tsitsi, akati, Ndomumwe wavana vavaHebheru.
6あけて見ると子供がいた。見よ、幼な子は泣いていた。彼女はかわいそうに思って言った、「これはヘブルびとの子供です」。
7Ipapo hanzvadzi yake yakati kumukunda waFarao, Ko handingaendi ndikakudanirai mumwisi kuvakadzi vavaHebheru, kuti akumwisirei mwana here?
7そのとき幼な子の姉はパロの娘に言った、「わたしが行ってヘブルの女のうちから、あなたのために、この子に乳を飲ませるうばを呼んでまいりましょうか」。
8Mukunda waFarao akati kwaari, Enda. Musikana akaenda, akandodana mai vomwana.
8パロの娘が「行ってきてください」と言うと、少女は行ってその子の母を呼んできた。
9Mukunda waFarao akati kwavari, Tora mwana uyu, undimwisire ndigokupa mubairo wako. Mukadzi akatora mwana, akandomuyamwisa.
9パロの娘は彼女に言った、「この子を連れて行って、わたしに代り、乳を飲ませてください。わたしはその報酬をさしあげます」。女はその子を引き取って、これに乳を与えた。
10Mwana akakura, akandomuisa kumukunda waFarao, akava mwanakomana wake, akamutumidza zita rinonzi Mozisi, akati, Nokuti, ndamunyukura mumvura.
10その子が成長したので、彼女はこれをパロの娘のところに連れて行った。そして彼はその子となった。彼女はその名をモーセと名づけて言った、「水の中からわたしが引き出したからです」。
11Zvino namazuva iwayo Mozisi akura, akaenda kundoona hama dzake, akandotarira mirimo yavo; akaona muEgipita achirova muHebheru, mumwe wehama dzake.
11モーセが成長して後、ある日のこと、同胞の所に出て行って、そのはげしい労役を見た。彼はひとりのエジプトびとが、同胞のひとりであるヘブルびとを打つのを見たので、
12Akaringa-ringa, zvino achiona kuti hapana munhu aripo, akauraya muEgipita, akamuviga mujecha.
12左右を見まわし、人のいないのを見て、そのエジプトびとを打ち殺し、これを砂の中に隠した。
13Akabudazve nezuva rechipiri, akaona varume vaviri vaHebheru vachirwa; akati kuna iye waiva nemhosva, Unorovereiko munhu wokwako?
13次の日また出て行って、ふたりのヘブルびとが互に争っているのを見、悪い方の男に言った、「あなたはなぜ、あなたの友を打つのですか」。
14Iye akati, Ndianiko akakuita ishe nomutongi wedu? Unoda kundiuraya ini sezvawakauraya uya muEgipita kanhi? Mozisi akatya, akati, Zvirokwazvo, chinhu ichi chazikamwa.
14彼は言った、「だれがあなたを立てて、われわれのつかさ、また裁判人としたのですか。エジプトびとを殺したように、あなたはわたしを殺そうと思うのですか」。モーセは恐れた。そしてあの事がきっと知れたのだと思った。
15Zvino Farao akati anzwa chinhu icho, akatsvaka kuuraya Mozisi. Asi Mozisi akatiza pamberi paFarao, akandogara kunyika yeMidhiani, akagara pasi patsime.
15パロはこの事を聞いて、モーセを殺そうとした。しかしモーセはパロの前をのがれて、ミデヤンの地に行き、井戸のかたわらに座していた。
16Zvino mupristi weMidhiani akanga ana vakunda vanomwe; ivo vakauya kuzochera mvura, vakazadza zvimwiro, kuti vamwise makwai ababa vavo.
16さて、ミデヤンの祭司に七人の娘があった。彼女たちはきて水をくみ、水槽にみたして父の羊の群れに飲ませようとしたが、
17Vafudzi vakauya, vakavadzingapo, asi Mozisi akasimuka, akavabatsira, akamwisa makwai avo.
17羊飼たちがきて彼女らを追い払ったので、モーセは立ち上がって彼女たちを助け、その羊の群れに水を飲ませた。
18Zvino vakati vachisvika kuna Rueri, baba vavo, ivo vakati, Makurumidza kudzoka seiko nhasi?
18彼女たちが父リウエルのところに帰った時、父は言った、「きょうは、どうして、こんなに早く帰ってきたのか」。
19Vakati, MuEgipita akatirwira pamaoko avafudzi, akaticherera mvura, akamwisa makwai.
19彼女たちは言った、「ひとりのエジプトびとが、わたしたちを羊飼たちの手から助け出し、そのうえ、水をたくさんくんで、羊の群れに飲ませてくれたのです」。
20Akati kuvakunda vake, Zvino aripiko? Munhu uyu mamusiirei? Mudanei, adye zvokudya.
20彼は娘たちに言った、「そのかたはどこにおられるか。なぜ、そのかたをおいてきたのか。呼んできて、食事をさしあげなさい」。
21Mozisi akatenda kugara nomunhu uyo; akapa Mozisi mukunda wake Zipora.
21モーセがこの人と共におることを好んだので、彼は娘のチッポラを妻としてモーセに与えた。
22Akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Geshomi, nekuti akati, Ndakanga ndiri mutorwa munyika yavamwe.
22彼女が男の子を産んだので、モーセはその名をゲルショムと名づけた。「わたしは外国に寄留者となっている」と言ったからである。
23Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, mambo weEgipita akafa, vana vaIsiraeri vakagomera nokuda kouranda hwavo, vakadanidzira, kudanidzira kwavo kukasvika kuna Mwari nokuda kouranda.
23多くの日を経て、エジプトの王は死んだ。イスラエルの人々は、その苦役の務のゆえにうめき、また叫んだが、その苦役のゆえの叫びは神に届いた。
24Mwari akanzwa kugomba kwavo, Mwari akarangarira sungano yake naAbhurahamu, naIsaka, naJakove.
24神は彼らのうめきを聞き、神はアブラハム、イサク、ヤコブとの契約を覚え、神はイスラエルの人々を顧み、神は彼らをしろしめされた。
25Mwari akaona vana vaIsiraeri, Mwari akavarangarira.
25神はイスラエルの人々を顧み、神は彼らをしろしめされた。