1Ndiwo mazita avana valsiraeri vakanga vaenda Egipita: mumwe nomumwe akaenda naJakove ana veimba yake:
1さて、ヤコブと共に、おのおのその家族を伴って、エジプトへ行ったイスラエルの子らの名は次のとおりである。
2Rubheni, naSimioni, naRevhi, naJudha,
2すなわちルベン、シメオン、レビ、ユダ、
3naIsakari, naZebhuruni, naBhenjamini,
3イッサカル、ゼブルン、ベニヤミン、
4naDhani, naNafutari, naGadhi, naAsheri.
4ダン、ナフタリ、ガド、アセルであった。
5Zvino vanhu vose vakanga vabva muchiuno chaJakove vakanga vari vanhu vana makumi manomwe; asi Josefa akanga atova Egipita.
5ヤコブの腰から出たものは、合わせて七十人。ヨセフはすでにエジプトにいた。
6Zvino Josefa akafa, navana vababa vake vose, navose vakanga vane zero navo.
6そして、ヨセフは死に、兄弟たちも、その時代の人々もみな死んだ。
7Vana vaIsiraeri vakaberekana, vakawanda kwazvo, vakava nesimba guru-guru; nyika yakanga izere navo.
7けれどもイスラエルの子孫は多くの子を生み、ますますふえ、はなはだ強くなって、国に満ちるようになった。
8Zvino paEgipitati pakamuka mumwe mambo mutsva, akanga asina kuziva Josefa.
8ここに、ヨセフのことを知らない新しい王が、エジプトに起った。
9Iye akati kuvanhu vake, Tarirai, vanhu ava, vana vaIsiraeri, vanotipfuura isu pakuwanda nesimba;
9彼はその民に言った、「見よ、イスラエルびとなるこの民は、われわれにとって、あまりにも多く、また強すぎる。
10uyai, ngativafungire zano, varege kuwandisa, kuti kana kurwa kukamuka, ivo vangabatsirana navavengi vedu, vakarwa nesu, vakabva panyika ino.
10さあ、われわれは、抜かりなく彼らを取り扱おう。彼らが多くなり、戦いの起るとき、敵に味方して、われわれと戦い、ついにこの国から逃げ去ることのないようにしよう」。
11Naizvozvo vakagadza pamusoro pavo vatariri vebasa, kuti vavanetse nemirimo yavo. Vakavakira Farao maguta ana matura, Pitomi naRamesesi.
11そこでエジプトびとは彼らの上に監督をおき、重い労役をもって彼らを苦しめた。彼らはパロのために倉庫の町ピトムとラメセスを建てた。
12Asi vachiramba vachivanetsa, ivo vakaramba vachiwanda kwazvo, vachingopararira. Vakaora moyo nokuda kwavana vaIsiraeri.
12しかしイスラエルの人々が苦しめられるにしたがって、いよいよふえひろがるので、彼らはイスラエルの人々のゆえに恐れをなした。
13VaEgipita vakavabatisa zvinorema;
13エジプトびとはイスラエルの人々をきびしく使い、
14vakanetsa upenyu hwavo nebasa rinorema pamatope nezvitina, vachivabatisa zvinorema.
14つらい務をもってその生活を苦しめた。すなわち、しっくいこね、れんが作り、および田畑のあらゆる務に当らせたが、そのすべての労役はきびしかった。
15Zvino mambo weEgipita akaudza madzimbuya avaHebheru, vainzi mumwe Shifura, mumwe Pua;
15またエジプトの王は、ヘブルの女のために取上げをする助産婦でひとりは名をシフラといい、他のひとりは名をプアという者にさとして、
16akati, Kana muchibatsira vakadzi vavaHebheru pabasa ramadzimbuya, muchivaona pakupona, kana ari mwanakomana mumuuraye kana ari mwanasikana, ngaararame hake.
16言った、「ヘブルの女のために助産をするとき、産み台の上を見て、もし男の子ならばそれを殺し、女の子ならば生かしておきなさい」。
17Asi madzimbuya akanga achitya Mwari, akasaita sezvaakarairwa namambo asi vakarega vanakomana vari vapenyu havo.
17しかし助産婦たちは神をおそれ、エジプトの王が彼らに命じたようにはせず、男の子を生かしておいた。
18Mambo weEgipita akadana madzimbuya, akati kwavari, Makaitireiko izvozvo, mukarega vanakomana vari vapenyu?
18エジプトの王は助産婦たちを召して言った、「あなたがたはなぜこのようなことをして、男の子を生かしておいたのか」。
19Madzimbuya akati kuna Farao, nekuti vakadzi vavaHebheru havana kufanana navakadzi vavaEgipita, nekuti vane simba; mbuya vasati vasvika kwavari, vatopona havo.
19助産婦たちはパロに言った、「ヘブルの女はエジプトの女とは違い、彼女たちは健やかで助産婦が行く前に産んでしまいます」。
20Naizvozvo Mwari akaitira madzimbuya zvakanaka, vanhu vakawanda kwazvo, vakava nesimba kwazvo.
20それで神は助産婦たちに恵みをほどこされた。そして民はふえ、非常に強くなった。
21Zvino madzimbuya zvaakanga achitya Mwari, iye akavapa mhuri.
21助産婦たちは神をおそれたので、神は彼女たちの家を栄えさせられた。そこでパロはそのすべての民に命じて言った、「ヘブルびとに男の子が生れたならば、みなナイル川に投げこめ。しかし女の子はみな生かしておけ」。
22Farao akaraira vanhu vake vose, akati, Vanakomana vose vanozoberekwa, muvakandire murwizi, asi vasikana vose muvarege vari vapenyu havo.
22そこでパロはそのすべての民に命じて言った、「ヘブルびとに男の子が生れたならば、みなナイル川に投げこめ。しかし女の子はみな生かしておけ」。